RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 4/03 p. 7
  • Bhokisi Remibvunzo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhokisi Remibvunzo
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Mashoko Akafanana
  • Kuvachinja Chaiko Kunobvira Here?
    Mukai!—2001
  • Majeri Ndiwo Anotoparirawo Dambudziko Racho Here?
    Mukai!—2001
  • “Machinja Maonero Andinoita Zvapupu zvaJehovha”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • “Ngatiitirei Vose Zvakanaka”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
km 4/03 p. 7

Bhokisi Remibvunzo

◼ Tinofanira kuteerera nyevero dzipi pakupupurira vasungwa?

Pasi pose pane vasungwa vanenge mamiriyoni masere, vamwe vavo vanoratidza kufarira mashoko akanaka. (1 Tim. 2:4) Hofisi yebazi redu inogamuchira tsamba 15 paavhareji mwedzi mumwe nomumwe kubva kuvasungwa uye kunhengo dzemhuri dzavo vachikumbira mabhuku kana kuti kushanyirwa. Kunyange zvazvo kufarira kwevasungwa vakawanda kuri kwomwoyo wose, zvakaitika zvakaratidza kuti vamwe vanonyepedzera kufarira, vachitsvaka kushandisa vanhu vaMwari pazvinangwa zvoudyire. Tichifunga nezveizvi, tose tinofanira kuteerera nyevero dzinotevera maererano nokupupurira vasungwa.

Mune zvinoitika zvakawanda vasungwa vanopupurirwa netsamba. Hanzvadzi dzinonyeverwa zvikuru kusanyorera vasungwa vechirume, kunyange kana dziine chinangwa chokubatsira pakunamata. Mutoro iwoyo unofanira kuitwa nehama dzakakodzera chete. Hanzvadzi dzakakodzera dzinganzi dzinyorere vasungwa vechikadzi vanoratidza kufarira chokwadi cheBhaibheri nomwoyo wose. Mari kana zvipo zvomunhu pachake hazvifaniri kutumirwa vasungwa, pasinei nokuti izvozvo zvingave zvakumbirwa.

Musungwa paanoratidza kufarira, zita rake nekero zvinofanira kupiwa ungano iri munharaunda mune zvivako zvejeri racho. Kazhinji hama dzakakodzera dzeikoko dzinoziva mabatiro adzingaita nemamiriro ezvinhu akasiyana-siyana angamuka. Kana ungano yacho isingazivikanwi, mashoko acho anofanira kutumirwa kuhofisi yebazi.

Hazvina kuipa kuti hama dzakanzi dziendeko dziite misangano nevasungwa kuitira kuti vanoverengeka vadzidze panguva imwe chete. Zvisinei, zviitiko zvinokosha apo vaparidzi vangavhengana zvisingadzorwi nevasungwa hazvifaniri kuitirwa mujeri. Uyezve, hazvikurudzirwi kuti vaparidzi vashanye kujeri ndokushamwaridzana nevasungwa zvisina kufanorongwa.

Ngativei ‘vakangwarira senyoka asi tisina mhaka senjiva’ sezvatinoudza vasungwa mashoko akanaka.—Mat. 10:16.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe