Kuvachinja Chaiko Kunobvira Here?
“Hapana munhu anogona kumanikidza mumwe munhu kuti apingudzwe. Kuchinja kunofanira kubva mumwoyo womunhu pachake uye achida.”—VIVIEN STERN, MUBHUKU RINONZI A SIN AGAINST THE FUTURE—IMPRISONMENT IN THE WORLD.
MUSIMBOTI wokuchinja chaiko pakati pevasungwa uri padzidzo uye kuchinja unhu nemafungiro. Pasina mubvunzo, pane vamwe vanhu vari kuedza zvepachokwadi kudzidzisa nokubatsira vasungwa. Basa iroro rakanaka risina udyire rinoyemurwa nevasungwa vakawanda.
Vamwe vanhu vangati zvose zvine chokuita nemajeri hazvichagadzirisiki uye kuti hazvitomboiti kuti vasungwa vachinje mumamiriro ezvinhu akadaro. Nepo chingava chokwadi kuti kupfigira kwoga hakupi unhu hutsva, murayiridzo weBhaibheri wabatsira vamwe kuchinja upenyu hwavo. Izvi zvinoratidza kuti kuchinja kunogona kuitika pamunhu nomunhu.
Nhasi, vamwe vasungwa vari kuchinja mafungiro nomufambiro vachibatsirwa neBhaibheri. Sei? Nokuteerera zano reBhaibheri rinoti: “Musazvienzanisa negadziriro ino yezvinhu, asi shandurwai nokuvandudza pfungwa dzenyu, kuti muzviwanire chiri kuda kwaMwari kwakanaka uye kunogamuchirika uye kwakakwana.” (VaRoma 12:2) Izvi zvinoitwa sei?
Zvinoitwa neBhaibheri
Vanhu vazhinji vanofunga kuti chitendero chinogona kuita basa guru mukubatsira vasungwa kupfidza zvavaiita kare. Chokwadi, chinetso chikuru pakuita izvi ndechokuti kuchinja kupi nokupi kwounhu kunoitwa mujeri kunopera panongobudiswa musungwa wacho. Mumwe musungwa akazvitaura achiti: “Vanhu vakawanda vanowana Kristu munzvimbo ino—asi pavanobva pano, vanosiya Kristu mumashure!”
Zvakaitika zvinoratidza kuti kuchinja kwechokwadi kunofanira kuitika mukati—mupfungwa nomwoyo zvomupari wemhosva—uye zvichibva parupfidzo rwechokwadi rwokutadza kwakaitwa kare. Purogiramu yedzidzo yeBhaibheri inogona kubatsira munhu kudzidza manzwiro anoita Mwari nezvouipi uye nei hwakaipa. Izvi zvichamupa zvikonzero zvakasimba zvokurega kuramba achifamba nenzira iyoyo.
Zvapupu zvaJehovha zviri kuita purogiramu yedzidzo yeBhaibheri yakadaro mumajeri akawanda munyika yose, zvichiva nemigumisiro yakaisvonaka. (Ona peji 10.) “Takabatsirwa kuwana zvinotaura Bhaibheri nezvechinangwa choupenyu uye zvikomborero zvichawanikwa nevanhu munguva yemberi,” akadaro mumwe musungwa, ndokuzoti: “Idzidzo inoshamisa!” Mumwe musungwa akati: “Tiri kusarudza zvokuita tichitungamirirwa nezano raMwari. . . . Tinoona kuti tiri kuchinja. Tava kuziva kuti ndezvipi zvinoiswa pakutanga muupenyu.”
Chokwadi, kuchinja kwacho hakusi kungodiwa mumajeri chete. Chinoita kuti dambudziko remajeri ripere kubvisa zvinoita kuti padiwe majeri. Chimwe chechokwadi cheBhaibheri chakaisvonaka chakatora mwoyo yevasungwa vakawanda chinotaurwa muchipikirwa chaMwari chokuti: “Vanoita zvakaipa vachagurwa . . . Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagaramo nokusingaperi.”—Pisarema 37:9, 29.
Panoitika izvozvo, mitemo yaMwari yakakwirira ichagadzwa nehurumende isina uori ine rudo uye yakasimba, Umambo hwaMwari hwokudenga pasi paKristu—hurumende yakadzidziswa vaKristu kuti vanyengeterere. (Mateu 6:10) Munyika itsva iyoyo, mugari wose wemo achachinjwa nokudzidza mitemo yaMwari yakanaka zvikuru. Ipapo zvichava zvechokwadi zvisati zvamboitika kuti “nyika yose ichazara nokuziva Jehovha, sezvinofukidza mvura pasi pegungwa.” (Isaya 11:9) Mugumisiro wacho uchava wei? Vagari vomunyika itsva vanoteerera mutemo “vachafarikanya kwazvo norugare rukuru.”—Pisarema 37:11.
[Bhokisi/Mifananidzo riri papeji 10]
Kuvapa Mukana Wokuva Netariro
Kweanopfuura makore 20, vashumiri vanozvipira veZvapupu zvaJehovha vakaita purogiramu inobudirira yedzidzo yeBhaibheri mujeri reAtlanta, Georgia, kuU.S.A. Munguva iyoyo, vasungwa vanopfuura 40 vakabatsirwa kuva vashumiri vakabhabhatidzwa veZvapupu zvaJehovha, uye vamwe vanopfuura 90 vakabatsirikanawo nezvidzidzo zveBhaibheri zvenguva dzose.
Nguva pfupi ichangopfuura Mukai! yakataura nevadzidzisi veBhaibheri vanoverengeka vakashanda nomwoyo wose mujeri iroro.
◼ Nei dzidzo yeBhaibheri iri kubudirira zvakadaro mukuita kuti vamwe vasungwa vachinje upenyu hwavo?
David: Vasungwa vazhinji vanhu vasina kumboratidzwa rudo, kunyange pavaiva vaduku. Saka pavanoziva kuti Mwari anovada uye pavanotaura zviri mumwoyo yavo mumunyengetero iye opindura minyengetero yavo, Mwari anobva ava wechokwadi kwavari. Mwoyo yavo inokurudzirwa kumudawo.
Ray: Mumwe wevasungwa vandakadzidza navo akashungurudzwa achiri mwana muduku. Pandakamubvunza kuti chii chakamukwevera kuna Jehovha, akapindura kuti paunodzidza chokwadi cheBhaibheri, unoona kuti Jehovha anokunzwisisa zvechokwadi. Izvi zvakamuita kuti ade kudzidza zvakawanda nezvounhu hwaMwari ane rudo akadaro.
◼ Vamwe vangati vasungwa vanoomerera kuchitendero nezvikonzero zvechavachazowana—kuti vadzikise mutongo wavo kana kungovaraidza nguva. Imi makazvionawo sei?
Fred: Panouya vasungwa kuzvidzidzo zvedu, tinovakurudzira kufunga kwete manzwiro avagara vachiita. Tinodzidza navo Bhaibheri chete. Munguva pfupi, vanenge vava kuziva kuti vachadzidziswa nezveBhaibheri uye kuti izvozvo ndizvo zvatinoita chete. Vamwe vavo vakauya kwandiri vachida kundikumbira kuvabatsira mabatiro avangaita nenyaya dzavo dzomumatare emhosva. Handikurukuri nyaya idzodzi navo. Saka, vaya vanouya kuboka rezvidzidzo vogara kwenguva yakati vanenge vachinyatsoda zvokudzidza zvinotaura Bhaibheri.
Nick: Chimwe chinhu chandinocherechedza kuchinja kunoita vamwe vasungwa pavanenge vari mujeri. Vamwe vavo vakava vashumiri vakabhabhatidzwa uye vakatambudzika zvikuru nezvavanoitirwa nevamwe vasungwa. Izvozvo zvakavaomera zvikuru. Dai Bhaibheri raive risina kuvatora mwoyo, havaimbogona kuramba vakatendeka mumamiriro ezvinhu akaoma iwayo.
Israel: Kazhinji kacho, vanhu vane chido chakadzama chokudzidza nezvaJehovha, uye vanochiratidza zvakaisvonaka. Unogona kuona kuti chinobva mumwoyo mavo.
Joe: Vaya vanova vaKristu vechokwadi vakasvika pakunzwisisa kuti nei zvinhu zvakakanganisika muupenyu hwavo. Vanonzwisisawo kuti pane tariro yokuchinja—vanowana mukana wokuva netariro. Iye zvino vanogona kutarisira nomwoyo wose kuzadzika kwezvipikirwa zvaJehovha munguva yemberi.
◼ Nei kuisa vanhu mumajeri chete kusingagoni kuvachinja?
Joe: Chinoisirwa vanhu mumajeri ndechokuti vapari vemhosva vabviswe mukati mevamwe vanhu vose, kwete kuvapingudza. Ndipo panobva chinetso—chinangwa chevemajeri pamusoro pevarume ava.
Henry: Jeri harigoni kuchinja mwoyo yevapari vemhosva. Vazhinji vevanhu ava vachadzokorora mhosva dzavo kana vabuda.
[Mufananidzo uri papeji 8, 9]
Vasungwa vakawanda vakabatsirwa kudzidza chokwadi cheBhaibheri