RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g00 11/8 pp. 16-17
  • Nyeredzi Dzinofanira Kudzora Upenyu Hwako Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nyeredzi Dzinofanira Kudzora Upenyu Hwako Here?
  • Mukai!—2000
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kwazvakabva Nako
  • Ngozi Dzisiri Pachena
  • Bhaibheri—Nhungamiro Yakavimbika
  • Kuongorora Nyeredzi Nekufembera—Zvinobatsira Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2018
  • Nyeredzi Ndidzo Dzinoratidza Zvichaitika Muupenyu Hwako Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Chii Chiri Munyeredzi Nokuda Kwako?
    Mukai!—1994
Mukai!—2000
g00 11/8 pp. 16-17

Zvinotaura Bhaibheri

Nyeredzi Dzinofanira Kudzora Upenyu Hwako Here?

“VANHU VADUKU NAVAKURU VANOTSVAKA ZVIRATIDZO ZVERAMANGWANA RAVO MUNYEREDZI HAVAPERI.”—POPE JOHN PAUL II.

MAERERANO nokumwe kubvunzurudza, munhu wokuAmerica mumwe chete pavana anoshandisa mashoko okuongororwa kwenyeredzi pakuita zvisarudzo. Kuverenga zviratidzo zvokuongororwa kwenyeredzi hakugumiri kurutivi irworwo rwepasi chete. Munenge mupasi rose, nyeredzi dzinoongororwa nokuda kwemazano panhau dzemari, zvirongwa zvokufamba, kuchinja mabasa, mazuva omuchato, uye zvirongwa zvechiuto. Zvinotaurwa kuti chiratidzo chenyeredzi chomunhu chinogona kuratidza wokuroorana naye anotarisirwa uye chinogona kutoratidza kuti vanhu vakaroorana vapi vasingazowirirani. Kubva kuMabvazuva kusvikira kuMadokero, kuongorora nyeredzi kwakabata pfungwa dzemamiriyoni. Asi zvokuongorora nyeredzi zvakabva nokupi?

Kwazvakabva Nako

Nzira dzakasiyana-siyana dzokuongorora nyeredzi dzinogona kurondwa kusvikira kumararamire apakuvamba anozivikanwa. Kunyange Bhaibheri rinotaura nezve“hondo dzose dzokudenga.” (2 Madzimambo 23:5) Zviri pachena kuti nyeredzi dzaiongororwa munguva dzekare nevaHindu uyewo nevaChina, vaIjipiti, vaGiriki, nevamwewo vanhu. Zvisinei, kutaurwa kwokutanga kwezviratidzo zvenyeredzi kwakawanwa muBhabhironi rekare.

VaBhabhironi vakatanga kuongorora nyeredzi nechinangwa chokuwana mashoko pamusoro penguva yemberi. Apo kufamba kwezvinhu zvomuchadenga kwaicherechedzwa, machati uye magirafu ane mashoko akajeka akagadzirwa. Kubva mune iwaya, nhau dzavanhu nezviitiko zvenyika zvakafanotaurwa. Muzviitiko zvakawanda zvisarudzo zvematongerwo enyika kana zvechiuto zvaisaitwa kusvikira vazivi venyeredzi vadaidzwa kuti vape mazano avo. Nokudaro, boka ravapristi raizviti rinouchenjeri hwakakosha uye simba rinopfuura ravanhu rakasvika pakuva nesimba zvikuru. Chokwadi, temberi dzose dzinokosha muBhabhironi dzakanga dzakashongedzerwa nepokuongorora zvinhu zvomuchadenga.

Munguva dzazvino uno kuongorora nyeredzi kuri kupfuurira kuita basa rinokosha muupenyu hwevanhu vakawanda. Kunyange avo vanoti havatendi muzviratidzo zvenyeredzi vangangozviverengawo nokuda kwenhandaro kana kuti nokuda kungozivawo. Ndezvechokwadi kuti vazivi venyeredzi vakambofembera zvakazoitika. Asi izvi zvinoreva kuti kubvunza nyeredzi kunobatsira here? Chaizvoizvo, vashumiri vaMwari vekare vakaona sei kufarirwa kwokuongorora nyeredzi?

Ngozi Dzisiri Pachena

Kusiyana nevaBhabhironi, vaJudha vakatendeka havana kuongorora nyeredzi—nokuda kwechikonzero chakanaka. Mwari akavanyevera zvakajeka kuti: “Pakati pako hapafaniri kuwanikwa munhu . . . [“unoshopera,” NW] kana unotenda mashura, kana unoita mazango, kana muroyi, kana n’anga, kana unobvunza masvikiro kana muvuki, kana unobvunza vakafa. Nokuti vose vanoita izvi vanonyangadza Jehovha.”a—Dheuteronomio 18:10-12.

Vashumiri vaMwari vakaramba zvakasimba kuongorora nyeredzi. Somuenzaniso, Mambo akatendeka Josia “akaparadza . . . vose vaipisa zvinonhuwira kuna Bhaari, nezuva, nomwedzi, nenyeredzi, nehondo dzose dzokudenga.” Kuita kwaJosia kwakanzi kwakanga kwa“karurama pamberi paJehovha,” uye Mwari akamukomborera nokuda kwaizvozvo. (2 Madzimambo 22:2; 23:5) Asi vamwe vangabvunza kuti, ‘Kumwe kufembera kwevazivi venyeredzi hakuna kuva kwechokwadi here?’

Zvinofadza kuti muMagwaro echiKristu echiGiriki, tinoverenga nezvomusikana “aisiwanisa vatenzi vake pfuma yakawanda nokufembera.” Sezviri pachena, zvimwe zvezvinhu zvakafemberwa nomusikana uyu zvakaitika, sezvo vatenzi vake vaiwana mari kubva mumasimba ake. Asi chii chakanga chichitsigira kukwanisa kwomusikana uyu kufembera zviitiko zvomunguva yemberi? Bhaibheri rinoti akanga ari pasi pesimba ro“mudzimu, dhimoni rokushopera.”—Mabasa 16:16.

Bhaibheri rinoratidza kuti “nyika yose iri musimba rewakaipa,” Satani Dhiyabhorosi. (1 Johani 5:19) Nokufambisa zviitiko kuti kumwe kufembera kuitike, Satani nemadhimoni vakabata pfungwa dzemamiriyoni.

Chokwadi chiri pachena ndechokuti kuongorora nyeredzi ndiwo mamwe e“manomano aDhiyabhorosi,” aanoshandisa kudzora nokutuma vanhu kuti vaite chinangwa chake. Nokudaro, hazvitomboshamisi kuti Bhaibheri rinokurudzira vaKristu “kumira [v]akasimba” vachirwisana nemanomano aSatani—anosanganisira kuongorora nyeredzi. (VaEfeso 6:11) Asi izvi zvinoreva here kuti tinosiyiwa tisina nhungamiro nezvenguva yemberi?

Bhaibheri—Nhungamiro Yakavimbika

Mamiriyoni akaona Bhaibheri kuva nhungamiro yakavimbika mukuita zvisarudzo. Sokutaura kwakaita munyori wepisarema Dhavhidhi, “chipupuriro chaJehovha ndechazvokwadi, chinopa vasina mano njere.” (Pisarema 19:7; 119:105) Izvi hazvirevi kuti Bhaibheri rinotaura zvose izvo munhu anofanira kuita mumamiriro ezvinhu mamwe namamwe. Asi Shoko raMwari rine nheyo dzinogona kutibatsira kurovedza masimba edu okunzwisisa. Izvi zvichatigonesa kusiyanisa chakanaka nechakaipa uye zvinotibatsira kuita zvisarudzo zvokuchenjera.—VaHebheru 5:14.

Saka, vaKristu vechokwadi vane chikonzero chakanaka chokusabatanidzwa mukutsvaka zviratidzo zvenyeredzi, kunyange senhandaro kana kuti kungoda kuziva. Asi, vanoteerera nokuchenjera nyevero dziri muShoko raMwari dzinorambidza kudzora kwose kwemadhimoni, kusanganisira marudzi maduku. Nokubvumira Bhaibheri panzvimbo pokuongorora nyeredzi kudzora upenyu hwako, unogona kuwana chikomborero chaMwari nokusingaperi.—Pisarema 37:29, 38.

[Mashoko Omuzasi]

a Kushopera kunosanganisira zvose zvokuwana zivo, zvikurukuru ine chokuita nezvinoitika zvomunguva yemberi, nemasimba asingaoneki.

[Mifananidzo iri papeji 16]

Zviratidzo zvenyeredzi zvokumabvazuva

[Mifananidzo iri papeji 16]

Zviratidzo zvenyeredzi zvokumadokero

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe