RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g99 2/8 pp. 12-15
  • Ndinobetsera uye Ndinofara Pasinei Zvapo Neupofu Hwangu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndinobetsera uye Ndinofara Pasinei Zvapo Neupofu Hwangu
  • Mukai!—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kudzidziswa Kuvenga Mwari
  • Semhuka Iri Muchizarira
  • Kubatsirwa Nababa Vangu
  • Kutanga Kuona Mumudzimu
  • Kurambana
  • Upenyu, Hunofadza Hune Zvibereko
  • Kutsigirwa naMwari Wangu
  • Iye Zvino Ndinofunga Kuti Ndava Kukwanisa Kubatsirawo Vamwe
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Batsira Mapofu Kudzidza nezvaJehovha
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2015
  • Kusvinudzira Meso Kumashoko Akanaka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Jehovha Akasvinudza Maziso Angu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
Ona Zvimwe
Mukai!—1999
g99 2/8 pp. 12-15

Ndinobetsera uye Ndinofara Pasinei Zvapo Neupofu Hwangu

Yakataurwa naPolytimi Venetsianos

Ndakanga ndichitamba nehanzvadzi dzangu mbiri nevanin’ina vangu vaviri mumwe ari wekwababamukuru apo chimwe chinhu chidiki chakapinda napafafitera. Raiva girinedhi, uye parakaputika hanzvadzi dzangu nevanin’ina vangu vose vari vatatu vakafa uye ndakasiyiwa ndava bofu zvachose.

WAIVA musi wa16 July 1942, pandaiva musikana mudiki ane makore mashanu chete. Kwemazuva akawanda ndaifenda-fenda. Pandakatanga kuziva, ndakatsvaka hanzvadzi dzangu nevanin’ina vangu. Pandakaziva kuti vakanga vafa, ndakademba kuti dai ndakanga ndafawo.

Pandakaberekwa, mhuri yangu yaigara pachitsuwa cheGreece chinonzi Salamis, pedyo nePiraiévs, panomirira ngarava muAthens. Pasinei zvapo neurombo hwedu, tainakidzwa nekurarama upenyu hune rugare. Izvozvo zvose zvakagumiswa nekutanga kweHondo Yenyika II, muna 1939. Baba vangu vaiva mufambisi wengarava muMediterranean. Kakawanda vaifanira kunzvenga ngarava dzinofamba nepasi pemvura, (magwa ehondo anonzi mafrigate, mabhomba emumvura anonzi matorpedo), uye mabhomba enyika dzose dziri mbiri Dzairwisa neDzairwiswa. Greece yaitongwa nechiFascist nechiNazi.

Kudzidziswa Kuvenga Mwari

Nemhaka yemaipire akanga akaita zvinhu muhondo, Amai vakafirwa nemwana wechina. Vakaora mwoyo kwazvo, ndokubatwa nechirwere chetibhii uye, vachangobva kusununguka mwana wechitanhatu, pakupedzisira vakafa muna August 1945. Vavakidzani vainamata vakatanga kutaura kuti takanga tiri kurangwa naMwari. Vachiedza kukurudzira, asi vachitowedzera kuipisa zvinhu, vamwe vapristi veGreek Orthodox vakataura kuti Mwari akanga aenda nevanin’ina vangu nehanzvadzi dzangu kudenga kuti vanoita ngirozi duku.

Baba vakatsamwa. Nei Mwari aizobvutira mhuri yavarombo vana vaduku vana asi ane mamiriyoni engirozi? Zvitendero izvi zveChechi yeOrthodox zvakasimbisa mavari pfungwa yokuvenga Mwari nokuvenga zvitendero. Pashure peizvozvo, havana kuda kuva nechekuita nechitendero chipi zvacho. Vakandidzidzisa kuvenga uye kushora Mwari, vachisimbisa kuti Mwari ndiye honzeri yemarwadzo nokusafara kwedu.

Semhuka Iri Muchizarira

Amai vangu vachangofa muna 1945, Baba vakatangawo chirwere chetibhii ndokupiwa mubhedha kuchipatara chezvirwere zvakadai. Muni’ina wangu mucheche akaendeswa kunzvimbo inochengeterwa vacheche. Gare gare, apo Baba vakabuda muchipatara ndokuenda kunochengetwa vacheche kuti vamutore, vakaudzwa kuti akanga afa. Ndakaendeswa kuchikoro chemapofu, kwandakapedzera makore masere akatevera eupenyu hwangu. Pakutanga ndakaodzwa mwoyo. Mazuva okushanya aiodza mwoyo kwazvo. Dzakawanda dzeshamwari dzangu dzepachikoro dzaiva mapofu dzaiva nemumwe munhu aidzishanyira, asi ini ndakanga ndisina.

Ndaiita semhuka iri muchizarira. Ndainzi ndiri munhu anorwisa vamwe pachikoro. Saka ndairohwa uye ndaifanira kugara pa‘chigaro chevana vane misikanzwa.’ Ndaiwanzofunga kuzviuraya. Asi nekufamba kwenguva, zvakava pachena kuti ndaifanira kudzidza kuzvitarisira. Ndakasvika pakugutsikana nekubatsira vandaidzidza navo vaiva mapofu, kakawanda ndichivabatsira kupfeka kana kuwaridza mibhedha yavo.

Vapristi vaitiudza kuti Mwari akatiita mapofu nemhaka yekudarika kwakaipisisa kwevabereki vedu. Izvi zvakatoita kuti nditonyanya kuvenga Mwari kwazvo, aioneka seakaipa neane utsinye. Pfungwa yechitendero yakandityisa nokunditsamwisa yaiva yekuti mweya yavakafa inotenderera-tenderera ichitambudza vapenyu. Saka, pasinei zvapo nekuda kwandaiita hanzvadzi dzangu nevanin’ina vangu naamai vangu vakanga vakafa, ndaitya “midzimu” yavo.

Kubatsirwa Nababa Vangu

Nokufamba kwenguva, Baba vakaonana neZvapupu zvaJehovha. Vakashamiswa kudzidza muBhaibheri kuti Satani, kwete Jehovha, ndiye anoparira marwadzo nerufu. (Pisarema 100:3; Jakobho 1:13, 17; Zvakazarurwa 12:9, 12) Nenguva isipi baba vangu vakanga vavhenekerwa vakatanga kupinda misangano yeZvapupu zvaJehovha, vakafambira mberi mumudzimu, ndokubhabhatidzwa muna 1947. Mwedzi mishomanana izvozvo zvisati zvaitika, vakanga varoora zvakare uye zvino vava nemwana mukomana. Nokufamba kwenguva, mudzimai wavo mutsva akavakumbanirawo kunamata Jehovha.

Pazera ramakore 16, ndakasiya chikoro chemapofu. Zvainyaradza sei kudzokera mumhuri yechiKristu inofara! Vaiita yavaiti fundo yeBhaibheri yemhuri, yandaikokwa kupinda. Ndaipinda nemhaka yekuremekedza nokuzvininipisa, kunyange zvazvo ndainge ndisinganyatsoteereri. Manzwire angu okusada Mwari nechitendero aive achakasimba kwazvo.

Mhuri yakanga iri kudzidza kabhuku kanonzi God’s Way Is Love. Pakutanga, handina kumbofarira, asi ipapo ndakanzwa Baba vachikurukura mugariro wavakafa. Izvi zvakandibata pfungwa. Muparidzi 9:5, 10 yakaverengwa muBhaibheri inoti: “Asi vakafa havana chavanoziva . . . Hakuna basa, kana zano, kana zivo, kana uchenjeri paSheori kwaunoenda.”

Ndakatanga kuona kuti rutyo rwangu rwakanga rwusina kufanira. Amai vangu, hanzvadzi dzangu, uye vanin’ina vangu vakafa vaisakwanisa kundikuvadza. Kurukurirano yacho yakapfuurira kunhau yerumuko. Ndakanyatsovhura “nzeve” dzangu. Mufaro wakafashukira mumwoyo wangu apo ndakanzwa vimbiso yeBhaibheri yokuti pakutonga kwaKristu vakafa vachavazve vapenyu! (Johane 5:28, 29; Zvakazarurwa 20:12, 13) Zvino chidzidzo chacho chakanga chava kundinakidza chaizvo. Ndaitarisira kwazvo zuva rekurukurirano yemhuri iyi, uye pasinei zvapo neupofu hwangu, ndaigadzirira zvakanaka.

Kutanga Kuona Mumudzimu

Sezvandakafambira mberi muzivo yeMagwaro, pfungwa dzenhema pamusoro paMwari nezviito zvake dzakanyangarika. Ndakadzidza kuti hapana akanga aitwa bofu naMwari ini kana mumwe munhu upi neupi zvake asi kuti mavambo ouipi hwose Muvengi wake, Satani Dhiyabhorosi. Ndakazvidemba kwazvo kuti nemhaka yekusaziva kwangu ndainge ndapomera Mwari! Nechido chikuru, ndakawedzera kuva nezivo yakarurama yeBhaibheri. Ndaipinda nekupindura mumisangano yose yechiKristu, kunyange zvazvo taigara makiromita akawanda kubva paHoro yoUmambo. Ndakaitawo basa rokuparidza nokushingaira, ndisingabvumiri upofu hwangu kundivhiringidza.

Ndakafara sei kubhabhatidzwa, pana 27 July 1958, makore anoti pfuurei 16 zvishoma pashure pechakaitika chinosuruvarisa chakandisiya ndava bofu! Ndakatangisa ndakazara netariro uye ndichitarisira zvakanaka. Zvino upenyu hwangu hwakanga hwave nechinangwa—kushandira Baba vangu vane rudo vokudenga. Kuvaziva kwakanga kwandisunungura mudzidziso dzenhema uye kwakanga kwandipa ushingi hwekubata neupofu hwangu nezvinetso zvahwo ndakatsunga netariro. Nguva dzose pamwedzi ndaipedzera maawa 75 kana anopfuura ndichiparidzira vamwe mashoko akanaka.

Kurambana

Muna 1966, ndakaroorwa nemurume aiva nevavariro dzakafanana nedzangu muupenyu. Zvairatidzika kuti pamwe chete taizova neroorano inofadza sezvataishanda tose kuti tiwedzera basa redu rokuparidza. Mimwe mwedzi taipedzera maawa akawanda mubasa iroro rinoponesa upenyu. Takatamira kunzvimbo iri yoga pedyo neLivadiá, pakati peGreece. Mumakore ataivako, kubvira muna 1970 kusvikira 1972, pasinei zvapo neuto raidzvinyirira iro raitonga muGreece, takakwanisa kubatsira vanhu vakawanda kudzidza chokwadi cheBhaibheri ndokuva vaKristu vakabhabhatidzwa. Takafarawo kubatsira ungano duku yeZvapupu zvaJehovha munzvimbo iyoyo.

Zvisinei, nekufamba kwenguva murume wangu akatanga kuregeredza kufunda Bhaibheri nekupinda misangano yechiKristu, uye pakupedzisira akatosiyawo dzidziso dzeBhaibheri. Izvi zvakakonzera kusagadzikana muroorano yedu, kwakaguma nekurambana muna 1977. Ndakaora mwoyo kwazvo.

Upenyu, Hunofadza Hune Zvibereko

Panguva ino chaiyo yokuora mwoyo kukuru yeupenyu hwangu, Jehovha nesangano rake vakandibatsira zvakare. Imwe hama yechiKristu ine rudo yakatsanangura kuti kana ndikarega mamiriro ezvinhu akakonzerwa neaichimbova murume wangu achinditadzisa kufara, zvinoreva kuti chaizvoizvo ndaizova muranda wake. Ndiye aizova akabata kiyi yomufaro wangu. Panenge panguva ino, mumwe munhu ati kurei aiva mungano yechiKristu akandikumbira kuti ndimubatsire kuvandudza unyanzvi hwake hwokuparidza. Nokukurumidza ndakanga ndanyura zvizere kune zvakandivigira mufaro mukuru kwazvo—kuva muushumiri!

Ipapo mumwe muKristu akapa zano iri: “Unogona kupfuurira kubatsira nzvimbo dzauri kudiwa zvikuru. Unogona kuva chiedza chinoshandiswa naJehovha Mwari.” Ipfungwa yaifadza zvakadini! Bofu kuva “chiedza chinoshandiswa naJehovha Mwari”! (VaFiripi 2:15) Pasina kunonoka ndakabva muAthens ndokuenda kunogara kumusha weAmárinthos, kumaodzanyemba kweÉvvoia, nzvimbo yaiva nevadzidzisi veBhaibheri vashomanana. Nekubatsirwa neshamwari ikoko, ndakagona kuvakisa imba uye kutarisira zvinodikanwa zvangu.

Saka anopfuura makore 20 zvino, ndave ndichigona kupedzera mwedzi inoverengeka gore rimwe nerimwe mubasa rakawedzerwa rokuparidza. Nesimba rinobva kuna Jehovha, ndinokwanisa kugovana munzira dzose dzoushumiri, dzinobatanidza kushanyira vanhu mudzimba dzavo, kuitisa fundo dzeBhaibheri nevanofarira, uye kukurukura nevanhu mumigwagwa. Iye zvino, ndine ropafadzo yokuitisa fundo dzeBhaibheri ina nevanhu vanofarira Musiki wedu. Ndave ndichifara kwazvo kuona ungano nhatu dzichiumbwa munzvimbo ino mumakore 20 akapfuura kubva pahama shomanana chete!

Kaviri pavhiki, ndinofamba makiromita anopfuura 30 kuenda chete kuti ndipinde misangano yechiKristu, ndakatsunga kusarega kunyange nemumwe wayo. Apo—nemhaka yokusaona mukurukuri—ndinoona kuti pfungwa dzangu dziri kumbeya mbeya mukati memisangano, ndinoshandisa bhuku rangu chairo rokunyorera reBraille ndonyora mashoko mashomanana ezviri kutaurwa. Neiyi nzira ndinomanikidza nzeve dzangu nepfungwa kunyatsoteerera. Zvakare, ndine ropafadzo yokuti mumwe wemisangano uitirwe pamba pangu. Vanhu vanobva mumisha yakapoteredza kuzopinda inonzi Fundo yeBhuku yeUngano. Panzvimbo pokungomirira vamwe kuti vandishanyire pamba pangu nguva dzose, ndini ndinotanga kuvashanyira, chiri chimwe chinhu chinoguma nokukurudzirana.—VaRoma 1:12.

Pandaigara nababa vangu sepwere yamakore anopfuura 12, havana kumbondibata semwana bofu. Nokushivirira uye nokupfuurira, vakapedza nguva yakawanda vachindidzidzisa maitirwe ezvinhu nemaoko angu. Iyi rovedzo inoshanda yakandigonesa kutarisira bindu rangu uye zvipfuwo zvangu zvishoma. Ndinoshanda nesimba pamba, ndichichengeta imba yakachena nokubika zvokudya. Ndakadzidza kuti tinogona kunakidzwa uye kuwana mufaro muzvinhu zviduku zvoupenyu, nezvatinazvo. Ndave ndichikwanisa kuita zvinhu zvakawanda nepfungwa dzangu ina dzasara—kunzwa, kunhuwidza, kuravidza, uye kunzwa nokubata—izvi zvinondipa kugutsikana kukuru. Izvi zvavewo zviri uchapupu hunoshamisa kune vokunze.

Kutsigirwa naMwari Wangu

Vakawanda vanoshamisika kuti ndakazviita sei kuramba ndine tariro uye ndichigona kuzvichengeta pasinei zvapo neurema hwangu. Kupfuura zvose, mbiri inofanira kupiwa Jehovha, “Mwari wokunyaradza kwose.” (2 VaKorinte 1:3) Pashure pokuva kwangu bofu, ndaigarofunga kuzviuraya. Saka, handidaviri kuti nhasi ndingadai ndiri mupenyu kudai asiri Jehovha nechokwadi cheBhaibheri. Ndasvika pakuona kuti Musiki wedu akatipa zvipo zvakawanda—kwete kuona chete—uye kuti kana tikazvishandisa, tinogona kufara. Pane imwe nguva apo Zvapupu zvaiparidza mumusha wekwangu, mumwe mukadzi akati kwavari nezvangu: “NdiMwari waanonamata anomubatsira kuita zvinhu zvose izvi zvakawanda!”

Miedzo yangu yose yakandiswededza pedyo naMwari. Izvi zvave zvichisimbisa kutenda zvikuru. Ndinoyeuchidzwa nezvomuapostora Pauro kuti akatamburawo newaaiti “munzwa munyama,” zvimwe dambudziko remaziso ake. (2 VaKorinte 12:7; VaGaratia 4:13) Izvi hazvina kumutadzisa “kubatikana zvikuru” nemashoko akanaka. Kufanana naye, ndinogona kuti: “Naizvozvo zviri nani kuti ndizvirumbidze nomufaro mukuru neutera hwangu . . . Nokuti kana ndine utera, ipapo ndine simba.”—Mabasa 18:5, NW; 2 VaKorinte 12:9, 10.

Kupfuura zvose, tariro yangu yakavakirwa paBhaibheri yokuti ndingazoona nameso angu amai vangu vandinoda, vanin’ina vangu, uye hanzvadzi dzangu vachimutswa chokwadi inoita kuti ndifunge zvinhu zvinovaka uye zvinobetsera. Bhaibheri rinovimbisa kuti “ipapo meso amapofu achasvinudzwa” uye kuti “kuchavapo kumuka kwavakafa kwavakarurama navasakarurama.” (Isaya 35:5; Mabasa 24:15) Zvinotarisirwa izvozvo zvinondiita kuti ndive netariro ndichitarisira kwazvo nguva yemberi ine mbiri muUmambo hwaMwari!

[Mufananidzo uri papeji 15]

Baba vangu, avo vakadzidza Bhaibheri neni

[Mufananidzo uri papeji 15]

Ndiri mukucheni yangu

[Mufananidzo uri papeji 15]

Ndine shamwari muushumiri

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe