Kutsvaka—Upenyu Hwakachengeteka
KUCHENGETEKA kunoreva zvinhu zvakasiyana-siyana kuvanhu vakasiyana-siyana. Kune mumwe munhu, kuchengeteka kunoreva kuwana basa; kune mumwewo, kunoreva pfuma; uye kune munhu wechitatu, kuchengeteka kunoreva mhoteredzo isina utsotsi. Kunoreva chimwe chinhuwo kwauri here?
Upi noupi uri murangariro wako, pasina mubvunzo unoita matanho okuedza kuita kuti upenyu hwako huchengeteke nenzira yaunoda. Rangarira zviri kuitwa nevanhu vari kuEurope kuti vawane mwero wakati wekuchengeteka kwemunhu oga.
Dzidzo Yepamusoro
Maererano naJacques Santer, purezidhendi weEuropean Commission, 20 muzana yavechiduku muEuropean Union haishandi. Nokudaro, paboka rezera iroro, zvakawanda zvinoenderana nemubvunzo mumwe wekuti, Ndinowana sei basa richaita kuti upenyu hwangu huchengeteke? Vakawanda vanodavira kuti vavariro iyi inogona kusvikwa zvakanakisisa nekudzidza zvikuru, uko, sezvakatsinhirwa neThe Sunday Times yeLondon kuti, “kunobetsera zvikuru [vadzidzi] pakuwana basa.”
Somuenzaniso, muGermany, “chishuvo chedzidzo nenzvimbo yedzidzo yakakwirira chikuru kupfura zvachaiva kare,” inoshuma kudaro Nassauische Neue Presse. Zvakadaro pasinei zvapo nekuti kurarama somudzidzi kwenguva yekosi yeyunivhesiti yacho munyika iyoyo kunokosha mari inenge $935 000 paavhareji.
Vechiduku vanorangarira dzidzo nenzira yakakomba nevanoshuva basa rakachengeteka vanofanira kurumbidzwa. Uye mumwe munhu ane unyanzvi nemapepa anoratidza kuti anoziva basa kazhinji anogona kuwana basa zviri nyore paanenge achiritsvaka. Asi dzidzo yepamusoro inowanisa kuchengeteka pane zvebasa nguva dzose here? Mumwe mudzidzi akati: “Kubvira pamavambo chaipo ndaiziva kuti kosi yangu yedzidzo yaisazotungamirira kubasa chairoiro reunyanzvi uye raisazondichengetedza.” Mamiriro ake ezvinhu haasi matsva. Mugore rimwe richangobva kupfuura, vadzidzi vakapedza kudzidza veyunivhesiti yekuGermany vasingashandi vakasvika nhamba yapamusoro zvikurusa.
MuFrance, maererano nerimwe pepanhau, vechiduku vanoenda kuyunivhesiti nemhaka yokuti dhipuroma rechikoro chapamusoro harikoshi zvakanyanya nemhaka yavechiduku vakawanda vasingashandi. Zvisinei, vadzidzi vakawanda veyunivhesiti vanoziva kuti pamugumo wezvidzidzo zvavo, “hazvina zvazvinovabetsera kunyange vachibva nemadhigirii.” The Independent inoshuma kuti muBritain “kuodzwa mwoyo neupenyu hwedzidzo yakakwirira kuri kukuvadza vadzidzi zvinotyisa.” Zviri kushumwa kuti panzvimbo pokubetsera vadzidzi kuti vanzwe vakachengeteka muupenyu, upenyu hwepaYunivhesiti pane dzimwe nguva hunoguma nezvinetso zvakadai sekuora mwoyo, kufunganya, uye kusazviremekedza.
Kazhinji kazhinji, kudzidza bhizimisi kana kuti kurovedzwa zvakakwana basa rakati kunogonesa mumwe munhu kuwana basa rakachengeteka zviri nyore zvikuru kupfuura ane dhigirii reYunivhesiti.
Zvinhu 10 000 Zvakakwana Here?
Vakawanda vanofunga kuti chakavanzika chekuchengeteka kweupenyu ipfuma. Izvi zvinganzwika sekufunga kwakanaka, sezvo kuva nemari yakawanda mubhangi kuchibetsera munguva dzakaoma. Bhaibheri rinotsanangura kuti “mariwo chitaviridzo.” (Muparidzi 7:12) Zvisinei, pfuma yakawanda inowedzera kuchengeteka kwemunhu nguva dzose here?
Kwete hazvo. Rangarira kuwedzera kwakaita pfuma mumakore 50 apfuura. Pakapera Hondo Yenyika II, vanhu vazhinji vokuGermany vakanga vasina kana chinhu. Nhasi, maererano nepepanhau reGermany, munhuwo zvake weGermany ane zvinhu 10 000. Kana upfumi huri kufungidzirwa huri hwechokwadi, zvizvarwa zvinotevera zvichawana zvakatowanda. Asi kuunganidzwa kwepfuma uku kunoita kuti upenyu hunyanyochengeteka here? Aiwa. Kunzvera kwakaitwa muGermany kwakaratidza kuti vanhu 2 pavanhu 3 vanorangarira upenyu kuva husisina kuchengeteka pane zvahwaiva makore 20 kana kuti 30 apfuura. Nokudaro kuwedzera kukuru kwepfuma hakuna kuita kuti vanhu vanzwe vawedzera kuchengeteka.
Izvi zvinonzwisisika nemhaka yokuti, sezvataurwa munyaya yapfuura, kunzwa usina kuchengeteka kunotambudza mupfungwa. Uye kutambura mupfungwa hakugoni kuderedzwa zvachose nepfuma. Chokwadi, pfuma inoderedza urombo uye inobetsera munguva dzokutambura. Asi mune mamwe mamiriro ezvinhu akati, kuva nemari yakawanda mutoro mukuru sekuva neshoma.
Nokudaro, murangariro uri pakati nepakati wezvinhu zvokunyama uchatibetsera kurangarira kuti nepo pfuma ichigona kuva chikomborero, haisi chinhu chinokosha mukuwana upenyu hwakachengeteka. Paaiva pasi pano, Jesu Kristu akakurudzira vateveri vake achiti: “Nokuti upenyu hwomunhu hahuzi pazvinhu zvakawanda zvaanazvo.” (Ruka 12:15) Kuti anzwe akachengeteka zvakakwana muupenyu, munhu haangodi pfuma yokunyama chete.
Kuvanhu vakwegura, zvinhu hazvinyanyi kukosha nemhaka yekukosha kwazvo kwekunyama asi nemhaka yekunyaradza kwazvo pfungwa. Vakura vanonyanyova nehanya nengozi yokuwirwa nematsotsi kupfuura pfuma.
Ngwarira!
“Utsotsi . . hwave huri chinetso chiri kukura munyika yose mumakore 30 apfuura,” rinodaro bhuku duku rinonzi Practical Ways to Crack Crime, rakabudiswa muBritain. Mapurisa ari kuita zvose zvaanogona. Vamwe vanhu vari kubata sei nahwo?
Kuchengeteka kwemunhu kunotangira kumba. Somuenzaniso muSwitzerland, imwe nyanzvi inonyora mapurani edzimba dzakadzivirirwa pambavha dzine kiyi dzokuchengetedza, masuo akanyatsosimba, uye mafafitera ane mipiringidzo. Varidzi vedzimba idzi vanoratidzika sevanorangarira chirevo chinozivikanwa zvikuru chokuti: “Musha wangu ndiwo nhare yangu.” Maererano nemagazini yenhau yeFocus, dzimba idzi dzinodhura, asi dzinodiwa zvikuru.
Kuwedzera kuchengeteka kwemunhu oga mukati memusha nekunze, vagari vemune dzimwe nzanga vakaronga zvirongwa zvokuchinjana kuchengeta dzimba. Vagari vemune mimwe misha vanotoita zvakawanda, vanobhadhara femu yevarindi kuti vafambe-fambe munzvimbo yavo pamaawa akagoverwa. Vanhu vakawanda vanozviwana zvine mufungo kusava vega mumigwagwa yemuguta isina munhu usiku. Uye vabereki, vane hanya nenzira yomuzvarirwo nokugara zvakanaka kwavana vavo, vangaisa mitemo yokuwedzera kuti vavadzivirire. Rangarira zvikarakadzo zvinowanwa mubhokisi riri papeji ino.
Asi haasi munhu wese anokwanisa kutenga imba yakadzivirirwa pambavha. Kunze kwaizvozvo, zvirongwa zvokuchinjana kuchengeta dzimba nevarindi vanofamba-famba hazvingagoni kuderedza utsotsi hwose; zvingangouchinjira kunharaunda dzisina kuchengetedzwa. Nokudaro utsotsi hunoramba huchityisidzira zvikuru kuchengeteka kwemunhu oga. Kuti upenyu hwedu huchengeteke, zvakawanda zvinodiwa kupfuura nhamburiko yakakwana yokukurira utsotsi.
Rapa Chirwere—Kwete Zviratidzo Zvoga
Mumwe nemumwe wedu ane chishuvo chaakazvarwa anacho cheupenyu hwakachengeteka, uye tinoita zvakanaka kuita nhanho dzine mufungo, dzinoshanda dzokuti tisvike vavariro iyi. Asi utsotsi, kushaikwa kwemabasa, uye zvimwe zvinhu zvose zvinoita kuti upenyu hwedu husachengeteke zvinongova zviratidzo zvemamiriro ezvinhu ari kukanganisa rudzi rwose rwomunhu. Kuti tirape mamiriro ezvinhu aya, zvakafanira kuti tirwise, kwete zviratidzo zvacho chete, asi chinoparira chacho.
Chii chinoparira kusachengeteka muupenyu hwedu? Tinogona sei kuchibvisa uye nokudaro ndokubvisa kusachengeteka muupenyu nokusingaperi? Izvi zvichakurukurwa munyaya inotevera.
[Bhokisi riri papeji 6]
Nzira Dzokudzivirira Nadzo Vana Vaduku
Nemhaka yekuwanda kwekunetswa kwavana, kubiwa, uye kuurawa, vabereki vakawanda vakawana zvichibetsera kudzidzisa vana vavo kuita zvinotevera:
1. Kutaura kuti kwete—zvakasimba—kune munhu upi noupi anoedza kuvaita kuti vaite chimwe chinhu chavanonzwa kuti chakaipa.
2. Kuramba kubvumira munhu upi noupi kubata mitezo yomuviri yavo yakavanzika kutoti—ari chiremba kana kuti mukoti—mubereki aripo.
3. Kutiza, kuzhamba, kuridza mhere, kana kuti kukumbira kubetserwa nemunhu mukuru anenge ari pedyo paanenge ari mungozi.
4. Kuudza vabereki zvaitika zvipi nezvipi kana kuti kukurukurirana zvinoita kuti mwana anzwe asina kusununguka.
5. Kuramba kuvanzira vabereki chinhu.
Sepfungwa yokupedzisira, vabereki vanoita zvakanaka kungwarira pavanotsvaka munhu upi noupi kuti asare achitarisira mwana wavo.
[Mifananidzo iri papeji 5]
Kuti upenyu hwedu huchengeteke, hatingodi dzidzo, pfuma, kana kuti nhamburiko yakakwana yokukurira utsotsi chete