Kurarama Zvinobudirira Nourwere Hwako—Sei?
IVA nechokwadi chokuti kunetseka kwauri kuita kwakakodzera. Kunyange zvazvo urwere kana kuti urema hwako hungava hwomuviri, pfungwa dzako dzinoramba kuchinja kwaunenge waitwa nourwere. Zvingaita sokuti iwe nourwere hwacho muri kukweverana, kukakatirana kuripo pakuti waive ani uye kuti uchava ani. Uye iye zvino zvingaita sokuti urwere hwako huri kukunda. Asi, unokwanisa kusandura zvinhu. Sei?
“Kana ukarasikirwa nechimwe chinhu nemhaka yokurwara kwako,” anodaro Dr. Kitty Stein, “zvinoita sokuti wava kufa.” Saka, kana ukarasikirwa nechimwe chinhu chaunoda zvikuru soutano hwako, ndezvomuzvarirwo kuzvipa nguva yokuchema nhamo yako, kungofanana nezvawaizoita kudai waizofirwa nomudiwa. Chaizvoizvo, kurasikirwa kwako kungasanganisira zvakawanda kudarika utano hwako. Sezvakataurwa nomumwe mukadzi kuti, “Ndaitofanira kusiya basa rangu. . . . Ndaitofanira kusiya kuzvimirira kwandakanga ndinako kwenguva yakareba.” Kunyange zvakadaro, ramba uchiona kurasikirwa kwako sezvakuri. “Unofanira kuchema zvaunenge warasikirwa nazvo” anowedzera kudaro Dr. Stein, iye pachake ane dzimwe nhengo dzomuviri dzakaoma, “asi unofanirawo kunzwisisa zvauchiri kukwanisa kuita.” Chokwadi, kana wangonetseka chete mumazuva okutanga, uchaziva kuti uchiri nezvimwe zvakawanda zvauchiri kukwanisa kuita. Kutanga, uchiri kukwanisa kugadzirisa zvinhu.
Mukwasvi haakwanisi kudzora mafungu, asi anogona kuakunda kana akagadzirisa micheka yengarava yake. Saizvozvowo, ungasakwanisa kudzora urwere hunenge hwapinda muupenyu hwako, asi unokwanisa kurarama nahwo nokugadzirisa “micheka” yako, kureva kuti, zvinhu zvaunazvo, pfungwa dzako uye mafungiro ako. Chii chakabatsira vamwe vakanga vane urwere husingaperi kuti vaite izvozvo?
Dzidza Nezvourwere Hwako
Pavanenge vakwanisa kubata nokunzwa kwepakutanga kwokubatwa nechirwere, vakawanda vanofunga kuti kuziva chokwadi kuri nani pane kuramba uchitya zvausingazivi. Nepo kutya kuchigona kuita kuti usakwanisa kuita basa, kuziva zviri kuitika kwauri kungakubatsira kufunga nezvezvaunofanira kuita—uye izvozvo zvinhu zvinowanzobatsira zvikuru. “Ona kuti unokwanisa sei kunzwa zviri nani nezvechinhu chipi nechipi kana ukaona kuti unogona kufunga mazano okuti uchikunde,” anodaro Dr. David Spiegel weYunivhesiti yeStanford. “Pachine nguva yakareba usati wanyatsoita chimwe chinhu, unoderedza kunetseka kwako nokuronga zvaunoda kuita.”
Unganzwa uchida kudzidza zvakawanda nezvezviri kuitika kwauri. Sezvinotaurwa nechirevo cheBhaibheri kuti “munhu wezivo unowedzera simba.” (Zvirevo 24:5) “Tora mabhuku kuraibhurari. Dzidza zvakawanda sezvaunokwanisa nezvourwere hwako,” anopa zano achidaro mumwe murume ane chirwere chinoramba chakamuradzika. Sezvaunodzidza nezvemishonga inowanika uye nzira dzokurarama nadzo, ungaona kuti mamiriro ako ezvinhu haana kunyanya kuipa sezvawaityira. Ungatowana zvikonzero zvokuva netariro.
Zvisinei, kunzwisisa urwere hwako nenzira yakanaka haisiyo vavariro yako yokupedzisira. Dr. Spiegel anotsanangura kuti: “Kuunganidza mashoko uku chinhu chinokosha zvikuru kana uchizorarama zvakanaka nourwere, kuhunzwisisa, uye kuhuona sezvahuri.” Kubvuma kuti upenyu hwako hwachinjwa asi kuti hahusati hwapera idanho rakaoma uye rinotora nguva huru. Asi danho iri rokufambira mberi—kubva pakunzwisisa urwere hwako zvakanaka kusvika pakuhubvuma—nderimwe raunokwanisa kutora. Sei?
Kudzikamisa Zvinhu Zvakanaka
Ungafanira kugadzirisa maonero ako ezvinhu maererano nokunzwisisa zvinoreva kubvuma urwere hwako. Chokwadi, kubvuma kuti uri kurwara hazviratidzi kuti wakundikana, sezvakusiri kukundikana kana mukwasvi akabvuma chokwadi chokuti ari mumafungu. Asi, kuona zvinhu sezvazviri chaizvo kunoita kuti aite chimwe chinhu. Saizvozvowo, kubvuma urwere hwako hakusi kukundikana, asi zvinoreva kuti uri “kufambira mberi mugwara idzva,” sezvakataurwa nomumwe mukadzi ane urwere husingaperi.
Kunyange kana wava kukwanisa kuita zvinhu zvishoma, ungada kuzviyeuchidza kuti pfungwa dzako, mafungiro ako, uye unhu hwako hwomudzimu hazvifaniri kuvhiringidzwa. Somuenzaniso, uchine njere uye mano zvokukwanisa kuronga nokufunga zvinhu here? Zvichida uchiri kukwanisa kunyemwerera zvinofadza zvikuru, uchine hanya nevamwe, uchiri kukwanisa kuteerera vamwe zvakanaka uye uchiri shamwari yechokwadi. Uye zvinonyanya kukosha, uchine kutenda muna Mwari.
Uyezve, ramba uchiyeuka kuti kunyange zvazvo usingakwanisi kuchinja mamiriro ako ezvinhu ose, uchiri kukwanisa kusarudza zvaunogona kuita kumamiriro ako ezvinhu. Irene Pollin weNational Cancer Institute anoti: “Ndiwe unosarudza zvaunoita kuchirwere chako. Une simba pasinei nezvinoitwa nechirwere chako pauri.” Helen, vamwe ambuya vane makore 70 vakaoma dzimwe nhengo dzomuviri, vanoti: “Hahusi urwere hwako huchatema kuti uchakwanisazve kupfuurira wakadzikama asi zvaunoita kuurwere hwacho.” Mumwe murume akararama nourema kwemakore anoverengeka anoti: “Mafungiro akanaka ndiwo anoita kuti munhu akwanise kuchengeta chikepe chichiyangarara pamusoro pemvura.” Chokwadi, Zvirevo 18:14 inoti: “Mweya womunhu unomusimbisa pakurwara kwake; asi mweya wakaputsika ungamutswa naani?”
Kukwanisa Kudzorazve Upenyu Hwako
Pfungwa dzako padzinotanga kugadzikana, mibvunzo yakadai seyokuti ‘Nei izvi zvakaitika kwandiri?’ ingaita kuti ufunge kuti ‘Sezvo izvi zvakaitika kwandiri, ndichaita sei nezvazvo?’ Panguva ino ungasarudza kutora mamwe matanho kuti ubve pamamiriro ako ezvinhu aripo zvino. Ngatikurukurei mashoma acho.
Ongorora mamiriro ako ezvinhu, funga zvaungada kuchinja, wobva waedza kuchinja zvinokwanisa kuchinjwa. “Kurwara kwako inguva yokuti uongorore upenyu hwako patsva—kukuchangamutsa, kwete wava kutandadza,” anodaro Dr. Spiegel. Zvibvunze kuti, ‘Chii chainyanya kukosha kwandiri ndisati ndarwara? Izvi zvachinja sei?’ Bvunza mibvunzo yakadaro, kwete kuti uone zvausingachakwanisi kuita, asi kuti uone zvichiri kukwanisika kuitwa, zvichida nokuita zvinhu nenzira yakati siyanei neyawanga uchiita nayo. Somuenzaniso, funga nezvaHelen, ambotaurwa.
Kwemakore 25 adarika, kuoma dzimwe nhengo dzomuviri kwakamupedza simba mutsandanyama. Kutanga, aishandisa mudonzvo kuti afambe-fambe. Paakazotadza kushandisa ruoko rwake rworudyi, akatanga kushandisa rworuboshwe. Zvadaro, ruoko rwake rworuboshwe rwakashaya simba. Ipapo, makore masere adarika, akanga asingachakwanisi kufamba. Zvino anoda kugezeswa, kudyiswa nokupfekedzwa nevamwe. Izvi zvinomushungurudza, asi kunyange zvakadaro, anoti: “Chinangwa changu chinoramba chiri chokuti, ‘Funga nezvezvaunokwanisa kuita kwete zvawaisiita.’” Uye achibatsirwa nomurume wake uye vanamukoti vanomushanyira uyewo kufunga kwake kwakanaka, anokwanisa kupfuurira nemamwe mabasa anofadza aakanga achiita. Somuenzaniso, kuudza vamwe nezvechipikirwa cheBhaibheri chenyika itsva iri kuuya ine rugare chave chiri chinhu chinokosha muupenyu hwake kubva aine makore 11, uye iye zvino achiri kuita izvi vhiki imwe neimwe. (Mateu 28:19, 20) Helen anotsanangura kuti anozviita sei achiti:
“Ndinokumbira mukoti anenge auya kuzondiona kuti andibatire pepanhau. Pamwe chete tinoverenga zviziviso zvorufu tosarudza zvimwe zvacho. Ipapo ndinoudza mukoti pfungwa dzandinoda kuti dzibatanidzwe mutsamba inoenda kuhama dzomushakabvu, uye mukoti anotaipa tsamba yacho. Netsamba yacho, ndinotumira bhurocha rinonzi Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa,a rinotsanangura tariro inonyaradza yeBhaibheri yorumuko. Ndinoita izvi masikati omusi weSvondo woga woga. Zvinondifadza kuti ndichiri kukwanisa kuudza vamwe mashoko akanaka oUmambo hwaMwari.”
Ronga vavariro dzine musoro dzinogona kuitwa. Chimwe chinhu chinoita kuti Helen aedze kuchinja zvinogona kuchinjwa ndechokuti zvinomugonesa kuronga nokuita zvaanenge aronga. Izvi zvinokoshawo kwauri. Nei? Nokuti kuronga vavariro kunoita kuti pfungwa dzako dzifunge nezvenguva yemberi, uye kuita zvaunenge waronga kunoita kuti unzwe kuti wapedza chimwe chinhu. Zvingaitawo kuti utangezve kuzviremekedza. Kunyange zvakadaro, iva nechokwadi chokuti unoronga zvinhu chaizvo. Somuenzaniso, ungaronga kuti: “Ndiri kuzoverenga chitsauko chimwe chete cheBhaibheri nhasi.’ Uyewo ronga vavariro dzaunokwanisa kuita. Sezvo pfungwa dzako uye mafungiro ako akasiyana neevamwe vanhu vane zvirwere zvisingaperi, ungasakwanisa kuita zvirongwa zvakafanana nezvavanenge vachikwanisa kuita.—VaGaratiya 6:4.
“Pasinei nokuti zvawaronga zviduku sei, kuzviita kunokupa simba rokuita zvimwe zvakawanda, anodaro Lex, anogara muNetherlands. Makore 20 adarika, paaiva nemakore 23, akaita tsaona yakamusiya aoma nhengo dzomuviri. Panguva dzakasiyana-siyana dzaairapwa achiita zvokurovedza muviri, akakurudzirwa kuti aronge vavariro, dzakadai sokugeza kumeso kwake netauro. Zvakanga zvakamuomera kuzviita, asi akabudirira. Paakaziva kuti aiva akwanisa kubudirira, akarongazve imwe—kuvhura nokuvhara oga mushonga wemazino. Akabudirirazve. “Kunyange zvazvo zvakanga zvisiri nyore,” anodaro Lex, “ndakaona kuti ndaikwanisa kuita zvakawanda kudarika zvandakanga ndafunga kuti ndinokwanisa kuita.”
Chokwadi, achitsigirwa nomudzimai wake, Tineke, Lex akakwanisa kuita zvinhu zvakawanda. Somuenzaniso, achiperekedzwa naTineke, iye zvino anoshanyira imba imwe neimwe ari muwiricheya achiudza vamwe zivo yeBhaibheri. Vhiki nevhiki anoshanyirawo mumwe murume akaremara zvikuru waanodzidzisa Bhaibheri kuti amukurudzire. “Kubatsira vamwe,” anodaro Lex, “kunoita kuti ndigutsikane zvikuru.” Sezvinotaurwa neBhaibheri, “pane mufaro mukuru pakupa kupfuura uri pakugamuchira.”—Mabasa 20:35.
Iwewo ungaronga vavariro dzokubatsira vamwe here? Kurwara kana kuti kuremara kungakubatsira kuti ukwanise kuva nounyanzvi mukunyaradza vamwe nokuti matambudziko ako anoita kuti unetseke nokurwadziwa kwevamwe.
Gara uchikurukura nevamwe. Kuongorora mune zvokurapa kwakaratidza kuti kushamwaridzana nevamwe kwakanakira utano hwako. Asi, zvinopesana neizvi ndezvechokwadiwo. “Kubatana kuripo pakati pokuva zindoga nokufa . . . kwakasimba sokubatana kwakaita kusvuta . . . nokufa,” anodaro mumwe mutsvakurudzi. Anowedzera kuti: “Zvinobatsira chaizvo utano hwako kuva neshamwari dzakawanda sezvakangoita kurega kusvuta.” Ndosaka zvisingashamisi kuti anopedzisa achiti mano edu okuchengeta shamwari “anokosha pakuchengeta munhu ari mupenyu”!—Zvirevo 18:1.
Zvisinei, sezvataurwa munyaya yatangira ino, chinetso chingava chokuti dzimwe shamwari dzako dzakarega kukushanyira. Kuti zvikunakire, unofanira kurwisa kuti usava woga. Ungazviita sei? Ungatanga nokukoka shamwari dzako kuti dzikushanyire.
Ita kuti kushanyirwa chive chinhu chinofadza.b Unogona kuita izvozvo nokusanyanya kutaura nezvourwere hwako kuitira kuti vaenzi vako vasaneta nokunzwa uchitaura nezvahwo. Mumwe mukadzi ane urwere husingaperi akapedza dambudziko iri nokugura nguva yaanotaura nezvourwere hwake nomurume wake. “Taitofanira kuita izvi,” anodaro. Chokwadi, urwere hwako hahufaniri kudzikatidza nyaya dzose dzamunokurukura. Mumwe muenzi, akakurukura nezvemifananidzo, nhau, nezvinoita kuti atende muna Jehovha Mwari kushamwari yake ine chirwere chinoramba chakairadzika, ndokuzoti: “Urwere hwake hahuna kumuvhiringidza. Zvaifadza kutaura naye.”
Kuramba uchifara kuchaitawo kuti vaenzi vako vade kupfuura vachikuona. Kunze kwezvo, kuseka kunobatsira iwe pachako. “Kufara kunokubatsira kuti ukwanise kupfuura nomumamiriro ezvinhu akawanda” anodaro mumwe murume ane hosha yeParkinson. Chokwadi, kuseka kunogona kuva mushonga wakanaka. Zvirevo 17:22 inoti: “Mwoyo wakafara unobatsira munhu kupora.” Kunyange maminiti mashoma okuseka achakubatsira. Uyezve, “kusiyana nemimwe mishonga yatinoedza, kuseka hakuna kana ngozi, hakuna zvinokuvadza, uye kunonakidza,” anodaro munyori Susan Milstrey Wells, ane chirwerewo chisingaperi. “Chatinongorasikirwa nacho kufufutirwa nehasha chete.”
Tsvaka nzira dzokuderedza nadzo kunetseka. Kuongorora kwakaratidza kuti kunetseka kunogona kuita kuti zviratidzo zvehosha zvinyanye kuva zvakashata, nepo kuderedza kunetseka kuchiita kuti zviratidzo izvozvo zvive zvishoma. Saka, zvipe nguva yokuti uzorore apo neapo. (Muparidzi 3:1, 4) Usaita kuti urwere hwako huve chinhu chaunonyanya kufunga nezvacho muupenyu hwako. Kana uchigara uri pamba, ungaedza kuderedza kunetseka kwepfungwa dzako nokuteerera nziyo dzakanyorovera, kuverenga bhuku, kuzorora zvako uri mumvura yokugeza, kunyora tsamba kana nhetembo, kunyora mufananidzo, kuridza chiridzwa, kutaura neshamwari yaunovimba nayo kana kuti kuita mamwe mabasa akangodaro-daro. Kuita izvi hakuzopedzi dambudziko rako zvachose, asi zvingakunyaradza zvishoma.
Kana uchikwanisa kufamba, chimbofamba zvishoma, enda kunotenga, shanda mubindu, tyaira motokari, uye kana zvichiita, shanyira imwe nzvimbo kuti unozorora. Chokwadi, kufamba rwendo kungava kwakaoma zvikuru nemhaka yourwere hwako, asi kana ukafanoronga zvinhu zvako, zvipingamupinyi zvinogona kukundwa. Somuenzaniso, Lex naTineke, vambotaurwa, vakakwanisa kuenda kune imwe nyika. “Pakutanga zvakanga zvakati omei,” anodaro Lex, “asi takanakidzwa zvikuru!” Chokwadi, urwere hungagara kwoupenyu hwako hwose, asi hahufaniri kudzora upenyu hwako.
Wana simba mukutenda. VaKristu vechokwadi vakakwanisa kurarama nezvirwere zvakakomba vanotaura kuti kutenda kwavo muna Jehovha Mwari uye kusonganirana kwavo neungano yechiKristu zvinovapa nyaradzo nesimba nguva nenguva.c Hezvino zvimwe zvavakataura nezvokubatsira kwokunyengetera, kudzidza Bhaibheri, kufungisisa nguva yemberi, uye kupinda misangano yechiKristu paHoro yoUmambo.
● “Apo neapo, ndinomboora mwoyo. Pazvinoitika, ndinonyengetera kuna Jehovha, uye anondipa rimwe simba idzva kuti ndipfuurire kuita zvandinokwanisa kuita.”—Pisarema 55:22; Ruka 11:13.
● “Kuverenga Bhaibheri nokufungisisa zvandinoverenga kunondibatsira zvikuru kuramba ndine rugare rwangu rwepfungwa.”—Pisarema 63:6; 77:11, 12.
● “Kudzidza Bhaibheri kunondiyeuchidza kuti upenyu chaihwo huchiri mberi uye kuti handisi kuzoramba ndiri chirema zvachose.”—Isaya 35:5, 6; Zvakazarurwa 21:3, 4.
● “Kuva nokutenda munguva yemberi yakapikirwa neBhaibheri kunondipa simba rokurarama zuva rimwe chete panguva.”—Mateu 6:33, 34; VaRoma 12:12.
● “Kuva pamisangano paHoro yoUmambo kunochengeta pfungwa dzangu dziri pazvinhu zvakanaka kwete urwere hwangu.”—Pisarema 26:12; 27:4.
● “Ushamwari hunokurudzira nenhengo dzeungano hunozorodza mwoyo wangu.”—Mabasa 28:15.
Bhaibheri rinotiudza zvechokwadi kuti: “Jehovha akanaka, inhare nezuva rokutambudzika; iye unoziva vanotizira kwaari.” (Nahumi 1:7) Kuva pedyo zvikuru naJehovha Mwari uye kusonganirana neungano yechiKristu zvinhu zvinopa nyaradzo uye simba.—VaRoma 1:11, 12; 2 VaKorinde 1:3; 4:7.
Zvipe Nguva
Kurarama zvinobudirira nourwere hwako hwakakomba kana kuti urema chinhu chinoitika “nokufamba kwenguva kwete nokukurumidza,” akadaro mumwe mushandi wepachipatara anobatsira vanhu kubata nechirwere chinogara kwenguva yakareba. Zvipe nguva, anopa zano achidaro mumwe mazvikokota, nokuti uri kudzidza “humwe unyanzvi hutsva: kurarama nourwere hwakakomba.” Ziva kuti kunyange une mafungiro akanaka, ungava nemazuva akaipa kana kuti vhiki apo urwere hwako hunokupedza simba. Zvisinei, nokufamba kwenguva ungaona kuti zvinhu zviri kuva nani. Ndizvo zvakaitika kune mumwe mukadzi, akati: “Ndakafara zvikuru pandakaziva kuti ndakanga ndapedza zuva rose ndisina kumbofunga nezvekenza. . . . Nguva pfupi ichangopfuura, ndaisambofunga kuti izvozvo zvinokwanisa kuitika.”
Chokwadi, kana wangokunda kutya kwako kwepakutanga uye waronga vavariro itsva, ungashamiswa kuti uchakwanisa sei kurarama zvakanaka kwazvo—sezvinoratidzwa nenyaya inotevera.
[Mashoko Omuzasi]
a Rakabudiswa neWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania.
b Chokwadi, mamwe mazano nezvenzira yokubata nayo vaenzi anoshanda, kunyanya kunzira yaunobata nayo wawakaroorana naye, vana vako kana kuti ari kukutarisira.
c Zvinofadza kuti kuongorora kwakawanda mune zvokurapa kwakati kutenda kunovandudza utano uye kugara zvakanaka. Maererano naPurofesa Dale Matthews veGeorgetown University School of Medicine, “kutenda kwakaratidza kuti kune simba zvikuru.”
[Mufananidzo uri papeji 7]
Kudzidza nezvourwere hwako kunogona kukubatsira kuti urarame nahwo
[Mufananidzo uri papeji 8]
Achibatsirwa nevamwe, Helen anonyora tsamba dzinokurudzira
[Mufananidzo uri papeji 8]
“Zvinondifadza kuudza vamwe mashoko akanaka oUmambo hwaMwari”
[Mifananidzo iri papeji 9]
“Ndakaona kuti kunyange zvazvo ndakaoma nhengo dzomuviri, ndaigona kuita zvakawanda kudarika zvandaifunga kuti ndaikwanisa kuita.”—Lex