RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g00 5/8 p. 25
  • Shiri Ingadzidzisei Musungwa?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Shiri Ingadzidzisei Musungwa?
  • Mukai!—2000
  • Mashoko Akafanana
  • Bhokisi Remibvunzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Kuvachinja Chaiko Kunobvira Here?
    Mukai!—2001
  • Mufaro Wokutarira Shiri
    Mukai!—2001
Mukai!—2000
g00 5/8 p. 25

Shiri Ingadzidzisei Musungwa?

NOMUNYORI WEMUKAI! MUSOUTH AFRICA

MAERERANO neSunday Tribune yeDurban, muSouth Africa, shiri dziri kuita basa mukupfavisa mwoyo yevasungwa paJeri rePollsmoor. Iye zvino vasungwa 14 vari mupurogiramu inosanganisira kutarisira maparoti nehangaiwa mumakamuri avo mujeri.

Purogiramu yacho inoshanda sei? Musungwa mumwe nomumwe ane chinochechenya mazai chenguva duku mukamuri rake. Kanyana kanotanga kutarisirwa nomusungwa, anodyisa namaoko kapuka kasingagoni kuzvidzivirira paawa yoga yoga kana maviri, masikati nousiku, kwedzinoda kuva vhiki shanu. Ipapo shiri yacho inoiswa mukeji inochengetwawo muchitokisi chacho. Apo shiri yacho inenge yakura, inotengeswa kuvanhu. Vamwe vasungwa vanosvika pakuda shiri dzavo zvikuru zvokuti vanochema apo kuparadzana kusingadzivisiki kunoitika.

Kunyange mamwe matsotsi emakoko akachinja zvinooneka kuva akapfava uye manyoro pashure pokutaura kune shiri nokudzitarisira zuva nezuva. Mumwe musungwa akati: “Ndinopingudza shiri, asi idzo dzakandipingudzawo.” Mumwe anoti shiri dzacho dzakamudzidzisa kushivirira uye kuzvidzora. Imwe mbavha yakawanwa ine mhosva inoti kutarisira shiri kwakaiita kuti ione kuti kuva mubereki “mutoro mukuru”—chimwe chinhu chaairegeredza kuvana vake pachake paakanga akasununguka.

Kutarisira shiri idzi kune zvimwe zvinobatsira kuvasungwa. “Nounyanzvi hwavanodzidza kuno,” anodaro Wikus Gresse, akatanga chirongwa chacho, “vanogona kuwana basa kunze kune vanochengeta shiri kana kuti kuna chiremba wemhuka.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe