Kutenda Kwechokwadi Pakati Penhamo
ANODA kuva makore 60 adarika, Mina Esch akagamuchira positikadhi kubva kumurume wake, Peter. Mashoko acho aive akanyorwa noruoko aive mapfupi uye asina kujeka. Kunyange zvakadaro, akafara uye akanyevenutswa nokurigamuchira. Murume waMina akanga ari musungwa mumusasa wevasungwa muBuchenwald, atumirwa ikoko nehurumende yeNazi nokuva kwake mumwe weZvapupu zvaJehovha. Seri kwepositikadhi kwakanga kune mashoko akajeka okuti: “Musungwa ari kuramba akashinga kuva Mudzidzi weBhaibheri [sokuzivikanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha] . . . Nechikonzero ichochi chete, ropafadzo yokunyorerana kunobvumirwa haaitenderwi.” Mashoko aya akaratidza Mina kuti Peter akanga achiomerera kuva wechokwadi kukutenda kwake.
Positikadhi racho, risisina kusimba uye ratsvukuruka, rakakumbirwa neMuseum of Jewish Heritage—A Living Memorial to the Holocaust, iri muBattery Park, New York City. Pamwe nomufananidzo waPeter Esch, positikadhi racho rinotsanangurawo chikamu chiduku chenhamo huru yavanhu—Ruparadziko Rukuru—umo vaJudha mamiriyoni matanhatu vakatsakatika. Nzvimbo inokosha yokuratidzira ine mapikicha anopfuura 2 000 uye zvinhu 800 zvenhau netsika zvinoratidza zviitiko zvenzanga yechiJudha kubva kuma1880 kusvika zvino, kubatanidza Ruparadziko Rukuru. Nei Museum of Jewish Heritage iri nzvimbo yakakodzera kuratidza tsamba yaPeter Esch?
“Chinangwa chemiyuziyamu yacho ndechokumirira nhoroondo yavaJudha,” akadaro munyori wenhau dzakaitika wepanzvimbo iyoyo Dr. Jud Newborn. “Zvapupu zvaJehovha zvakatambudzwa nokuda kwezvazvakanga zviri. Zvapupu zvakatambudzwa kwazvo nokuda kwezvazvinotenda uye nokuti zvaisaita zvourudzi, nokupikira kuzviisa pasi pambimbindoga wenyika yose, akaipa. Uye zvaisarwa muhondo yake. . . . VaJudha vaitamburira kuti vachengetedze tsika dzavo uye kutenda kwavo nemhaka yokutambudzwa zvakanyanya. Nzvimbo yacho inochengeta kutsungirira ikoko kwokunamata. Nokuda kwaizvozvo, nzvimbo iyi inobvuma uye inoyemura kutenda kweZvapupu zvaJehovha munguva dzokutonga kweNazi.”
Mumusha wayo wenguva duku paMuseum of Jewish Heritage, imwe tsambawo zvayo inoratidza kutambura kwomurume akaedzwa kuvimbika kwake kuna Jehovha. Peter Esch akapukunyuka kutambudzwa kwake mumusasa weNazi, kutenda kwake kusina kuchinja.
[Mufananidzo uri papeji 15]
Museum of Jewish Heritage, muNew York City
[Mufananidzo uri papeji 15]
Esch, mumwe weZvapupu zvaJehovha, akaiswa mujeri kubva muna 1938 kusvika muna 1945 nokuramba kusiya zvaaitenda