RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g98 7/8 p. 9
  • Utano Hwakakwana Chiroto Bedzi Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Utano Hwakakwana Chiroto Bedzi Here?
  • Mukai!—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kusunungurwa Pakurwara
  • Pakuchange kusisina zvirwere!
    Mukai!—2007
  • Utano Hwakanaka Kuvanhu Vose—Munguva Pfupi iri Kutevera!
    Mukai!—2001
  • Vanhu vose vanoda utano hwakanaka!
    Mukai!—2007
  • Chengeta Kutenda Kwako Noutano Hwomudzimu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
Ona Zvimwe
Mukai!—1998
g98 7/8 p. 9

Utano Hwakakwana Chiroto Bedzi Here?

WAKAMBORWARA zvakakomba kana kuti kuvhiyiwa zvakakomba here? Kana wakadaro, sezvingabvira unotokoshesa zvikuru upenyu zvino. Asi chero angava mamiriro ako ezvinhu emuviri, unodavira kuti zvinobvira kufarikanya utano hwakakwana here? Izvi zvingaratidzika sezvisiri zvinhu chaizvoizvo pakurangarira kupararira kwakaita hosha dzakakomba dzakadai sekenza kana hosha yemwoyo. Zvirokwazvo, vazhinjisa vedu tinorwara panguva nenguva. Asi, kuva akagwinya chose chose hakusi chirotowo zvacho.

Munhu akasikirwa kufarikanya utano hwakanakisisa, kwete kutambura nechirwere nerufu. Naizvozvo, kurwisa chirwere nerufu, Jehovha akagovera hwaro hweutano hwakakwana neupenyu husingaperi kupfurikidza nechibayiro cherudzikinuro chaKristu Jesu. “Nokuti Mwari wakada nyika nokudaro, kuti wakapa Mwanakomana wake wakaberekwa mumwe woga, kuti aninani unotenda kwaari, arege kufa, asi ave noupenyu husingaperi.” (Johane 3:16) Avo vanogara nokusingaperi munyika itsva yaMwari havazotamburi neutano husina kutsarukana kana kuti kuchembera. Sezvazvakadaro, chii chichaitika kuhosha?

Kusunungurwa Pakurwara

Maporesere akaita Jesu Kristu vanorwara anogovera muenzaniso. Pamusoro pekuporesa kwakadaro zvakanzi: “Mapofu anosvinudzwa, vanokamhina vanofamba, vane maperembudzi vanonatswa, vematsi vanonzwa, vakafa vanomutswa, navarombo vanoparidzirwa evhangeri.” (Mateo 11:3-5) Hongu, vakaremara vose vakaenda kuna Jesu “vakaporeswa.” (Mateo 14:36) Semugumisiro, “vanhu vazhinji vakashamiswa vachiona mbeveve dzichitaura, nezvirema zvapora, navanokamhina vachifamba, namapofu achiona; vakarumbidza Mwari wavaIsraeri.”—Mateo 15:31.

Chaizvoizvo, kunyange zvazvo pasina nhasi anogona kuita kuporesa kwakafanana neuku, tinogona kuva nechivimbo kuti mukutonga kwaMwari rudzi rwemunhu ruchakwidziridzwa kusvika pakukwana, rwaporeswa hosha dzose dzendangariro nemuviri. Chipikirwa chaMwari chakanyorwa pana Zvakazarurwa 21:3, 4: “Tarirai, tabhernakeri yaMwari iri pakati pavanhu, iye uchagara navo, ivo vachava vanhu vake; Mwari amene uchava navo ave Mwari wavo. Uchapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokutanga zvapfuura.”

Fungidzira munyika musina kudikanwa kweindasitiri yemishonga kana kuti zvipatara, kuvhiya, kana kuti mitoo yekurapa! Uyewo, muParadhiso ichadzorerwa, kuora mwoyo nezvirwere zvendangariro zvichava zvemunguva yakapfuura. Upenyu huchava hunofadza; uye mufaro, kunzwa kwechigarire. Zvirokwazvo, simba raMwari risingagumi richamutsidzirazve simba remuviri rekuzvivaka, uye betsero dzerudzikinuro dzichapedza tapuro dzinoparadza dzechivi. “Hakuna ugeremo uchati ndinorwara.’”—Isaya 33:24.

Itariro yakaisvonaka zvakadini—kufarikanya ugwinyi hwakakwana hwemuviri nehwemudzimu mukutonga kweUmambo hwaMwari! Sezvaunochengetedza mararamire akadzikama neakanaka zvino, tarira mberi nokuda kwezvikomborero zvenyika itsva yaMwari. Jehovha ngaa‘gutse upenyu hwako nezvakanaka, uye uduku hwako ngahurambe huchizvinatsiridza sezvinoita hwegondo’!—Pisarema 103:5.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe