Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Ndingaita sei Kuti Kugara Kwangu Kune Imwe Nyika Kubudirire?
“Pandakasvika panhandare yendege, chandaingoda chete kuenda kumusha! . . . Ndakanga ndisisina shungu dzokuona zvinhu zvinoshamisa kana mufaro wangu wokuda kutsvaka zvitsva. Neshoko rimwe, ndakange ndava kufunga kumusha zvandisina kumboita.”—Uta.
IPFUNGWA inotyisa kuva woga munyika yokumwe. Asi sezvakaratidzirwa nenyaya yakatangira ino muidzi nyaya dzinotevedzana, vechiduku vakawanda vari kusarudza kupedza nguva yakati kuti vachigara kune imwe nyika. Vamwe vanoenda kunodzidza kana kunorovedzwa basa rakati. Vamwe vanoda kudzidza mutauro. Vamwe vanongoda zvavo kuwana mari. Zvisinei vamwe vakatama kunoshanda munyika dzokumwe kunodiwa vaparidzi voUmambo vakawanda.
Tomboti uri kugara kune imwe nyika nokuda kwezvikonzero zvokuchenjera—zvikonzero zvinosanganisira nhau yezvinodiwa zvako zvomudzimu uye vavariroa—chii chaungaita kuti uve nechokwadi chokuti kugara kwako kuchabudirira?
Iva Akatsunga Kuchinja
Kutanga, unofanira kuda kuchinja. Izvozvo hazvirevi kusiya nheyo dzechiKristu kana zvaunosiita zvomudzimu. Asi zvingareva kudzidzira kuda zvokudya zvitsva, kudzidza mitemo mitsva yokuzvibata, kana kuedza nzira itsva dzokuita nadzo zvinhu. Tsika itsva idzi dzingava dzakasiyana zvikuru nemaitire awaiita zvinhu kumusha. Asi murayiro waJesu wokuti “musatonga” unogona kushanda zvakanaka pano. (Mateu 7:1) Chaizvoizvo, hapana rudzi kana tsika ine kodzero yokuzviti yakakwirira kudarika vamwe. (Mabasa 17:26) Kungofanana navanhu vakura vanofanira kudzivisa kuenzanisa kwokutsoropodza pakati pevaduku vomunguva yakapfuura neavo vanhasi, naizvozvo vechiduku vanenge vari kune imwe nyika vanofanira kudzivisa kuenzanisa kwokutsoropodza pakati penyika yokumwe neyavo pachavo. (Muparidzi 7:10) Tarira pazvinhu zvakanaka izvo iyi nyika itsva kana kuti tsika inogovera. Uyewo, kana ukakurumidza kudzidza mutauro wenyika iyi, uchakurumidzawo kunzwa wakasununguka.
Muapostora Pauro akabudirira kwazvo kuchinjira kutsika dzakasiyana-siyana mubasa rake somufundisi nokuti aida kuva “zvinhu zvose kune vanhu vamarudzi ose.” (1 VaKorinde 9:22) Mafungiro akadaro angakubatsira kuchinja. Adrianne musikana anoshanda mumba achigara muGermany, anoshandira imwe mhuri achipiwa zvokudya nepokugara. Anotsanangura kuti: “Ndinotofanira kuchinja nokuti handitarisiri vamwe kuchinjira ini.”
‘Ndiri Kufunga Kumusha!’
Muvhiki shoma dzokutanga, hazvishamisi kunzwa kusuwa uye kufunga kumusha. Bhaibheri rinoratidza kuti Jakobho ‘aishuva zvikuru imba yababa vake,’ kunyange zvazvo Jakobho akanga agara munyika yokumwe kwemakore anopfuura 20! (Genesi 31:30) Saka usashamiswa kana pane imwe nguva uchishungurudzika. Chokwadi, ukangoramba uchifunga nezvezvawakasiya, unongowedzera bedzi kusuwa kwako. (Numeri 11:4, 5) Nzira yakanakisisa yokukurira nayo kusafara, kushanda zvakasimba kuti urovedzane nenzira itsva uye zvakakupoteredza. Kunyange zvazvo zvakanaka kuramba uchikurukurirana nevemhuri yako netsamba kana nokurova runhare, kunyanya kurova runhare kumusha kungapinganidza kuchinjira kwako kumusha wako mutsva.
Vaduku vakawanda vechiKristu vanoona kuti kudzokera kune zvomudzimu zvavaigaroita ndiwo mushonga wakanakisisa wokusurukirwa. (VaFiripi 3:16) Amber anoyeuka vhiki dzake dzokutanga kune imwe nyika anoti: “Zvainge zvakandiomera manheru, kana paisava nechokuita, saka ndakaedza kuwedzera kudzidza kana kurava bhuku.” Rachel muduku musikana anoshanda mumba kuGermany, anobva kuBritain anotaura kubva pane zvakaitika kwaari paanopa zano rokuti: “Ibva wangobatanidzwa pakarepo. Tanga kupinda misangano nokukurumidza.” Kutanga, ungada kubatsirwa kuti usvike kumisangano. Asi muungano yechiKristu, unogona kuwana shamwari dzinovaka idzo dzinogona kuva sa“vanun’una nehanzvadzi navanaamai.”—Mako 10:29, 30.
Kuitawo basa rechiKristu rokuparidza evhangeri chinhu chinokosha chezvinhu zvakanaka zvomudzimu zvenguva dzose. Kuparidza hakungokubatsiri mumudzimu bedzi asiwo kunokubatsira kuchinjira kutsika itsva nomutauro.
Pakupedzisira, ramba uchinyengetera nokudzidza uri woga. Zvinokosha kuti urambe wakasimba mumudzimu. (VaRoma 12:12; 1 Timoti 4:15) Nechikonzero ichi Adrianne, ambotaurwa nezvake, akava nechokwadi chokuti atakura mabhuku eBhaibheri orurimi rwaamai vake.
Kugara Nemhuri Inochengeta
Vamwe vaduku vechiKristu vakaronga kunogara nemhuri dzinotenda panguva yavanenge vari kune imwe nyika. Kunyange zvazvo mhuri inochengeta isingatarisirwi kutora basa roubereki, inogona kuva vasonganiri vakanaka uye kunobva kukurudzira kwomudzimu.—Zvirevo 27:17.
Kunyange zvakadaro, kukurukurirana kwakajeka nemhuri inochengeta kunokosha pakuchengeta ukama hwakanaka. (Zvirevo 15:22; 20:5; 25:11) Amber anoti: “Unofanira kuva nepfungwa yezvauchafanira kuita. Unofanira kuziva zvinotarisirwa nevanokuchengeta. Uye vanofanira kuzivawo zvaunotarisira.” Wana kuti mitemo yemhuri yomumba ndeipi uye kuti unotarisirwa kuitawo zvakadini mabasa epamba. Nhau dzakadaro dzinofanira kunyatsokurukurwa.
Somuenzaniso, mamiriro ako ezvinhu achava akaoma chaizvoizvo kana uri kushandira mhuri isingatendi zvaunotenda. Sezvo mhuri yacho ingasanzwisisa pfungwa dzako panheyo dzeBhaibheri, unogona kuzviwana uri mumamiriro ezvinhu okubvumirana pane zvisina kufanira. (Zvirevo 13:20) Kuudzwa mabasa epamba okuita kungapesana nezvaunofanira kuita zvokumudzimu zvakadai sokupinda misangano. Saka kana mamiriro ezvinhu asingadzivisiki akakumanikidzira kugara nemhuri isingatendi zvaunotenda, pane zvinhu zvakati kuti zvaunofanira kungwaririra.
Rachel, anokurudzira kuti: “Iva nechokwadi chokuti vanoziva kuti uri muKristu. Zvakanakisisa kuti uvataurire nokutendeseka pakarepo.” Kutsanangura zvinodiwa zvako zvechitendero uye zvetsika kunogona kushanda sedziviriro. Uyezve unofanira kujekesera waunoshandira makoshere anoita misangano yechiKristu nokuparidza kwauri. Pakupedzisira, kuchenjera kuva nechokwadi chokuti nhau dzinokosha dzakadai semaawa okushanda, nguva yaunenge usiri pabasa, uye kubhadharwa zvaita zvokunyorwa pasi usati watanga. Izvi zvinogona kudzivirira kuvhiringidzika mune ramangwana.
Kugadzirisa Zvinetso
Pasinei nokuedza kwako kwakanakisisa, chinetso chingangomuka. Somuenzaniso, zvakadini kana vanokuchengeta vakarayira kuti ubve pamba pavo? Izvozvo zvingakangaidza. Kana kusanzwisisana kwakati kukaitika, unogona kuedza kutaurirana nevanokuchengeta zvinyoro-nyoro uye nokunzwisisa. (Zvirevo 15:1) Bvuma kukanganisa kupi nokupi kwaungadaro waita. Zvichida vangachinja mafungiro avo. Kana zvikasadaro, unofanira kuwana pamwe pokugara.
Zvimwe zvinetso zvingada kuti ukumbire mumwe munhu kuti akubatsire. Somuenzaniso, ungava nechinetso chemari kana kuti ungarwara. Uchitya kuti vabereki vako vangauya vakakutora kuti vaende newe kumusha, ungatya kuvazivisa zviri kuitika. Kunze kwaizvozvo, vari kure namakiromita akawanda uye vangasaziva nzira yokubata nemamiriro ezvinhu akadaro kune imwe nyika. Vakuru vomuungano yomunzvimbo imomo vangava noruzivo rwokubata nezvinetso zvakadaro uye vangagovera mazano anoshanda. Vangakubatsira kusarudza kana iyoyo iri nhau inofanira kuzivikanwa navabereki vako.
Kudzokera Kumusha
Pasinei nokuoma kwezvinhu kana zvinonetsa, kupedza nguva uri kune imwe nyika kunogona kuva chiitiko chinopa mubayiro, zvikurukuru kana ukaenda ikoko nokuda kwezvikonzero zvomudzimu. Chokwadi, nguva ingasvika paunofanira kudzokera kumusha. Andreas anoti: “Nezvakanaka zvakawanda zvokuyeuka—zvisina kunaka zvinokurumidza kukanganwika—zvakanga zvakaoma kuti ndidzoke.” Kunyange zvakadaro, usatarisira shamwari kana vemhuri yako kuchinja maitiro avanoita zvinhu pakarepo nokuti zvino wadzoka nemaitiro matsva awakadzidza kune imwe nyika. Uyewo, usavashatirisa nezviyeuchidzo zvinodzokororwa zvemaitirwe ezvinhu kune imwe nzvimbo. Nomuzvarirwo, uchada kutaurira munhu wose nyaya yako, asi usakangaidzika kana vamwe vakasafara newe.
Zvakajeka kuti chisarudzo chokugara kwenguva yakati munyika yokumwe chinofanira kurangarirwa nenzira yakakomba. Wakurukura nyaya yacho nevabereki vako, kana ukagumisa kuti pane chikonzero chakasimba chokutama, gadzirira kubata nezvakaoma zvauchasangana nazvo. Sezvisarudzo zvikuru zvipi nezvipi zvaunosangana nazvo muupenyu, kuchenjera kutanga kuverenga zvinodiwa.—Ruka 14:28-30.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona nyaya inoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . Ndinofanira Kunogara Kune Imwe Nyika Here?” iri muMukai! yaJuly 8, 2000.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 11]
Mazano Okuti Uve Akachengeteka
● Chengeta pasipoti yako, mari, netikiti rokudzoka zviri panzvimbo yakachengeteka.
● Gadzira mafotokopi epasipoti yako pamwe chete nemapepa okubvumirwa kupinda uye visa, tikiti rokudzoka, nemamwe mapepa anokosha. Chengeta makopi emafotokopi iwayo pachako, uye tumira mamwe acho kuvabereki kana shamwari dziri kumusha.
● Gara uine nhamba dzorunhare dzevabereki vako kana dzeshamwari dziri kumusha uye dzemhuri inokuchengeta.
● Ramba uchizvibata paunenge une vakomana kana vasikana, vangava vomumhuri inokuchengeta, kuchikoro, pabasa, kana kune dzimwe nzvimbo.
● Dzidza mashoko nokutaura kunokosha mumutauro wenyika yacho.
● Usati waenda imbotariswa nachiremba. Iva nechokwadi chokuti une mishonga yakakwana inodiwa.
[Mufananidzo uri papeji 10]
Kana kusanzwisisana kukaitika nemhuri inokuchengeta, taurirana navo wakadzikama