Shiri Ingadzidzisei Musungwa?
NOMUNYORI WEMUKAI! MUSOUTH AFRICA
MAERERANO neSunday Tribune yeDurban, muSouth Africa, shiri dziri kuita basa mukupfavisa mwoyo yevasungwa paJeri rePollsmoor. Iye zvino vasungwa 14 vari mupurogiramu inosanganisira kutarisira maparoti nehangaiwa mumakamuri avo mujeri.
Purogiramu yacho inoshanda sei? Musungwa mumwe nomumwe ane chinochechenya mazai chenguva duku mukamuri rake. Kanyana kanotanga kutarisirwa nomusungwa, anodyisa namaoko kapuka kasingagoni kuzvidzivirira paawa yoga yoga kana maviri, masikati nousiku, kwedzinoda kuva vhiki shanu. Ipapo shiri yacho inoiswa mukeji inochengetwawo muchitokisi chacho. Apo shiri yacho inenge yakura, inotengeswa kuvanhu. Vamwe vasungwa vanosvika pakuda shiri dzavo zvikuru zvokuti vanochema apo kuparadzana kusingadzivisiki kunoitika.
Kunyange mamwe matsotsi emakoko akachinja zvinooneka kuva akapfava uye manyoro pashure pokutaura kune shiri nokudzitarisira zuva nezuva. Mumwe musungwa akati: “Ndinopingudza shiri, asi idzo dzakandipingudzawo.” Mumwe anoti shiri dzacho dzakamudzidzisa kushivirira uye kuzvidzora. Imwe mbavha yakawanwa ine mhosva inoti kutarisira shiri kwakaiita kuti ione kuti kuva mubereki “mutoro mukuru”—chimwe chinhu chaairegeredza kuvana vake pachake paakanga akasununguka.
Kutarisira shiri idzi kune zvimwe zvinobatsira kuvasungwa. “Nounyanzvi hwavanodzidza kuno,” anodaro Wikus Gresse, akatanga chirongwa chacho, “vanogona kuwana basa kunze kune vanochengeta shiri kana kuti kuna chiremba wemhuka.”