Kutarisana Nemiedzo Musimba raMwari
Yakataurwa naStepan Kozhemba
Humwe usiku mukutanga kwaApril 1951, marori akazara nevarwi veSoviet akapinda mumusha wedu wokuUkraine unonzi Stenyatyn. Varwi vane zvombo vakakomberedza misha yakanga yafanosarudzwa ndokutora mhuri dzose dzeZvapupu zvaJehovha ndokudziendesa kuSiberia. Ndaiva nemakore 12 uye ndisingatani kuororwa, ndakashaya kuti nei vakanga vachibatwa nenzira yakadai uye kuti vaizotsungirira sei kutambura kwakadaro.
NDAKABEREKERWA mumusha weStenyatyn muna October 1938. Amai vakafa vhiki mbiri ndaberekwa, uye Baba vakaurayiwa muna 1944 pavairwa muuto reSoviet vachirwisa Germany. Vanatete vangu, Olena naAnna, vakanditora ndokundirera.
Sekakomana, ndaiziva vanoverengeka vaiva Zvapupu zvaJehovha mutaundi redu. Vaitaura neni nevamwe nezvoUmambo hwaMesiya chero papi pavaiwana mukana. Pashure penguva yakati, ndakaita ushamwari nezvimwe Zvapupu zviduku. Pazvakatorwa nevarwi veSoviet ndokuendeswa kuSiberia, ndakashamiswa zvikuru.
Asi hazvisi Zvapupu zvose zvakaendeswa. Stepan, chimwe Chapupu chaigara pedyo nomusha wangu, akabvumirwa kusara, sezvo mhuri yake yaisava Zvapupu. Aiva mukuru kwandiri nemakore matanhatu, uye pandakasiya chikoro, ndakashanda naye somuvezi. Akadzidza Bhaibheri neni, achishandisa chero makopi eNharireyomurindi akanga aripo. Stepan, uyo zvino anoshumira Mwari wechokwadi, Jehovha, muEstonia, akafadzwa zvikuru pandakabhabhatidzwa muna July 1956.
Kushorwa kwakanga kwakajairika kumushumiri upi noupi waJehovha muUkraine. Zviremera zvaisecha dzimba kutsvaka mabhuku anotsanangura Bhaibheri, saka ndakanga ndine nzvimbo dzinoverengeka dzokuaviga. Vanatete vangu Olena naAnna, vakanga vari veGreek Catholic, havana kufarira kusonganirana kwangu neZvapupu. Vakatoedza kundifurira kurega kusonganirana nazvo. Somuapostora Pauro, dzimwe nguva ndainzwa kuti ‘ndakamanikidzika zvikuru kupfuura simba rangu.’ Asi ukama hwangu naJehovha Mwari hwakandisimbisa kuti nditsungirire miedzo yose.—2 VaKorinde 1:8; VaFiripi 4:13.
Kutamburira Kuti Ndirambe Ndisina Kwandakarerekera
Majaya aiva nemakore 18 aimanikidzwa kushanda mumauto eSoviet. Nemhaka yezivo yangu yeBhaibheri, ndakanga ndakatsunga kuramba ndisina kwandakarerekera muzvinhu zvenyika, zvichireva kuti ndakaramba kupinda muuto reSoviet. (Isaya 2:4; Johani 17:14-16) Olena naAnna vakandikurudzira kuva murwi, kunyange zvazvo hanzvadzi yavo chaiyo, baba vangu, yakanga yaurayiwa muhondo.
Ndagamuchira magwaro okunyoresa muchiuto, ndakaenda kumuzinda wemauto munharaunda yedu ndokutsanangura pandaiva ndakamira. Ndakasungwa pakarepo ndokuchengetwa muusungwa zvandaizopomerwa zvichigadzirirwa. Voruzhinji havana kubvumirwa kunzwa ndichitongwa; kunyange vanatete vangu havana kuziviswa nezvezuva racho. Ndakapupura zvakazara kumutongi wacho, muchuchisi, nevarume vaviri vaiumba dare raizopa mutongo. Pashure pemaminiti 20, zvose zvakanga zvapera. Mutongo wangu—makore mashanu muusungwa uyewo mamwe makore mashanu ayo mukati mawo ndaizorasikirwa nedzimwe dzekodzero dzangu somugari womunyika.
Kupika Jeri
Pashure pokutongwa ndakaiswa mujeri muLviv. Kwemwedzi mitatu kubva pandakasungwa kusvikira pandakaendeswa kumusasa wechibharo, ndakanga ndisina ushamwari hwechiKristu, ndisina Bhaibheri, kana mabhuku anotsanangura Bhaibheri. Zvisinei, ndakaramba ndakasimba mumudzimu, nokuparidza kune vamwe vasungwa, avo vakatadza kunzwisisa kuramba kwangu kushanda muchiuto. Mumwedzi iyoyo, ndaitopona nokudzidza ndoga kwandaiva ndaita ndisati ndasungwa. Chiitiko chacho chakandidzidzisa chidzidzo chinokosha chokuti: Kudzidza Bhaibheri uri woga kunotibatsira kuvaka tsime romudzimu rinotitsigira panomuka miedzo.—Johani 14:26.
Kuti ndipedzise mutongo wangu wakanga wasara, muna April 1958 ndakatamisirwa kumusasa wechibharo 21, pedyo neDnepropetrovsk, anodarika makiromita 700 kubva kumba. Ikoko taimuka na6:00 mangwanani, uye pashure pokudya kwemangwanani taiiswa mumarori ndokuendeswa makiromita 50 kunzvimbo yataizoshandira kunze kwomusasa. Taishanda kwemaawa masere panzvimbo yokuvaka, tozodzokera kumusasa manheru.
Dzimba dzedu dzokurara aiva mabharaki, rimwe nerimwe richigara vasungwa vanenge zana. Zvokudya zvaiva zvishoma uye zvisina kunaka, uye magariro aisava omutambarakede; asi zvaitombonyaradza kuti ndaiva neshamwari mbiri dzaiva Zvapupu dzaiva mumabharaki mandaigara. Mumwe nomumwe wedu akaedza kukurudzira vamwe vaviri nomwoyo wose. Iyi ndiyo imwe nzira iyo Jehovha anopa nayo simba kuvashumiri vake vari kutambudzika—achishandisa ushamwari hwevatinotenda navo.—2 VaKorinde 7:6.
Pamwe chete, maiva neZvapupu 12 mumusasa wacho. Vamwe veava vaiva nehama kunze dzaipinza pachivande mapeji eNharireyomurindi akavigwa mumapasuru ezvokudya. Mapasuru akawanda aivhurwa nevarindi, vaiongorora zvinhu zvaivamo vasati vazvipfuudza kwatiri. Asi kuti asawanikidzwa, mapeji eNharireyomurindi aiputirwa mupurasitiki oiswa mumagaba ejamu, ayo varindi vaisava nehanya nokuvhura. Pataingogamuchira nyaya dzacho, taidzikopa noruoko todzigovana.
Taiitawo zvataigona kuparidza nezvoUmambo hwaMwari, uye Jehovha akakomborera kuedza kwedu. Somuenzaniso, ndakaziva mumwe musungwa ainzi Sergei, akanga ashanda somutarisiri weakaunzi pakambani yehurumende kumabvazuva kweUkraine. Pazvakawanikwa kuti pabasa pake paibiwa mari, akapiwa mhaka yacho uye akatongerwa makore gumi muusungwa. Zvapupu zvinoverengeka mujeri racho zvakadzidza naye, zvichishandisa magazini chero api aivepo. Sergei akazvifarira uye pakupedzisira akandiudza kuti: “Pandinosunungurwa mumusasa, ndinoda kubhabhatidzwa seChapupu chaJehovha!” Sezvaakanga angotaura, Sergei akabhabhatidzwa nguva pfupi pashure pokubudiswa kwake, uye akashumira Jehovha nokuvimbika kusvikira afa.
Kuvhiringidzika Pamusoro paVaRoma Chitsauko 13
Ndakabudiswa muusungwa muna January 1963 ndokudzokera kumusha kwangu, kuStenyatyn. Pakarepo ndakaona kuti chimwe chinhu chakanga chisina kumira zvakanaka muungano yomuSokal. Pakanga pane kusawirirana kwakakura pakati pehama. Chii chaiva chinetso? Chii chakanga chakonzera mamiriro aya ezvinhu okusava nechokwadi?
Kwemakore zviremera zveSoviet zvakanga zvichiedza kudyara kusawirirana pakati pevanhu vaJehovha nokusunga hama kuti dzibvunzurudzwe uye zvichitaura kwadziri kuti Zvapupu zvakanga zvichishandiswa kufambisira mberi zvinodiwa zveUnited States of America. Zviremera zvacho zvakakurudzira kuti Zvapupu zvaiva muSoviet Union zviumbe sangano razvo rakasiyana, uyewo kuti zvaikwanisa kuva noukama hune rugare neHurumende uye zvosiyiwa kuti zviite zvechitendero chazvo pasina kutambudzwa. Vakuru vakuru vacho vakaita kuti zvose izvi zvinzwike zvakanaka.
Ipapo muNharireyomurindi yaNovember 15, 1962, iyo yakazobuda mumagazini yechiUkraine yaJuly 1, 1964, kunzwisiswa kutsva kwaVaRoma chitsauko 13 kwakatsanangurwa. Kusvikira panguva iyoyo, takanga tichinzwisisa “vane simba zvikuru” vanotaurwa VaRoma 13:1 mundima yokutanga kuva Jehovha Mwari naJesu Kristu, asi Nharireyomurindi yacho yakati “vane simba zvikuru” chaizvoizvo vanomirira hurumende dzepasi uye kuti “vakaiswa munzvimbo yavo ine mwero naMwari.”—VaRoma 13:1
Zvimwe Zvapupu zvakaona zvakaoma kutenda maonero akagadziridzwa aya, sezvo vatungamiriri vehurumende yepasi muSoviet Union vakanga vaine utsinye mukuedza kwavo kuparadza kunamatwa kwechokwadi kwaMwari. Naizvozvo, Zvapupu izvi zvakafunga kuti Nharireyomurindi yaiva nepfungwa itsva iyi yakanga isina kubva kusangano repamutemo reZvapupu zvaJehovha. Asi, vakafunga kuti mashoko acho akanga angorukwa neavo vaibvumirana zvisina kufanira nezviremera kuitira kuti Zvapupu zviteerere Hurumende yeSoviet.
Nokudaro mushumiri waJehovha mumwe nomumwe muUkraine akatarisana nomubvunzo wokuti, Iboka ripi rakarurama, uye nderipi risina kururama? Ndakaona Zvapupu zvichitsigira divi rimwe nerimwe renharo dzacho uye ndakazvibvunza kuti, ‘Ivavariroi dzazviinadzo?’ Nenguva isipi ndakakwanisa kuona musiyano wakajeka pakati pemativi acho maviri.
Vakawanda veZvapupu zvaJehovha, vamwe vacho vangadaro vasina kunzwisisa zvakakwana kutsanangurwa kutsva kwaVaRoma chitsauko 13, vaida kuomerera nokuvimbika kuna Jehovha nesangano rake. Zvisinei, vamwe vakanga vatanga kusava nechokwadi kana mabhuku epanguva iyoyo eWatch Tower Bible and Tract Society akanga achiri kubva kusangano repamutemo reZvapupu zvaJehovha. Vakadaro vakanga vainewo katsika kokuva nemaonero akanyanyisa panyaya dzinoverengeka. Somuenzaniso, vaifunga kuti zvakanga zvakaipa kuti mwenga upfeke rokwe jena pamuchato wawo uye kuti vakaroorana vapfeke rin’i dzomuchato. Vakati kuti vakasiya sangano. Zvisinei, pashure penguva yakati, vashomanana vavo vakaziva kukanganisa kwavo uye vakadzoka kuzoshumira Jehovha.
Basa Repachivande
Kunyange zvazvo mabasa edu echiKristu akanga akarambidzwa, taiita misangano yedu yevhiki nevhiki mumapoka e10 kusvika ku15 pose pazvaibvira. Mumisangano yacho taiwana simba romudzimu, kubva muzvose zviri zviviri kudzidza Bhaibheri uye kusonganirana kwedu pashure pokudzidza. Taienzanisa zviitiko zvedu, uye izvi zvakatibatsira kuziva kuti mumwe nomumwe wedu aiva nenhamo yakafanana neyevamwe. Takafungisisa zvakanyorwa nomuapostora Petro kuti: “Zvinhu izvozvo zvamuri kutambura zvizhinji zviri kuitika musangano rose rehama dzenyu munyika yose.”—1 Petro 5:9.
Nyaya dzomuNharireyomurindi ndidzo dzataishandisa mukurukurirano dzedu. Magazini acho aisvika sei kwatiri? Zvapupu zvaishanda senhume zvaiunza makopi acho ari pafirimu duku duku zvichiyambuka muganhu kupinda muUkraine. Mafirimu aya aipfuudzwa nenzira yakafanorongwa kubva kuChapupu chimwe kuenda kune chinotevera. Ipapo mumwe nomumwe aigadzira makopi akakwana nokuda kweungano yake. Dzimwe nguva ndaibatanidzwawo mukugadzira makopi akadaro. Ndaishanda zuva rose ndoramba ndakabatikana mubasa raJehovha manheru, ndichigadzira magazini nokuita zvimwe zvinhu. Zvakanga zvakaoma kufambirana nepurogiramu yacho, asi avo vedu vaiva nomutoro musangano takadzidza kuti Jehovha ‘unopa vanoziya simba.’—Isaya 40:29.
Taitanga mikana yokutaura nezveBhaibheri nevanhu vataisangana navo. Vakawanda vedu taiita izvi pataive tiri muzvokufambisa zvavose. Imwe nzira yakanga yakajairika yokutanga kukurukurirana kwaingova kuverenga pepanhau rezuva nezuva ipapo wotaura nyaya ichangobva kuitika kune mumwe mutakurwi. Kana kukurukurirana kwangotangwa, taikuchinjira kunhau yeBhaibheri. Nenzira iyi taiparadzira mashoko akanaka munharaunda yedu.
Mudzimai Anoita Zvakanaka
Muna 1965, ndakaroora Tamara, akanga arerwa somushumiri waMwari wechokwadi uye aiziva zvaireva kutsigira kutenda kwake pamuedzo. Hanzvadzi yake Sergei yakanga yasungwa katatu nokutongerwa mabasa ayo seChapupu. Pakusungwa kwokupedzisira, akawanikwa aine makopi eNharireyomurindi uye akatongerwa makore gumi muusungwa. Tamara pachake akaendeswa nezviremera kumuzinda wazvo kuti abvunzurudzwe uye akatyisidzirwa nokuiswa mujeri.
Kuwana nzvimbo yokugara taroorana kwakanga kwakaoma, asi imwe mhuri yaigara muSokal yaiva noushamwari kuZvapupu yakatipa kamuri duku mumusha wayo tichibhadhara mari shoma. Mhuri iyi yakativimbisa kuti Tamara aikwanisa kuramba achigara mukamuri racho kana ndaizosungwa ndokuiswazve mujeri. Ini nomudzimai wangu takatenda Jehovha nechikomborero chake uye mhuri yacho nomutsa wayo. Gare gare apo mhuri yacho yakafirwa, Tamara akatora mukana wacho kutsanangura tariro yokumuka kumwanasikana wacho, Galina. Mbeu dzechokwadi cheBhaibheri dzakabereka chibereko, uye Galina akawedzera kuda Musiki wedu. Akabhabhatidzwa uye zvino anoshumira Jehovha pamwe nomurume wake.
Kupera kwevhiki kwakawanda muma1970, ndaifamba kumativi akasiyana-siyana eUkraine uyewo kuMoldavia (Moldova) neCarpathian Mountains, ndichisangana uye kukurudzira avo vakanga vachitungamirira musangano raJehovha. Kazhinji kacho ndaibva Chishanu zuva rovira uye ndaidzoka kumba Svondo manheru. Tamara aisawanzoziva kwandaienda uye dzimwe nguva akanga asina chokwadi kana ndaizodzoka. Mamiriro ezvinhu aya akaramba akadaro kwemakore. Ndinogona kungotsigira bedzi zvinotaurwa neBhaibheri nezvomukadzi anoita zvakanaka kuti: “Mutengo wake unokunda kwazvo mutengo wamaparera.”—Zvirevo 31:10.
Mumazuva iwayo kuita chinhu chipi nechipi somumwe weZvapupu zvaJehovha kwaiva nengozi. Takakwanisa kupfuurira nesimba rinopiwa naJehovha chete. Nguva dzisingaverengeki ndakatarisana nemamiriro ezvinhu akaoma uye ndakanga ndisingazivi chokuita. Saka ndaizotaura munyengetero womumwoyo uye kutsamira pana Jehovha nokuda kwesimba. Kuita kudaro kwakava nzira yedu youpenyu.—Mabasa 4:29.
Nguva Ichangobva Kupfuura
Nokufamba kwakaita nguva, upenyu hwakava nyore kuvashumiri vaJehovha muUkraine. Kutambudzwa kwakadzikira, uye mitongo yokugara mujeri yakatsiviwa nefaindi. Muma1980, zviremera zvakatanga kuziva kuti zvechokwadi Zvapupu zvaJehovha isangano romunyika yose. Nokudaro, nokuisa Zvapupu mujeri muUkraine nokumwewo muSoviet Union, Hurumende yakanga ichikuvadza mukurumbira wayo kunze kwenyika. Ndinoyeuka ndichibvunzurudzwa nomumwe mukuru mukuru akandiudza kuti: “Zvino tinoziva kuti chitendero hachifaniri kukuvadza. Chatine hanya nacho zvikuru ndechokuti boka rechitendero harifaniri kukuvadza Hurumende.”
MuEastern Europe Keteni Resimbi rakatanga kuvhurika mukupera kwema1980, uye kubvira ipapo tanga tiine rusununguko rwakawedzerwa muUkraine. Muna 1991 basa redu rokuparidza rakanyoreswa zviri pamutemo. Ipapo, muna September 1998, Watch Tower Society yakatanga hofisi yebazi muLviv. Mukutanga kwa1999 kuvaka kwakatanga panzvimbo itsva yebazi ichagara vashandi vanopfuura 170. Zvino muUkraine tine vanopfuura 112 000 vari kuitawo basa rokuparidza, uye vanopfuura 250 000 vakapinda Chirangaridzo muna 2000. Chinonyanya kushamisa inhamba yevaduku vari pakati pedu. Pane imwe kokorodzano muKiev muna 1991, mumwe mutori wenhau wepepanhau akandibvunza kuti:
“Vanhu vose ava vakabva kupi? Ndaifunga kuti muSoviet Union makanga musina Zvapupu, uye kamwe kamwe mava nezviuru!”
“Hatina kungoerekana tavapo, kamwe kamwe,” ndakamuudza kudaro. “Tave tichishumira Jehovha muno kwemakore akawanda.”
“Munokwezva sei vechiduku vakawanda zvakadai kuchitendero chenyu?” aida kuziva.
“Chinhu chakanakisisa kuti mubvunze vechiduku vacho pachavo. Regai vakuudzei nei vachida kushumira Jehovha.”
“Ndatovabvunza,” akadaro mutapi wenhau wacho. “Vandiudza kuti vanozvifarira.”
“Saka ndicho chikonzero chacho,” ndakawedzera kudaro. “Kana zvirizvo zvinotaurwa nevaduku vedu, saka ndiyo tsananguro yacho.”
Vanhu vaduku havasiri ivo voga vanofarira kushumira Jehovha. Ini naTamara tave tichimushumira kwemakore akasanganiswa anopfuura 80 uye hatishuvi kuchinja kutenda kwedu nokuda kwechinhu chipi nechipi. Kunyange zvazvo tiri Zvapupu zvaJehovha, tichingori nezvinetso. Tinoziva kuti chero bedzi gadziriro ino yekare ichipo, munhu wose acharamba achitarisana nezvinetso. Asi isu takashongedzerwa zviri nani kutarisana nemiedzo kupfuura rimwe boka ripi neripi revanhu pasi pano. Tinoramba takatsunga kutarisana nemiedzo iyi sezvatakaita munguva yakapfuura, musimba raMwari wemasimba ose, Jehovha. Tinonzwa sezvakaita Mosesi paakaimba rwiyo rwokukunda achiti: “Jehovha ndiro simba rangu norwiyo rwangu; iye wakava ruponeso rwangu.”—Eksodho 15:2.
[Mufananidzo uri papeji 22]
Nezvimwe Zvapupu mumusasa wechibharo 21
[Mufananidzo uri papeji 22]
Firimu duku duku re“Nharireyomurindi” yechiUkraine (ukuru hwacho chaihwo)
[Mufananidzo uri papeji 23]
Nomudzimai wangu, Tamara
[Mufananidzo uri papeji 24, 25]
Mufananidzo womunyori wenzvimbo yebazi riri kuvakwa muLviv
[Mifananidzo iri papeji 25]
Nei vaduku vakawanda zvakadai muUkraine vachishumira Jehovha?