Vashumiri Vanoshingaira Vanofanira Kufungisisa Nekunyengetera
1. Chii chakabatsira Jesu kuti arambe achifunga nezvebasa rake rinokosha?
1 Jesu akanga aporesa vanhu uye adzinga madhimoni nguva yose yemanheru. Vadzidzi vake pavakamuona mangwana acho, vakamukurudzira kuramba achiita mabasa ake esimba vachiti: “Vose vari kukutsvakai.” Zvisinei, Jesu haana kubvuma kutsauswa pabasa rake rinokosha rokuparidza mashoko akanaka. Akapindura achiti: “Ngatiendei kune imwe nzvimbo, mumataundi omumusha ari pedyo, kuti ndiparidze ikokowo, nokuti ndakauyira izvozvo.” Chii chakabatsira Jesu kuti arambe achifunga nezvebasa rake? Akanga afumobata jongwe muromo kuti anonyengetera uye kufungisisa. (Mako 1:32-39) Kunyengetera uye kufungisisa kungatibatsira sei kuti tive vaparidzi vanoshingaira?
2. Zvii zvatingafungisisa pamusoro pazvo zvichatibatsira kuramba tichishingaira muushumiri?
2 Tingafungisisa Nezvei? Jesu akaona kuti vanhu “vaibatwa zvisina kunaka uye vakanga vakapararira kufanana nemakwai asina mufudzi.” (Mat. 9:36) Saizvozvowo, tinogona kufungisisa nezvekuti vanhu vanoda mashoko akanaka zvakadini. Tingafungisisawo kuti nguva yapera zvakadini. (1 VaK. 7:29) Tinogona kufungisisa nezvemabasa aJehovha uye unhu hwake, ropafadzo yatinayo yokuva Zvapupu, uye pfuma inokosha yatakadzidza kubva muShoko raMwari isati yava kutombozivikanwa nevanhu vari mundima yedu.—Pis. 77:11-13; Isa. 43:10-12; Mat. 13:52.
3. Ndirini patingafungisisa?
3 Tingafungisisa Panguva Dzipi? SaJesu vamwe vanomuka achiri mangwanani pakunenge kusina ruzha. Vamwe vanoona zvakanaka kufungisisa manheru vasati varara. (Gen. 24:63) Tinogona kuwana nguva yokufungisisa kunyange kana tiine zvakawanda zvokuita. Vamwe vanofungisisa pavanenge vachifamba nezvifambiso zveruzhinji. Vamwe vanoshandisa nguva yavo yokuzorora masikati kuti vafungisise pasina chinovavhiringidza. Vakawanda vanoona kuti kufungisisa kunyange kwekanguva kadiki vasati vaenda kuushumiri kunovabatsira kuparidza vachishingaira uye vaine ushingi.
4. Nei tichifanira kufungisisa?
4 Kufungisisa tichinyengetera kuchawedzera chido chedu chokushumira Jehovha, kuchatibatsira kuona kuti kunamata ndiko kunonyanya kukosha muupenyu hwedu, uye kuchaita kuti tinyatsotsunga kuramba tichiparidza. Mushumiri Mukuru waMwari, Jesu akabatsirwa nokufungisisa uye isu tichabatsirwawo.