RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g94 8/8 p. 31
  • Zvimbambaira—Tyisidziro Yenyika Yose

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvimbambaira—Tyisidziro Yenyika Yose
  • Mukai!—1994
  • Mashoko Akafanana
  • Zvimbambaira—Kuwana Mutengo Wacho
    Mukai!—2000
  • Kubatira Ura Mumaoko
    Mukai!—2000
  • Kuparadza Vana Kunoita Hondo
    Mukai!—1997
  • Rutyo—Runozivikanwa Navose Zvino asi Kwete Nokusingaperi!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
Ona Zvimwe
Mukai!—1994
g94 8/8 p. 31

Zvimbambaira—Tyisidziro Yenyika Yose

ZVIURU zvavarume, vakadzi, uye vana vasina mhaka munyika dzinopfuura 60 zvinoremadzwa, uye zvimwe kuurawa, mwedzi uri wose nezvimbambaira. Kunofungidzirwa kuti zvimbambaira zvokurwisana navanhu vehondo zvakauraya kana kuti kukuvadza vanhu vakawanda kupfuura hondo yokushandiswa kwamakemikoro, yokushandiswa kwezvinhu zvipenyu, uye yenyukireya. Mukuwirirana nesangano rokunzvera rinonzi Human Rights Watch, vanhu vane 30 000 vakaremadzwa nezvimbambaira muCambodia moga.

Izvi zvinoputika zviduku zvakaiswa muvhu mukati merwisano dzakasiyana-siyana, uye zvakawanda zvikurusa zvazvo hazvina kutongobviswa. Kunofungidzirwa kuti mamiriyoni 100 azvo achiri akavanzwa munyika dzinopfuura 60. Zvinogona kuputitswa nokungotsika bedzi uye zvakakurumbira muhondo nemhaka yokuti hazvidhuri uye zvinoshanda. Rumwe rudzi runoita Z$24 bedzi. Rumwe, urwo runobudisa mbumburu dzedare 700 nokuuraya ruri padaro ramamita 40, runongoita $216 bedzi. Kudikanwa kwacho kukuru kwazvo, The New York Times inoshuma kudaro, zvokuti nyika 48 zvino dzinogadzira ndokutengesa marudzi azvo akasiyana-siyana 340. Uye zvakawanda zvinoiswa muvhu zuva rimwe nerimwe kupfuura zvinoitwa kuti zvisashande nezvemabasa okubviswa kwezvimbambaira.

Kubvisa zvimbambaira kwakaoma uye kunodhura, sezvo hondo zhinji dzisingachengeti zvinyorwa zvenzvimbo dzadzakaisa zvimbambaira; uye zvimbambaira zviri kugadzirwa nomutoo unowedzera nemiti, purasitiki, uye zvimwe zvinhu izvo zvinonzvenga zvinobata simbi. Mutezo wakatanhamara wedare ramakurukota reUnited States Patrick Leahy, uyo akarayira chirambidzo pakubudiswa kunze kwenyika kweizvi zvombo, akataura, kuti: “MuNetherlands, vanhu vachiri kuurawa nezvimbambaira zveGermany zvomuHondo yeNyika II. Funga kuti kwakaipa zvikuru sei muAfghanistan, Cambodia, Angola, Bosnia nedzimwe nyika dzose idzo dzakateyiwa zvimbambaira zvikurusa.”

Nyika itsva yaMwari iri kuuya ndiyo bedzi ichapedza zvinetso zvakadaro. Shoko Rake rinopikira, kuti: “[Mwari] unogumisa kurwa kusvikira pakuguma kwenyika; unovhuna uta, nokuvhuna-vhuna pfumo; unopisa ngoro dzokurwa nomwoto.”—Pisarema 46:9.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe