Bhaibheri Rinochinja Upenyu
ZVAKAFAMBA sei kuti mumwe murume akakurira mumhuri yaiva yakanyura muchechi yeRoma uye ari mutongi wedzimhosva ave mumwe weZvapupu zvaJehovha? Chii chakaita kuti mumwe murume asiye zvougandanga achiva muparidzi wemashoko akanaka? Verenga unzwe kuti vanhu ava vanotii.
“Ndakanyatsonzwisisa kuti zvakanaka nezvakaipa ndezvipi.”—SEBASTIÃO ALVES JUNQUEIRA
GORE ROKUBEREKWA: 1946
NYIKA: BRAZIL
NHOROONDO YOUPENYU: MUTONGI MUDARE REDZIMHOSVA
MARARAMIRO ANDAIITA: Mhuri yedu yaigara muruwa rwuri kure neguta rinonzi Piquete nemakiromita anenge matanhatu. Vabereki vangu vaiva nepurazi diki raitiraramisa. Sezvo ndaidzidza kuguta rePiquete, ndakatenga bhasikoro kuitira kuti zvindiitire nyore pakufamba. Kunyange zvazvo vanhu vekwataigara vaiva varombo, guta raiva rakashambidzika uye mhosva dzaiparwamo dzaiva shoma. Varume vakawanda vaiva muguta racho vaishandira imwe fekitari yaigadzira zvombo zvehondo.
Ndaifarira zvokuverenga, saka ndakazoenda kuchikoro chinodzidzisa zvokugadzira ndege nezvechiuto, uye muna 1966 ndakapedza zvidzidzo zvangu zvousajeni. Ndakabva ndanodzidzira zvemutemo ndokuita dhigirii rezvemitemo. Pava paya ndakazonyorera ndichitsvaka chinzvimbo chokuva mukuru wemapurisa. Ndakanyora bvunzo dzehurumende muna 1976 ndikabudirira, ndokubva ndasarudzwa kuva mukuru wemapurisa. Dzimwe nguva ndaimboshanda semukuru mukuru werimwe jeri. Panguva iyi, Zvapupu zvaJehovha zvaiwanzouya kujeri zvichikumbira mvumo yokuparidzira vasungwa. Vaigara vachindiudzawo mashoko ari muBhaibheri. Ndairemekedza Mwari chaizvo. Ndakabayiwa mwoyo nokuziva kuti Mwari ane zita rokuti Jehovha uye kuti tinogona kuva shamwari dzake.
Zvishoma nezvishoma ndakaramba ndichikwidziridzwa pabasa. Muna 1981 ndakapasa dzimwe bvunzo dzehurumende ndichibva ndasarudzwa kuva mutongi mudare redzimhosva romuSão Paulo. Muna 2005 ndakazosarudzwa kuva mutongi mudare guru romuguta iroro.
KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI: Kuverenga Bhaibheri kwandakaita ndichangopedza kudzidza kuchikoro chezvemitemo kwakaita kuti ndichinje chaizvo mafungiro angu. Ndaiva ndakanyura muchechi yeRoma. Dzimwe hama dzedu dzaiva vapristi, mumwe ari bhishopu uye ini ndaibatsira mupristi paiitwa Misa. Mupristi asati apa mharidzo, ndaiverenga zvimwe zvikamu zvaiva mubhuku reminyengetero. Mhuri dzaipinda chechi yeRoma dzakanga dzisinganyanyi kuverenga Bhaibheri. Saka amai vangu vakatsamwa chaizvo pavakaziva kuti ndaiverenga Bhaibheri. Vakaedza kundirambidza vachiti raizoguma rava kundipengesa. Asi ndakaramba ndichiriverenga nokuti handina kumbopenga.
Ndinofunga kuti kuda kwangu kuziva ndiko kwakaita kuti ndirambe ndichiverenga Bhaibheri. Ndaida kuziva zvakawanda nezvevapristi uye basa ravaifanira kuita muchechi. Ndakatangawo kuverenga nezverimwe sangano romuchechi yeRoma rairwira kodzero dzevanhu. Asi zvaitaurwa nevatsigiri vesangano iri zvakanga zvisinganzwisisiki.
Panguva iyoyo, chiremba wangu wemazino uyo aiva muBhudha akati aida kundipa bhuku raakanga apiwawo nemumwe munhu. Bhuku racho rainzi Did Man Get Here by Evolution or by Creation?a Ndakagamuchira bhuku racho ndichifunga kuti ndaizonakidzwa nokuriverenga pamwe chete neraCharles Darwin rinonzi The Origin of Species. Pfungwa dzaitaurwa mubhuku rinonzi Did Man Get Here by Evolution or by Creation? dzaiva nesimba, dziine musoro uye dzichigutsa. Ndakanyatsoona kuti nyaya yokuti vanhu vakatanga vari mhuka ndokuzoshanduka ndeyenhema.
Nyaya yezvinhu zvakasikwa yandakaverenga mubhuku racho yakaita kuti ndide kuziva zvakawanda. Ndaida mamwe mabhuku akabudiswa neZvapupu zvaJehovha. Ndakaudzwa kuti paiva nemumwe murume aiva makanika akanga ari mumwe weZvapupu zvaJehovha. Ndakamukumbira mamwe mabhuku achibva andipa. Akati ndaigona kudzidza Bhaibheri neZvapupu asi ndakaramba. Ndaifunga kuti ndaigona kuridzidza ndoga.
Sezvo ndakanga ndaroora, pandakatanga kuverenga Bhaibheri ndakaona zvakanaka kuriverenga nemhuri yangu. Vhiki yoga yoga taidzidza Bhaibheri semhuri. Sevanhu vaipinda Roma, vomumhuri medu vainyanyokoshesa vapristi nemabhishopu. Saka zvandakaverenga pana Johani 14:6 zvakaita kuti ndide kuziva zvakawanda. Ndima yacho inoti: “Jesu akati kwaari [mudzidzi Tomasi]: ‘Ndini nzira nechokwadi noupenyu. Hapana anouya kuna Baba asi nokwandiri.’” Mushure mokunyatsoongorora nyaya iyi, ndakasara ndisina mubvunzo kuti ruponeso rwedu runobva kuna Jehovha achishandisa Jesu. Takanga tadzidziswa kuti vapristi ndivo vanoponesa vanhu.
Panewo dzimwe ndima mbiri dzeBhaibheri dzakachinja maonero andaiita chechi yeRoma nezvainodzidzisa. Imwe yacho ndiZvirevo 1:7 iyo inoti: “Kutya Jehovha ndiko kutanga kwezivo. Uchenjeri uye kurangwa ndizvo zvinozvidzwa nemapenzi.” Imwe yacho ndiJakobho 1:5 iyo inoti: “Kana mumwe wenyu achishayiwa uchenjeri, ngaarambe achikumbira Mwari, uye iye achahupiwa; nokuti iye ane rupo kuna vose uye haazvidzi.” Ndaiva nenyota isingaiti yokuti ndiwane ruzivo uye uchenjeri asi chechi yeRoma yakanga isingapedzi nyota yangu. Saka ndakarega kuendako.
Muna 1980 mudzimai wangu akatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu. Pose pandainge ndiri pamba ndaigarawo pasi ndichiteerera. Nokufamba kwenguva ndakabvuma kudzidza Bhaibheri. Zvisinei, zvakatitorera nguva yakareba kuti tisarudze kubhabhatidzwa seZvapupu zvaJehovha. Mudzimai wangu akazobhabhatidzwa muna 1994, uye ini muna 1998.
KUBATSIRWA KWANDAKAITWA: Vana vangu vana vakabatsirwa nokuti takavarera tichitevedzera mitemo yaJehovha. (VaEfeso 6:4) Ndine vanakomana vaviri vari kushanda nesimba kuti zvinhu zvokunamata zvifambire mberi muungano yavanopinda nayo. Vanasikana vangu vaviri vanoshingaira chaizvo mubasa rokuparidza. Mudzimai wangu anopedza maawa akawanda mwedzi nomwedzi achibatsira vanhu kudzidza Bhaibheri. Iniwo ndinonakidzwa nokushanda semukuru muungano yedu.
Pandakava mumwe weZvapupu zvaJehovha ndakanyatsonzwisisa zvakanaka nezvakaipa. Semutongi wedzimhosva, ndinoedza kutevedzera Jehovha pamatongero andinoita mhosva mudare. Ndinoedza kunyatsoongorora nyaya sezvairi, kuva munhu anonzwisisa uye kuderedza mutongo pazvinenge zvakakodzera kunzwira munhu wacho tsitsi.
Ndakatonga nyaya zhinji dzekurwisana, dzekutyorwa kwemutemo, dzokushungurudzwa kwevana nedzimwewo dzakakura dzoutsotsi. Asi izvi hazvina kuita kuti ndifarire zvinhu zvakaipa. Pandinenge ndichiona nhau, ndinosemeswa nokuora kwaita tsika dzevanhu munyika. Ndinoonga Jehovha nokuti ndava kuziva zviri kuita kuti mhosva dziwedzere kuparwa uye kuti zvinhu zvichanaka mune remangwana.
“Jeri harina kundichinja.”—KEITH WOODS
GORE ROKUBEREKWA: 1961
NYIKA: NORTHERN IRELAND
NHOROONDO YOUPENYU: GANDANGA
MARARAMIRO ANDAIITA: Ndakaberekwa muna 1961 muPortadown, guta rine vanhu vakawanda riri kuNorthern Ireland. Ndaipinda imwe chechi yakabuda muRoma uye ndakakurira munzvimbo yaiva nevanhu vaipinda Roma nevamwe vaipinda chechi yangu. Vazhinji vacho vaiva varombo asi tose zvedu taigarisana zvakanaka.
Mararamiro angu aiva asina kunaka. Muna 1974 ndakapindira mukurwisana kwemachechi nekwematongerwo enyika kwainzi “Troubles” kwaiitwa nevanhu kuNorthern Ireland. Munzvimbo yataigara zvinhu zvakabva zvatowedzera kuipa panguva iyoyo. Somuenzaniso, rimwe zuva huri usiku Baba vangu avo vaiva maneja pakambani yomuNorthern Ireland yainzi Ulster Carpet Factory vaiva nevamwe vakomana vaviri vaigara pedyo nesu vaipinda chechi yeRoma vavaidzidzisa basa. Panguva iyoyo mumwe munhu akakanda bhomba kumba kwevakomana ava, rikauraya vabereki vavo nemunin’ina wavo.
Zvinhu zvakawedzera kuoma, hondo ikabva yatanga. Vanhu vemachechi akabuda muRoma nevechechi yeRoma vakatanga kurwisana vachipisirana dzimba. Musha wataigara wakapedzisira wava nevazhinji vemachechi akabuda muRoma. Pasina nguva ndakasungirwa mhosva yokuputitsa mabhomba ndikatongerwa kugara mujeri kwemakore matatu.
Ndiri mujeri ndakatanga kuwirirana nemumwe musungwa aiva nemukurumbira chaizvo mune rimwe bato rezvematongerwo enyika rokuNorthern Ireland. Taiita semukoma nemunin’ina uye ndini ndakazomusayinira pamuchato wake. Jeri harina kutichinja tose. Patakabuda mujeri takatangazve kuita zvougandanga, asi takanga tava kutoita zvinogara zvakadaro. Shamwari yangu yakabva yasungwa ikadzokera mujeri. Ari mujeri imomo akapondwa.
Ndakatanga kutsvakwa zvokuti pane imwe nguva motokari yangu yakapiswa. Asi izvi zvakaita kuti nditowedzera kuita zvougandanga.
Panguva iyoyo ndakabatsira pakubudiswa kwerimwe firimu raizoratidzwa paTV yokuBritain raitaura nezvekurwisana kwainzi “Troubles” kwaiitwa muNorthern Ireland. Firimu iri rakatondisikira moto muziso. Somuenzaniso, humwe usiku ndakaenda kumba ndikawana mudzimai wangu anditiza. Pasina nguva ndakatorerwa mwanakomana wangu nevanhu vemutemo nemhaka yefirimu racho. Ndinoyeuka ndichitarisa mugirazi ndokuti, “Mwari, kana muriko ndibatsireiwo.”
Mugovera wakatevera ndakasangana nemumwe murume wandaizivana naye ainzi Paul uyo akanga ava mumwe weZvapupu zvaJehovha. Akatanga kutaura neni nezveBhaibheri. Papera mazuva maviri Paul akanditumira magazini yeNharireyomurindi. Imwe nyaya yaiva mumagazini yacho yaiva nemashoko aJesu ari pana Johani 18:36 okuti: “Umambo hwangu hahusi hwenyika ino. Kudai umambo hwangu hwaiva hwenyika ino, vashumiri vangu vangadai varwa kuti ndirege kuiswa kuvaJudha. Asi, sezvazviri, umambo hwangu hahubvi panyika ino.” Mashoko iwayo akandibaya mwoyo chaizvo. Iri ndiro zuva rakatanga kuchinja upenyu hwangu.
KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI: Paul akatanga kudzidza neni Bhaibheri. Bill uyo aivawo mumwe weZvapupu zvaJehovha, ndiye akazopfuurira kudzidza neni. Ndakanga ndisingangokurumidzi kubvuma zvose-zvose uye ndaiva nemibvunzo yakawanda. Ndaikoka vafundisi vakawanda kumba kwangu ndichida kuti varatidze Bill kuti zvaaidzidzisa zvakanga zvisizvo. Kunyange zvakadaro, chokwadi cheShoko raMwari chakaramba chichindijekera.
Ndinoyeuka rimwe zuva ndichiudza Bill kuti asauya kumba kwangu kuti tizodzidza nokuti migwagwa yaiva pedyo yainge yakazara marodhibhuroko, saka motokari yake yaigona kupiswa. Kunyange zvakadaro Bill akauya kuti tizodzidza senguva dzose. Akasiya motokari yake achibva auya nebhasikoro. Hapanawo aizoda kumutorera bhasikoro. Rimwe zuva ini naBill tichidzidza Bhaibheri tiri mumba, mapurisa nemasoja vakauya vakandisunga. Pavakanga vava kuenda neni Bill akashevedzera achindiudza kuti ndivimbe naJehovha. Zvose izvi zvakandikurudzira chaizvo.
Zvapupu zvaJehovha zvaiva paImba yoUmambo musi wandakatanga kupinda misangano zvinofanira kunge zvakashamisika chaizvo pazvakandiona. Ndaiva nebvudzi refu nemhete, ndiine bhachi rakanyorwa zita rebato rezvematongerwo enyika randaitsigira. Zvapupu zvakandibata zvakanaka chaizvo, chinova chinhu chandakanga ndisingafungiri. Izvozvo zvakandibaya mwoyo chaizvo.
Kunyange zvazvo ndakanga ndava kudzidza Bhaibheri, ndakanga ndichiri kuwirirana neshamwari dzangu. Asi nokufamba kwenguva chokwadi chandaidzidza muBhaibheri chakatanga kudzika midzi mumwoyo mangu. Kuti ndishumire Jehovha ndakaona kuti ndaitofanira kusiyana nokuita zvougandanga uye neshamwari dzangu. Izvozvo zvakanga zvisiri nyore. Asi pandakaramba ndichidzidza zvakawanda muBhaibheri, ndakapiwa simba naJehovha ndikakwanisa kuchinja mararamiro angu. Ndakagera bvudzi rangu ndokubvisa mhete yandaipfeka uye ndakatenga sutu. Zvandaidzidza zvakaitawo kuti ndichinje maonero andaiita vamwe vanhu.
KUBATSIRWA KWANDAKAITWA: Upenyu hwangu hwaingova hwokupara mhosva nokuita zvougandanga. Mapurisa omunzvimbo yedu akanga ava kutondiziva. Iye zvino zvinhu zvachinja. Somuenzaniso, pandakatanga kupinda gungano reZvapupu zvaJehovha rakaitirwa mutaundi rinonzi Navan, ndakaenda nokudzoka ndakarindwa nemapurisa kubva kuNorthern Ireland kuenda kuIreland. Asi iye zvino ndava kuenda kumagungano ndisina kurindwa nemapurisa. Ndava kuparidzirawo ndakasununguka neZvapupu zvomuungano medu zvinosanganisira Paul naBill.
Pandairamba ndichiedza kuita zvakanaka, ndakagadzirisa unhu hwangu kuti ndiite zvaiitwa neungano. Ndakadanana nemumwe musikana anonzi Louise, tichibva taroorana. Uyezve mwanakomana wangu akazodzoswa kumba.
Pandinofunga zvandakaita muupenyu hwangu, ndinozvidemba nokurwadzisa kwandaiita vanhu ndichivakuvadza. Asi ndinobvuma kuti Bhaibheri rinogona kuchinja vanhu vane upenyu hwakaita sehwandaiva nahwo kuti vasiye zvinhu zvakaipa zvavanoita nokusaziva, vova noupenyu hune chinangwa netariro.
[Mashoko Omuzasi]
a Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha asi harichadhindwi.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 12]
Amai vangu vakatsamwa chaizvo pavakaziva kuti ndaiverenga Bhaibheri