RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g00 8/8 pp. 3-4
  • Nei Paine Kufarira Kuita Zvemidzimu Kwakapararira?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Paine Kufarira Kuita Zvemidzimu Kwakapararira?
  • Mukai!—2000
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chinoita Kuti Vakawanda Vaite Zvemidzimu
  • Nei Usingafaniri Kuita Zvemidzimu?
    Mukai!—2008
  • Dzivisa Masimba Emidzimu Yakaipa
    Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
  • Nei Usingafaniri Kuita Zvemidzimu
    Mukai!—2000
  • Bhaibheri Rinoti Kudii Nezvemashiripiti?
    Mukai!—2017
Ona Zvimwe
Mukai!—2000
g00 8/8 pp. 3-4

Nei Paine Kufarira Kuita Zvemidzimu Kwakapararira?

Kuita zvemidzimu kwave kuchirondedzerwa so“kutenda kuti mudzimu wavanhu unosara panofa muviri wenyama uye unogona kutaura navapenyu, kazhinji kacho nomunhu anoshanda sesvikiro.”

MUNA 1998 bhuku raitsanangura nzira yokukurukura nayo navakafa rakakurumbira muUnited States zvokuti rakakurumidza kuva pamusoro pemabhuku anotengwa zvikuru anonyorwa muNew York Times.

Makore mashoma apfuura muMoscow, misangano yezvemasimba asingaoneki uye yezvemidzimu yakakurumbira zvikuru nevezvematongerwe enyika navanamuzvinabhizimisi, vaibhadhara mari zhinji yokubvunza kwavaiita.

MuBrazil, nyaya dzomuterevhizheni dzisingaperi kutambwa dzinoratidza zvemidzimu dzinokwezva nhamba huru yevaoni.

Kuvanhu vakawanda vanogara muAfrica kana muAsia, kuita zvemidzimu kwakajairika sokutengesa nokutenga pamusika.

Chinoita Kuti Vakawanda Vaite Zvemidzimu

Vakawanda vanoita zvemidzimu kuti vawane nyaradzo pashure porufu rwavadiwa. Nokumasvikiro vangagamuchira mashoko anokosha anoita seanobva kuvakafa. Somugumisiro, vakafirwa ivavo vanotendiswa kuti vadiwa vavo vakafa vapenyu uye kuti kukurukura navakafa kuchavabatsira kubata nokurasikirwa kwavo.

Vamwe vanokwezverwa kukuita zvemidzimu nokuti vakaudzwa kuti midzimu ichavabatsira kuwana zvinorapa zvirwere, kupukunyuka urombo, kubudirira munyaya dzezvorudo, kugadzirisa zvinetso mudzimba, kana kuwana mabasa. Uyewo vakawanda vanoita zvemidzimu vachida kungoziva chete.

Zvisinei, chimwe chaita kuti mamiriyoni aite zvemidzimu ndechokuti akadzidziswa kuti kuita zvemidzimu, sokurondedzerwa kwazvakaitwa neimwe nyanzvi munyaya idzi, “chitendero chokuwedzera” chinovapo “pamwe chete nechiKristu.” Mamiriro ezvinhu echitendero muBrazil anonyatsojekesa izvozvo.

Brazil ndiyo ine nhamba huru yavaRoma Katurike pasi pose, asi sokutaurwa kwazvakaitwa nomunyori Sol Biderman, “mamiriyoni evakatendeka anotungidza makenduru padzinopfuura atari imwe uye vanofunga [zvavo kuti] hapana chakamboipa.” Kutaura zvazviri, pepanhau revhiki nevhiki reBrazil rinonzi Veja rakashuma kuti 80 muzana yeavo vanogaroenda kunzvimbo dzinoitwa zvemidzimu muBrazil vaKaturike vakabhabhatidzwa vanopindawo Misa. Kuwedzera kuna izvozvo vamwe vafundisi vanotobatanidzwawo mumisangano yokuita zvemidzimu, uye munhu anogona kuona kuti nei vatendi vakawanda vachifunga kuti kukurukurirana nemidzimu nokuda kwenyaradzo uye kutungamirirwa kunotenderwa naMwari. Asi ndizvo here?

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 3]

Marudzi Akasiyana-siyana Okuita Zvemidzimu

Kuita zvemidzimu kunogona kusanganisira kubvunza svikiro, kubvunza vakafa, kana kutsvaka mazango. Nzira imwe yakakurumbira yokuita zvemidzimu kushopera—kuedza kuwana zvine chokuita nenguva yemberi kana zvisingazivikanwi nokubatsirwa nemidzimu. Mamwe marudzi okushopera ndeounyanzvi hwenyeredzi, kutarira pabhora rekristaro, kududzirwa kwezviroto, kududzira mitsara yomumaoko, uye kushopera pachishandiswa makasi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe