Kudengenyeka Kwepasi
“TAKAJAIRA KURARAMA PANYIKA YAKATSIGA ZVOKUTI NYIKA YACHO PAINOTANGA KUZUNGUZIKA, PFUNGWA DZINOKURIRWA.”—“THE VIOLENT EARTH.”
“KUDENGENYEKA kwepasi kuri pakati pezvinhu zvinoparadza uye zvine simba zvikuru zvakasikwa,” inodaro The World Book Encyclopedia. Mashoko iwayo haasi okukatutsira, nokutika simba rinobudiswa nokudengenyeka kwepasi kwakasimba rinogona kudarika rakabudiswa nebhomba reatomu rokutanga neka10 000! Chimwe chinotyisa ndechokuti kudengenyeka kwepasi kunogona kuitika mumamiriro okunze api neapi, mumwaka chero upi, uye chero panguva ipi yezuva. Uye kunyange zvazvo masayendisiti angava achiti zivei kuti ndepapi pangaitika kudengenyeka kune simba, havagoni kutaura zvakananga kuti kuchaitika rini.
Kudengenyeka kwepasi kunoitika panofamba matombo ari pasi pevhu. Izvi zvinoramba zvichiitika. Kakawanda kacho, kudengenyeka kunoitika hakuna kusimba zvakakwana kuti vanhu vari pasi pano vakunzwe, asi kunogona kuonekwa uye kunyorwa paseismograph.a Pane dzimwe nguva, dombo guru rinopwanyika uye panova nomukaha mukuru unogona kuita kuti pasi pazunguzike zvine masimba.
Asi nei matombo ari pasi pevhu achiramba achifamba-famba? ‘Tsananguro yakajeka inofanira kubva murondedzero yokufamba kunoita matombo ari pasi pevhu, inova yakachinja zvikuru zvinofungwa nezvezvidzidzo zvePasi.’ inodaro National Earthquake Information Center (NEIC). “Tinoziva kuti kune mazitombo makuru manomwe ari pasi pevhu, ayo akakamurwa-kamurwa kuva matombo maduku,” inowedzera kudaro NEIC, “ose anoramba achifamba zvinoenzanirana, pamwero inotangira pamamirimita 10 kusvikira ku130 pagore.” NEIC inoti kudengenyeka kwepasi kwakawanda kunowanzoitika munzvimbo dzinoperera matombo aya. Ndiko kungangoitikira 90 muzana yokudengenyeka kwepasi kukuru.
Ukuru Nesimba Rokuparadza
Mwero unosvikwa nokudengenyeka kwepasi unogona kuyerwa noukuru hwawo kana kuti simba rawo rokuparadza. Charles Richter akagadzira chikero muma1930 chinoshandiswa pakuyera ukuru hwokudengenyeka kwepasi. Sezvo zviteshi zvinoyera kudengenyeka kwepasi zvakawedzera, zvimwe zvikero zvakavakirwa papfungwa yaRichter zvakagadzirwa. Somuenzaniso, kune chimwe chikero chinoshandiswa pakuyera simba rinenge rabudiswa patangira kudengenyeka kwepasi.
Zvechokwadi, zvikero izvi hazviwanzoratidza mwero wokuparadza kunenge kwaitwa nokudengenyeka kwepasi. Funga nezvokudengenyeka kwepasi kwakaitika kuchamhembe kweBolivia muna June 1994, kwakanga kwakakura zvokusvika 8,2 pachikero, asi kunonzi kwakangouraya vanhu vashanu chete. Asi, kudengenyeka kwepasi kwakaitika muna 1976 muTangshan, kuChina—kwakanga kwakadzikira kusvika pa8,0 pachikero—kwakaguma nokufa kwevanhu vanosvika mazana ezviuru!
Kusiyana nokukura, simba rokuparadza rinoratidza zvinenge zvakonzerwa nokudengenyeka kwepasi pavanhu, zvivako uye zvimwe zvakasikwa. Iyi inzira yokuita zvokutsanangura mwero wasvikwa nokudengenyeka kwepasi maererano nokukanganiswa kunenge kwaitwa vanhu. Chaizvoizvo, kudengenyeka pachakwo hakuwanzokuvadza vanhu. Asi midhuri inodonha, mapaipi egasi anoputika kana kuti tambo dzemagetsi, zvinhu zvinodonha, nezvimwewo, ndizvo zvinowanzokonzera kukuvara kwakawanda uye kufa.
Chimwe chinangwa chenyanzvi dzinodzidza nezvokudengenyeka kwepasi ndechokukwanisa kunyevera vanhu nezvokudengenyeka kwepasi kusati kwaitika. Imwe purogiramu inonzi Advanced Seismic Research and Monitoring System iri kugadzirwa. Maererano nomushumo weCNN, iyoyi—pamwe chete nokukurumidza kuwana mashoko uye dzimwe purogiramu dzekombiyuta dzine simba—zvichabatsira vakuru vakuru “kukwanisa kunongedzera nharaunda chaiyo apo kudengenyeka kukuru kunenge kwaitika pasina kumbofungidzira.” Izvi zvichaita kuti zvive nyore kuvakuru vakuru kuti vatumire rubatsiro munharaunda dzinenge dzakanganiswa.
Zviri pachena kuti kuva akagadzirira kudengenyeka kwepasi kunogona kuderedza kukuvara, kuderedza kuparadzwa kwezvinhu uye—zvinotokosha kwazvo—kuponesa upenyu. Kunyange zvakadaro, kudengenyeka kwepasi kunopfuurira kuitika. Saka panova nomubvunzo wokuti: Vanhu vakabatsirwa sei kubata nemamiriro ezvinhu pashure pokudengenyeka kwepasi?
[Mashoko Omuzasi]
a Seismograph mudziyo unoshandiswa pakuyera kuti pasi pazunguzika zvakadini pakunenge kuine kudengenyeka kwepasi. Yokutanga yakagadzirwa muna 1890. Nhasi, kune zviteshi zvinoishandisa zvinopfuura 4 000 pasi pose.
[Chati iri papeji 19]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
Kudengenyeka Kungani?
Rondedzero Ukuru Avhareji Pagore
Kwakakurisa 8 zvichikwira 1
Kwakakura 7-7,9 18
Kwakasimba 6-6,9 120
Kuri nani 5-5,9 800
Kuduku 4-4,9 6 200*
Kuduku-duku 3-3,9 49 000*
Kudukusa <3,0 Ukuru hunosvika 2-3:
kanenge 1 000 pazuva
Ukuru hunosvika1-2:
kanenge 8 000 pazuva
* Zvinofungidzirwa.
[Kwazvakatorwa]
Kwakabva Mashoko: National Earthquake Information Center Nemvumo yeUSGS/National Earthquake Information Center, USA
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 19]
Seismogram iri pamapeji 18 ne19: Mufananidzo kubva kuBerkeley Seismological Laboratory