RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g09 July pp. 27-29
  • Ndakatiza Nzvimbo Dzokuurayira Ndokuwana Upenyu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndakatiza Nzvimbo Dzokuurayira Ndokuwana Upenyu
  • Mukai!—2009
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Upenyu Hwangu Ndiri Muduku somuBhudha
  • Kutiza muCambodia
  • Upenyu muThailand
  • Upenyu Hutsva kuNew Zealand
  • Dambudziko Mumba
  • Pakupedzisira Ndakadzidza Bhaibheri
  • Munyengetero Wedu Unopindurwa
  • Kudzokera kuAustralia
  • Rwendo Rwangu Rurefu Kubva Kuupenyu Norufu muCambodia
    Mukai!—1998
  • Zvandakasarudza Ndichiri Muduku
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu Hwevanhu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Vechiduku Vanorumbidza Jehovha Vanoita Kuti Upenyu Hwavo Huwedzere Kunaka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
Ona Zvimwe
Mukai!—2009
g09 July pp. 27-29

Ndakatiza Nzvimbo Dzokuurayira Ndokuwana Upenyu

Yakataurwa naSam Tan

Ini nemhuri yangu uye vamwe vanobva kuCambodia vanenge 2 000 takazosvika parwizi ruri pamuganhu weCambodia neThailand tichitiza munyika yedu. Takakwanisa kumbandidzirana mune rimwe igwa raiendesa vanhu kwakachengeteka. Igwa rokupedzisira parakanga richangosimuka, mauto eKhmer Rouge akabva asvika ndokutanga kutiridzira pfuti.

TAKANZWA hana kudzikama, nokuti tose takasvika kuThailand takachengeteka. Vanhu vose vaifara kunze kwedu, nokuti baba vangu nasekuru hanzvadzi yaamai vainge vatorwa mwedzi yakati kuti yainge yapfuura. Amai vakagara pasi vachingosvimha misodzi. Asi ndisati ndaenderera mberi, regai ndikuudzei makuriro andakaita.

Upenyu Hwangu Ndiri Muduku somuBhudha

Ndakaberekerwa muCambodia muna 1960 uye ndini ndaiva dangwe pavana vatatu. Pandakanga ndava nemakore mapfumbamwe, vabereki vangu neni takasarudza kuti ndiende kunoshumira patemberi yechiBhudha, izvo zvaiwanzoitwa nevakomana. Mumongi anotanga basa rake kuma6 mangwanani, paanobva patemberi achienda paimba neimba achitora zvokudya. Zvaindiomera kukumbira vamwe vanasaimba zvokudya nokuti zvaiva pachena kuti vaiva varombo chaizvo. Tapedza, isu mamongi echiduku taigadzirira mamongi echikuru zvokudya. Taizodya apedza.

Mamongi echikuru aiungana kuti anyengetere na6 manheru, achishandisa mutauro waisambonzwisiswa nevakawanda. Papera makore maviri, ndakanga ndava kuitawo zvimwe zvaiitwa nemamongi makuru. Ndakabvumirwawo kunyengetera navo. Pose ipapo ndaifunga kuti chiBhudha ndicho chete chitendero chaiva panyika.

Kutiza muCambodia

Handina kugutswa noupenyu hwepatemberi saka ndakadzokera kumba ndava nemakore 14. Chinguvana, mumwe mutungamiriri wezvematongerwo enyika ainzi Pol Pot akava pachigaro. Bato rake reKhmer Rouge, rakatonga kubva muna 1975 kusvika muna1979, rakabvisa vanhu vose mumaguta vachienda mumaruwa richiedza kuita kuti Cambodia ive yechiKomonisiti. Mhuri yedu yakatamiswawo. Nokufamba kwenguva chikwata chaPol Pot chakatora baba vangu uye sekuru. Hatina kuzombovaonazve. Kutaura zvazviri, paitongwa neKhmer Rouge vanhu vokuCambodia vanenge mamiriyoni 1,7 vakaurayirwa mune dzainzi nzvimbo dzokuurayira kana kuti vakafa pamusana pokushanda zvakanyanyisa, zvirwere, kana kuti nzara.

Izvi ndizvo zvakaita kuti isu taikwana 2 000 tambotaurwa, titange rwendo rwemazuva matatu rwaiva nengozi tichipfuura nemumakomo takananga kumuganhu weThailand. Takasvika zvakanaka pamwe nemwana mukomana akaberekerwa munzira. Vakawanda vedu takatakura mari, asi takapedzisira tairasa nokuti mari yokuCambodia yaisashanda muThailand panguva iyoyo.

Upenyu muThailand

Mhuri yedu yakatanga kugara nehama dzedu muThailand, uye ini ndakawana basa rokubata hove dzokutengesa. Igwa redu raimbosvika kurutivi rweCambodia kwaiva nehove dzakawanda uye kwaivawo nemagwa emasoja eKhmer Rouge. Dai taizobatwa taizorasikirwa neigwa redu uye taizourayiwa. Kutaura chokwadi takapona nepaburi retsono kaviri. Asi vamwe, hazvina kuvafambira zvakanaka, kusanganisira muvakidzani wangu, akabatwa ndokugurwa musoro. Kunyange ndakarwadziwa nokufa kwake, ndakaramba ndichibata hove kurutivi rweCambodia, dai ndaisadaro mhuri yangu yaizofa nenzara.

Nemhaka yokuitira hanya mhuri yangu uye ini pachangu, ndakafunga zvokunogara mumusasa wevapoteri muThailand. Pashure ndaizokumbira kutamira kune imwe nyika ndozopota ndichitumira mari kumhuri yangu. Pandakaudza hama dzangu dzakati tana kuramba. Asi ndakanga ndatozvipira.

Vashanyi vaitaura chirungu vandakasangana navo mumusasa wevapoteri vaiti vaiva vaKristu. Izvozvo zvakandikangaidza nokuti ndaifunga kuti chiBhudha ndicho chitendero bedzi chaiva panyika. Ini neshamwari yangu itsva, Teng Hann takatanga kushamwaridzana ne“vaKristu,” avo vakatiratidza Bhaibheri uye vakatipa zvokudya. Ndakagara mumusasa kwegore, ndikazokumbira kuti nditamire kuNew Zealand.

Upenyu Hutsva kuNew Zealand

Chikumbiro changu chakagamuchirwa muna May 1979, uye pasina nguva ndakanga ndava mumusasa wevapoteri muAuckland. Mumwe murume aiva nemwoyochena akandirongera kuenda kuguta reWellington kunoshanda mufekitari. Ndava ikoko, ndakashanda nesimba ndichitumira mari kumba sezvandakanga ndavimbisa.

Pandaiedza kudzidza nezvechiKristu, ndakatanga kupinda chechi mbiri dzakabuda muchechi yeRoma. Asi hapana zvakawanda zvaitaurwa nezveBhaibheri. Nemhaka yokuti ndaida kunyengetera nenzira yakarurama, shamwari yangu yakandidzidzisa munyengetero unowanzonzi Munamato waShe. (Mateu 6:9-13) Asi hapana akatsanangura kuti munamato iwoyo wairevei. Saka ndakangoita sezvandaiita neminyengetero yechiBhudha, ndaingodzokorora mashoko acho ndisinganzwisise zvandaitaura.

Dambudziko Mumba

Ndakaroora muna 1981. Papera rinenge gore, ini nemudzimai wangu takabhabhatidzwa, mufundisi achiita zvokusasa mvura mumusoro. Panguva iyoyo ndaiva nemabasa maviri, imba yakanaka uye upenyu hwomutambarakede, zvandisina kumbobvira ndawana kuCambodia. Asi ndaisafara. Takava nematambudziko mumba medu, uye kuenda kwedu kuchechi hakuna zvakwakabatsira. Uye hakuna kubatsirawo pamaitiro angu, nokuti ndaibhejera, ndaisvuta, ndaidhakwa uye ndaipinda-pinda. Kunyange zvakadaro, hana yangu yaindinetsa uye ndaisava nechokwadi chokuti ndaizoenda kudenga kwandaiva ndaudzwa kuti vanhu vakanaka vaizoenda kana vafa.

Muna 1987 ndakatumira mari kuna amai vangu nehanzvadzi yangu kuti vauye kuNew Zealand, uye takagara navo kwekanguva. Pavakatama, ndakaenda navo kuAuckland, ndikasiya mudzimai wangu.

Pakupedzisira Ndakadzidza Bhaibheri

Pandaibva pamba peshamwari yangu, ndakasangana nevamwe varume vaviri vaifamba paimba neimba. Mumwe wacho ainzi Bill, akandibvunza kuti, “Munotarisira kuti muchaendepi kana mafa?” Ndakapindura kuti, “kudenga.” Akabva andiratidza muBhaibheri kuti 144 000 chete ndivo vanoenda kudenga, kwavachanova madzimambo vachitonga nyika. Akandiudzawo kuti nyika ichagarwa nevanhu vane mamiriyoni vanotya Mwari uye ichachinjwa kuva paradhiso. (Zvakazarurwa 5:9, 10; 14:1, 4; 21:3, 4) Pakutanga, dzidziso iyi yakandishatirisa, nokuti yaipesana nezvandakanga ndambodzidziswa. Asi mukatikati, ndakabayiwa mwoyo nokunyatsoziva Bhaibheri kwaiita varume vacho uye kuramba vakadzikama kwavakaita. Chokwadi, ndakazodemba kuti handina kubvunza zita rechitendero chavo.

Papera mavhiki mashomanana, ndakashanyira shamwari yaiva nevana vaidzidziswa Bhaibheri nemumwe murume ainzi Dick nomudzimai wake Stephanie. Vaidzidza bhurocha rine musoro unoti Farikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi! Ndakatanga kuriverenga ndikaona kuti raitaura zvine musoro. Ndakazivawo kuti murume nomudzimai ivavo vaiva Zvapupu zvaJehovha. Ndakabva ndaziva kuti varume vaviri vandakanga ndasangana navo munguva pfupi yainge yapfuura vaifanira kuvawo Zvapupu, nokuti zvavakataura zvaipindirana nebhurocha racho.

Ndichida kuziva zvakawanda, ndakakoka Dick naStephanie kumba, ndikavanaya nemibvunzo ine chokuita neBhaibheri. Pava paya, Stephanie akabvunza kana ndaiziva zita raMwari. Akandiratidza Pisarema 83:18, inoti: “Kuti vanhu vazive kuti imi, mune zita rokuti Jehovha, Imi moga ndimi Wokumusorosoro kumusoro kwenyika yose.” Rugwaro irworwo rwakandibaya mwoyo, uye ndakatanga kudzidza Bhaibheri nguva dzose. La, musikana wokuLaos wandaigara naye panguva iyoyo, akatangawo kudzidza. Ipapowo ndakatumira munin’ina wangu nemudzimai wake mari yokuti vauye. Vasvika muNew Zealand, vakatangawo kudzidza Bhaibheri neZvapupu.

Pasina nguva refu, ini naLa takarega kudzidza nokuti takaenda kunoshanda kuAustralia. Kunyange taivavarira kuita mari, takatanga kusuwa kudzidza Bhaibheri kwataimboita. Saka humwe usiku, takateterera Jehovha nemwoyo wose kuti atiratidze vanhu vake.

Munyengetero Wedu Unopindurwa

Papera mazuva mashomanana, ndakasvika kumba ndichibva kunotenga, ndikawana Zvapupu zviviri zvakamira pedyo nesuo. Ndakaonga Jehovha chinyararire, uye ini naLa takatangazve kudzidza. Takatangawo kupinda misangano yechiKristu paImba yoUmambo yekwataigara. Asi pasina nguva ndakaziva kuti ndaifanira kuchinja zvinhu zvakati wandei muupenyu hwangu kuti ndifadze Mwari. Saka ndakasiya zvakaipa zvandaiita ndikagera bvudzi rangu refu. Vandaichimboshamwaridzana navo vakandinyomba, asi ndakakwanisa kuzvidzora. Ndaifanirawo kugadzirisa imba yangu, nokuti ini naLa taive tisina kuchata, uye ndakanga ndisina kudimbura muchato nomudzimai wangu wokutanga. Saka muna 1990, ini naLa takadzokera kuNew Zealand.

Ndakabva ndafonera Dick naStephanie. Stephanie akati: “Sam, ndakafunga kuti hatichazokuwanaizve!” Takatangazve kudzidza Bhaibheri navo, uye ndangodimbura muchato chete, ini naLa takaroorana nehana dzakachena pamberi paMwari. Takaramba tiri muNew Zealand, kwatakabhabhatidzirwa tichiratidza kuzvitsaurira kwedu kuna Mwari. Ndiine chido chokuudza vamwe zvandakanga ndadzidza, ndakava neropafadzo yokudzidza Bhaibheri nevanhu vakati wandei vokuCambodia neThailand vaigara muAuckland uye pedyo.

Kudzokera kuAustralia

Muna May 1996, ini naLa takadzokera kuAustralia tikanogara muCairns, nechokuchamhembe kweQueensland. Ndine ropafadzo yokutarisira basa rokuparidzira vanhu vekuCambodia, Laos, uye Thailand vari kuno kwatinogara.

Handigoni kuonga Jehovha zvakakwana pamusana pezvikomborero zvake, zvinosanganisira mudzimai wangu anodadisa nevanakomana vatatu—Daniel, Michael, naBenjamin. Ndinoongawo chaizvo kuti amai vangu, hanzvadzi yangu, munin’ina wangu, mai vomudzimai wangu, naTeng Hann, wandaishamwaridzana naye mumusasa wokuThailand, vakabvumawo chokwadi cheBhaibheri. Ini nemhuri yedu tichiri kuchema kurasikirwa nababa nasekuru kwatakaita, asi hatinyanyi kusuruvara. Tinoziva kuti pachamutswa vanhu, Mwari achagadzirisa kusaruramisira kwose kwekare zvokuti zvinhu zvakadaro “hazvizoyeukwi, uyewo hazvizouyi mumwoyo.”—Isaya 65:17; Mabasa 24:15.

Makore mashomanana akapfuura ndiri pagungano reZvapupu zvaJehovha, ndakaona mumwe munhu wandakafananidza. Aiva Bill, wandakanga ndambosangana naye makore akawanda akanga apfuura. Ndakamubvunza kuti, “Mandiyeuka here?”

Akapindura kuti “Ehe! Ndakasangana nemi kuNew Zealand makore akawanda akapfuura ndikakuudzai kuti 144 000 chete ndivo vachaenda kudenga.” Papera makore ose iwayo, Bill akanga achiri kundiyeuka. Zvino sehama, takambundirana tichitaura zvakanga zvaitika kare.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 27]

Background: AFP/Getty Images

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe