RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g00 5/8 pp. 8-9
  • Pasi Risina Zvimbambaira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Pasi Risina Zvimbambaira
  • Mukai!—2000
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuita Kuti Pave Nenzanga ine Rugare
  • Zvimbambaira—Kuwana Mutengo Wacho
    Mukai!—2000
  • Zvimbambaira—Tyisidziro Yenyika Yose
    Mukai!—1994
  • Kupera Kwehondo
    Mukai!—1999
  • Rugare Rwechokwadi—Rwunobva Mumanyukoi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
Ona Zvimwe
Mukai!—2000
g00 5/8 pp. 8-9

Pasi Risina Zvimbambaira

NDIANI angapedza dambudziko rezvimbambaira? Sezvataona, kuedza kwevanhu hakugoni kubvisa kuvenga, kuoma musoro uye kukara. Zvisinei, vadzidzi veBhaibheri vanoziva kuti Musiki anogona kuunza mhinduro yechigarire. Asi achazviita sei?

Kuita Kuti Pave Nenzanga ine Rugare

Hondo dzinorwiwa nevanhu, kwete nezvombo. Saka, kana tichida kuona rugare, ruvengo runoparadzanisa vanhu kuva marudzi, madzinza uye venyika yakati runofanira kubviswa. Mwari anopikira kuti achaita izvi achishandisa Umambo hwake, uhwo mamiriyoni evanhu munyika yose akadzidziswa kunyengeterera.—Mateu 6:9, 10.

Bhaibheri rinotaura nezvaJehovha sa“Mwari anopa rugare.” (VaRoma 15:33) Rugare urwo Mwari anopa harubvi pakurambidza kana zvibvumirano, uye haruwanikwi pakutya kurangwa neimwe nyika yevavengi yakanyatsoshongedzera zvombo. Kusiyana neizvozvo, rugare runopiwa naMwari runosanganisira kuchinja nzira iyo vanhu vanofunga nayo uye maonero avanoita vamwe vanhu.

Jehovha Mwari achadzidzisa vanyoro munzira dzake dzorugare. (Pisarema 25:9) Shoko rake, Bhaibheri, rinopikira nguva apo vose vari vapenyu vachava “va[nhu] vanodzidziswa naJehovha, rugare rwavana vako ruchava rukuru.” (Isaya 54:13) Kusvika pakati kuti, izvi zviri kutoitika. Munyika yose, Zvapupu zvaJehovha zvinozivikanwa nokutsigira rugare pakati pevanhu kunyange vanobva kunzvimbo dzakasiyana-siyana chaizvo. Vanhu vanodzidziswa nezvenheyo dzakanaka kwazvo dzeBhaibheri vanoedza kurarama vakabatana pasinei nenhau dzingadai dzichivaparadzanisa. Dzidzo yeBhaibheri inochinja maonero avo ose kubva pakuva okuvenga kuva orudo.—Johani 13:34, 35; 1 VaKorinde 13:4-8.

Kunze kwedzidzo, kudiwa kwokuti nyika yose ibatane kwave kuchinzi ndicho chinhu chinokosha pakuita kuti zvombo zvibviswe. Somuenzaniso, International Committee of the Red Cross inoti nzanga yenyika yose ibatane mukutsigira zvirongwa zvokudzivisa uye kugadzirisa dambudziko rokutyisidzira kwezvimbambaira.

Jehovha anopikira kuita zvakawanda kudarika izvozvo. Muprofita Dhanieri akafanotaura kuti: “Mwari wokudenga uchamutsa ushe, husingatongozoparadzwi . . . huchaputsanya nokuparadza ushe uhwo hwose [huripo zvino], ihwo huchamira nokusingaperi.”—Dhanieri 2:44.

Umambo hwaMwari huchaita zvisingakwanisi kuitwa navanhu. Somuenzaniso, Pisarema 46:9 inoprofita ichiti: “[Jehovha] unogumisa kurwa kusvikira pakuguma kwenyika; unovhuna uta, nokuvhuna-vhuna pfumo; unopisa ngoro dzokurwa nomoto.” Umambo hwaMwari huchaunza mamiriro ezvinhu akanaka umo vanhu vachava norugare rwechokwadi noMusiki wavo uye nevamwe vanhu.—Isaya 2:4; Zefania 3:9; Zvakazarurwa 21:3, 4; 22:2.

Augusto, ataurwa munhanganyaya yenyaya yapfuura, anonyaradzwa nemashoko aya eBhaibheri. Vabereki vake, avo vari Zvapupu zvaJehovha, vari kumubatsira kuti atende zvipikirwa izvi zvakaisvonaka zveBhaibheri. (Mako 3:1-5) Chokwadi, panguva ino anofanira kutsungirira kurwadza kwokuputika kwechimbambaira chakamuremadza. Kunyange zvakadaro, Augusto anotarira mberi kunguva apo zvakapikirwa naMwari zvenyika itsva zvichaitika. “Ipapo,” akafanotaura kudaro muprofita Isaya, “meso amapofu achasvinudzwa, . . . unokamhina uchakwakuka senondo.”—Isaya 35:5, 6.

Muparadhiso iyoyo iri kuuya, zvimbambaira hazvizoisi upenyu, gumbo kana ruoko mungozi. Asi, vanhu vanorarama kumativi ose apasi vachagara vakachengeteka. Muprofita Mika akazvitsanangura achiti: “Asi mumwe nomumwe achagara pasi pomuzambiringa wake napasi pomuonde wake, hakuna ungazovatyisa, nokuti muromo waJehovha wehondo wakataura izvozvo.”—Mika 4:4.

Ungada kudzidza zvakawanda nezvezvakapikirwa naMwari zviri muShoko rake Bhaibheri here? Ona Zvapupu zvaJehovha zviri munzvimbo yaunogara, kana kuti nyora tsamba kukero yakakodzera pane dziri papeji 5 yemagazini ino.

[Mufananidzo uri papeji 9]

Mukutonga kwoUmambo hwaMwari, zvimbambaira hazvizoisi upenyu mungozi

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe