Chirwere Chisingaperi—Inhau Yemhuri
CHIRWERE chisingaperi chii? Zvichitaurwa zviri nyore, chirwere chinogara kwenguva refu. Uyezve, mumwe purofesa anotsanangura chirwere chisingaperi se“utano hunenge hwachinja husingarapwi nokuvhiya kuri nyore kana kuti kunwa mishonga kwenguva pfupi.” Chinoita kuti chirwere chisingaperi kana kuti zvachinoita ive nhamo huru hachisi chirwere chacho sezvachiri chete uye mishonga yacho asi kuti chinofanira kutsungirirwa kwenguva refu.
Uyezve, haasi murwere chete anowanzotambudzwa nechirwere chisingaperi. “Vanhu vakawanda inhengo dzemhuri,” rinodaro bhuku rinonzi Motor Neurone Disease—A Family Affair, “uye kurwadziwa kukuru nokunetseka kunoita [murwere wacho] kuchaitwawo navanhu vari pedyo naye.” Izvi zvakatsigirwawo nevamwe amai vakanga vane mwanasikana aiva nekenza. “Nhengo yoga yoga yemhuri inotambura,” vanodaro, “kunyange vachizviratidza kana kuti kwete, uye kunyange vachizviziva kana kuti kwete.”
Chokwadi, haasi munhu wose achatambura zvakadaro. Zvisinei, kana nhengo dzemhuri dzichinzwisisa kuti chirwere chisingaperi chinobata vanhu vose zvavo, zvimwe dzichagadzirira zviri nani kutarisana nenhamo chaiyo inovapo mumamiriro avo ezvinhu. Uyezve, kana avo vasiri nhengo dzemhuri—vokubasa, vokuchikoro, vavakidzani, shamwari—vakanzwisisa kurwadza kwechirwere chisingaperi, vachakwanisa kubatsira zviri nani nomwoyo wose. Tichifunga izvi, ngationgororei dzimwe nzira idzo mhuri dzingatambudzwa nechirwere chisingaperi.
Rwendo Munyika Isingazivikanwi
Zvinoitika kumhuri yawirwa nechirwere chisingaperi zvingafananidzwa nokuenda kwayo parwendo rwokunyika isingazivikanwi. Kunyange zvazvo zvimwe zvinhu zvingava zvakafanana nezviri kunyika yokumusha kwemhuri yacho, zvimwe zvinhu zvichava zvisina kujairika kana kuti zvakatosiyana zvachose. Apo chirwere chisingaperi chinobata nhengo yemhuri, zvinhu zvakawanda zvinoramba zvisina kuchinja mumararamire emhuri yacho. Zvisinei, zvimwe zvinhu zvichava zvakasiyana chaizvo.
Kutanga, chirwere choga chingachinja zvinhu zvemhuri zvezuva nezuva ndokumanikidza nhengo imwe neimwe kuti ichinje kuitira kuti vakunde. Izvi zvinotsigirwa naHelen ane makore 14, ana amai vanotambura nokuora mwoyo kusingaperi. “Tinochinja zvinhu zvedu kuitira kuti zvienderane nezvingagona kuitwa kana kuti zvingasagona kuitwa naAmai chero zuva ripi zvaro,” anodaro.
Kunyange kurapa—kunoitirwa kuti kunyaradze chirwere chacho—kunogona kukonzera kumwe kuvhiringidza maitirwe matsva ezvinhu nemhuri yacho. Funga nezvemuenzaniso waBraam naAnn, vataurwa munyaya yatangira ino. “Taifanira kuchinja zvinhu zvakawanda kwazvo muupenyu hwedu hwezuva nezuva nemhaka yokurapwa kwevana vedu,” anodaro Braam. Ann anotsanangura kuti: “Taienda nokudzoka kubva kuchipatara zuva nezuva. Uye, mukuwedzera kune izvozvo, chiremba akati taifanira kupa vana zvokudya zvishoma katanhatu pazuva kuti vawane zvokudya zvavaishaya zvichikonzerwa nechirwere chavo. Kwandiri, zvaireva nzira itsva zvachose yokubika.” Nhamo yakatokura zvikuru yaiva yokubatsira vana kurovedza tsandanyama sezvakanga zvataurwa nachiremba. “Izvozvo,” anoyeuka kudaro Ann, “zvaiva hondo yezvinodiwa nezvisingadiwi nevana.”
Sezvo murwere anochinja kuti awirirane nezvinhu zvisingafadzi zvinenge zvichiitika—uye pane dzimwe nguva kurwadza—kwokurapwa uye kuongororwa navanachiremba, anobva anyanya kuvimba nemhuri kuti abatsirwe uye atsigirwe mupfungwa. Somugumisiro, nhengo dzemhuri hadzingofaniri bedzi kudzidza zvinhu zvitsva kuti dzitsigire murwere asi kuti dzinomanikidzwa dzose kuchinja maitiro, pfungwa, mararamiro adzo uye zvinhu zvadzinoita zuva nezuva.
Zvinonzwisisika kuti zvose izvi zvinoda kuti mhuri itsungirire kwazvo. Amai vane mwanasikana aiva muchipatara achirapwa kenza vanotsigira kuti zvinogona “kuva zvinonetesa kwazvo kukunda zvinogona kufungidzirwa nomumwe munhu.”
Kusaziva Zvichaitika Kunoramba Kuripo
“Kunyanyisa nokumboita nani kwechirwere chisingaperi kunoramba kuchiitika kunoita kuti pave nokusaziva chichaitika kunotyisa,” rinodaro bhuku rinonzi Coping With Chronic Illness—Overcoming Powerlessness. Kungofanana neapo nhengo dzemhuri dzinenge dzichichinjira kumamwe mamiriro ezvinhu, vangatova neakanyanya kuoma kana kuti anonetsa kunzwisisa. Zviratidzo zvingava zvakasiyana-siyana kana kuti zvingachinja kuva zvakaipa kwazvo, uye kurapa kungatadza kuita kuti zviite nani sezvinotarisirwa. Kurapa kungafanira kuchinjwa nguva nenguva kana kuti kungaguma nematambudziko asingafanooneki. Sezvo murwere anonyanya kuda kubatsirwa nevamwe vari mumhuri iri kutamburira kuti ibatsire, kuzvidzora kwaivapo kunogona kungoerekana kwapera.
Kusafanofungidzirika kwakaita zvirwere zvakawanda nemishonga kunoita kuti paerekane pava nemibvunzo yakadai seiyi: Izvi zvicharamba zvichiitika kusvika rini? Kurwara uku kuchanyanya kusvika papi? Tingatsungirira kusvika papi? Chirwere chisina tariro chingaita kuti pave nokunetseka kusinganzvengeki—“Zvichatora nguva yakareba sei rufu rusati rwauya?”
Urwere hwacho, kuenda kunorapwa, kupera simba uye kusaziva zvichaitika zvose zvinoungana kuita murwi womugumisiro usingazivikanwi.
Zvazvinoita Paupenyu Munzanga
“Ndaifanira kukunda kunzwa ndiri ndoga uye ndakamanikidzwa,” anotsanangura kudaro Kathleen, ane murume akatambura kuora mwoyo kusingaperi. “Mamiriro acho ezvinhu akanga akaipa kwazvo,” anopfuurira kudaro, “nokuti takanga tisingakwanisi kukoka vamwe kuzotandara kana kuti kubvuma pataikokwa. Pakupedzisira, takanga tisisina shamwari.” Kufanana naKathleen, vakawanda vanoguma vava kuedza kukunda kunzwa vaine mhaka yokusagamuchira vaenzi nokusabvuma kuenda kwavanenge vakokwa. Nei izvi zvichiitika?
Urwere pachahwo kana kuti marwadzo anokonzerwa nemishonga zvingaita kuti zviome kana kuti zvisabvire kuenda kunotandara nevamwe. Mhuri pamwe chete nemurwere vanganzwa sokuti chirwere chacho chine zvachinoita munzanga, kana kuti vangatya kuti kuchakonzera nyadzi. Kuora mwoyo kungaita kuti murwere anzwe asingakoshi kushamwari dzekare, kana kuti mhuri ingava isisina simba rokutandara. Nemhaka yezvikonzero zvakasiyana-siyana, chirwere chisingaperi chinogona zviri nyore kuguma nokuzviita vana zindoga uye kusurukirwa kwemhuri yose.
Uyezve, haasi munhu wose achaziva zvokutaura kana kuti zvokuita kana ari pane munhu ari kurwara. (Ona bhokisi rakanzi “Kutsigira Kwaungaita,” riri papeji 19.) “Kana mwana wako akasiyana nevamwe vana, vanhu vakawanda vanongoyeva votaura zvinhu zvisina musoro,” anodaro Ann. “Chokwadi ndeichi, unogona kuzvipa mhaka yokurwara kwacho, uye zvavanotaura zvinongowedzera bedzi kunzwa uine mhaka kwaunoita.” Zviri kutaurwa naAnn zvine chokuita nezvimwe zvingaitika kumhuri.
Pfungwa Dzinotambudza Kwazvo
“Panguva inoonekwa chirwere chacho, mhuri dzakawanda dzinorohwa nehana, kusadavira, uye kuramba,” anodaro mumwe anotsvakurudza ruzivo. “Hazvigoni kutsungirirwa.” Hungu, zvinogona kuvhiringidza chaizvo kuziva kuti mudiwa ane chirwere chinouraya kana kuti chinoita kuti atadze kuita zvimwe zvinhu. Nhengo dzemhuri dzinganzwa kuti zvadzaitarisira nezvadzaifunga zvaparadzwa, zvichidzisiya dziine ramangwana risina tariro uye kunzwa dzarasikirwa chaizvo uye dzichirwadziwa.
Chokwadi, kumhuri dzakawanda dzakaona zviratidzo zvinorwadza zvakatora nguva refu kunhengo yemhuri pasina kuziva chaizvikonzera, kuongororwa nachiremba kunogona kuti zorodzei. Asi dzimwe mhuri dzinogona kusadaro padzinoudzwa chirwere chacho pashure pokuongorora. Vamwe amai vari muSouth Africa vanobvuma kuti: “Zvairwadza chaizvo kuudzwa chairwarisa vana vedu pakupedzisira, kutaura chokwadi, dai ndisina hangu kuziva kuti chaiva chii.”
Bhuku rinonzi A Special Child in the Family—Living With Your Sick or Disabled Child rinotsanangura kuti “ndezvemuzvarirwo kunzwa uchirwadziwa . . . sezvaunoedza kunzwisisa mamiriro ezvinhu matsva aya. Dzimwe nguva kunzwa kwako kungava kwakanyanya kwazvo zvokuti unotya, wofunga kuti haungakundi.” Munyori webhuku racho, Diana Kimpton, ane vanakomana vaviri vaiva necystic fibrosis, anoti: “Ndaitya kwazvo zvokuti ndakada kuziva kuti ndezvemuzvarirwo here kunzwa zvakadaro.”
Ndezvemuzvarirwo kuti mhuri dzinzwe dzichitya—kutya zvisingazivikanwi, kutya chirwere, kutya kurapwa, kutya kurwadziwa, uye kutya kufa. Kunyanya, vana vangatya asi vasingatauri—zvikurukuru kana vakasatsanangurirwa zvinonzwika nezvokuti chii chiri kuitika.
Hashawo dzinoitika kakawanda. “Nhengo dzemhuri,” inotsanangura kudaro magazini yekuSouth Africa TLC, “dzinganyanya kutsamwirwa nomurwere.” Ukuwo, nhengo dzemhuri dzingatsamwirawo—vanachiremba nokuda kwokutadza kuona chirwere nokukurumidza, vangazvitsamwira pachavo nokuda kwokupfuudza chirwere kuvana vavo, murwere nokuda kwokutadza kuzvitarisira zvakanaka, Satani Dhiyabhorosi nokuda kwokukonzera kutambura kwakadaro, kunyange Mwari, vachifunga kuti ndiye akakonzera chirwere chacho. Kunzwa une mhaka ndechimwe chinhu chinoitika kana pane chirwere chisingaperi. “Anenge mubereki wose kana kuti mwana akaberekwa muimba ine mwana ane kenza anonzwa ane mhaka,” rinodaro bhuku rinonzi Children With Cancer—A Comprehensive Reference Guide for Parents.
Idzi pfungwa dzinenge dzichiita mhidigari dzinowanzoguma—kumwero mukuru kana muduku—nokuora mwoyo. “Izvi ndizvo zvinenge zvinoita vakawanda,” anonyora kudaro mumwe anotsvakurudza ruzivo. “Ndine faira rakazara netsamba dzinotsigira izvozvo.”
Hungu, Mhuri Dzinogona Kukunda
Kudivi rakanaka, mhuri dzakawanda dzakawana kuti kukunda mamiriro acho ezvinhu hakuna kunyanya kuoma sezvazvairatidzika kuva pakutanga. “Mifananidzo inouya mupfungwa dzako ichava yakaipa chaizvo kukunda zvichaitika,” anovimbisa kudaro Diana Kimpton. Kubva mune zvakaitika kwaari akawana kuti “ramangwana hariwanzova rakanyanya kuipa samaonero aunoriita mumazuva okutanga.” Iva nechokwadi chokuti dzimwe mhuri dzakararama rwendo rwadzo munyika isingazivikanwi yechirwere chisingaperi uye kuti iwe unogona kudaro. Vakawanda vakawana kuti nokungoziva chete kuti vamwe vakakunda zvakavanyaradza nokuvapa tariro.
Zvisinei, zvinonzwisisika kuti mhuri ingashamisika kuti, ‘Tingakunda sei?’ Nyaya inotevera ichatarisa dzimwe nzira idzo mhuri dzakakunda nadzo chirwere chisingaperi.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 13]
Mhuri dzinofanira kutarisira murwere uye kugadziridza maitiro, pfungwa, uye mararamiro adzo
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 14]
Murwere nemhuri vachanetseka zvakanyanya
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 15]
Usaore mwoyo. Dzimwe mhuri dzakakunda, iwe unogonawo kukunda
[Bhokisi riri papeji 15]
Mamwe Matambudziko Anounzwa Nechirwere Chisingaperi
• Kudzidza nezvechirwere chacho uye nzira yokuchikunda nayo
• Kuchinja mararamiro emunhu uye zvaanoita zuva nezuva
• Kukunda kuchinja kunoita kushamwaridzana
• Kuita kuti urambe uchinzwa zvakanaka uye kudzikama
• Kuchema kurasikirwa kunokonzerwa nechirwere chacho
• Kukunda pfungwa dzinotambudza
• Kuramba une pfungwa dzakanaka