Kukunda Zvipingamupinyi Nokugadza Vavariro
IMWE furati iri pedyo nenhandare yendege yeNew York inonzi LaGuardia ndiwo musha waWilliam (Bill) Meiners nomudzimai wake, Rose. Rose, anoda vaenzi zvikuru ava nemakore okuma70, anochingura muenzi wake achifara zvikuru. Mufurati iyi munhu unobva wangoona kuti kamuri rokutandarira rinoratidza sei kufara kwaanoita. Maruva akarongwa zvinoyevedza pedyo nesuo uye mifananidzo yemavara akasiyana-siyana iri kumadziro zvinoratidza kufara uye kuda upenyu chaizvo.
Pedyo nekamuri rokutandarira pane kamuri hombe umo Bill, ava nemakore 77, akarara pamubhedha, musana wake wakasimudzwa mudenga nematiresi inochinjwa-chinjwa. Achiona muenzi wake, maziso ake ane tsiye nyoro anopenya nomufaro uye miromo yake inomwekuka kunyemwerera. Aizoda kusimuka, kubata chishanu, uye kumbundikira, asi haakwanisi. Kusiya kworuoko rwake rworuboshwe, Bill akaoma nhengo dzomuviri wake kubva mumutsipa zvichidzika.
Sezvo Bill akava nezvinetso zvoutano kubva achine makore 26, anobvunzwa kuti chii chakamubatsira kurarama nourwere kweanodarika makore makumi mashanu. Bill naRose vanotarisana vachinyemwerera. “Hapana munhu watinoziva ari kurwara!” anodaro Rose, sezvo kuseka kwake zvinodekadza kunozadza imba yacho. Maziso aBill anopenya nomufaro; anogegedza uye anogutsurira musoro wake kubvumirana nezvataurwa. “Pano hapana ari kurwara,” anodaro nenzwi rakashoshoma. Rose naBill vanotaurirana mamwe mashoko okutamba, uye nenguva isipi, imba yose inozara nokuseka. Zviri pachena kuti rudo rwaivapo pana Bill naRose pavakasangana kare muna September 1945 ruchiri kupisa zvikuru. Bill anobvunzwazve kuti: “Kutaura chokwadi, zvipingamupinyi zvipi zvamakasangana nazvo? Uye chii chakakubatsirai kuti murarame nokuramba muchifara muupenyu?” Anyengetedzwa zvishoma, Bill anobvuma kutaura nyaya yake. Zviri kutevera ndizvo zvimwe zvezvakataurwa neMukai! naBill nomudzimai wake.
Zvipingamupinyi Zvinotanga
Muna October 1949—makore matatu aroora Rose uye mwedzi mitatu mwanasikana wavo Vicki aberekwa—Bill akaudzwa kuti akanga ane kenza yakanga iri kukura pahuro pake, uye bundu racho rakabviswa. Mwedzi mishomanana gare gare, chiremba waBill akamuudza nezvechimwe chipingamupinyi—kenza yakanga yapararira panhengo yose iri pamusoro pegurokuro inonzi dokoriro. “Ndakaudzwa kuti kana ndikasavhiyiwa dokoriro—kureva kuti kubviswa kwedokoriro rose—ndaizorarama kwemakore maviri chete.”
Bill naRose vakaudzwa waizova mugumisiro wokuvhiya kwacho. Dokoriro, kana kuti nhengo yenzwi, inobva panotangira rurimi kuenda kuhuro yokufema nayo. Mukati medokoriro ndimo mune nhengo mbiri dzenzwi. Mhepo painopinda ichibva kumapapu nepanhengo idzi, dzinotamba-tamba ndokuburitsa manzwi. Kana dokoriro rikabviswa, kumusoro kwehuro yokufema nayo kunobatanidzwa neburi rinogadzirwa mberi kwomutsipa. Pashure pokuvhiyiwa, murwere anofema nepaburi iri—asi haachisina inzwi.
“Pandakanzwa tsananguro iyi, ndakatsamwa,” anodaro Bill. “Taiva nemwanasikana muduku, ndaiva nebasa rakanaka, taiva nezvinhu zvakawanda zvataitarisira muupenyu hwedu, uye zvino zvose zvandaitarisira zvakayeredzwa.” Asi sezvo kuvhiyiwa dokoriro kwaigona kuponesa upenyu hwake, Bill akabvuma kuvhiyiwa. “Pashure pokuvhiyiwa,” anodaro Bill, “ndakanga ndisingakwanisi kumedza. Ndakanga ndisingakwanisi kutaura chero shoko rimwe chete zvaro. Ndakanga ndava mbeveve.” Rose paakashanyira Bill, aingokwanisa chete kutaura achiita zvokunyora pakabhuku. Yakanga iri nguva inorwadza. Kuti vakunde chipingamupinyi ichi, vaitofanira kuronga vavariro itsva.
Asingakwanisi Kutaura uye Asingashandi
Kuvhiyiwa dokoriro kwakasiya Bill ava mbeveve uye asingachashandi. Akanga amboshanda muchitoro chinogadzira michina, asi zvino nemhaka yokuti akanga ava kufema nepaburi repahuro pake, huruva nechiutsi zvaikwanisa kuisa mapapu ake pangozi. Aifanira kutsvaka rimwe basa. Asati ava kukwanisa kutaura, akanyoresa pachimwe chikoro kuti adzidzire kugadzira wachi. “Zvakanga zvakafanana nebasa rangu rekare,” anodaro Bill. “Ndaiziva kubatanidza mapatsi emichina, uye kana uri kugadzira wachi, unobatanidzawo mapatsi. Kungoti chete mapatsi acho akanga asingaremi makirogiramu 25!” Achangopedza chikoro chokugadzira wachi, akawana basa rokugadzira wachi. Vavariro imwe chete yakanga yakwanisa kuitwa.
Panguva ino, Bill akanga atanga kupinda chikoro chokudzidzira kutaura nepagurokuro. Pakutaura nepagurokuro, manzwi anogadzirwa kwete nenhengo dzenzwi asi nokuridza gurokuro, rinotakura zvokudya kubva pahuro kuenda mudumbu. Kutanga, munhu anodzidza kumedza mhepo ndokuimanikidza kupinda mugurokuro. Zvadaro, munhu anobva adzvova zvakarongeka. Mhepo zvainenge ichibuda, inoita kuti madziro egurokuro atambe-tambe. Izvi zvinoita kuti pave nenzwi rakashoshoma, rinogona kugadziridzwa nemiromo kuti rive mashoko.
“Kare, ndaingokwanisa kudzvova kana ndadya zvakawanda,” anodaro Bill achinyemwerera, “asi zvino ndaifanira kudzidza kuramba ndichidzvova. Pakutanga, ndakakwanisa kutaura shoko rimwe chete panguva, seizvi: ‘[Femera mukati, medza, dzvova] Imi [femera mukati, medza, dzvova] munofara [femera mukati, medza, dzvova] here?’ Zvaisava nyore. Ipapo, mudzidzisi wangu akandiudza kuti ndinwe ginger ale yakawanda zvikuru nokuti furo raizondibatsira kudzvova. Saka pose apo Rose aienda panze kumbofamba-famba naVicki, ndainwa ndodzvova, ndonwa ndodzvova. Ndakashanda zvakaoma chaizvo kuti ndikwanise kudaro!”
Kunyange zvazvo 60 muzana yevanovhiyiwa dokoriro ichitadza kutaura negurokuro, Bill akafambira mberi. Vicki, uyo panguva ino akanga ava nemakore maviri, akamukurudzira asingazvizivi. Bill anotsanangura kuti: “Vicki aitaura neni onditarisa, achimirira kuti ndipindure. Asi ndaisakwanisa kutaura shoko rimwe chete rokupindura. Aibva ataurazve, ndoramba ndinyerere zvekare. Agumbuka, Vicki aibva ataura nomudzimai wangu oti: “Itai kuti Baba vataure neni!’ Mashoko ake aindibaya pamwoyo uye aiita kuti nditsunge kutaura zvekare.” Bill akabudirira, zvikafadza Vicki, Rose nevamwe. Imwezve vavariro yakanga yakwanisa kuitwa.
Kuwirwa Nechimwe Chipingamupinyi
Gore ra1951 rava kunopera, Bill naRose vakatarisana nechimwe chipingamupinyi. Vanachiremba, vachityira kuti kenza yake ingangomukazve, vakayambira Bill kuti arapwe nemwaranzi yechiedza. Bill akabvuma. Paakapedza kurapwa, akanga ava kuda kupfuurira noupenyu. Haana hake kumbozvifungira kuti chimwe chipingamupinyi chakanga chakananga utano hwake chakanga chiri munzira kuuya!
Rinenge gore rimwe chete rakapfuura. Zvadaro, rimwe zuva minwe yaBill yakatanga kuita chiveve. Zvadaro, akanga asingachakwanisi kukwira masitepisi. Nguva pfupi pashure pacho, akadonha pasi paakanga achifamba akatadza kusimuka. Kuongorora kwakaratidza kuti kurapwa nemwaranzi yechiedza kwaakanga aitwa (panguva iyoyo kwakanga kusina kunyanya kururama semazuvano) kwakanga kwakuvadza muzongoza wake. Akaudzwa kuti zvinhu zvaizomuipira. Mumwe chiremba akatomuudza kuti mukana wake wokurarama pakanga pasina kana.” Bill naRose vakagurwa kunorira.
Kunyange zvakadaro, achiedza kuti akunde chipingamupinyi ichi, Bill akapinda muchipatara kwemwedzi mitanhatu kuti arapwe nokurovedza muviri. Kunyange zvazvo kurapa kwacho kusina kuchinja utano hwake, kugara muchipatara kwakachinja upenyu hwake—kuchinja kwakazoita kuti apedzisire ava kuziva Jehovha. Izvozvo zvakaitika sei?
Kusimbiswa Nokuziva Chinokonzera Zvipingamupinyi
Kwemwedzi mitanhatu iyoyo, Bill aigara mukamuri rimwe chete nevamwe varume 19 pachipatara chevaJudha—vose vaiva vapindi veOthodox yevaJudha. Masikati oga oga varume ava vaikurukura Bhaibheri. Bill, aienda kuchechi yeBaptist, aingoteerera. Asi pakazosvika nguva yaakabuda muchipatara, akanga anzwa zvakawanda zvokuti akakwanisa kuziva kuti Mwari Wemasimba Ose munhu mumwe chete uye kuti dzidziso yoUtatu inopesana nezvinotaurwa neBhaibheri. Zvakaguma zvaitika ndezvokuti Bill haana kuzombodzokera kuchechi kwake. Kunyange zvakadaro, akaziva kuti aida kubatsirwa mune zvokunamata kuti akwanise kurarama nezvipingamupinyi zvomuupenyu. “Ndakaramba ndichikumbira Mwari kuti andibatsire,” anodaro Bill, “uye minyengetero yangu yakapindurwa.”
Mumwe musi woMugovera muna 1953, Roy Douglas, mumwe murume akwegura aimbova muvakidzani waBill uye akanga anzwa nezvematambudziko aBill, akapfuura nepamba paBill. Roy, mumwe weZvapupu zvaJehovha, akakumbira kudzidza Bhaibheri naye, uye Bill akabvuma. Zvakaverengwa naBill muBhaibheri uye mubhuku rinonzi “Mwari Ngaave Wazvokwadi”a zvakavhura maziso ake. Akaudza Rose zvaakanga achidzidza, uye akatanga kudzidzawo. Rose anoyeuka achiti: “Muchechi takanga taudzwa kuti kurwara kwaiva chirango chinobva kuna Mwari, asi kudzidza kwedu Bhaibheri kwakaratidza kuti izvozvo hazvisi zvechokwadi. Takanzwa kurerukirwa zvikuru.” Bill anowedzera achiti: “Kudzidza muBhaibheri zvinokonzera matambudziko ose, kusanganisira urwere hwangu, uye kuwana kuti nguva yemberi iri nani ichauya kwakatibatsira kubvuma mamiriro angu ezvinhu.” Muna 1954, Bill naRose vakakwanisa kuita imwe vavariro. Vose vari vaviri vakabhabhatidzwa seZvapupu zvaJehovha.
Kugadzirisa Zvimwe Zvinhu
Panguva ino, kuoma nhengo dzomuviri kwaBill kwakanga kwasvika pokuti akanga asingachakwanisi kuramba achiita basa rake. Kuti vararame, Bill naRose vakachinjana mabasa: Bill akasara kumba naVicki, Rose akatanga kushanda pakambani inogadzira wachi—basa raakaita kwemakore 35!
“Kutarisira mwanasikana wedu kwakandipa mufaro mukuru zvikuru,” anodaro Bill. “KaVicki kainakidzwawo nazvo. Nemanyemwe, kaisiudza munhu wose wakaisangana naye kuti: “Ndinotarisira Baba!’ Gare gare, paakaenda kuchikoro, ndaimubatsira basa rake rinoitirwa kumba, uye kakawanda taitamba mitambo. Uyezve, ndakava nomukana wakanaka kwazvo wokumudzidzisa Bhaibheri.”
Kupinda misangano yechiKristu paHoro yoUmambo chaiva chimwe chinhu chaipa Bill nemhuri yake mufaro mukuru. Zvaimutorera awa imwe chete kukamhina kubva kumba kwake kuenda kuHoro yoUmambo, asi haana kumborega kupinda misangano. Gare gare, pavakatamira kune rimwe divi reguta, Bill naRose vakatenga motokari duku, uye Rose aiendesa mhuri nemota kuhoro. Kunyange zvazvo Bill aikwanisa kutaura kwenguva pfupi chete, akanyoresa muchikoro Choushumiri Chokutonga Kunoitwa naMwari. Bill anotsanangura achiti: “Ndainyora hurukuro yangu, uye imwe hama yaiipa. Pashure pehurukuro, muitisi wechikoro aindipa zano nokuda kwemashoko ehurukuro yacho.”
Vakasiyana-siyana muungano vakabatsirawo Bill kuita basa rokuparidza nguva dzose. Gare gare Bill akagadzwa kuva mushumiri anoshumira muungano, uye hazvina kushamisa vaiona kuzvipira kwake. Zvadaro, makumbo ake paakatanga kushaya simba uye kuoma nhengo dzomuviri pakwakatanga kumukurira zvakanyanya, akabva angogara pamba pake uye pakupedzisira pamubhedha wake. Aikwanisa kukunda chipingamupinyi ichi here?
Chimwe Chinhu Chinogutsa
“Zvandaiswera pamba zuva rose, ndaitsvaka chimwe chinhu chokuita,” Bill anodaro. “Ndisati ndaoma nhengo dzomuviri, ndainakidzwa nokutora mifananidzo. Saka ndakafunga kuedza kunyora mifananidzo, kunyange zvazvo ndakanga ndisina kumbonyora mufananidzo wechinhu chipi nechipi muupenyu hwangu. Uyewo, ndinoshandisa ruoko rworudyi, asi ruoko rwangu rworudyi rwose uye minwe yangu miviri yokuruboshwe zvakanga zvakaoma. Zvisinei, Rose akatenga mabhuku akawanda anotsanangura nezvokunyora mifananidzo. Ndakaadzidza ndikabva ndasarudza kunyora noruboshwe rwangu. Mifananidzo yangu yakawanda ndakaguma ndaipisa, asi pakupedzisira ndakatanga kudzidza.”
Mifananidzo yakanaka yakashongedza furati yaBill naRose inoratidza kuti pakupedzisira Bill akabudirira zvaasina kumbofungira. “Anenge makore mashanu adarika,” Bill anowedzera kudaro, “ruoko rwangu rworuboshwe rwakatanga kudedera zvikuru zvokuti ndaitofanira kurega kunyora mifananidzo zvachose, asi kwemakore akawanda ndakagutsikana nokuita izvi.”
Vavariro Yasara
Bill anoti: “Makore 50 adarika zvino kubva pakatanga zvinetso zvangu zvoutano. Kuverenga Bhaibheri kuchiri kundinyaradza, kunyanya pandinoverenga Mapisarema nebhuku raJobho. Uye ndinonakidzwa nokuverenga mabhuku eWatch Tower Society. Ndinokurudzirwawo zvikuru nenhengo dzeungano yedu nevatariri vanofambira pavanoshanya uye pavanondiudza zvinoitika zvinosimbaradza. Uyewo, runhare rwakabatanidzwa neHoro yoUmambo runondigonesa kuteerera misangano, uye ndinowana mavhidhiyo epurogiramu dzekokorodzano.
“Ndinofara kuti ndakakomborerwa nomudzimai anondida. Kwemakore ose, ave ari shamwari yangu yepedyo. Uyewo, mwanasikana wedu, uyo zvino ari kushumira Jehovha nemhuri yakewo pachake, achiri kutifadza zvikuru. Ndinonyanya kuonga Jehovha nokundibatsira kuti ndirambe ndiri pedyo naye. Mazuvano, muviri wangu nenzwi rangu zvazviri kuramba zvichishaya simba, ndinowanzofunga nezvemashoko omuapostora Pauro okuti: ‘Hatiregi, asi kunyange munhu watiri nechokunze ari kupera, zvechokwadi munhu watiri nechomukati ari kuvandudzwa zuva nezuva.’ (2 VaKorinde 4:16) Hungu, kuramba ndakamuka mumudzimu chero bedzi ndiri mupenyu—ndiyo vavariro yangu yasara.”
[Mashoko Omuzasi]
a Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.; iye zvino harichadhindwi.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 12]
“Pashure pokuvhiyiwa, ndakanga ndisingakwanisi kumedza. Ndakanga ndisingakwanisi kutaura chero shoko rimwe chete zvaro. Ndakanga ndava mbeveve”
[Mufananidzo uri papeji 13]
Bill naRose mazuvano