Kukunda Kunoita Mhuri Chirwere Chisingaperi
KUKUNDA kunogona kutsanangurwa se“mano okugona kubudirira kukurira uye kubata nokumanikidzwa kunoitwa mumwe munhu.” (Taber’s Cyclopedic Medical Dictionary) Kunosanganisira kutarisana namatambudziko echirwere chisingaperi munzira inoita kuti ugone kuwana kudzora kwakati uye rugare rwendangariro. Uye tichifunga nezvokuti chirwere chisingaperi inhau yemhuri, kutsigira kworudo nekwokuvimbika kwenhengo imwe neimwe yemhuri kunodiwa kuti mhuri ikunde. Ngatifungei nezvedzimwe nzira idzo mhuri dzinokunda nadzo chirwere chisingaperi.
Kukosha Kwezivo
Zvingasava zvinobvira kurapa urema hwacho, asi kuziva nzira yokugara nacho kunogona kuderedza kurwadziwa mupfungwa kunogona kukonzerwa nechirwere. Izvi zvinowirirana nechirevo chekare chinoti: “Munhu [“une zivo,” NW] une simba.” (Zvirevo 24:5) Mhuri ingawana sei zivo nezvenzira yokukunda nayo?
Danho rokutanga nderokuwana chiremba anokurukura uye anobatsira, uyo anoda kutora nguva achitsanangura zvinhu zvose zvakanaka kumurwere nemhuri yacho. “Chiremba akanaka,” rinodaro bhuku rinonzi A Special Child in the Family, “ane hanya nemhuri yose uyewo ane unyanzvi hwose hwokurapa hunodiwa.”
Danho rinotevera nderokuramba muchibvunza mibvunzo chaiyo kusvika mava kunzwisisa mamiriro ezvinhu sezvamunogona. Zvisinei, yeukai kuti pamunenge muna chiremba, zviri nyore kuvhiringidzika kwava kukanganwa zvamanga muchida kubvunza. Chimwe chinhu chinobatsira ndechokufanonyora mibvunzo. Kunyanya, mungada kuziva zvamunofanira kutarisira zvinogona kuitwa nourwere uye mushonga wacho uye zvokuita kana zvadaro.—Ona bhokisi rakanzi “Mibvunzo Inogona Kubvunzwa Nemhuri Kuna Chiremba.”
Zvakanyanya kukosha kupa mashoko akakodzera kune vamwe vana vakaberekwa muimba ine mwana ane chirwere chisingaperi. “Tsanangurai kuti chii chisina kururama kubva pamazuva okutanga chaiwo,” vanonyevera kudaro vamwe amai. “Vanogona kunzwa vasiyiwa mumhuri kana vasinganzwisisi zviri kuitika.”
Dzimwe mhuri dzakakwanisa kuwana mashoko anobatsira nokuongorora muraibhurari yemunharaunda, muchitoro chamabhuku kana kuti paInternet—kazhinji kacho vachiwana mashoko ane udzamu nezvechirwere chakati.
Kuramba Muine Upenyu Hwakanaka
Zvinongova zvomuzvarirwo kuti nhengo dzemhuri dzinoda kuramba dzichiita kuti upenyu hwomurwere hurambe hwakanaka. Somuenzaniso, funga nezvaNeil du Toit, ataurwa munyaya yokutanga. Achiri kunetseka nemhaka yechirwere chake chinomutadzisa kuita zvimwe zvinhu. Kunyange zvakadaro, anopedza anenge maawa 70 mwedzi woga woga achiita zvaanonyanya kuda kuita chaizvo—kutaura navanhu munharaunda yake nezvetariro yake iri muBhaibheri. “Zvinoitawo kuti ndigutsikane,” anodaro, “kupa murayiridzo weBhaibheri muungano.”
Upenyu hwakanaka hunosanganisirawo kugona kuratidza uye kuwana rudo, kunakidzwa namabasa anofadza, uye kuramba une tariro. Varwere vacharamba vachida kuva vapenyu kusvika panogona kubvumidzwa nechirwere chavo uye mishonga. Vamwe baba vane mhuri yakakunda chirwere kwemakore anopfuura 25 vanotsanangura kuti: “Tinoda zvokufamba-famba, asi nemhaka yokurwara kwomwanakomana wangu, hatigoni kufamba mifambo mirefu. Saka tinoita zvakati siyanei naizvozvo. Tinoenda kunzvimbo dzokutandarira kusina mitambo inoda simba rakawanda.”
Hungu, varwere vanoramba vane mano anovagonesa kuti vawane kugutsikana kwakati muupenyu. Zvichienderana nechirwere chavo, vakawanda vachiri kunakidzwa nezvinhu zvakanaka zvokuona uye zvokunzwa. Kana vakakwanisa kunyatsodzora zvinhu zvakati kuti zvoupenyu hwavo, vanogona kuva noupenyu hwakati nakei.
Kukunda Pfungwa Dzinonetsa
Chinhu chinokosha pakukunda chinosanganisira kudzidza kudzora pfungwa dzinokuvadza. Chimwe chazvo ihasha. Bhaibheri rinobvuma kuti munhu anogona kuva nechikonzero chokushatirwa. Zvisinei, rinotikurudzirawo “kudzora kutsamwa.” (Zvirevo 29:8) Nei kuri kuchenjera kuita izvozvo? Maererano nerimwe bhuku, hasha “dzinogona kukudya dzoita kuti uve nechinya kana kuita kuti utaure zvinhu zvinokuvadza zvaunozozvidemba mangwana.” Kunyange kuputika nehasha kamwe chete kunogona kukonzera dambudziko ringatora nguva refu kugadzirisa.
Bhaibheri rinorayira kuti: “Zuva ngarirege kuvira makatsamwa.” (VaEfeso 4:26) Pasina mubvunzo, hapana zvatingaita kuti zuva rinonoke kunyura. Asi tinogona kutora matanho kuti tigadzirise mugariro wedu woku“tsamwa” nokukurumidza kuitira kuti tisaramba tichizvikuvadza pamwe chete navamwe. Uye ungakwanisa kugadzirisa mamiriro ezvinhu zviri nyore kana wadzikama.
Kufanana nemhuri ipi zvayo, yako pasina mubvunzo ichava nenguva yakanaka neyakaoma. Vakawanda vanowana kuti vanokunda zviri nani kana vakaudza mumwe munhu anonzwira tsitsi uye anoteerera. Izvi ndizvo chaizvo zvakaitika kuna Kathleen. Pakutanga akatarisira amai vake, vaiva nekenza, uye gare gare murume wake, aiva nokuora mwoyo kusingaperi uye pakupedzisira hosha yeAlzheimer. Anobvuma kuti: “Zvaindizorodza uye zvaindinyaradza kwazvo pandaitaura neshamwari dzinonzwisisa.” Rosemary, akatarisira amai vake kwemakore maviri, anobvumirana nazvo. “Kutaura neshamwari inovimbika,” anodaro, “kwakandibatsira kuti ndirambe ndakadzikama.”
Zvisinei, usashamiswa kana usingagoni kurega kusvimha misodzi paunenge uchitaura. “Kuchema kunoderedza kurwadziwa, uye kunoita kuti ukunde nhamo yako,” rinodaro bhuku rinonzi A Special Child in the Family.a
Ramba Uine Tariro
“Kuda kwako kurarama kunogona kukutsigira kana uchirwara,” akanyora kudaro Mambo Soromoni akachenjera. (Zvirevo 18:14, Today’s English Version) Vanotsvakurudza ruzivo vamazuva ano vakawana kuti zvinotarisirwa nomurwere—zvingava zvakaipa kana kuti zvakanaka—kazhinji zvinenge zvinobatsira kana kusabatsira kurapwa kwake. Zvisinei, mhuri ingaramba ine tariro sei mukutarisana nechirwere chinogara kwenguva refu?
Nepo dzisingakanganwi chirwere chacho, mhuri dzinokunda zviri nani kana dzikafunga nezvezvinhu zvadzichiri kugona kuita panguva ino. “Mamiriro ezvinhu acho anogona kukuita kuti unzwe usina tariro zvachose,” vanobvuma kudaro vamwe baba, “asi unofanira kuziva kuti uchine zvakawanda chaizvo. Uchiri mupenyu, uchiri nevamwe vanhu uye shamwari dzako.”
Kunyange zvazvo chirwere chisingaperi chisingafaniri kurerutswa, kuseka kunobatsira kudzivisa kunzwa kwokushaya tariro. Kuseka kunoita mhuri yekwaDu Toit kunoratidza izvi. Collette, hanzvadzi yokupedzisira yaNeil du Toit, anotsanangura achiti: “Nokuti takadzidza kukunda mamwe mamiriro ezvinhu, tinogona kuseka zvinhu zvinoitika kwatiri zvingaratidzika kuva zvinovhiringidza vamwe zvakanyanya. Asi kuita izvi kunotigonesa kuderedza kunzwa tichinetseka.” Bhaibheri rinotivimbisa kuti “mwoyo wakafara unobatsira munhu kupora.”—Zvirevo 17:22.
Tsika Dzokunamata Dzinokosha Kwazvo
Chinhu chinokosha chokukura mumudzimu kwavaKristu vechokwadi chinosanganisira ‘kurega mikumbiro yavo ichiziviswa kuna Mwari nomunyengetero uye kuteterera.’ Mugumisiro wacho sezvakapikirwa neBhaibheri ndewokuti: “Rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo yenyu nemasimba enyu okufunga.” (VaFiripi 4:6, 7) Pashure pemakore anenge 30 okutarisira vana vaviri vaiva nechirwere chisingaperi, vamwe amai vanoti: “Takadzidza kuti Jehovha anokubatsira kuti ukunde. Zvechokwadi anokutsigira.”
Uyezve, vakawanda vanosimbiswa nezvipikirwa zveBhaibheri zveparadhiso yepasi isina kurwadziwa kana kutambura. (Zvakazarurwa 21:3, 4) “Nemhaka yechirwere chisingaperi chakapinda mumhuri yedu,” anodaro Braam, “tava kutonyanya kuwana zvinoreva zvipikirwa zvaMwari zvokuti ‘unokamhina uchakwakuka senondo, rurimi rwembeveve ruchaimba.’” Kufanana nevamwe vakawanda kwazvo, mhuri yekwaDu Toit inopanga chaizvo nguva muParadhiso pachazova pasina “ugeremo uchati: Ndinorwara.”—Isaya 33:24; 35:6.
Shinga. Kurwadziwa uye kutambura kuri kuita vanhu kwoga kunoratidza kuti mamiriro ezvinhu akanaka ava pedyo. (Ruka 21:7, 10, 11) Zvisinei, panguva ino, vanhu vakawanda vanotarisira varwere uye varwere vanogona kubvuma kuti chaizvo Jehovha ndiye, “Baba vengoni huru kwazvo uye Mwari wokunyaradza kwose, anotinyaradza pakutambudzika kwedu kwose.”—2 VaKorinde 1:3, 4.
[Mashoko Omuzasi]
a Kana uchida mashoko akawanda nezvenzira yokukunda nayo kurwadza kwechirwere, tapota ona nyaya inoti “Kutarisira—Kutarisana Nedambudziko Racho,” iri muMukai! yaFebruary 8, 1997, mapeji 3-13.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 16]
Mibvunzo Inogona Kubvunzwa Nemhuri Kuna Chiremba
• Urwere huchafamba sei, uye huchaguma nei?
• Zviratidzo zvipi zvichavapo, uye zvinogona kudzorwa sei?
• Ndezvipi zvimwe zvingaitwa kunze kwokurapa?
• Ndezvipi zvinhu zvingakonzerwa nemishonga, ngozi dzingavapo, uye kubatsira kwokurapa kwakasiyana-siyana?
• Chii chinogona kuitwa kuti zvinhu zvive nani, uye chii chinofanira kudziviswa?
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 19]
Kutsigira Kwaungaita
Vamwe vanhu vangarega kushanya kana kuti kubatsira nokuti havazivi zvokutaura kana kuti nzira yokubata nayo mamiriro acho ezvinhu. Vamwe vangaita sevanonetsa uye, vachifunga kuti zvavari kuita zvinobatsira, vangawedzera nhamo iri kunzwiwa nemhuri yacho. Saka, mumwe munhu angatsigira sei avo vane nhengo yemhuri iri kurwara zvisingaperi pasina kuvhiringidza kuva kwavo voga?
Teerera nomutsa. “Kurumidza kunzwa,” inodaro Jakobho 1:19. Ratidza hanya nokuteerera zvakanaka uye nokurega nhengo dzemhuri dzichitaura nhamo dzadzo kana dzichida kutaura. Dzingada kuita izvi kana dzikaona kuti zvechokwadi ‘unonzwira ngoni.’ (1 Petro 3:8) Zvisinei, ramba uchiyeuka kuti hapana vanhu vaviri kana kuti mhuri dzichaita zvakafanana kana dzawirwa nechirwere chisingaperi. Saka, “usapa mazano kunze kwokuti uchinyatsoziva zvose nezvechirwere chacho kana kuti mamiriro ezvinhu,” anodaro Kathleen, uyo akatarisira amai vake uye gare gare murume wake akanga achirwara zvisingaperi. (Zvirevo 10:19) Uye yeuka, kunyange kana uchiziva chimwe chinhu nezvenhau yacho, murwere nemhuri yake vangasarudza kusatsvaka kana kubvuma mazano ako.
Batsira zvinooneka. Uchiziva kuti mhuri inoda kuva yoga, ivapo kana vava kukuda chaizvo. (1 VaKorinde 10:24) Braam, ane mashoko adzokororwa munyaya dzino dzose, anoti: “Kubatsira kwakaita hama dzedu dzechiKristu kwaiva kwakakura chose. Somuenzaniso, patakarara kuchipatara nemhaka yemamiriro ezvinhu akaipa kwazvo aMichelle, nguva dzose taiva nevanenge vana kana kuti vatanhatu veshamwari dzedu vakagara nesu usiku hwose. Chero pataida rubatsiro, rwaivapo.” Mudzimai waBraam, Ann, anowedzera kuti: “Kwaiva nechando chaikwidza kamba mumuti mumwaka iwoyo, uye kwemavhiki maviri takapiwa zvokudya zvakasiyana-siyana zuva rimwe nerimwe. Takapiwa zvokudya zvinopisa uye rudo runodziya rukuru chaizvo.”
Nyengetera navo. Pane dzimwe nguva, panogona kuva nezvishoma kana kuti pasina chokuti uite chinooneka. Zvisinei, zvinhu zvishoma zvinokurudzira kufanana nokuvaudza pfungwa inovaka inobva muMagwaro kana kuti munyengetero unobva pamwoyo navarwere uye mhuri dzavo. (Jakobho 5:16) “Usambofa wakarerutsa simba rokunyengeterera—uye kunyengetera—navane chirwere chisingaperi uye mhuri dzavo,” anodaro Nicolas ane makore 18, ana amai vanotambura nekuora mwoyo kusingaperi.
Hungu, rudzi rwakanaka rwokutsigira runogona kuita zvakawanda kubatsira mhuri kukunda kunzwa kunorwadza kunounzwa nechirwere chisingaperi. Bhaibheri rinotaura richiti: “Shamwari munhu anoda nguva dzose, uye hama inoberekerwa kuti ibatsire pakutambudzika.”—Zvirevo 17:17, The New English Bible.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 20]
Apo Urwere Hwacho Hunenge Husina Tariro
Dzimwe mhuri dzingasada kukurukura nezvorufu ruri kuswedera rwemudiwa ava kurwara zvisina tariro. Zvisinei, bhuku rinonzi Caring—How to Cope rinoti “kana uchiziva chimwe chinhu pamusoro pezvaunofanira kutarisira uye zvaunofanira kuita, zvinogona kubatsira kuderedza kurohwa nehana.” Kunyange zvazvo matanho chaiwo achizosiyana zvichienderana nemitemo yomunzvimbo netsika, hezvino zvimwe zvinogona kubatsira mhuri ingangofunga zvokupepa mudiwa anorwara zvisina tariro ari kumba.
Zvisati Zvaitika
1. Bvunzai chiremba zvamunofanira kutarisira mumazuva okupedzisira nemaawa uye zvinofanira kuitwa kana rufu rukaitika usiku.
2. Nyorai mazita evanofanira kuzoudzwa nezvorufu rwacho.
3. Fungai zvakasiyana-siyana zvinogona kuitwa pamariro:
• Murwere anoda zvipi?
• Kuvigwa kana kupiswa? Enzanisai mitengo uye zvinoitwa namakambani akasiyana-siyana anoviga vanhu.
• Mariro anofanira kuitwa rini? Itai kuti pave nenguva yokuti dzimwe hama neshamwari dzinogara kure dzisvike.
• Ndiani achakurukura hurukuro yamariro?
• Ichakurukurirwa kupi?
4. Kunyange kana asingachatauri, murwere angangova achiri kuziva zviri kutaurwa kana kuitwa. Chenjerai kuti musataure zvimwe zvinhu pamberi pake zvamusingadi kuti anzwe. Mungada kumunyaradza nokutaura zvinyoro-nyoro uye kubata ruoko rwake.
Apo Mudiwa Anofa
Hezvino zvimwe zvinhu zvingaitwa navamwe kuti vabatsire mhuri yacho:
1. Ipai mhuri yacho nguva yakati kuti yokuti ive yoga nomufi kuti itange kugadzikana nezvorufu rwacho.
2. Nyengeterai nemhuri yacho.
3. Kana mhuri yacho yagadzirira, inogona kuonga rubatsiro mukuzivisa vanhu vanotevera:
• Chiremba kuti azivise zvepamutemo rufu rwacho nokupa gwaro rokufa.
• Kambani inoviga vanhu, mochari, kana kuti kunopiswa vanhu, kuti vatarisire chitunha.
• Hama neshamwari. (Nokungwarira ungataura chimwe chinhu chakafanana neichi: “Ndiri kurova runhare maererano na- [zita romurwere]. Ndine urombo kuti ndine mashoko asina kunaka. Sezvamunoziva, anga achirwara kwazvo ne- [chirwere] kwenguva yakati, uye ashaya [rini uye kupi].)
• Hofisi yepepanhau kuti muise chiziviso chorufu kana muchida.
4. Mhuri ingada kuperekedzwa nomumwe munhu kuti avabatsire kupedzisa hurongwa hwemariro.
[Mufananidzo uri papeji 17]
Nhengo dzemhuri dzinofanira kuita zvose zvadzinogona kuita kuti upenyu hurambe hwakanaka
[Mufananidzo uri papeji 18]
Kunyengetera nemhuri yacho kunogona kuibatsira kukunda