Kudengenyeka Kwepasi!
Nomunyori weMukai! muTaiwan
“Ndakanga ndakazvambarara pasi, ndichiverenga ndiri mufurati rangu munhurikidzwa yechipfumbamwe muTaipei magetsi paakatanga kudzima zvishoma nezvishoma. Ipapo kamuri rakatanga kuzunguzika zvine simba. Zvaiita sokuti pane hofori yakanga yabata chivako chacho uye yakanga ichichizunguzira kumativi ose. Ndakapinda pasi petafura sezvo ruzha rwezvinhu zvakanga zvichirovera panhurikidzwa yapamusoro zvakaita kuti nditye kuti siringi yaizodonha. Zvaiita sezviri kungoramba zvichiitika.”—Mutori wenhau ari kugara muTaiwan.
KUDENGENYEKA KWEPASI. Kungodudzwa kwemashoko acho kunotyisa, uye munguva ichangopfuura ungadaro wakakunzwa kakawanda zvikuru. Maererano neU.S. Geological Survey, nhamba inodarika yenguva dzose yokudengenyeka kwepasi kukuru yakaitika muna 1999, uye nhamba yevakafa nemhaka yaizvozvo yakanga yakapeta kaviri avhareji yegore negore.
Kudengenyeka kwepasi kukuru muna 1999 kwakaitika muTaiwan, panosangana macontinental plate makuru maviri enyika. Pane mitswi 51 inozivikanwa inofamba nepasi penyika inodarika nomuTaiwan. Nokudaro, hazvishamisi kuti kudengenyeka kwepasi 15 000 kunoshumwa gore roga roga. Zvisinei, kwakawanda kwacho kuduku zvikuru zvokuti hakutombonzwiki.
Hazvina kudaro musi waSeptember 21, 1999. Nenguva dza1:47 pakati pousiku, Taiwan yakazununguswa nokudengenyeka kwepasi kukuru zvokuti purezidhendi Lee Teng-hui vakakudana kuti “kwakaipisisa kwepachitsuwa chacho mumakore ane zana.” Kwakaitika kwamasekondi 30 bedzi asi kwakayera 7,6 paRichter scale.a Kudzika kwokudengenyeka kwacho kwaingopfuura zvishoma kiromita, uye kusanyanya kudzika kwakwo kwakakonzera kuti kunyatsonzwika. “Ndakamutswa nokuzunguzika kukuru,” anodaro Liu Xiu-Xia, anogara pedyo nepakatangira kudengenyeka kwacho. “Zvinoshongedza mumba zvakadonha, kunyange chokuvhenekesa chepasiringi chakadonhera pasi. Ndakatadza kubuda nokuti musuo wakanga wavharwa nezvinhu zvaidonha nemagirazi akaputsika.” Huang Shu-Hong, akakandwa kubva pamubhedha nokudengenyeka kwacho, akavawo nenhamo yake. “Magetsi akadzima pakarepo, saka kwakanga kwakati ndo-o,” anodaro. “Ndakadzadzarika ndichibuda kunze uye ndakapedzisa usiku hwose nevavakidzani parutivi pomugwagwa. Pasi paiita sepasingamiri kuzunguzika.”
Kuedza Kununura
Pamambakwedza migumisiro yokudengenyeka kwacho yaiva pachena. Zvivako zvinosvika 12 000, kubva kudzimba dzine nhurikidzwa imwe kusvika kumafurati ane nhurikidzwa dzakawanda, zvakanga zvawa. Mashoko enjodzi yacho zvaaipararira, nyanzvi dzokununura kubva munyika 23 dzakauya kuTaiwan kuzobatsira vazvipiri vomunharaunda iyoyo. Vakawanda vakanga vachakavharirwa noungwanda-ngwanda.
Zvakakosha kutsvaka vanenge vapona mumaawa 72 okutanga zvichitevera njodzi, asi muchiitiko chino vashandi vanonunura vakasangana nezvishamiso. Somuenzaniso, mukomana ane makore matanhatu akanunurwa mushure mokunge avharirwa kwemaawa 87. Uye muTaipei, vashandi pavaishandisa michina mihombe kubvisa ungwanda-ngwanda hwechivako chokugara chine nhurikidzwa 12, rimwe jaya rakaerekana ranyuka. Iro nomukoma waro vakanga vavharirwa mukati kwemazuva anodarika mashanu, uye vose vakapona panjodzi yacho!
Zvisinei, zvinosuruvarisa kuti havasi vose vakawanikwa, uye vashandi vanonunura vakatarisana nenguva dzinorwadza mwoyo. Somuenzaniso, mutungamiriri wechimwe chikwata akati: “Tanzwa mwana achichema kusvikira maawa masere apfuura. Asi ipapo anyarara.” Pakupedzisira, nhamba yevakafa muTaiwan yakapfuura 2 300, uye vanhu vanopfuura 8 500 vakakuvadzwa.
Pashure Penjodzi Yacho
Zvizhinji zvakaitwa kuti mazana ezviuru akasiyiwa asina dzimba nokudengenyeka kwacho awane pokugara. Pakutanga, vamwe vakanga vachiti ityei kudzokerazve mudzimba. Izvi zvinonzwisisika, nokuti mumazuva gumi akatevera kudengenyeka kwokutanga, kumwe kudengenyeka kunozotevera kunokwana 10 000 kwakashumwa! Kumwe kwaikoku kwakayera 6,8 paRichter scale, kuchiita kuti zvivako zvinoverengeka zvakanga zvisisina kusimba zvibve zvawa.
Kunyange zvakadaro basa rokubatsira rakaenderera mberi. Nhamba yakati yemasangano asiri ehurumende—kusanganisira zvikwata zvokununura zvokune dzimwe nyika, boka ravaBuddha rinonzi Tzu Chi, uye vanodzima moto—vakapa nguva yavo nounyanzvi kubasa raida kuitwa. Vakanga vachibatanidzwawo mubasa rokununura vaiva Zvapupu zvaJehovha. Maererano nezano reBhaibheri riri pana VaGaratiya 6:10, zvaiva nevavariro mbiri. Zvaida (1) kugovera avo vane ukama nazvo mukutenda uye (2) kuitira vose zvakanaka, kusanganisira avo vasingatendi zvavanotenda.
Pamugumo wezuva rokutanga, Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvichiunza nemarori zvokudya, mvura, matende, uye zvokushandisa kubika kunze kwemisha. Sezvo zvokufambisa mashoko zvose zvakanga zvisiri kushanda, vakuru vanobva muungano nhanhatu dzomunzvimbo yakaitika njodzi yacho vakashandira pamwe kutsvaka zvimwe Zvapupu nehama dzavo pamwe chete nevadzidzi veBhaibheri uye vanofarira. Zvapupu zvakawanikwa zvisina pokugara zvakakurudzirwa kugara pamwe chete kuitira kuti zvitarisirwe zvakanaka uye kuti vakurukure nazvo zviri nyore. Vatariri vanofambira nenhengo dzeDare reBazi reTaiwan vakashanyira boka rimwe nerimwe neungano vachipa kurudziro.
Danho rakatevera raiva rokugadzirisa dzimba neHoro dzoUmambo zvakanga zvaparadzwa. Ungano imwe neimwe yakanyora pasi vose vaida kubatsirwa. Zvadaro, Dare Rokuvaka Renharaunda richitungamirira, zvikwata zvevazvipiri zvakatumirwa kunogadzirisa zvaidiwa. Mumwedzi mumwe kudengenyeka kwacho kwaitika, basa racho rakanga rapera.
Zvapupu zvaJehovha zvakabatsirawo vavakidzani vazvo vasiri Zvapupu. Somuenzaniso, Zvapupu zvacho zvakashanyira zvipatara uye matende aigara vanhu kuti zvipe nyaradzo. Zvakaparadzirawo mafotokopi enyaya yakabudiswa mumagazini yeMukai! yaJuly 8, 1996 yaiti, “Ngwavaira Dzomusikirwo—Kubetsera Mwana Wako Kugonana Nadzo.” Vanhu vakawanda vakafara kugamuchira mashoko aya uye vakatanga kuaverenga pakarepo. Sezvo migwagwa yakatanga kufambika, Zvapupu zvaJehovha zvakatumira marori ezvinhu kunzvimbo dzine makomo dziri dzoga dzakanga dzaparadzwa zvakanyanya nokudengenyeka kwacho.
Avo vanodzidza Bhaibheri vanoziva kuti rakataura kare kare kuti mazuva okupedzisira egadziriro ino yezvinhu acharatidzwa “nokudengenyeka kwepasi munzvimbo nenzvimbo.” (Mateu 24:7) Asiwo Bhaibheri rinopa vimbiso yokuti munguva pfupi iri kutevera, mukutonga kune rugare kwoUmambo hwaMwari, vanhu vanenge vasingachagari vachitya njodzi dzinoitika dzoga. Panguva iyoyo pasi rinenge rava paradhiso zvechokwadi.—Isaya 65:17, 21, 23; Ruka 23:43.
[Mashoko Omuzasi]
a Kusiyana neizvi, kudengenyeka kwepasi kune njodzi kwakaitika muTurkey muna August 1999 kwakayera 7,4 asi kwakaparadza upenyu zvakapetwa kanenge kanomwe souko kwakaitika muTaiwan.
[Mifananidzo iri papeji 27]
Zvapupu zvaJehovha zvaiita misangano yazvo zvichigara mumisasa
[Mufananidzo uri papeji 28]
Kudengenyeka kwepasi kwakaparadza migwagwa yakawanda
[Kwazvakatorwa]
San Hong R-C Picture Company
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 26]
San Hong R-C Picture Company
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 28]
Seismogram iri pamapeji 26-8: Figure courtesy of the Berkeley Seismological Laboratory