Nyeredzi Ndidzo Dzinoratidza Zvichaitika Muupenyu Hwako Here?
MUSI wakunenge kusina makore usiku uye pasina chiedza chemagetsi, denga rinenge rakati tsva, rizere nenyeredzi dzinenge dzichipenya. Vanhu vakatozotanga kunzwisisa kukura kwakaita nyeredzi uye kuti dziri kure zvakadini nesu mumakore 350 chete adarika. Tava kutanga kunzwisisa kukura kwakaita masimba anoshanda munyika yakanaka kwazvo yatinogara.
Kubvira kare kare, vanhu vakacherechedza kufamba kunoita zvinhu zviri kudenga uye kuchinja kwazvinoita nzvimbo muchadenga imomo zvichienderana nemwaka. (Genesisi 1:14) Vakawanda vakataura zvakataurwa naMambo Dhavhidhi waIsraeri, uyo ava nemakore 3000 anyora kuti: “Pandinoona matenga enyu, iwo mabasa eminwe yenyu, mwedzi nenyeredzi zvamakagadzira, munhuwo zvake chiiko zvamunomufunga?”—Pisarema 8:3, 4.
Tingava tichizviziva kana kuti tisingazvizivi, zvisikwa zviri kudenga uye mafambiro azvinoita ane zvakawanda zvaanoita paupenyu hwedu. Zuva, nyeredzi inotendererwa nenyika yatinogara, ndiro rinotibatsira kuchengeta nguva, kuziva kureba kwakaita zuva redu negore. Mwedzi ‘ndewekuti utare nguva,’ kana kuti ‘utiudze mwaka.’ (Pisarema 104:19, Contemporary English Version) Uyewo vaya vanotyaira zvikepe pamwe nenyanzvi dzinoongorora zviri muchadenga vanoshandisawo nyeredzi kuti dzivatungamirire. Izvi zvinoita kuti vamwe vashamisike kuti nyeredzi dzinongotiudza mwaka nenguva chete here, kutibatsira kukoshesa zvinhu zvakasikwa naMwari, kana kuti pane zvimwewo zvadzinoita. Dzingatiudzawo here zvichaitika mune ramangwana kana kutinyevera nezvematambudziko?
Pakatangira Kuongorora Nyeredzi Uye Matangiro Azvakaita
Tsika yokutarira kumatenga kuti vanhu vaone zviratidzo zvinotitungamirira muupenyu pasi pano yakatangira kuMesopotamia, kubvira kare chaiko, zvichida chiuru chemakore chechitatu B.C.E. Vakatanga netsika yokuongorora nyeredzi vainyatsotarira kumatenga. Sayenzi yokuongorora nyeredzi yakatangira pakucherechedza kwavaiita mafambiro ezvisikwa zvokudenga, nzvimbo dzaigara nyeredzi, kuronga makarenda, uye kugara vataura kuti zuva richaora. Asi kuongorora nyeredzi hakungogumiri pakucherechedza zvinoitwa nezuva nemwedzi pane zvose zvakasikwa. Vanodziongorora vanotiwo nzvimbo inogara zuva, mwedzi, nyeredzi nemapoka enyeredzi haingoratidzi zvichaitika panyika asiwo inoratidza zvichaitika muupenyu hwedu. Sei?
Dzimwe nyanzvi dzokuongorora nyeredzi dzinoti iyi inzira yokuongorora kuti zvisikwa zvokudenga zvinoratidza kana kunyevera nezveramangwana here, uye nyanzvi idzi dzinogona kuzvishandisa uye kubatsirwa nazvo nenzira dzakasiyana-siyana. Vamwe vanofunga kuti kuongorora nyeredzi kunotoratidza zvatakagara tarongerwa kuti tizoita kana kuti kungatibatsira kuziva nguva yatingabudirira kuita mamwe mabasa kana kuti kuita zvimwe zvinhu. Vanhu vanogona kuziva izvi kana vakaongorora kurongwa kwakaitwa zvisikwa zvikuru zvokudenga vocherechedza kubatsirana kwazvinoita uye zvazvinozoita zvava panyika. Zvinonzi zvazvinozoita pamunhu mumwe nomumwe zvinoenderana nokurongwa kunenge kwakaitwa zvisikwa zvokudenga panguva yaanoberekwa.
Vakatanga-tanga kuongorora nyeredzi vaifungidzira kuti nyika ndiyo yaiva pakati nepakati pezvose zvakasikwa uye kuti nyeredzi dzainge dzakavharirwa munzvimbo dzakakura dzaitenderera nyika. Vaifungidzirawo kuti zuva raifamba nomuchadenga pakati penyeredzi nemapoka enyeredzi nomukamwe kanzira gore negore. Kanzira kanofamba nezuva aka vakabva vakaisa muzvikamu 12. Chikamu chimwe nechimwe chakapiwa zita reboka renyeredzi raifamba nezuva. Ndopakabva zviratidzo 12 zvemapoka enyeredzi. Mwari mumwe nomumwe ainzi aigara mumapoka aya, kana kuti “dzimba dzokudenga.” Nokufamba kwenguva masayendisiti akazoziva kuti zuva harisi iro rinotenderera nyika asi kuti nyika ndiyo inotenderera zuva. Izvi zvakaita kuti sayenzi yokuongorora nyeredzi ibve yaparara.
Kubvira kuMesopotamia kwayakatangira, tsika yokuongorora nyeredzi kuti uzive ramangwana yakapararira munzvimbo dzose dzenyika uye vanhu vose zvavo vakaigamuchira. Pakakundwa Bhabhironi nePezhiya, tsika yokuongorora nyeredzi kuti uzive ramangwana yakapararira kuIjipiti, Girisi, neIndia. Kubva kuIndia, mamishinari echiBuddha akaenda nayo kuAsia, China, Tibet, Japan neSoutheast Asia. Kunyange zvazvo zvisinganyatsozivikanwi kuti yakasvika sei kuMaya, vanhu veko vakanyatsoita zvokuongorora nyeredzi sezvaiitwa nevaBhabhironi. Zviri pachena kuti kuongorora nyeredzi kwava kuitwa mazuva ano kwakatangira kuIjipiti uye kwakachinja chaizvo mafungiro evaJudha, vaIslam, uye vaya vanozviti vaKristu.
Rudzi rwaIsraeri rusati rwatombotapwa kuenda kuBhabhironi muzana remakore rechinomwe B.C.E., rwaiitawo zvokuongorora nyeredzi izvi. Bhaibheri rinotiudza nezvezvakaitwa namambo akanga akatendeka Josiya kuti abvise tsika yokubayira zvibayiro ku“zuva nomwedzi nemapoka enyeredzi dzokudenga neuto rose rokumatenga.”—2 Madzimambo 23:5.
Kwakatangira Tsika Yokuongorora Nyeredzi
Tsika yokuongorora nyeredzi kuti uzive ramangwana yakatangira pazvikanganiso zvakakura zvine chokuita nemamiriro akaita zvose zvakasikwa uye kuti zvinoshanda sei. Saka zviri pachena kuti haingabvi kuna Mwari. Sezvo isina kuvakirwa pachokwadi, tsika yokuongorora nyeredzi haingatiudzi zvatingavimba nazvo nezveramangwana. Zvinhu zviviri zvakaitika kare zvinonyatsoratidza kuti tsika iyi haishandi.
Paitonga Mambo weBhabhironi Nebhukadhinezari, vapristi nevazivi venyeredzi vakatadza kududzira hope dzamambo wacho. Muprofita waMwari wechokwadi Jehovha ainzi Dhanieri, akavaudza chakanga chavatadzisa kudzidudzira, achiti: “Varume vakachenjera, n’anga, vapristi vanoita zvemashiripiti nevazivi venyeredzi havakwanisi kuudza mambo chinhu chakavanzika chaari kubvunza. Asi kuna Mwari ari kumatenga, Muzivisi wezvinhu zvakavanzika, uye aita kuti Mambo Nebhukadhinezari azive zvichazoitika mumazuva okupedzisira.” (Dhanieri 2:27, 28) Chokwadi, Dhanieri aitarira kuna Jehovha Mwari, “Muzivisi wezvinhu zvakavanzika,” kwete kuzuva, mwedzi, nenyeredzi, uye akakwanisa kududzira zvakarurama hope dzamambo.—Dhanieri 2:36-45.
Zvinhu zvakarurama zvaizivikanwa nevaMaya nokuda kwokuongorora kwavo nyeredzi muchiuru chemakore chechipfumbamwe C.E. hazvina kuita kuti tsika dzavo dzisaparara. Izvi zvinoratidza kuti kuongorora nyeredzi hakusi kwechokwadi, hakukwanisi kuita kuti munhu anyatsoziva zvakarurama, asiwo kunobudisa pachena chinangwa chacho chaicho: chokuti vanhu vasaramba vachitsvaka nezveramangwana ravo kuna Mwari.
Kuziva kuti kuongorora nyeredzi hakubudisi chokwadi kunotibatsirawo kuti tizive kuti kwakatangwa nani. Jesu akati nezvaDhiyabhorosi: “Haana kumira zvakasimba muchokwadi, nokuti chokwadi hachisi maari. Paanotaura nhema, anotaura maererano nemafungiro ake, nokuti iye murevi wenhema nababa venhema.” (Johani 8:44) Satani anonyepedzera kuva “ngirozi yechiedza,” uye madhimoni anoedzesera kuva “vashumiri vokururama.” Asi chokwadi ndechokuti vanyengeri vane chinangwa chokunyengera vanhu. (2 VaKorinde 11:14, 15) Shoko raMwari rinofumura “basa rose rine simba nezviratidzo zvenhema nezvishamiso” richiti “kushanda kwaSatani.”—2 VaTesaronika 2:9.
Sei Usingafaniri Kuongorora Nyeredzi?
Kuongorora nyeredzi kuti uzive ramangwana hakusi kwechokwadi saka kunosemesa Mwari wechokwadi. (Pisarema 31:5) Izvozvo zvinoita kuti Bhaibheri rishore tsika yacho uye rinokurudzira vanhu kuti vasamboitevedzera. Pana Dheuteronomio 18:10-12, Mwari anotaura zvakajeka kuti: “Pakati pako hapafaniri kuwanikwa munhu . . . anotenda mashura kana muroyi, . . . kana anobvunza svikiro, kana vafemberi, kana anobvunza vakafa. Nokuti vose vanoita zvinhu izvi vanosemesa Jehovha.”
Satani nemadhimoni ake zvavari ivo vanopa simba vaya vanoita zvokuongorora nyeredzi, kudziongorora kuchaita kuti munhu akurirwe navo. Sezvinongoitikawo kana munhu atanga kushandisa zvinodhaka, vanozvitengesa vanobva vati name-name naye, kana munhu akatanga kuita zvokuongorora nyeredzi zvingaitawo kuti akundwe nomunyengeri mukuru, Satani. Saizvozvo, vaya vanoda Mwari nechokwadi havatombofaniri kuita chero chii zvacho chine chokuita nokuongorora nyeredzi asi vanofanira kuteerera zano reBhaibheri rokuti: “Vengai zvakaipa, mude zvakanaka.”—Amosi 5:15.
Chinoita kuti vanhu vaongorore nyeredzi kuda kuziva ramangwana. Zvinoita here kuti tizive kuti ramangwana richange rakadini? Kana zvakadaro, zvinofamba sei? Bhaibheri rinotiudza kuti haukwanisi kuziva zvichaitika kwauri iwe pachako mangwana, mwedzi unouya, kana kuti gore rinouya. (Jakobho 4:14) Kunyange zvakadaro, Bhaibheri rinotiudza kuti zvii zvichaitika kune vanhu vose mune ramangwana. Rinotiudza kuti munguva pfupi iri kuuya Umambo hwatinonyengeterera muMunyengetero waShe huchauya. (Dhanieri 2:44; Mateu 6:9, 10) Rinotiudzawo kuti kutambura kuri kuita vanhu kuchapera munguva pfupi iri kuuya uye hatizotamburizve. (Isaya 65:17; Zvakazarurwa 21:4) Pane kufanorongera vanhu ramangwana, Mwari ari kukumbira vanhu vari kwose kwose kuti vadzidze nezvake uye nezvezvaachavaitira kuti vabatsirwe. Izvozvo tinozviziva sei? Bhaibheri rinonyatsojekesa kuti Mwari anoda kuti “vanhu vemarudzi ose vaponeswe uye vasvike pakuva nezivo yakarurama pamusoro pechokwadi.”—1 Timoti 2:4.
Matenga anoshamisa nezvinhu zvose zviri maari hazvina kuisirwa kuti zvitiratidze zvichaitika muupenyu hwedu. Asi zvinoratidza simba raJehovha uye kuti iye ndiye Mwari. (VaRoma 1:20) Zvinogona kuita kuti tirambe nhema dzinotaurwa totarira kuna Mwari nokuShoko rake, Bhaibheri, kuti rititungamirire kuti tibudirire muupenyu. “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kuvimba nokunzwisisa kwako. Funga nezvake munzira dzako dzose, uye iye acharuramisa makwara ako.”—Zvirevo 3:5, 6.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 19]
VaMaya vakaedza zvavaigona kuongorora nyeredzi kuti vazive ramangwana
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 20]
“Kuna Mwari ari kumatenga, Muzivisi wezvinhu zvakavanzika, uye aita kuti . . . [ti]zive zvichazoitika mumazuva okupedzisira”
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 20]
Zvinhu zvakarurama zvaizivikanwa nevaMaya nokuda kwokuongorora kwavo nyeredzi hazvina kuita kuti tsika dzavo dzisaparara
[Mufananidzo uri papeji 19]
El Caracol Observatory, Chichén Itzá, Yucatán, Mexico, 750-900 C.E.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 19]
Pages 18 and 19, left to right: Stars: NASA, ESA, and A. Nota (STScI); Mayan calendar: © Lynx/Iconotec com/age fotostock; Mayan astronomer: © Albert J. Copley/age fotostock; Mayan observatory: El Caracol (The Great Conch) (photo), Mayan/Chichen Itza, Yucatan, Mexico/Giraudon/The Bridgeman Art Library