Kutanga ‘Kutaura’ Kwakaita Loida
Yakataurwa naAmai vaLoida
KUNGOFANANA naamai vose vari kutarisira kusununguka, ndainetseka kuti mwana wangu angangozvarwa aine urema hwakati. Zvisinei, ndakanga ndisina kugadzirira kuchema kunoodza mwoyo kwaLoida, mwana wangu wechitatu, paakazvarwa. Netsaona, chiremba akanga atyora bendekete raLoida nembato dzake. Vhiki dzinoverengeka pashure pokuvhiya kwokururamisa, Loida akaendeswa kumba. Zvisinei, mufaro wedu wakanga uri wenguva pfupi.
Mumwedzi mishoma yakatevera, zvakava pachena kuti chimwe chinhu chakanga chakakanganisika zvikuru. Kurapwa kwaLoida kwakakonzera zvimwe zvirwere—kusanganisira fivha, manyoka, nokugwinha—uye kurapwa kwezviratidzo izvi kwakaratidzika sekuri kungoita kuti mamiriro ake ezvinhu anyanye kuipa. Munguva pfupi yakatevera Loida akanga ave kutadza kudzora kufamba kwomuviri wake. Pakupedzisira vanachiremba vakatiudza kuti Loida akanga ane chirwere chepfungwa chokusagona kudzora muviri. Vakati aisazofamba kana kutaura—kana kunyange kutinzwisisa.
Kuedza Kwokutanga Pakukurukurirana
Pasinei nokusavapo kwetarisiro yokupora, ndakanga ndichiri kunzwa kuti Loida aigona kunzwisisa zvinhu zvakawanda. Saka ndaimuravira mabhuku akareruka uye ndaiedza kumudzidzisa arufabheti. Asi Loida aisagona kutaura, uye akanga asingamboratidzi kuziva zvandakanga ndichitaura. Pakanga pasina nzira yokuziva kana chii—kana zvaimbovapo—zvaaigona kunzwisisa.
Sezvo makore akapfuurira, kuedza kwangu kudzidzisa Loida kwakaratidza kusabudirira. Zvekare, ndakapedza maawa akawanda ndichimuravira. Taitomubatanidzawo mufundo yedu yeBhaibheri naNoemí, mwanasikana wedu gotwe, tichishandisa mabhuku anonzi KuTerera kunoMudzidzisi muKuru uye Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri.a Ndairavira Loida zvitsauko zvakawanda kubva mumabhuku aya kakawanda.
Kusagona kukurukurirana nomumwe munhu waunoda zvinovhiringidza zvechokwadi. Pandaienda naLoida kupaka, aichema zvisinganyararidziki. Nei? Zvairatidzika kwandiri sokuti airwadziwa nokuti aisagona kumhanya nokutamba sezvaiita vamwe vana. Pane chimwe chiitiko, Loida akangoerekana ochema apo mukoma wake akandiravira chimwe chinhu mubhuku rokuchikoro. Zviri pachena kuti chimwe chinhu chakamunetsa, asi ndakanga ndisingazivi kuti chaiva chii. Kutaura kwaLoida kwaingova ruzha rwusinganyatsoburitsi mashoko, rwairatidza zvinokosha zvaaida zvokudya, mvura, kurara, kana kuenda kuchimbudzi.
Pazera remakore mapfumbamwe, Loida akatanga kupinda chikoro chevana vane zvinodiwa zvinokosha. Zvisinei, mumakore matatu akatevera, mamiriro ake ezvinhu akawedzera kuipa. Akanga otya kunyange kufamba nhanho shomanana pasina kubatsirwa, uye akabva arega kana kuburitsa manzwi api naapi. Ini nomurume wangu takasarudza kuti zvaizova nani kudzidzisira Loida pamba.
Kwemakore matanhatu akatevera, ndakadzidzisa Loida zvakanaka sezvandaigona. Ndainyora mabhii pabhodhi, ndine tariro yokuti Loida aizogona kuakopa. Nhamburiko dzangu dzakanga dzisingabatsiri. Chinetso chacho kwakanga kuri kutadza kunzwisisa here, kana kuti Loida aitadza kunyora nokuti akanga asingagoni kudzora kufamba kwamaoko ake?
Pazera remakore 18, Loida akasvika pakunetsa kubata naye zvokuti ndakanyengetera kuna Jehovha zvakasimba, ndichimukumbira kuti andibatsire kukurukura nemwanasikana wangu. Mhinduro yomunyengetero wangu yakauya nenzira isingafungidziriki.
Kutanga Kutaura
Nguva yokuchinja yakauya apo vanasikana vangu vakanga vave kushongedzazve imba yedu yokurara. Vasati vabvisa chinonamirwa kumadziro chakasakara, Noemí akanyora mazita pamadziro—mazita omuBhaibheri uye mazita eshamwari neenhengo dzemhuri. Achingoda hake kuziva, mwanasikana wangu Rut akabvunza Loida kana aiziva pakanga pakanyorwa kuti “Jehovha.” Zvinoshamisa kuti Loida akaenda pamadziro akaisa musoro wake pedyo nepakanga pane zita raMwari. Rut akada kuziva kana Loida aizoziva mamwe mazita, saka akamuedza. Rut akashamiswa kuti Loida aigona kuziva rimwe nerimwe rawo—kunyange mazita aakanga asati amboona akanyorwa! Rut akaunganidza mhuri yose kuti izvionere. Loida aigona kurava!
Nokufamba kwenguva takava nenzira yaizobatsira Loida “kutaura” nesu. Takanamira mabhii earufabheti pamadziro emokufamba namo. Kuisa mabhii maduku pabhodhi rinobatwa namaoko hakwaizobatsira, nokuti Loida haagoni kudzora zvakakwana maoko ake kuti anongedzere bhii roga roga. Saka Loida paaida kutaura, aiperetera mashoko acho nokufamba achienda pabhii roga roga pamadziro. Sezvaunogona kufungidzira, izvi zvaigona kunetesa zvikuru. Kutaura zvazviri, Loida aitofanira kufamba makiromita kuti angonyora peji imwe yokutaura, uye zvaimutorera maawa kuti aipedze!
Kunyange zvakadaro, Loida anofara nokugona “kutaura” nesu. Kutaura zvazviri, aya ndoakanga ari mashoko ake okutanga kwatiri: “Ndinofara zvokuti, nokubatsira kwaJehovha, zvino ndinogona kutaura.” Tashamiswa, takabvunza Loida kuti: “Waiitei pawainge wakagara zuva rose?” Loida akatiudza kuti aifunga mupfungwa dzake zvaaida kuti ataure kwatiri. Zvechokwadi, Loida akati kwemakore 18 ave ane shungu dzokutaura. “Apo Rut akatanga kuenda kuchikoro,” akadaro, “ndaizviravira bhuku rokuchikoro. Ndaifambisa muromo wangu ndichibudisa mashoko, asi hamaindinzwisisa. Ndosaka kakawanda ndaitanga kuchema.”
Ndakakumbira ruregerero ndichichema nokusakwanisa kumunzwisisa zvakanaka. Loida akapindura kuti: “Muri amai vakanaka, uye hamuna kumboneta. Nguva dzose ndave ndichifara kuva nemi. Ndinokudai zvikuru. Saka chiregai henyu kuchema. Manzwa?”
Kufambira Mberi Mumudzimu
Loida akanga atove noruzivo rweBhaibheri, uye akanga ave kutoziva dzimwe ndima dzeBhaibheri nomusoro. Asi munguva pfupi yakatevera akatiudza kuti aida kupindura paFundo yeNharireyomurindi yeungano, kurukurirano yevhiki nevhiki yeBhaibheri yomubvunzo nemhinduro. Aizozviita sei? Mumwe wedu aizorava nyaya yacho yose kwaari. Ipapo Loida aizosarudza mubvunzo waaida kupindura. Tainyora mhinduro yake sezvaaiiperetera kwatiri. Zvadaro, pamusangano, mumwe wedu aizorava mhinduro yaLoida. “Kugona kupindura kunondifadzawo,” Loida akambotiudza kudaro, “nokuti zvinondiita kuti ndibatanidzwe neungano.”
Paakanga ava nemakore 20, Loida akaratidza chido chokubhabhatidzwa. Paakabvunzwa kuti aiziva kuti zvairevei kuzvitsaurira kuna Jehovha, Loida akapindura kuti akanga atozviita nechekare makore manomwe akanga apfuura—paakanga achingova nemakore 13 chete. “Ndakanyengetera kuna Jehovha,” akadaro, “uye ndakamuudza kuti ndaida kumushumira nokusingaperi.” Musi waAugust 2, 1997, Loida akaratidza kuzvitsaurira kwake kuna Jehovha nokubhabhatidzwa mumvura. “Ndinoonga Jehovha,” Loida akatiudza kudaro, “chido changu chikuru chazoitika!”
Loida anonakidzwa nokutaura nezvoUmambo hwaMwari kuhama nevavakidzani. Pane imwe nguva anotiperekedza patinoparidza kuvanhu pamugwagwa. Akanyorawo tsamba yatinosiya pamusuo kana pasina munhu pamba. Loida anofarira vakwegura nevanorwara. Somuenzaniso, tine hanzvadzi iri muungano yedu ine gumbo rakadimburwa. “Ndinoziva kuti zvinorevei kusagona kufamba,” Loida akatiudza kudaro, saka akanyora tsamba yokukurudzira hanzvadzi iyi. Uye pana Jairo, mukomana ari mune imwe ungano, akaoma rutivi kubva kumusoro kusvika kutsoka. Apo Loida akanzwa nezvemamiriro ezvinhu akaipa emukomana uyu, akamunyorera tsamba. Mune chimwe chikamu, yaiti: “Munguva pfupi iri kutevera Jehovha achatiporesa. Muparadhiso munenge musina kutambudzika. Ipapo ndichada kumhanya newe ndikusiye. Ndiri kuseka hangu nokuti achange ari mafaro makuru. Kufunga kuti tichava semasikirwo atakaitwa naJehovha, pasina kurwara . . . Hazvishamisi here?”
Kubatsirwa Kuti Atsungirire
Zvino ndinonzwisisa zvinhu zvakawanda nezveunhu hwaLoida hwokutanga hwaigara huchindivhiringidza. Somuenzaniso, Loida anoti paakanga achiri muduku aisada kumbundirwa nokuti aivhiringidzika kwazvo. “Zvairatidzika sezvisina kunaka kuti vakoma vangu vaigona kutaura nokudzidza zvinhu zvandakanga ndisingagoni,” akadaro. “Ndaitsamwa chaizvo. Pane dzimwe nguva ndaishuva kuti dai ndakafa.”
Kunyange ave nechipo chokutaura, Loida anotarisana nezvibingamupinyi zvakawanda. Somuenzaniso, mwedzi mumwe nomumwe kana kuti kupfuura anova nokugwinha kunotevedzana apo anoratidzika seari kudzipwa uye maoko ake namakumbo zvinofamba zvisingadzoreki. Uyezve, kurwara kwose—kunyange chikosoro chiduku—kunomunetesa zvakanyanya. Nguva nenguva Loida anonzwa aora mwoyo nezvemamiriro ake ezvinhu. Chii chinomubatsira kuti atsungirire? Regai akuudzei namashoko ake oga:
“Munyengetero wave uchibatsira zvikuru. Zvinondifadza zvikuru kutaura naJehovha, kuti ndinzwe ndiri pedyo naye. Ndinoonga rudo uye kufungwawo nevamwe vanouya paHoro yoUmambo. Ndinonzwa ndichifara kuti pasinei nezvinetso zvangu zvokunyama, ndakarerwa navabereki vaviri vanoshamisa vanondida zvikuru. Handifi ndakakanganwa zvandakaitirwa nevakoma vangu nomunin’ina. Mabhii iwayo akanga akanyorwa pamadziro akaponesa upenyu hwangu. Pasina rudo rwaJehovha uye rudo rwemhuri yangu, upenyu hwangu hungadai husina chinangwa.”
[Mashoko Omuzasi]
a Akabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc. KuTerera kunoMudzidzisi muKuru zvino harichadhindwi.
[Mufananidzo uri papeji 24]
Loida nevemhuri yake