Pakuchange kusisina zvirwere!
VANHU vakawanda vanotarisira kuti vachasunungurwa pamarwadzo uye pazvirwere muupenyu hwokudenga kana vafa. Zvisinei, kusiyana nezvinodavirwa nevakawanda, tariro chaiyo inotaurwa neBhaibheri nokuda kwevanhu ndeyokurarama pasi pano muparadhiso. (Pisarema 37:11; 115:16) Ramangwana rakapikirwa iri rinosanganisira utano hwakakwana, mufaro, uye upenyu husingaperi.
Nei tichirwara uye tichifa? Uye nyika isina zvirwere ichavapo sei? Mibvunzo iyi inopindurwa neBhaibheri.
◼ Honzeri chaiyo yezvirwere Adhamu naEvha, vabereki vedu vokuta- nga, vakasikwa vaine utano hwakakwana. (Genesisi 1:31; Dheuteronomio 32:4) Vakanga vasikirwa kuti vararame nokusingaperi pasi pano. Miviri yavo yakatozotanga kubatwa nezvirwere pavakapandukira Mwari nemaune. (Genesisi 3:17-19) Nokuramba chiremera chaMwari, vakakanganisa ukama hwavo noMusiki wavo, akanga avapa upenyu hwakakwana. Havana kuzova vakakwana. Vakaguma vava kurwara uye vakafa, sokunyeverwa kwavakanga vamboitwa naMwari.—Genesisi 2:16, 17; 5:5.
Pashure pokupanduka kwavo Adhamu naEvha vakapfuudza kusakwana kuvana vavo. (VaRoma 5:12) Sezvakataurwa munyaya yakapfuura, masayendisiti nhasi anoziva kuti tine zvimwe zvinhu zvatinoita zvokugara nhaka zvinozoita kuti tirware uye tife. Ratsvakurudza kwazvo, rimwe boka remasayendisiti munguva ichangopfuura iyi rakagumisa kuti: “Ichokwadi chisingarambiki muupenyu kuti kana muviri wangova noupenyu chete, unotanga kuparara wega.”
◼ Vanhu havazvikwanisi Sayenzi iri kuita zvinhu zvikuru chaizvo mukurwisa zvirwere. Asi chinhu chinokonzera zvirwere chakaoma kuti chigadziriswe zvizere nesayenzi. Izvi hazvishamisi vadzidzi veBhaibheri vanoziva mashoko aMwari akafuridzirwa anoti: “Usavimba nevanokudzwa, kana nomwanakomana womunhu wepanyika, asingagoni kuponesa.”—Pisarema 146:3.
Zvisinei, Bhaibheri rinoti, “zvinhu zvisingabviri kuvanhu zvinobvira kuna Mwari.” (Ruka 18:27) Jehovha Mwari anogona kubvisa honzeri yezvirwere. Acharapa zvirwere zvedu zvose. (Pisarema 103:3) Shoko rake rakafuridzirwa rinovimbisa kuti: “Tarirai! Tende raMwari riri pakati pevanhu, iye achagara navo, uye ivo vachava vanhu vake. Mwari pachake achava navo. Achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:3, 4.
◼ Zvaunofanira kuita Jesu Kristu akatsanangura zvakajeka zvatinofanira kuita kuti tizova munyika inenge isisina zvirwere. Akati: “Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira kuramba vachiwana zivo pamusoro penyu, imi Mwari wechokwadi chete, uye pamusoro pouya wamakatuma, iye Jesu Kristu.”—Johani 17:3.
Zivo yaMwari nedzidziso dzoMwanakomana wake, Jesu, zviri muBhaibheri. Zivo iyi inosanganisira zano rinoshandisika rinogona kunatsiridza upenyu hwako iye zvino. Asi kuwedzera pane izvi, Mwari ari kupikira nyika ichange isina marwadzo nokuda kwevanamati vake vanoteerera. Chokwadi, Mwari ari kuti unogona kuwana remangwana richange risina “mugari wemo achati: ‘Ndiri kurwara’”!—Isaya 33:24.
[Mufananidzo uri papeji 11]
Kuona Utano Zvakanaka
[Mufananidzo uri papeji 11]
Bhaibheri rinokurudzira kuti tiremekedze upenyu. Zvapupu zvaJehovha zvinoratidza kuti zvinoremekedza upenyu nokuedza kutarisira utano hwazvo. Hazviiti miitiro inokuvadza, yakadai sokushandisa zvakapfurikidza zvinodhaka uye kuputa. Mwari anotarisira kuti vanomunamata vave nomwero mukunwa kwavo uye pamadyiro avanoita. (Zvirevo 23:20; Tito 2:2, 3) Matanho akadaro anoshandisika pamwe chete nokuzorora zvakakwana nokurovedza muviri zvinogona kunonotsa kana kukudzivirira pazvirwere zvakawanda. Vaya vari kurwara vangada kubatsirwa navanachiremba vane unyanzvi vakavimbika.
Bhaibheri rinokurudzira kuti tiratidze kunzwisisa uye kuti tive “nepfungwa dzakanaka.” (Tito 2:12; VaFiripi 4:5) Vakawanda nhasi havaratidzi mwero uye vanobva vanyanyisa pakutsvaka mishonga, zvichitovakanganisa mune zvokunamata. Vamwe vanorapwa nenzira dzisina kukodzera dzingavakuvadza. Vamwe vanopedza mari nenguva vachirapwa uye pamishonga isingabatsiri kana kuti inotokuvadza.
Iye zvino hazvisati zvava kuita kuti uve noutano hwakakwana. Paunenge wakamirira remangwana richange risisina zvirwere, uchenjeri nokunzwisisa kuri muBhaibheri zvinogona kukubatsira kuramba uine mwero paunenge uchiedza kuva noutano hwakanaka.