Kupfuurira Kurarama
“TAVE TICHIFAMBA NETSOKA KUBVIRA MANGWANANI. TIRI KUDA KUPONA. HAPANA MVURA YOKUNWA, HAPANA ZVOKUDYA. DZIMBA DZOSE DZAPARADZWA.”—HARJIVAN, AKAPONA PAKUDENGENYEKA KWEPASI KWAKAYERA 7,9 PACHIKERO MUINDIA.
KUONA kudengenyeka kwepasi kuchiparadza kunotyisa. “Mabhuku akanga achipepereka kwose kwose achibva muwadhirobhu yangu yemapuranga yaiva parutivi pomubhedha wangu,” anoyeuka kudaro mumwe akapona pakudengenyeka kwepasi kwakaitika muTaiwan muna 1999. ‘Heremeti itsva yandakanga ndatenga kuitira kuzvidzivirira kana ndichishandisa mudhudhudhu wangu yakadonha kubva pamusoro pewadhirobhu yangu ichibva yawira parutivi pomusoro wangu pamubhedha.’ Anowedzera kuti, ‘ingadai yakandiuraya.’
Wapona Pakudengenyeka Kwepasi
Kuona uye kupona pakudengenyeka kwepasi kunotyisa, asi kupona anongova mavambo. Mumaawa anotevera chiitiko chacho, vashandi vanopa ruyamuro vanoshanda zvakaoma noushingi kuwana uye kurapa vaya vanenge vakuvara. Kakawanda kacho, vanoita izvi vachitya kumwe kudengenyeka kuduku kunoitika pashure. “Tinotofanira kunyatsongwarira,” anodaro mumwe murume aifunga nezvokuchera gomo roungwandangwanda hwakanga hwavhara nzvimbo yakakura pakaitika kudengenyeka kwepasi muEl Salvador munguva ichangopfuura. “Kana pasi pakafambazve kamwe kamwe, chikomo chacho chose chinogona kudhirika.”
Dzimwe nguva vanhu vanoratidza kuzvipira kukuru mukuedza kubatsira vanenge vawirwa nokudengenyeka kwepasi. Somuenzaniso, apo kumwe kudengenyeka kwepasi kukuru kwakaitika muIndia mukutanga kwa2001, Manu, mumwe murume akwegura uye anogara muUnited States mazuva ano, akadzokera kunyika yokumusha kwake. “Ndinofanira kuenda,” akadaro, “kwete chete kunobatsira mhuri yangu, asi munhu wose ari kutambura.” Manu akawana kuti mamiriro ezvinhu akanga akaipa zvikuru munharaunda dzaakashanyira. Kunyange zvakadaro, akati: “Kushinga kunoratidzwa nevanhu kunoshamisa.” Mumwe mutori wenhau akanyora kuti: “Hapana wandinozivana naye asina kupa chero chipi chaaiva nacho—mubhadharo wezuva iroro, wevhiki kana kuti mubhadharo wemwedzi, chikamu chezvaanenge akachengeta kana kuti chero chipi chaangararama nacho kuti abatsire.”
Chokwadi, kubvisa ungwandangwanda uye kurapa vanenge vakuvara kwakasiyana nokuita kuti upenyu hunenge hwakanganiswa nenguva duku inotyisa hudzoke pamamiriro enguva dzose. Funga nezvaDelores, mukadzi akarasikirwa nomusha wake pakaitika kudengenyeka muEl Salvador. “Izvi zvakaipa kudarika hondo,” anodaro. “Zvaitombova nani kuti panguva yehondo taiva nemba.”
Sezvataurwa munyaya yedu yokutanga, dzimwe nguva pane kudiwa kukuru kwete chete kwezvinhu zvokubatsira nazvo asiwo kutsigira mupfungwa. Somuenzaniso, apo kudengenyeka kwepasi kwakaparadza guta reArmenia kumadokero kweColombia mukutanga kwa1999, vanodarika chiuru vakarasikirwa noupenyu hwavo, uye vakatowanda zvikuru vakasiyiwa vachingobvunda uye vasisina tariro. Chiremba wepfungwa anonzi Roberto Estefan, ane furati yakaparadzwa munjodzi yacho, akati: “Kupi nokupi kwaunoenda, vanhu vari kukumbira kubatsirwa. Ndabuda kuti ndinotsvaka zvokudya, uye vanhu vakawanda vandikwazisa vatora mukana wacho kuti vandiudze kurwadziwa kwavo uye kusuruvara kwavo.”
Sezvinonyatsozivikanwa naDr. Estefan, kurwadziwa mupfungwa kunoitika pashure pokudengenyeka kwepasi kunogona kuva kuchivhiringidza. Mumwe mukadzi akazvipira kubatsira kugadzira musasa wokubatsira vawirwa nenjodzi akaona kuti vamwe vaiva nemabasa vakanga vasisina hanya nokuenda kubasa, nokuti vaidavira kuti vaizofa munguva pfupi.
Kupa Tariro Panguva Yenhamo
Munguva dzematambudziko akadaro, Zvapupu zvaJehovha zvinoita zvose zvazvinogona kubatsira vanenge vapona kwete chete nezvavanoda mumuviri asiwo mune zvokunamata uye mupfungwa. Somuenzaniso, nguva pfupi kudengenyeka kwakaitika muColombia kwambotaurwa nezvakwo kwapera, hofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha ikoko yakaronga dare romunharaunda iyoyo rinobatsira panguva yenhamo. Zviuru zvevazvipiri vaiva Zvapupu kubva muzvikamu zvose zvenyika yacho zvakapa zvokudya nemari. Nenguva isipi, matani 70 ezvokudya akatumirwa kunharaunda dzakanga dzakanganiswa.
Kakawanda kacho, rutsigiro rwezvokunamata ndirwo runonyanya kukosha zvikuru. Mamwe mangwanani pashure pokudengenyeka kwepasi kwakaitika muColombia, mumwe weZvapupu zvaJehovha womunharaunda yacho akacherechedza mumwe mukadzi airatidza kusuruvara kwazvo achifamba mumugwagwa muguta rakanga raparadzwa reArmenia. Akataura nomukadzi wacho uye akamugovera turakiti rinonzi Ko Itariroi Iripo Nokuda Kwavadikani Vakafa?a
Mukadzi wacho akaenda neturakiti racho kumba uye akanyatsoriverenga. Nguva yakatevera apo mumwe weZvapupu zvaJehovha akagogodza pasuo rake, akamuudza nezvenyaya yake. Zvakaitika kuti kudengenyeka kwepasi kwacho kwakanga kwaparadza dzimba dzakati kuti dzaaiva nadzo muguta racho, dzaimupa mari yakanaka. Zvino akanga ava murombo. Asi izvi zvaiva zvitete. Munguva yokudengenyeka kwepasi kwacho, imba yaaigara nomwanakomana wake aiva nemakore 25 yakanga yawa, ichibva yauraya mwanakomana wacho. Mukadzi wacho akaudza Chapupu chacho kuti akanga asina kumbofa afarira zvechitendero asi iye zvino aiva nemibvunzo yakawanda. Turakiti racho rakanga ramupa tariro chaiyo. Munguva pfupi chidzidzo cheBhaibheri chakatangwa.
Zvapupu zvaJehovha zvine chokwadi chokuti kuchava nenguva apo vanhu vachange vasingachatyi njodzi dzinongoitika dzoga, kusanganisira kudengenyeka kwepasi. Nyaya inotevera ichatsanangura kuti nei.
[Mashoko Omuzasi]
a Rakabudiswa neJehovah’s Witnesses.
[Bhokisi riri papeji 20]
Gara Wakagadzirira!
◼ Iva nechokwadi chokuti zvinoshandiswa pakufashaidza mvura zvakanyatsoroverwa pasi uye kuti zvinhu zvinorema zviri pauriri kana kuti pasherefu dziri nechepasi.
◼ Dzidzisa nhengo dzemhuri nzira yokudzima nayo magetsi pamwe chete negasi uye mvura.
◼ Musha wako ngauve nechokudzimisa moto (fire extinguisher) uye zvinhu zvefirst-aid.
◼ Gara uine nhare inotakurika ine mabhatiri ane moto.
◼ Enzanisirai zvamunozoita semhuri kana pava nenjodzi, uye simbisa kudiwa (1) kwokuramba makagadzikana, (2) kudzima zvitofu nembaura, (3) kumira mukoridho kana kuti kupinda pasi petafura kana kuti chibhariro uye (4) kugara kure nemahwindo, magirazi, uye chimini.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 21]
KUDENGENYEKA KWEPASI MUISRAEL
“Pasi pano” Israel “ndiyo ine nhoroondo refu kupfuura dzimwe yokuramba ichiwirwa nokudengenyeka kwepasi,” anonyora kudaro Purofesa Amos Nur. Chikonzero chacho ndechokuti rumwe rutivi rweGreat Rift Valley runopfuura nepakati peIsrael, kubva kuchamhembe kusvikira kumaodzanyemba.
Zvinofadza kuti dzimwe nyanzvi dzezvinocherwa mumatongo dzinodavira kuti mainjiniya ekare akashandisa nzira yepamusoro-soro kuderedza kuparadza kunoitwa nokudengenyeka kwepasi. Izvi zvinoenderana nerondedzero yeBhaibheri yepurogiramu yokuvaka yakaitwa naSoromoni inoti: “Ruvazhe rukuru rwakanga rwakapoteredza, rwakanga rune misara mitatu yamabwe akavezwa, nomusara mumwe wamatanda omusidhari; rwakanga rwakafanana noruvazhe rwomukati rweimba yaJehovha, nebiravira remba.” (1 Madzimambo 6:36; 7:12) Uchapupu hwenzira iyi yokuisa matanda mumabwe hwakaonekwa munzvimbo dzakasiyana-siyana—kusanganisira pagedhi raiva paMegidho, panofungidzirwa kuti pakagadzirwa munguva yaSoromoni kana kuti pakuvamba zvikuru. Nyanzvi inonzi David M. Rohl inodavira kuti matanda aya akaiswa “pakuedza kudzivirira chivako chacho kuti chirege kuparadzwa nokudengenyeka kwepasi.”
[Mufananidzo]
Ungwandangwanda hwakakonzerwa nokudengenyeka muBet Sheʼan, kuIsrael
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 22]
MAMINITSI MAVIRI ANOTYISA—NYAYA YAKATAURWA NOMUMWE AKAPONA
MuAhmadabad, kuIndia, takanga tichigadzirira muchato wehanzvadzi yangu yokwababamunini. Musi waJanuary 26, 2001, ndakamutswa, kwete newachi, asi nokuzunguzika kune masimba. Ndainzwa masherefu esimbi achifamba-famba, uye ndakaziva kuti pane chimwe chinhu chakanga chisina kumira zvakanaka. Babamunini vangu vakanga vachidaidzira kuti, “Budai mumba!” Patakabuda, takaona kuti imba yakanga ichizunguzika ichiti ikaenda uku yoenda uku. Zvaiita sezvairamba zvichiitika nokusingagumi. Kutaura zvazviri, kudengenyeka kwacho kwakangotora maminitsi maviri chete.
Kuvhiringidzika kwacho kwaiita sekwakanyanya kuti munhu akwanise kuzvinzwisisa panguva iyoyo nokuti zvinhu zvacho zvakaitika nokukurumidza. Takava nechokwadi chokuti vomumhuri medu vakanga vakachengeteka. Kwakanga kusisina nhare kana magetsi, saka hatina kukwanisa kukurumidza kuziva kuti hama dzedu dzakanga dziri sei mumataundi aiva pedyo. Kwapera awa imwe takangobatira ura mumaoko, takaziva kuti vakanga vakachengeteka. Hazvina kungoita muchechetere kumunhu wose. Somuenzaniso, muAhmadabad, zvivako zvinopfuura zana zvakawa, uye vanhu vanodarika 500 vakafa.
Munhu wose akatya kwevhiki dzinoverengeka. Vanhu vaienda kunorara usiku vachitya kuti kumwe kudengenyeka kwaizoitika, sezvakanga zvafanotaurwa. Kugadzirisa zvinhu kwaiitwa zvishoma nezvishoma, uye vakawanda vakasiyiwa vasina misha. Zvose izvi zvakakonzerwa nokudengenyeka kwakatora maminitsi maviri chete asi izvozvo zvichagara mupfungwa dzedu nokusingaperi.—Yakataurwa naSamir Saraiya.
[Mufananidzo uri papeji 20, 21]
Mumwe akapona pakudengenyeka kwepasi kwakaitika muna January 2001 muIndia akabata mufananidzo waamai vake vakafa uye chitunha chavo chiri kupiswa
[Kwazvakatorwa]
© Randolph Langenbach/UNESCO (www.conservationtech.com)