RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g00 3/8 pp. 9-12
  • Uranda Hwamazuva Ano—Kuguma Kwahwo Kwava Pedyo!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Uranda Hwamazuva Ano—Kuguma Kwahwo Kwava Pedyo!
  • Mukai!—2000
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuchinja Kwepfungwa
  • Kuenzana uye Kukoshesa Kuremekedza
  • Kuchinja Kwehurumende
  • Unoremekedza Chiremera Chavo Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Kudza Jehovha Nokuzvibata Zvine Chiremerera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Unoremekedza Vamwe Pakupa Zano Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Zvinokwanisika Kuti Vanhu Vose Varemekedzwe
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
Ona Zvimwe
Mukai!—2000
g00 3/8 pp. 9-12

Uranda Hwamazuva Ano—Kuguma Kwahwo Kwava Pedyo!

“Rusununguko rwomunhu mumwe rwakabatana zvikuru norusununguko rwenyika yose. Haugoni kukanganisa rwomunhu mumwe chete pasina kukanganisawo rwomumwe.”—Victor Schoelcher, Mutapi Wenhau Wokufrance Uye Wezvematongerwe Enyika, 1848.

“CHII chisina kunaka pamunhu chave chichimutungamirira nguva dzose kuti ashore, adzore, uye aderedze vamwe vanhu?” vanobvunza kudaro vanyori veThe UNESCO Courier. “Uye zvinodaro sei kuti mhosva yakadaro inoitirwa vanhu yakaramba isina kurangwa kunyange kubvira pakatanga kukosheswa Kodzero Dzavanhu?”

Mhinduro yacho yakaoma. Kukara ndiko kunoita kuti vanhu vashandise vana izvo zvisingadi mari yakawanda uye kuti pave nousungwa hunokonzerwa nechikwereti. Urombo uye kushaya dzidzo zvinonzi ndizvo zvinoita kuti vasikana vatengeserwe kuupfambi uye vamanikidzwe kuroorwa. Tsika dzechitendero uye dzenzanga dzinokonzera uranda kuchitendero. Uye kana vari varume vanoenda kuBangkok kana kuti kuManila kuti vanotsvaka vana vaduku, vakomana kana vasikana vasina AIDS, chavanenge vachida chete kuita zvepabonde navo nounzenza. Zvose izvi zvinowanikwa munyika umo vanhu “vanozvida, vanoda mari, . . . vasina rudo kwazvo rwokuzvarwa narwo, . . . vasingazvidzori, vanotyisa,” mumashoko omuapostora Pauro, mudzidzi womutemo womuzana ramakore rokutanga. (2 Timoti 3:1-5) Rutivi rwomunyika umo ‘chakakombama chisingabviri kururamiswa,’ kushandisa mashoko omutungamiriri wenyika wekare ainzi Soromoni.—Muparidzi 1:15.

Kuchinja Kwepfungwa

Izvi zvinoreva here kuti hapana chinogona kuitwa kana kuti chichaitwa kugumisa uranda zvachose—zvichida zvahwakaita kare kana kuti zvahwakaita mazuva ano? Kwete!

UN Office of the High Commissioner for Human Rights (OHCHR) inoti uranda “mugariro wepfungwa,” ichiwedzera kuti: “Kunyange kana hukabviswa, uranda hunosiya mavanga. Hunogona kupfuurira mupfungwa—dzevaitambudzwa nahwo uye vana vavo uye vanogara nhaka yaavo vaiva varanda—makore akawanda pashure pokunge hwarambidzwa nomutemo.”

Saka imwe nzira yokubvisa uranda ndeyokuchinja mafungiro—kuchinja mwoyo—munyika yose. Uye izvozvo zvinoreva kuchinja dzidzo—kudzidzisa vanhu kudanana uye kuremekedzana. Zvinoreva kubatsira vanhu kubvisa kukara kwemwoyo yavo kwava kurarama mutsika dzakanaka zvikuru. Ndiani angadzidzisa zvakadaro? OHCHR inoti “munhu wose ane zvaanofanira kuita munyika yose isingachadi kuti vamwe vanhu vabatwe noutsinye.”

Funga nezvepurogiramu yedzidzo yave iri kudzidziswa munyika yose neZvapupu zvaJehovha zvechiKristu. Purogiramu iyi yakabudirira kudzidzisa vanhu vane mwoyo yakatendeseka kuti vasashivirira kana kuti kutsigira kubatwa zvisina kunaka kwavanhu. Mamiriyoni avanhu munyika dzinopfuura 230 ave achidzidziswa nepurogiramu yacho kuti aremekedze vamwe vanhu. Nei iyi purogiramu iri kubudirira?

Nokuti inobva muBhaibheri, bhuku rakafuridzirwa noMusiki womunhu. Ibhuku rinosimudzira kuremekedza vanhu. Vanhu vanodzidziswa Bhaibheri mupurogiramu yedzidzo yeZvapupu zvaJehovha vanodzidza kuti Musiki wedu, Jehovha, pachake ndiMwari anoremekedzwa. (1 Makoronike 16:27) Anoremekedza zvisikwa zvake zvose. Izvi zvinosanganisira varume navakadzi vanobva kumarudzi ose, magariro enzanga uye mamiriro ezvemari.—Ona bhokisi rinoti “Rusununguko Nokuzviremekedza Kwavanhu—Zvinobva Kupi?”

Kuenzana uye Kukoshesa Kuremekedza

Bhaibheri rinodzidzisa kuti Mwari “akaita marudzi ose evanhu kubva pamunhu mumwe, kuti agare pamusoro pepasi rose.” (Mabasa 17:26) Saka, hapana anogona kuti ari nani pane vamwe vanhu kana kuti ane kodzero yokudzvinyirira kana kushandisa vamwe vanhu. Vanhu vanoda kudzidza vanosvika pakuziva chokwadi chokuti “Mwari haasaruri, asi murudzi rwose munhu anomutya uye anoita zvakarurama anogamuchirwa naye.” (Mabasa 10:34, 35) Vanoona kuti rudo rwaMwari runobatanidza vose, sezvo ropafadzo yokuva shamwari yake yakazaruka kuvanhu vose. Chokwadi, “Mwari akada nyika zvikuru kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.”—Johani 3:16.

Dzidzo iyi iri muBhaibheri yakachinja vanhu zvikuru. Inogona kuita kuti mwoyo yavanhu uye pfungwa “zvinyatsoitwa zvitsva.” (VaEfeso 4:22-24, Today’s English Version) Inovaita kuti varemekedze vamwe vanhu. Vakashinga ‘kuitira vose zvakanaka.’ (VaGaratiya 6:10) Hapana anogona kuva muKristu wechokwadi kana achishandisa vamwe vanhu zvisina kunaka kana kuvadzvinyirira. Zvapupu zvaJehovha zvinofara kuva boka ravaKristu kufanana neungano yomuzana rokutanga ramakore, umo ‘makanga musina muJudha kana muGiriki, uye makanga musina muranda kana munhu akasununguka. Vose vakanga vari munhu mumwe vari pamwe naKristu Jesu.’—VaGaratiya 3:28.

Kuchinja Kwehurumende

Zvisinei, kuti marudzi ose ouranda agume zvachose, panoda kuchinja kukuru munzanga yavanhu. International Labor Organization inoti kuti pasave nokushandiswa zvisina kunaka kwavanhu, panodiwa “kuchinja mamiriro ezvinhu anobvumira uye kutsigira” miitiro yakadaro. Zvinoitwa munyika yose, kushanda pamwe kwenyika dzose, uye kuzvipira kwenyika yose ndizvo zvimwe zvinhu zvakataurwa nesangano iri.

Zvine musoro kutaura kuti izvi zvaizoda simba rinogona kudzora pasi redu, simba rinogona kuunza rusununguko munyika yose. Boutros Boutros-Ghali, aichimbova munyori mukuru weUN, akati matambudziko chaiwo ari kusangana nepasi redu anofanira kugadziriswa “munyika yose.” Asi haasi munhu wose ane chokwadi chokuti izvozvo zvichaitika chaizvo. Zvakaitika kare zvinoratidza kuti vanhu vakawanda vane simba vane udyire kwazvo uye vanongofunga zvavanoda ivo chete uye zvavanoda kuita kuti pazova nekushandira pamwe kwenyika dzose kwakadaro.

Zvisinei, Bhaibheri—bhuku rimwe chete rakadzidzisa mamiriyoni kuti aremekedze vamwe vanhu—rinoratidza kuti Mwari ane chinangwa chokuunza hurumende yenyika yakadaro. MuBhaibheri uchawana zvipikirwa zvakawanda zvenyika itsva yokururama. (Isaya 65:17; 2 Petro 3:13) Chinangwa chaMwari kubvisa papasi vanhu vose vasingadi Mwari nomuvakidzani. Mwari akaratidza chinangwa chake chokuunza hurumende yenyika yose pavanhu kuti itonge nyika mukururama. Jesu akatiudza kuti tinyengeterere hurumende iyoyo mune unowanzonzi Munyengetero waShe, kana kuti Baba Vedu.—Mateu 6:9, 10.

Kushandiswa kwavanhu zvisina kunaka uye rudzi rwose rwouranda zvichanyangarika mukutonga kwehurumende iyi nokuti Kristu Mambo achatonga “nokururamisira nokururama.” (Isaya 9:7) Vanodzvinyirirwa vachasunungurwa mukutonga kwake kwakarurama, nokuti Bhaibheri rinoti: “Ucharwira mushaiwi kana achidanidzira; nomurombo usina mubatsiri. Uchanzwira nyasha murombo nomushaiwi, uchaponesa mweya yavashaiwi. Uchadzikinura mweya yavo pakutambudzika napakumanikidzwa.”—Pisarema 72:12-14.

Kana uchida kwazvo kuona mugumo wouranda—marudzi ose ouranda—tinokukoka kuti udzidze zvakawanda nezvechinangwa chaMwari chokuunza hurumende yenyika inosunungura. Zvapupu zvaJehovha zviri munharaunda yako zvichafara kukubatsira kuita izvi.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 11]

RUSUNUNGUKO NOKUZVIREMEKEDZA KWAVANHU—ZVINOBVA KUPI?

Tose tinoberekwa tichida rusununguko nokuzviremekedza. Kofi Annan, munyori mukuru weUnited Nations, akataura pfungwa dzine vanhu munyika yose apo akabvunza kuti: “Ndiani angaramba kuti tose tinoda upenyu husina kutya, kutambudzwa nokusarurwa? . . . Ndirini pawakanzwa inzwi romunhu akasununguka richirayira kuti rusununguko rubviswe? Ndokupi kwawakambonzwa muranda achitsigira uranda?”

Pfungwa dzakadaro hadzisi itsva. Achiramba pfungwa yokuti vamwe vanoberekwa kuti vave varanda, muzivi wokuRoma wezana ramakore rokutanga Seneca, muLetters to Lucilius, akanyora kuti: “Ndapota funga kuti munhu waunoti muranda wako akaberekwa sewe, ane denga rakanaka rakafanana nerako pamusoro pake, anofema sezvaunoita, anorarama sezvaunoita, anofa sezvaunoita!”

Imam ʽAlī, anoremekedzwa zvikuru somutsivi wechina waMuḥammad, akataura kuti vanhu vose “vakaenzana pakusikwa.” Saʽdī, mudetembi wezana ramakore rechi13 wokuPersia, akati: “Vana vaAdhama inhengo dzomuviri mumwe chete uye vakasikwa vachibva kuno munhu mumwe chete. Kana nyika ikarwadzisa nhengo imwe chete, dzimwe nhengo hadziwani zororo.”

Nyaya yakafuridzirwa iri muBhaibheri inotaura kuti vanhu vose vane kuzviremekedza kwakafanana. Somuenzaniso, Genesi 1:27 inotsanangura kusikwa kwomunhu ichiti: “Mwari akasika munhu nomufananidzo wake, akamusika nomufananidzo waMwari; akavasika murume nomukadzi.” Musiki wedu ndiMwari worusununguko. “Pane mudzimu waJehovha, pane rusununguko,” akadaro muapostora Pauro. (2 VaKorinde 3:17) Mukusika munhu nomufananidzo wake, Jehovha akapa vanhu kukosha kwakati kuti uye kuzviremekedza. Nokusunungura zvaakasika kubva pa“uranda hwokuora,” achaita kuti vanhu vave norusununguko uye kuzviremekedza kwakadaro nokusingaperi.—VaRoma 8:21.

[Mufananidzo uri papeji 9]

Munhu wose ane kodzero yokuremekedzwa uye yorusununguko

[Mifananidzo iri papeji 10]

DZIDZO YEBHAIBHERI INOTSIGIRA KUZVIREMEKEDZA KWAVANHU UYE INOPA TARIRO YENYIKA ITSVA MUNGUVA YEMBERI

Fundo yeBhaibheri yemhuri muBenin

Runako rwemapopoma aya eBlue Nile muEthiopia rwunoratidza zvichava zvakaita paradhiso ichadzorerwa

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe