Chii Chiri Munyeredzi Nokuda Kwako?
YAKANYORWA NOMUNYORI WEMUKAI! MUBRAZIL
“WATI wanzwa here kuti zviri munyeredzi, July anotevera tinobonderana neMars?” Aya mashoko orwiyo rune mutinhimira wakapomhodzwa rwaCole Porter anosanotaura chitendero chinozivikanwa navose uye chekare chokuti nguva yemberi yomunhu yakati batanei nenyeredzi.a Asi pane wirirano ipi neipi chaiyoiyo here pakati pemitumbi yokudenga noupenyu hworudzi rwomunhu papasi rino? Kana zvakadaro, rudzi rwomunhu runotapurwa sei? Kana zvisina kudaro, nyeredzi dzinoita donzoi chaizvoizvo?
Hakushamisi kuti vanhu vakawanda kwazvo vanofarira nguva yemberi apo tinorangarira zvinoitika zvakati zvinokatyamadza zvemisi ichangobva kupfuura iyi—kuwa kweChidziro cheBerlin nokuputsika kwokukurumidza kweyaichimbova Soviet Union, kushaikwa kwechivimbo muvatungamiriri vezvamatongerwe enyika, kuvengana kwamadzinza kuri kuoneka muAfrica neEurope, ruvengo rworudzidziso muIndia neIreland, kukwira kwemitengo kuri kuwedzera kunotambudza nyika dzakawanda kwazvo, uye kupanduka kwepwere. Mukuwirirana nomushumo wakabva kuUniversity of Hamburg, 1992 rakanga riri gore rerwisano zvikurusa chifo chokupera kweHondo yeNyika II, nerwisano dzakashongedzerwa nezvombo 52 munyika dzakasiyana-siyana. Vanhu vanoda rugare nenzira yomuzvarirwo vanobvunza, kuti: ‘Ndokupi kwatinogona kutarira nokuda kwekotsekano, rugare, uye chengeteko?’
Kusava nechokwadi kwenguva yemberi kwakatungamirira kuwedzero mukufembera muzvimiro zvako zvakasiyana-siyana. Ruzivo rwenyeredzi zvimwe ndirwo runozivikanwa zvikurusa. Ruchisiyaniswa nesayenzi yoruzivo rwemitumbi yomudenga, ruzivo rwenyeredzi ndiko “kuuka kwetapuro dzinofungidzirwa dzenyeredzi nenyika dzomudenga pazvinhu zvavanhu nezvinoitika zvapasi pano kupfurikidza nezvimiro nenzvimbo dzazvo.” Nhasi, mamiriyoni avanhu haagoni kudzivisa chaizvoizvo kurava horoscope nokuda kwezvikarakadzo pamusoro penguva yavo yemberi.b
Dzimwe nharaunda umo vezvoruzivo rwenyeredzi vanotaura kuti vanofembera nguva yemberi dzinobatanidza muuyo wezvinetso zveroorano nezvinetso zvoutano, kumuka nokuwa kwavatungamiriri vezvamatongerwe enyika, musi wakanakisisa wokuvhura bhizimisi idzva, uye nhamba dzokushandisa kuwina rotari.
Mushumo weReuters wakashuma kuti wezvoruzivo rwenyeredzi Joan Quigley akanga achigarobvunzwa naNancy Reagan pamusoro peapo murume wake, panguva iyeyo aiva purezidhendi weUnited States, anofanira kupa hurukuro dzake neapo ndege yake inofanira kusimuka nokumhara. New Catholic Encyclopedia yakazivisa kuti “ruzivo rwenyeredzi rwakashandiswa naPope Julius II [1503-13] kugadza zuva rokugadzwa kwake uye naPaul III [1534-49] kusarudza awa yakakodzera yoMusangano Wamabhishopi uri wose.” Alfred Hug, mutungamiriri wefemu yeSwitzerland inoshandisa ruzivo rwenyeredzi kupa zano varonzi mubhizimisi guru, anovimbisa miuyo yakaisvonaka. “Kwakanyorwa munyeredzi,” iye anosimbisa kudaro.
Nenzira yakajeka, vakawanda vanonzwa kuti nyeredzi dzinotapura upenyu hwavanhu. Ruzivo rwenyeredzi rwakatanga sei? Bhuku rekare Bhaibheri rine chinhu chipi nechipi chokutaura pamusoro poruzivo rwenyeredzi navezvoruzivo rwenyeredzi here?
[Mashoko Omuzasi]
a “MuChina yekare, . . . zviratidzo mudenga pamwe chete nengwavaira dzomusikirwo zvaifungwa kuti zvinoratidza mabasa akanaka namabasa akaipa aMambo nehurumende yake.”—The International Encyclopedia of Astronomy.
b Horoscope “ichati yezvimiro zvinowirirana zvenyika dzomudenga nezviratidzo zvezodiac panguva yakati (sapakuberekwa kwomunhu)” uye inoshandiswa navezvoruzivo rwenyeredzi kuedza kufembera zvinoitika zvenguva yemberi muupenyu hwomunhu.