Kupiwa Chido Chokurarama
MARY aitambura nokuora mwoyo uye zvimwe zvinetso zvoutano. Zvisinei, akanga asina kuparadzana nemhuri yake, uye aisagara akadhakwa nedoro kana kuti nezvinodhaka. Zvakaitika kuna Mary zvinonyatsoratidza kuti hapafaniri kuva nezvose zvinokonzera njodzi kuti munhu aedze kuzviuraya.
Kwenguva yakati zvakaita sokuti Mary aizova mumwe anoverengwa pane vakazviuraya, zvichiratidza kubudirira kunoita vanhu vachembera kugumisa upenyu hwavo. Kwemazuva aiva ari pakoma, asingapfakanyiki, ari mukamuri rinotarisirwa vanonyanya kurwara muchipatara chaiva munharaunda yavo, ongofemera kure-kure. Murume wake ainetseka mupfungwa, John, aiwanzova ari pedyo naye. Vanachiremba vakanyevera John nemhuri kuti Mary angangofa uye kuti vaigona kutarisira kusazoshanda zvakanaka zvachose kwepfungwa dzake kunyange kana akakwanisa kurarama.
Mary aishanyirwa zuva nezuva nomumwe muvakidzani, Sally, uyo ari mumwe weZvapupu zvaJehovha. “Ndakakurudzira mhuri yacho kuti isarasa tariro,” anodaro Sally. “Amai vangu, vane chirwere cheshuga, vaiva vari pakoma kwamavhiki anoverengeka makore apfuura. Vanachiremba vakaudza mhuri yedu kuti vaizofa, asi vakararama. Ndaitora ruoko rwaMary ndokutaura naye, sezvandaiita amai vangu, uye zvaiita sendainzwa kupfakanyika zvishoma.” Nezuva rechitatu, kupfakanyika kwakanga kwava kunyatsonzwika, uye Mary akaita seava kuziva vanhu, kunyange zvazvo akanga asingakwanisi kutaura.
‘Ndingadai Ndakazvidzivisa Here?’
“John akanzwa aine mhaka zvikuru,” anodaro Sally. “Aiva nechokwadi chokuti yaiva mhaka yake.” Izvi zvinowanzoitika kana mudiwa akazviuraya kana kuti akaedza kuzviuraya. “Ndakamuyeuchidza kuti Mary akanga ari kurapwa muchipatara nemhaka yokuora mwoyo. Akanga achirwara uye hapana chaaigona kuita kuti asaore mwoyo, kungofanana naiye airwarawo pasina zvokuita.”
Vane vadiwa vakazviuraya kazhinji vanonetseka nomubvunzo wokuti, Chii chandingadai ndakaita kuti ndizvidzivise? Kungwarira zviratidzo uye zvinhu zvinokonzera njodzi kunogona kudzivisa kuedza kuzviuraya. Asi kana zvikasaitika, yeuka kuti hauna mhaka yokuzviuraya kunoitwa nomumwe munhu. (VaGaratiya 6:5) Izvi zvinonyanya kukosha kuyeuka apo nhengo yemhuri inoda kuzviuraya kuti irwadzise vamwe. Dr. Hendin, ane mashoko ambotaurwa pamusoro, anoti: “Zvinofanira kuyeukwa kuti kuedza kuzviuraya kunoguma norufu kunowanzoitwa navanhu vanenge vachida kuti vamwe vaite zvavanoda kunyange zvazvo ivo vasingazovipo kuti vaone kana kuedza kwacho kuchiita kuti zvavanoda zvibudirire kana kuti kwete.”
Dr. Hendin anopfuurira kutaura kuti: “Pavanhu vachembera vanoedza kuzviuraya, kazhinji pane vana vakura navarumudzani kana kuti vakaroorana avo murwere anenge achida kutonga, kudzora kana kuti kumanikidza kuti vaite basa rakawanda rokumutarisira. Zvinorayirwa nomurwere kazhinji zvakaoma kuita, uye kazhinji murwere haadi kuchinja zvaanenge ataura, uye kuedza kuzviuraya kwokunyepera kunozowanzoita kwechokwadi.”
Nhengo dzemhuri dziri mumamiriro ezvinhu aya dzinganzwa kuti dziri kumanikidzwa zvikuru, kusvika padzisingakwanisi. Asi, usafa wakakanganwa kuti Jehovha Mwari anomutsa vakafa uye izvi zvingasanganisira vadiwa vedu avo vanozviuraya nemhaka yokuora mwoyo, kurwara nepfungwa kana kuti kushaya tariro.—Ona “The Bible’s Viewpoint: Suicides—A Resurrection?” muMukai! yechiNgezi yaSeptember 8, 1990, mapeji 22-3.
Nepo kuzviuraya kusingagoni kururamiswa, zvinonyaradza kuyeuka kuti tariro yedu yeramangwana iri kuna Mwari anonyatsoziva zvakakwana kusava nesimba uye kupererwa kunoita kuti mumwe aite chinhu chakadaro asina kufunga. Bhaibheri rinoti nezvaJehovha: “Nokuti sokukwirira kwokudenga kumusoro, ndizvo zvakaita kukura kwengoni dzake kuna vanomutya. Sokuva kure kwamabvazuva namavirira, saizvozvo wakabvisa kudarika kwedu kwose kure nesu. Sokunzwira tsitsi kwababa vana vake, saizvozvo Jehovha unonzwira tsitsi vanomutya. Nokuti iye unoziva chatakaitwa nacho, unorangarira kuti tiri guruva.”—Pisarema 103:11-14.
Magumisiro Anofadza
Kwamazuva maviri Mary akanga ari pakati poupenyu norufu, asi akararama. Zvishoma nezvishoma pfungwa dzake dzakagadzikana, uye John akaenda naye kumba, kumba kwaiva kwakakiyirwa mishonga yose. Mary iye zvino anoshanyirwa nguva dzose nevashandi vanoyamura vanhu uye anoti haagoni kutsanangura kana kuti kunyange kuyeuka zvakaita kuti apotse azviuraya.
Iye zvino Sally, muvakidzani waJohn naMary, anodzidza Bhaibheri navo vhiki nevhiki. Vakadzidza muBhaibheri kuti matambudziko anoita seasingabviri kugadzirisa, kunyanya kuvanhu vachembera, achagadziriswa naMwari munguva pfupi iri kutevera. “Ichokwadi kuti kudzidza Bhaibheri hakusi mushonga,” anotsanangura kudaro Sally. “Unofanira kuzviratidza pachako kubva muMagwaro kuti zvipikirwa izvi ndezvechokwadi, uye unofanira kubva waita zvaunodzidza. Asi ndinofunga kuti John naMary vava netariro chaiyo yenguva yemberi.”
Kana ramangwana rako richiita serisina chokwadi uye uchida tariro yechokwadi, wadii waona Zvapupu zvaJehovha? Rega zvikuratidze, sezvazvakaita kuna John naMary, kuti hakuna matambudziko ayo Mwari asingakwanisi kugadzirisa munguva pfupi iri kutevera. Hazvinei kuti zvinhu zvingaratidzika kuva zvakaoma zvikuru sei nhasi, kune mhinduro. Tapota dzidza nesu tariro yechokwadi yenguva yemberi yakapa vanhu vakawanda chido chokurarama zvekare.
[Bhokisi riri papeji 16]
Zvinokonzera Njodzi uye Zviratidzo Zvinonyevera
“Zvinokonzera njodzi yokuzviuraya pavanhu vachembera zvakasiyana nezvevanhu vaduku,” inodaro The Journal of the American Medical Association. Zvinokonzera njodzi zvakadaro zvinosanganisira “kunyanya kunwa doro zvisina mwero uye kuora mwoyo, kunyanya kushandiswa kwenzira dzinokuvadza zvikuru, uye kuva zindoga. Uyezve, vanhu vachembera . . . vanonyanya kurwara-rwara uye kuvhiringidzika nepfungwa.” Bhuku rinonzi Suicide, rakanyorwa naStephen Flanders, rinotaura zvinhu zvinotevera zvinokonzera njodzi, zvose zvinofanira kuongororwa.
Kuora mwoyo zvakanyanya:
“Vanotsvakurudza ruzivo vanoshuma kuti 50 muzana kana kuti kupfuura yaavo vanozviuraya vane nhoroondo yokuora mwoyo zvikuru.”
Kushaya tariro:
Mune kumwe kuongorora, kunyange vanhu vairatidzika sevasina kuora mwoyo vaiva nomukana wakakura wokuzviuraya kana vainge vasina tariro nezveramangwana.
Kudhakwa uye kushandisa zvisina kunaka zvinodhaka:
“Zvinofungidzirwa kuti pakati pe7 ne21 muzana [yezvidhakwa] inozviuraya, zvichienzaniswa nevanhuwo zvavo vasingasviki 1 muzana.”
Zvinoitika mumhuri:
“Kuongorora kunoratidza kuti nhengo dzemhuri dzakarwadziwa nehama yakazviuraya dziri panjodzi huru yokuzviuraya.”
Kurwara:
“Kutya kuchembera, kunoguma nokuiswa mumusha unochengetwa vachembera, kunogona kuita kuti vamwe vanhu vachembera vade kuzviuraya.”
Kurasikirwa:
“Kurasikirwa kunogona kuva chinhu chinooneka, chakadai sewawakaroorana naye kana kuti shamwari, basa kana kuti utano hwomunhu. Chinogonawo kuva chinhu chisingaoneki. Mienzaniso inosanganisira kuzviremekedza, chiremera, kana kuti kunzwa wakachengeteka.”
Kuwedzera kune zvinhu zvinokonzera njodzi izvi, bhuku raFlanders rinotaura zviratidzo zvinotevera zvisingafaniri kunzi hazvina basa.
Kuedza kuzviuraya kwakaitwa kare:
“Ichi ndicho chinhu chikuru chinoratidza kuti kuzviuraya kunogona kuitika.”
Kutaura nezvokuzviuraya:
“Kutaura kwakadai sokuti ‘Havachafaniri kunetseka nezvangu futi’ kana kuti ‘Havanzwi zviri nani kana ndiripo’ mienzaniso yokutyisidzira kuri pachena.”
Kuronga zvinhu kokupedzisira:
“Kuita kwakadaro kunosanganisira kunyora chido chenhaka, kupa vanhu zvinhu zvinokosha, uye kuronga vanosara vachitarisira imbwa kana katsi.”
Kuchinja kwounhu kana tsika:
Kana izvi “zvikaitika panguva inotaurwa mashoko okusazviremekedza kana kuti kushaya tariro,” zvinogona kuva “chiratidzo chokuora mwoyo zvikuru kunogona kutungamirira kukuzviuraya.”
[Mufananidzo uri papeji 17]
Kazhinji vasara vanoda kubatsirwa kuti vanzwisise kuzviuraya kwakaita wavakaroorana naye