RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 4/1 pp. 26-29
  • Kuverenga Ndyiko Yokutamira Kunyika Yakapfuma

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuverenga Ndyiko Yokutamira Kunyika Yakapfuma
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvinhu Chaizvoizvo Zvoupenyu Hwokuimwe Nyika
  • Dzvinyiriro Dzetsika
  • Vabereki Vasipo
  • Kuvimba Negadziriro dzaMwari
  • Ndinofanira Kugara Kune Imwe Nyika Here?
    Mukai!—2000
  • ‘Kugovera Vemhuri Yako’ Kunangana Nedenho Yacho Munyika Dziri Kubudirira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Ndingaita sei Kuti Kugara Kwangu Kune Imwe Nyika Kubudirire?
    Mukai!—2000
  • Ko Kana Tiri Varombo Mumhuri Medu?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 4/1 pp. 26-29

Kuverenga Ndyiko Yokutamira Kunyika Yakapfuma

CHIONO chakarovedzeka panzvimbo dzavamiriri vokudzimwe nyika munyika yose iri kubudirira: imba yokumirira yakazadzwa navanhu vari kukarira norutyo bvunzurudzwo yavo. Pahwaro hwekurukurirano iyoyo pfupi asi inokosha, kuchasarudzwa kana vachigona kuwana vhiza yokuenda kunyika ine mabasa okugadzira zvinhu iri kuMadokero. Vazhinji vanodavira kuti irori richava tikiti ravo kukubudirira. “Ndave ndichishanda nesimba kwamakore mana, uye handina kumbokwanisa kunyange kutenga nhepfenyuro,” akanyunyuta kudaro mumwe murume muduku wokuWest Africa. “Kudai ndaiva muEngland kana kuti muUnited States, pari zvino ndingadai ndine motokari nenzvimbo yangu ndimene yokugara.”

Hakuna kuoma kunzwisisa chikonzero nei vazhinji vari munyika dzine urombo, dziri kubudirira vane mirangariro yakadaro. Kwavari, mabasa akaoma kuwana, uye muripo wakaderera. Kuderera kwoukoshi hwemari kunopedza mari. Dzimba ishoma uye dzakanyanyotsvikinyidzana. Vanhu vanopfeka zvipfeko zvakaraswa naavo vari munyika dzakapfuma zvikuru. Vazhinji vanonzwa vakabatwa mukusaterama kwezvemari.

Uye Madokero akapfuma anokoka sei! Mumwe murume muduku muSierra Leone akati: “Vamwe vakaenda kunyika dzokumwe vanodzokera ndokutiudza nhau dzinotipa ushingi hwokuenda ndokuzvionera timene nyika dzine mabasa okugadzira zvinhu. Vanoti unofanira kushanda nesimba, asi unoita mari yakanaka zvokuti unogona kuzvitsigira umene uye kunyange kuwana zvoumbozha, zvakadai semotokari. Uye kana ukadzoka kuno nezvinenge zviuru zviviri zvamadhora, unogona kutanga bhizimisi ndokuroora.”

Nenzira isingashamisi, vamwe vabatiri vaMwari vanorangarira nenzira yakafanana. Imwe hanzvadzi yeAfrica yakati: “Isu vaduku tiri musangano raMwari tinoteerera kurukurirano pamusoro pokuti vamwe vakaenda kunyika dzokumwe vari kuita zvakanaka sei. Naizvozvo pane dzimwe nguva ndinozvibvunza ndimene kuti, ‘Zvakadiniko neni? Neiko kuri kuti ndiri kutambura muno? Ndinofanira kuenda kana kuti ndinofanira kugara here?’”

Kana uchigara munyika ine urombo, ungashamisika nenzira yakafanana kana kuenda kwaizovandudza rudzi rwoupenyu hwako. Zvisinei, kuenda kuimwe nyika ibasa hombe, nhano inodhura neyakakomba. Kungabatanidza kudzidza mutauro mutsva, kuwana unyanzvi hutsva hwebasa, kuchinjira kuhunhu hutsva, kutsungirira fungira mano yakaipa iyo vazhinji vanoratidzira kuvokudzimwe nyika, uye kudzidza nzira itsva yose youpenyu. Bva, maKristu mazhinji akaita saizvozvo nenzira inobudirira uye akabvumikisa kuva midziyo chaiyoiyo kuungano dziri munyika yomusha wavo mutsva, vachibatira savaparidzi, mapiona, vakuru, uye vabatiri vanoshumira vomuenzaniso.

Havasi vose, kunyanguvezvo, vakararama zvakanaka kudaro. Dzvinyiriro namarwadzo zvokuenda kuimwe nyika zvakaguma nokuparara mumudzimu nokuda kwavamwe. Sezvinooneka, ipapoka, kutama kwakadaro hakufaniri kuitwa pasina murangariro wakakomba, wokunyengetera. Bhaibheri rinopa zano pana Zvirevo 3:5, 6, kuti: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kusendama panjere dzako. Umutende panzira dzako dzose, agoruramisa makwara ako ose.” Hungu, unoda kuva nechokwadi chokuti uri kuita mutsinhirano nokuda kwaJehovha. (Jakobho 4:13-15) Uye Jesu akapa zano rinoshanda kukubetsera kuita ikoku paakakurudzira vateereri vake ku‘verenga ndyiko.’ (Ruka 14:28) Ikoku kunobatanidza zvinopfuura kurangarira zvemari. Kunoreva kurangarira ndyiko dzomudzimu dzinobvira dzokuenda kuimwe nyika.

Zvinhu Chaizvoizvo Zvoupenyu Hwokuimwe Nyika

Usati watamira kupi nokupi, unofanira kuva nepfungwa yakanaka, chaiyoiyo yezvokukarira pauchasvika ikoko. Kana zvichibvira, ita shanyo yokutanga ndokuzvionera umene zvakaita migariro yacho. Ukasadaro, uchafanira kutsamira pamashoko asina kunanga. Bhaibheri rinonyevera, kuti: “Usina mano unotenda mashoko ose; asi wakangwara unongwarira mufambiro wake.”—Zvirevo 14:15.

Vamwe vakawana mashoko avo ose pamusoro poupenyu munyika dzokuMadokero kubva mumabhaisikopo nezvinoratidzwa muterevhizheni. Vanodarozvo kudavira kuti munhu ari wose ikoko akapfuma, anochaira motokari itsva, uye anogara mumusha woumbozha. Chinhu chaichoicho, kunyanguvezvo, chakasiana zvikuru. Nyika zhinji dzakapfuma dzine mwero inotyisa yourombo, kusava nedzimba, uye kushaikwa kwamabasa. Uye vazhinji vavagari vemo varombo zvikurusa ndivo vanobva kune imwe nyika vatsva. Mukuru mukuru wavamiriri vokudzimwe nyika panzvimbo yenhume dzeU.S. muimwe nyika ine urombo, anotsanangura, kuti: “Vanhu havambozivi kuti kwakaoma sei kugara muAmerica. Vamwe vanonyora tsamba kumusha vachitaura kuti vari kuita zvakanaka sei—kuti vakatenga sei motokari mbiri neimba—asi chokwadi vari kuparapatika chaizvoizvo.”

Mugariro wacho wakafanana kumwewo. VaSahr Sorie mudzidzisi weWest Africa uyo akagara ndokufunda muLondon. Iye akatsinhira, kuti: “Hakusi nyore kutama kubva muAfrica ndokugara muEngland. Vanobva kudzimwe nyika vazhinji vanorarama upenyu hwourombo zvikuru. Unoona mitsara yenhamo muzviso zvavo. Vamwe vanokuwana kwakaoma kuunganidza mapeni 20 kuti varidze runhare. Vanowanzogoverana kamuri rimwe navamwe vazhinji, nembaura imwe chete duku yokuvadziisa. Vanokwanisa kuwana bedzi mabasa akaderera, uye kunyange zvakadaro harina kuringana kuti varipire mingava yavo. Avo vanobva muAfrica kuti vatize urombo kazhinji kazhinji vanozviwana vamene vakaipisisa munzvimbo dzinogara varombo dzeEurope.”

Dzvinyiriro dzezvemari dzinoperekedza kugadzikana munyika itsva dzinogona kudzvinyirira nenzira iri nyore umudzimu hwomunhu. (Mateo 13:22) Chokwadi, kushanda nesimba kunorumbidzwa muBhaibheri. (Zvirevo 10:4; 13:4) Asi vazhinji vanoenda kune imwe nyika vanomanikidzirwa kuita mabasa maviri kana kuti matatu kuitira kuti vawane nharidzano dzavo dzezvemari—kana kuti kungowana bedzi mari yokurarama nayo. Nguva shomanene kana kuti pasina inosiirwa kuronda kunamatwa kwaMwari. Inoregeredzwa misangano yechiKristu, fundo yeBhaibheri, uye kugoveranwa kwezvokwadi yeBhaibheri navamwe. Mashoko aJesu Kristu anobvumikisa kuva echokwadi nenzira ine ngwavaira, anoti: “Hamungabatiri Mwari neFuma.”—Mateo 6:24.

Dzvinyiriro Dzetsika

Unofanirawo kurangarira mugariro wetsika wenyika itsva yako inokarirwa. Bhaibheri rinotiudza kuti Roti akasarudza kugara muRuwa rwaJoridani. Mumurangariro wezvokunyama, chisarudzo chake chairatidzika kuva chokuchenjera, nokuti “rakanga rine mvura pose, . . . ; rakanga rakaita somunda waJehovha.” (Genesi 13:10) Zvisinei, vavakidzani vatsva vaRoti “vaitadzira Jehovha kwazvo kwazvo”—vashatisi vevatano! (Genesi 13:13) Somuuyo, “munhu uyu wakarurama, agere pakati pavo achiona nokunzwa, wakarwadzisa mweya wake wakarurama zuva rimwe nerimwe namabasa avo akanga asina kururama.”—2 Petro 2:8.

Nenzira yakafanana, nhasi kutamira kuMadokero kungaratidzira iwe nemhuri yako kudzvinyiriro dzetsika nemiedzo yakakomba zvikuru kupfuura munyika yako yokumusha. Mukuwedzera, vanhu vakuru vangasakudzwa sezvavaiitwa kumusha. Ruremekedzo nokuda kwavabereki rungasakurudzirwa. Vavakidzani vangava nefariro duku mune mumwe nomumwe. Dzvinyiriro dzakadaro dzingatapura sei iwe nemhuri yako? Ichi ndichimwe chinhu chokupa murangariro wokunyengetera kwachiri.

Vabereki Vasipo

Vamwe vabereki vakasarudza kusiya mhuri dzavo ndokuenda kunyika yokumwe vari voga. Gadziriro yavo ndeyokutora mhuri yavo kana vangogadzikana bedzi kana kuti zvichida kudzokera kumusha nemari yakawanda. Gadziriro yakadaro ndeyokuchenjera here?

Magwaro anopa vabereki musengwa wokugovera zvinodikanwa zvokunyama zvemhuri dzavo, uye muzvimwe zvinoitika zvakakomba, mubereki angava nechisarudzo chiduku kunze kwokushanda kune imwe nyika kuitira kuti aite gadziriro yakadaro. (1 Timotio 5:8) Zvisinei, vabereki vanewo musengwa wokutarisira zvinodikanwa zvomudzimu zvemhuri dzavo. Shoko raMwari rinoti: “Nemi madzibaba, regai kutsamwisa vana venyu; asi varerei pakuranga nokuraira kwa[Jehovha, NW].”—VaEfeso 6:4.

Baba vanogona kuita ikoku nenzira inobudirira kana vari kure nemhuri yavo kwemwedzi kana kuti makore panguva here? Hazvingabviri. Naizvozvo unofanira kurangarira kana betsero dzipi nedzipi dzokunyama dzinowanwa dzakafanirwa nomuuyo uyo kusavapo kwako kungava nawo pavana vako. Kunze kwezvo, vanobva kune imwe nyika vanowanzowana kuti hakusitongori nyore kuwana “rombo rakanaka” ravo sezvavaifunga. Kana akabva kuimwe nyika asingakwanisi kuripira kufamba kwemhuri, kuparadzana kungapfuurira kwamakore. Ikokuwo kungaparira ngozi dzakakomba dzetsika. (Enzanisa na 1 VaKorinte 7:1-5.) Kunosuruvarisa kutaura, kuti vamwe vari mumigariro inotambudza yakadaro vamwe vakatera kuutere hwevatano.

Kuvimba Negadziriro dzaMwari

Sezvo migariro yenyika yezvemari inoipa, kwakanaka kuyeuka kuti vabatiri vaMwari vanofanira kusatya kuti vachasiiwa. Jesu akati: “Musafunganya muchiti: ‘Tichadyei?’ Kana: ‘Tichanwei?’ Kana: ‘Tichafukeiko?’ Nokuti vahedheni vanotsvaka izvozvi zvose, nokuti baba venyu vokudenga vanoziva kuti munoshaiwa izvozvi zvose. Asi tangai kutsvaka ushe hwaMwari, nokururama kwake; izvozvi zvose zvichawedzerwa kwamuri.”—Mateo 6:31-33.

Zvapupu zvaJehovha nhasi zvinobatira fariro dzoUmambo hwaMwari kupfurikidza nokuzivisa nenzira yokushingaira mashoko akanaka. (Mateo 24:14; 28:19, 20) Mumarudzi mazhinji ane urombo, mune kushaiwa kukuru kwavaparidziri voUmambo. Zvikurukuru kune kushaikwa kwavakuru vakakura mumudzimu navabatiri vanoshumira. Panzvimbo pokuenda kunyika yakabudirira mune zvemari uko kushaiwa kusina kukura zvikuru, vazhinji vakasarudza kurambira munyika dzavo dzavakaberekerwa. Vamwe vavakadaro vakararama sei?

Alethia, weWest Africa uyo akabatira mubasa renguva yakazara kwamakore 30 munyika yaakaberekerwa, akataura izvi: “Ndaiva nebanza rokugara kunyika yokumwe. Chikonzero nei ndisina chaiva chokuti ndinoda kuva navanhu vangu ndimene nehama dzokunyama. Ndinofarikanya kuvabetsera kudzidza zvokwadi kuti tigone kubatira Jehovha pamwe chete. Handina kupotsa chinhu chimwe kupfurikidza nokugara muno, uye handidembi chinhu chipi nechipi.”

Nenzira yakafanana Winifred anogara munyika yeAfrica. Rudzi rwoupenyu hwokunyama ikoko runotaurwa kuva rumwe rwohwakadereresa munyika. Asi pashure pamakore 42 mubasa roupiona hwenguva yakazara, iye anoti: “Hakusi nyore nguva dzose kuita zvakanaka mune zvemari. Satani anoedza kuita kuti zvinhu zviome, asi Jehovha akandigovera nguva dzose ndokutarisira zvinodikanwa zvangu.”

Munguva dzakare Abrahama ai“ziva kwazvo, kuti icho chaakapikira [Mwari], wakanga ane simba rokuchiitawo.” (VaRoma 4:21) Unopwiswa nenzira yakafanana here kuti Jehovha anokwanisa kuzadzika chipikirwa chake ndokukutarisira kana ukaisa fariro dzoUmambo pakutanga muupenyu hwako? Unobvumirana nowezvamapisarema here uyo akanyora, kuti: “Murau womuromo wa[Mwari] wakanaka kwandiri, kukunda zviuru zvamazana zvendarama nesirivheri”? (Pisarema 119:72) Kana kuti kungagona kudaro here kuti pane dikanwo yokuti ushandise zvizere zvikuru zano romuapostora Pauro? Pana 1 Timotio 6:8, iye akanyora, kuti: “Kana tine zvokudya nezvokufuka, tichatenda nazvo.” Kungagona kudaro here kuti chinhu chokuchenjera chokuita chaizova, kwete kutsvaka mhoteredzo itsva, asi kushandisa zvakanaka zvikurusa dzako dzazvino?

Migariro yezvemari munyika zhinji inogona kuparira zvinetso zvakakomba nokuda kwamaKristu. Nokudaro, kana pashure pokurangarira zvinhu zvose zvinobatanidzwa, mhuri ikasarudza kuenda kune imwe nyika, hapana chikonzero chokuti vamwe vave vanotsoropodza. (VaGaratia 6:5) Avo vanosara vanogona kuramba vachikumbira betsero yaJehovha mukutsungirira zvinetso izvo tsika ino inounza, vachifarira zvikomborero zvomudzimu izvo Mwari anovapa. Yeuka, nokukurumidza kusaruramisira nouipi zvenyika ino zvicharuramiswa muUmambo hwaMwari. Ipapo kuchava sokunyora kwakaita wezvamapisarema, kuti: “Munotadzanura ruoko rwenyu [Jehovha] ndokugutisa zvipenyu zvose.”—Pisarema 145:16.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe