RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g01 6/8 pp. 9-10
  • Utano Hwakanaka Kuvanhu Vose—Munguva Pfupi iri Kutevera!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Utano Hwakanaka Kuvanhu Vose—Munguva Pfupi iri Kutevera!
  • Mukai!—2001
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuramba Uine Maonero ari Pakati Nepakati
  • Pakuchange kusisina zvirwere!
    Mukai!—2007
  • Chengeta Kutenda Kwako Noutano Hwomudzimu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Nokukurumidza Hakusati Kuchizovazve Nechirwere Kana Kuti Rufu!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Vanhu vose vanoda utano hwakanaka!
    Mukai!—2007
Ona Zvimwe
Mukai!—2001
g01 6/8 pp. 9-10

Utano Hwakanaka Kuvanhu Vose—Munguva Pfupi iri Kutevera!

“PFUNGWA yokusazomborwarazve . . . yakakurumbira,” inoshuma kudaro magazini yenhau yokuGermany inonzi Focus. Asi pfungwa iyi haisi itsva. Vanhu pavakatanga kurarama, Musiki aisambova nechinangwa chokuti vanhu varware. Chinangwa chake nokuda kwevanhu chaisangova “mwero unogamuchirika woutano kuvanhu vose vepasi.” (Tisu tatsveyamisa mabhii.) Musiki wedu aiva nechinangwa chokuti vanhu vose vave noutano hwakakwana!

Saka nei tose tichitambura nezvirwere nehosha? Bhaibheri rinotiudza kuti Jehovha akaita vabereki vevanhu vose, Adhamu naEvha, vakakwana. Paakangopedza kusika kwake, “Mwari akaona zvose zvaakaita, onei zvakanaka kwazvo.” Musiki wedu ane rudo aisambova nechinangwa chokuti vanhu vararame vachitambudzwa nehosha norufu. Asi Adhamu naEvha pavakasarudza kusiya nzira youpenyu yavakanga vapiwa, vakawira muchivi. Kutadza kwaAdhamu kwakaguma norufu, rwakapfuudzirwa kuvanhu vose.—Genesi 1:31; VaRoma 5:12.

Jehovha haana kungosiya vanhu vakadaro. Uye haana kusiya chinangwa chake chepakuvamba nokuda kwavo nepasi. MuBhaibheri rose, anoita kuti chinangwa chake chokupazve vanhu vanoteerera utano hwakanaka hwepakutanga chizivikanwe. Jesu Kristu, Mwanakomana waMwari, paaiva pasi pano, akaratidza simba raMwari rokurapa zvirwere. Somuenzaniso, Jesu akarapa upofu, maperembudzi, kusanzwa, zvipusha, uye nhengo dzomuviri dzakaoma.—Mateu 4:23, 24; Ruka 5:12, 13; 7:22; 14:1-4; Johani 9:1-7.

Munguva pfupi iri kutevera Mwari acharayira Mambo wake Mesiya, Jesu Kristu, kuti atarisire zvinhu zvepasi zvevanhu. Pasi pokutarisira kwake, uprofita hwaIsaya huchava hwechokwadi hunoti: “Hakuna ugeremo uchati: Ndinorwara; vanhu vageremo vachakanganwirwa zvakaipa zvavo.” (Isaya 33:24) Izvi zvichaitika sei?

Tinoona kuti muprofita wacho anonyora kuti “vanhu vachakanganwirwa zvakaipa zvavo.” Saka, chakatanga kukonzera kurwara—chivi icho vanhu vakaberekwa nacho—chichabviswa. Sei? Ukoshi hwechibayiro chorudzikinuro chaJesu huchashandisirwa vanhu vanoteerera, ndokubvisa chinokonzera kurwara nokufa. Paradhiso ichava mumativi ose epasi. Muapostora wechiKristu Johani akanyora kuti: “[Mwari] achapukuta misodzi yose pamaziso avo, uye rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipo. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.” Izvozvo zvichaitika munguva pfupi iri kutevera!—Zvakazarurwa 21:3, 4; Mateu chitsauko 24; 2 Timoti 3:1-5.

Kuramba Uine Maonero ari Pakati Nepakati

Munguva ino, zvirwere nehosha ndiyo nzira youpenyu kumamiriyoni evanhu. Saka zvakajairika kuti vanhu vanetseke nezvoutano hwavo uye hwevadiwa vavo.

Nhasi vaKristu vanoonga zvikuru zvinoitwa nevezvokurapa. Vanotora matanho ane musoro kuti varambe vakagwinya. Zvisinei, chipikirwa cheBhaibheri chenguva yemberi isina zvirwere chinotibatsira kuramba tichiona nhau iyi zviri pakati nepakati. Kutozosvikira Mambo Mesiya ava kutarisira zvinhu zvevanhu, hazvibviri kuva noutano hwakakwana. Sezvatatoona, kunyange zvakawanwa zvinoshamisa hazvina kuita kuti vezvokurapa vakwanise kutanha apuro rine muto wakawanda kwazvo riri padenga pomuti—utano hwakanaka kuvanhu vose.

Vavariro yokuva no“mwero unogamuchirika woutano kuvanhu vose vepasi” ichakwanisika munguva pfupi iri kutevera. Asi kwete neUN kana neWorld Health Organization kana vanoona nezvezvakapoteredza kana kuti vanoona nezvemagariro kana vanachiremba. Izvozvo zvakachengeterwa Jesu Kristu. Uchava mufaro wakadini pakupedzisira vanhu pava“chasunungurwawo muuranda hwokuora ndokuva norusununguko rune mbiri rwevana vaMwari”!—VaRoma 8:21.

[Mifananidzo iri papeji 10]

Kuchava noutano hwakanaka kuvanhu vose munyika itsva yaMwari

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe