Zvinotaura Bhaibheri
Rudzi Rwokufungisisa Kunobatsira
“MASHOKO OMUROMO WANGU NO[“KUFUNGISISA,” NW] KWOMWOYO WANGU NGAZVIFADZE PAMBERI PENYU, IMI JEHOVHA, DOMBO RANGU, NOMUDZIKINURI WANGU.”—PISAREMA 19:14.
“KUFUNGISISA” kunorevei kwauri? Kana ukatevera dzidziso yezvimwe zvitendero zvokuMabvazuva, ungadavira kuti chimwe chinhu chinounza kujekerwa kukuru kwepfungwa kana kuti kuvhenekerwa kunokosha. Kufungisisa kunoitwa muchiBuddha kunokurudzira kubvisa kufunga kwose mupfungwa. Mamwe marudzi okufungisisa anonzi anokurudzira kuzadza pfungwa dzako ne“chokwadi chikuru chouchenjeri.”
Zvinotaura Bhaibheri nezvokufungisisa zvakasiyana neizvi. Munzirai? Funga nezvomuenzaniso womuBhaibheri womurume ainzi Isaka, uyo akanga ane zvakawanda zvokufungisisa nezvazvo pazera remakore 40. Genesi 24:63 inoti: “Isaka akabuda kundo[“fungisisa,” NW] kusango nenguva yamadekwana.” Hapana chikonzero chokufunga kuti Isaka akabvisa kufunga kwose mupfungwa dzake kana kuti akanga achingofungisisawo zvake ‘chokwadi chikuru chouchenjeri’chisina zvachinoreva. Zvimwe Isaka aiva nezvinhu chaizvo zvokufunga nezvazvo, zvakadai senguva yake yemberi, kurasikirwa naamai vake kana kuti mudzimai wake aizova ani. Akashandisa nguva yake ari oga mumanheru zvichida kuti afungisise panhau idzi dzinokosha. MuBhaibheri, kufungisisa kunopfuura kungoyeverwawo zvakwo.
Pakufungisisa Pane Zvakawanda
Funga nezvomuenzaniso womunyori wepisarema Dhavhidhi. Akatarisana nezvinetso zvakawanda zvaiita sezvisingakundiki, uye aiziva chaizvoizvo kuti somunhu asina kukwana, aida kubatsirwa naMwari kuti aite zvakakodzera. Chii chakasimbisa Dhavhidhi mumamiriro ezvinhu akaoma? Sezvakanyorwa pana Pisarema 19:14, Dhavhidhi akati: “Mashoko omuromo wangu no[“kufungisisa,” NW] kwomwoyo wangu ngazvifadze pamberi penyu, imi Jehovha, dombo rangu, nomudzikinuri wangu.” Shoko rechiHebheru rinoshandurwa pano kuti “kufungisisa” rinobva pamudzi weshoko rinoreva kuti “kutaura woga.” Hungu, Dhavhidhi ‘aitaura oga’ nezvaJehovha, zvaanoita, mabasa ake, mitemo yake, nokururama kwake.—Pisarema 143:5.
Saizvozvowo, vaKristu vapakuvamba vaiona kutsaura nguva yokufungisisa pazvinhu zvomudzimu sorutivi rwokunamata kwechokwadi. Muapostora Pauro akakurudzira kuti: “Zvinhu zvose zvechokwadi, zvinhu zvose zvokuva nehanya nazvo zvikuru, zvinhu zvose zvakarurama, zvinhu zvose zvakachena, zvinhu zvose zvinodiwa, zvinhu zvose zvinotaurwa zvakanaka pamusoro pazvo, kunaka kwose kungavapo, zvinhu zvose zvinorumbidzwa zvingavapo, rambai muchifunga zvinhu izvi.” (VaFiripi 4:8) Chokwadi, kuti ufunge zvinhu zvinovaka, “zvinhu” izvi izvo Pauro akataura nezvazvo zvinofanira kupinda mupfungwa dzedu pane imwe nguva. Sei?
Munyori wepisarema anopa mhinduro. Pisarema 1:1, 2 rinoti: “Wakakomborerwa munhu usingafambi panorangana vakaipa. . . . Asi unofarira murayiro waJehovha; unofungisisa murayiro wake masikati nousiku.” Hungu, munyori wepisarema aiverenga murayiro waMwari nguva dzose. Aigona zvino kufungisisa pazvinhu zvaaidzidza nezvoMusiki.
Kufungisisa Nhasi
Kuverenga Bhaibheri kunokosha, asi taverenga, tinofanira kufungisisa, kufunga zvakadzama, kana kuti “kutaura toga” nezvezvataverenga. Sokudiwa kunoitwa kugaya zvokudya kana tichizobatsirwa nezvatinenge tadya, kufungisisa kunodiwa kana tichizobata zvatinoverenga muBhaibheri. Kufungisisa kwakafanira kunoita zvinopfuura kubvisa pfungwa dzakashata. Kunotibvumirawo kufunga nezvemhinduro dzezvinetso zvedu dziri muBhaibheri. Kufungisisa kwakadaro kunogona kutibatsira kubata nokufunganya kwoupenyu hwezuva nezuva nenzira inobudirira.—Mateu 6:25-32.
Munyori wepisarema Dhavhidhi akaona basa rinoitwa nokufungisisa mukufadza Mwari. Akati: “Muromo wowakarurama unotaura zvenjere.” (Pisarema 37:30) Hungu, kufungisisa chiratidzo chinozivisa munamati akatendeka. Kuonekwa naMwari kuti wakarurama chikomborero chaicho, uye kunounza zvinhu zvakanaka zvomudzimu. Somuenzaniso, Bhaibheri rinoti “gwara ravakarurama rakaita sechiedza chamambakwedza, chinoramba chichiwedzera kubwinya kusvikira pamasikati makuru.” (Zvirevo 4:18) Nokudaro, muKristu anoteerera a“notaura zvenjere” angatarisira kukura mukunzwisisa Bhaibheri.
Bhaibheri rinorayirawo vaKristu kufungisisa pamitoro yavo iri muMagwaro. Muapostora Pauro akaudza Timoti kuti: “Fungisisa pamusoro pezvinhu izvi; nyura mazviri, kuti kufambira mberi kwako kuonekwe nevanhu vose. Ramba uchizvichenjerera iwe nokudzidzisa kwako. Rambira pazvinhu izvi, nokuti nokuita izvi uchazviponesa iwe nevanokuteerera.” (1 Timoti 4:15, 16) Hungu, zvatinotaura nokuita zvinogona kuva nezvakawanda zvazvinoita pavamwe.
Zvakajeka kuti tine zvikonzero zvakawanda zvokufunga zvakadzama, uye kufungisisa nezvezvinhu zvinokosha. Zvinokosha kufunga nezvezvinhu zvakaitika kwatiri kare, kufungisisa zvinhu zviri kuitika iye zvino, uye kufunga zvakadzama nezvenguva yedu yemberi. Asi kupfuura zvose, kufungisisa kwedu kuchatiunzira kuvhenekerwa kukuru kana pfungwa dzedu dzikafunga uchenjeri hwoMusiki wedu, Jehovha Mwari.
[Mufananidzo uri papeji 29]
“The Thinker,” naRodin