Jehovha Akasvinudza Maziso Angu
Yakataurwa naPatrice Oyeka
Zuva rakanga rava kudoka. Zvandiri bofu, ndakanga ndaswera ndichiteerera redhiyo ndiri ndoga idzo pfungwa dzichingopishana, zvokuti ndakafunga kuti zvaiva nani kuzviuraya pane kutambura seizvi. Ndakadira muchetura mukapu yemvura ndokuigadzika patafura. Ndaida kugeza kokupedzisira ndopfeka hembe dzakanaka, ndozonwa muchetura uyu kuti ndibve ndazorora hangu. Chii chakaita kuti ndide kuzviuraya? Zvakazofamba sei kuti ndisvike nhasi ndichiri mupenyu ndichikwanisa kutorondedzera nyaya iyi?
NDAKABEREKWA musi wa2 February 1958, muruwa rweKasaï Oriental, kuDemocratic Republic of the Congo (DRC). Baba vangu vakashaya ndiine makore mapfumbamwe, ndikarerwa nomukoma wangu kusvika ndakura.
Pandakapedza chikoro ndakawana basa pairimwa miti inogadziriswa rabha. Rimwe zuva ari mangwanani mugore ra1989, ndichinyora-nyora zvinhu zvebasa ndiri muhofisi yangu, rima rakangoerekana randiti kumeso tiba. Ndakambofunga kuti magetsi ainge aenda asi ndokuzonzwa jenareta richirira uye ndikayeuka kuti aiva mangwanani. Ndakarohwa nehana pandakaona kuti handichaoni kunyange zvandakanga ndichinyora!
Ndakashevedza mumwe wevarume vandaishanda navo ndokubva andiendesa kuna chiremba wepachipatara chepabasa. Chiremba wacho akanditi ndaitofanira kuendeswa kuna chiremba mukuru aiva muguta. Akaonawo kuti maziso angu aiva akuvara uye kuti ndaitofanira kukurumidza kurapwa, saka akandiendesa kuguta guru reKinshasa.
Kugara muKinshasa
Pandaiva kuKinshasa, ndakaona vanachiremba vemaziso vakawanda asi hapana akakwanisa kundibatsira. Papera mazuva 43 ndiri muchipatara, vanachiremba vakazondiudza kuti ndaisazoona kwoupenyu hwangu hwose! Hama dzangu dzakandiendesa kumachechi akasiyana-siyana ainzi anoporesa asi zvakashaya basa.
Ndakapedzisira ndisisina tariro yokuzoonazve. Zvose zvakanga zvava kuitika muupenyu hwangu zvaindiodza mwoyo. Somuenzaniso pandakava bofu, basa rakabva rapera. Mudzimai wangu akanditiza, akatora zvose zvataiva nazvo mumba. Ndakanga ndava kunyara kubuda panze kunyange kunotandarawo nevamwe. Ndakanga ndisisadi kushamwaridzana nevanhu uye ndaingoswera ndiri mumba. Ndakanga ndava zindoga, ndichizviona sendisingabatsiri zvachose.
Ndakaedza kuzviuraya kaviri. Pechipiri pacho ndipo parondedzerwa patangira nyaya ino. Kamwe kamwana keukama ndiko kakandiponesa. Pandaigeza kakatora kapu yaiva nomuchetura ndokubva kauteurira pasi kasingatoziviwo kuti waiva mushonga. Ndinototenda kuti hakana kunwa mushonga wacho. Ndapedza kugeza ndakashaya kapu yacho. Ndakazoudza vomumhuri mangu kuti sei ndakanga ndichitsvaka kapu iyi uye zvandakanga ndaronga kuita.
Ndinotenda Mwari uye hama dzangu kuti vakandibatsira. Kuzviuraya kwandaida kuita hakuna kuzobudirira.
Kufarazve Muupenyu
Rimwe zuva uri musi weSvondo mugore ra1992 pandaiva pamba ndichisvuta fodya, Zvapupu zvaJehovha zviviri zvakasvika pamba zvichiparidza. Pavakaona kuti ndakanga ndiri bofu, vakandiverengera Isaya 35:5 inoti: “Panguva iyoyo maziso emapofu achasvinudzwa, uye nzeve dzematsi dzichavhurwa.” Ndakafara zvokufara zviya pandakanzwa mashoko aya! Kusiyana nemachechi andakanga ndambopinda, Zvapupu hazvina kuti zvaigona kundiporesa. Asi zvakanditsanangurira kuti kana ndikaziva Mwari ndaigona kuzoonazve munyika itsva yaanovimbisa. (Johani 17:3) Ndakabva ndangotanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu tichishandisa bhuku rinonzi Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano. Ndakatangawo kupinda misangano yechiKristu yaiitirwa paImba yoUmambo yaiva pedyo uye ndakachinja mararamiro angu. Ndakarega kusvuta.
Asi kusaona kwaiita kuti ndisafambira mberi pakunamata. Saka ndakaenda kune rimwe sangano remapofu kuti ndinodzidziswa kuverenga nokunyora ndichishandisa Braille. Izvi zvakaita kuti ndiwanewo zvokuita paImba yoUmambo paidzidziswa vamwe zvine chokuita nokuparidzira. Pasina nguva ndakanga ndava kuparidza munharaunda yandaigara. Ndakatanga kufarazve muupenyu. Ndakaramba ndichifambira mberi pakunamata ndikatsaurira upenyu hwangu kuna Jehovha. Ndakabhabhatidzwa musi wa7 May 1994.
Ndakawedzera kuda Jehovha uye vanhu saka ndakava nechido chokuparidzira nguva dzose. Ndakatanga kushanda somuparidzi wenguva yakazara, anonzi piyona wenguva dzose musi wa1 December 1995. Ndinewo ropafadzo yokushumira somukuru muungano yedu kubvira muna February 2004. Dzimwe nguva ndinokumbirwa kuti ndinopa hurukuro dzomuBhaibheri kune dzimwe ungano dziri pedyo nekwandinogara. Zvikomborero zvose izvi zvinowedzera mufaro wangu uye zvinoita kuti ndione kuti hapana urema hungatitadzisa kuzadzisa chido chedu chokushumira Jehovha Mwari.
Jehovha Akandipa “Maziso”
Sezvandambotaura, mudzimai wangu akanditiza pandakava bofu. Asi ndakawanazve chimwe chikomborero kubva kuna Jehovha. Zvinoita sokuti akandipa maziso. Anny Mavambu uyo akabvuma kuroorwa neni pasinei nokuti ndiri bofu, ndiye atova maziso angu. Sezvo iye ariwo muparidzi wenguva yakazara, anogara achindiperekedza kunoparidzira, uye kana ndiine hurukuro anondiverengera pari kubva mashoko acho ini ndozvinyora neBraille. Mudzimai wangu chikomborero chaicho kwandiri. Zvaari uye zvaanoita zvakaita kuti ndione kuti mashoko ari pana Zvirevo 19:14 ndeechokwadi anoti: “Imba nepfuma inhaka inobva kumadzibaba, asi mudzimai akangwara anobva kuna Jehovha.”
Jehovha akatikomborerawo nevana vaviri, mukomana nemusikana. Ndinoshuva kuzoona zviso zvavo patinenge tava muParadhiso! Chimwe chikomborero ndechokuti mukoma wangu, uyo akatiitira mutsa akatibvumidza kugara pamba pake, akabvumawo kudzidza Bhaibheri uye akabhabhatidzwa! Tose tiri muungano imwe chete.
Pasinei nokuti handioni, chido changu ndechokuita zvakatowanda pakushumira Mwari nokuti akandikomborera chaizvo. (Maraki 3:10) Zuva nezuva ndinonyengetera kuti Umambo hwake huuye hubvise matambudziko ose ari panyika. Kubvira pandakatanga kuziva Jehovha, ndinonyatsoona kuti: “Chikomborero chaJehovha—ndicho chinopfumisa, uye haawedzeri kurwadziwa pamwe chete nacho.”—Zvirevo 10:22.
[Mifananidzo iri papeji 13]
Ndichipa hurukuro yomuBhaibheri; ndiine mhuri yangu nomukoma wangu.