Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Zvakadini Kana Vabereki Vachiti Ndichiri Muduku Pane Zvokupfimbana?
“Muri vechinyakare, Amai. Ano haasi ma1950. Munhu wose ari kufambidzana nomumwe munhu! Handichisirizve kasikana kenyu.”—Janie ane makore 16.a
ZVINOGONA kukangaidza kuudzwa kuti hausati wagadzirira kufambidzana nomumwe munhu. “Ndinoda kuita sezvinotaura Bhaibheri ndokukudza baba vangu naamai,” anodaro mumwe wechiduku, “asi handifungi kuti vakarurama. Handitombozivi kuti ndingakurukura sei izvi navo.” Sejaya iri, ungafunga kuti vabereki vako havasi kunzwisisa uye havana tsitsi. Zvimwe wakasangana nomumwe munhu waunofarira chaizvo uye unoda kumuziva zviri nani. Kana kuti zvimwe unofunga kuti kupinda mune zvokufambidzana kungakubatsira kunyatsofanana nevezera rako. “Kune dzvinyiriro,” anodaro Michelle. “Kana usiri kufambidzana nomumwe munhu, vamwe vana kuchikoro vanofunga kuti unoshamisa zvikuru.”
Mumwe anopa mazano panyaya dzemhuri, akataura nezvokufambidzana achiti: “Hapana imwe nharaunda umo vabereki vanoratidzika sevasinganzwisisi zvikuru.” Asi kungoti vabereki vako vangaita sevasinganzwisisi, izvozvo zvinoreva chaizvoizvo kuti havanzwisisi here? Inga wani Mwari anopa vabereki vako mutoro wokukudzidzisa, kukurovedza, kukudzivirira, nokukutungamirira. (Dheuteronomio 6:6, 7) Kungava kuti vabereki vako vane zvikonzero zvakanaka zvokuva nehanya nokugara kwako zvakanaka here? “Ndinoona njodzi yacho ichiuya,” anodaro mumwe mubereki, “uye inotyisa zvikuru.” Nei kufambidzana vanhu vachiri vaduku kuchityisa vabereki vakawanda kwazvo?
Manzwiro ane Ngozi
“Vabereki vangu vanoita kuti zviratidzike sokuti pane chimwe chinhu chakaipa nokufarira mumwe munhu,” anonyunyuta kudaro Beth ane makore 14. Zvisinei, kana vabereki vako vari vaKristu, vanonyatsoziva kuti Mwari akasika vakomana nevasikana kuti vakwezvane. (Genesi 2:18-23) Vanoziva kuti kukwezvana uku ndekwomuzvarirwo, uye kuti kunoshanda zvinoenderana nechinangwa choMusiki wedu chokuti vanhu va“zadze nyika.”—Genesi 1:28.
Uyezve, vabereki vako vanonzwisisa masimbiro anogona kuita zvido zvokurara nomumwe munhu paunenge uri ‘kuyaruka.’ (1 VaKorinde 7:36) Vanozivawo kuti une ruzivo rushoma mukudzidza nzira dzokudzora nadzo zvido izvozvo. Kana ukatanga kupedza nguva yakawanda nomukomana kana kuti musikana muri mose, parunhare, kana kuti kunyange nokunyorerana tsamba, kana kuti E-mail, kukwezvana kungangowedzera. ‘Chii chakaipa nokuita kudaro?’ ungabvunza kudaro. Chaizvoizvo, chinhu chipi chepamutemo chaunacho chokugutsa zvido izvozvo? Wanyatsogadzirira here kusvitsa kunzwa ikoko pakunofanira kugumira—muchato? Kwete chaizvoizvo.
Nokudaro, kufambidzana muchiri vaduku kunoisa pangozi dzakakomba. Bhaibheri rinonyevera kuti: “Ko munhu ungaisa moto muchipfuva chake, nguo dzake dzikasatsva here?” (Zvirevo 6:27) Kakawanda zvikuru, kufambidzana musati makura kunotungamirira kuti murare mose musati maroorana, zvichiita kuti pave nemikana yokuti vechiduku vave nepamuviri vasina kuroorwa uye zvirwere zvinopfuudzwa pabonde. (1 VaTesaronika 4:4-6) Somuenzaniso, Tammy muduku aifunga kuti vabereki vake vakanga vasingaruramisiri pavaimurambidza kufambidzana nomumwe munhu. Saka akatanga kufambidzana nomumwe munhu pachivande kuchikoro. Nenguva isipi, Tammy akanga ava nepamuviri—uye upenyu hwake hwakachinjwa. Zvino anoti: “Kufambidzana nomumwe munhu hakushamisi sokutaurwa kwazvinoitwa.”
Asi zvakadini kana vaduku vanofambidzana vacho vachingwarira kudzivisa kubatana kusina kukodzera? Kunyange ipapo, pachine ngozi yokumutsa kana kuti kunyandura rudo rusati rwada. (Rwiyo rwaSoromoni 2:7) Kukuchidzira marimi ezvido zvinogona kuzadzikiswa chete zviri pamutemo mumakore ari mberi kunogona kuguma nokuvhiringidzika nenhamo.
Zvimwe zvokufungisisa nezvazvo ndeizvi: Une ruzivo rwakakwana chaizvoizvo muupenyu kuti uzive zvaunofanira kutarisa mune waunoda kuroorana naye here? (Zvirevo 1:4) Ukuwo, unotova nounhu uye unyanzvi zvinodiwa kuti uve murume kana kuti mudzimai achadiwa nokuremekedzwa zvechokwadi here? Chaizvoizvo, une kushivirira nokutsunga zvinodiwa kuchengetedza ukama hwenguva refu here? Hazvishamisi kuti kudanana kwakawanda kwevari kuyaruka kunokurumidza kupera zvinorwadza. Kushoma kunoguma nemichato yechigarire.
Naizvozvo, Monica ane makore 18 anozvipfupikisa zvakanaka paanoti: “Shamwari dzangu dzose kuchikoro dzaindiudza nyaya dzadzo pamusoro pevakomana vadzo. Asi dzakaroorwa dzichiri duku kana kuti dzakaguma nokurambana kunorwadza nokuti dzakanga dzisati dzagadzirira kuenda padanho rinotevera.” Wechiduku anonzi Brandon anotiwo: “Paunoziva kuti hausati wagadzirira kuzvipira kune mumwe munhu asi uchinzwa kuti wakatozvipira nokuti uri kufambidzana nomumwe munhu, zvinokangaidza kwazvo. Ungasuduruka sei pasina kukuvadza mumwe munhu wacho?”
Pasina mubvunzo vabereki vako vari kuedza kukuchengetedza pakurwadziwa nokukangaidzika ikoko nokuramba vachiti usafambidzana nomumwe munhu kusvikira wakura zvakakwana kuti uzvipire kuroora kana kuti kuroorwa. Chaizvoizvo, vari kungoita maererano nezano rakafuridzirwa riri pana Muparidzi 11:10 rinoti: “Dzinga zvinonetsa pamwoyo pako, ubvise zvakaipa panyama yako.”
‘Kuwedzera’
Zvisinei, izvi hazvirevi kuti haugoni kuva neshamwari dzechikomana kana kuti dzechisikana. Asi nei uchingoshamwaridzana nomunhu mumwe chete? Bhaibheri, mune imwewo nyaya, rinotikurudzira ku“wedzera” mukushamwaridzana kwedu. (2 VaKorinde 6:12, 13) Iroro izano rakanaka kune vechiduku. Imwe nzira yokuita nayo kudaro kusonganirana mumapoka akasangana vakomana nevasikana. “Ndinofunga kuti zvinonakidza zvikuru kuita kudaro,” anodaro Tammy. “Zviri nani kuva neshamwari dzakawanda.” Monica anoti: “Pfungwa yokuva muboka ipfungwa yakanaka zvikuru nokuti unokwanisa kuona vanhu vane unhu hwakasiyana-siyana uye zvinoita kuti uzive kuti kune vanhu vakawanda kunze uko vausati wambosangana navo.”
Vabereki vako vangatodaro vachida kukubatsira kuronga kuva nenguva dzinovaka dzakanaka nevamwe vechiduku. Anne, ane vana vaviri, anotsanangura kuti: “Nguva dzose tinova nechokwadi chokuti musha wedu inzvimbo inofadza inodiwa nevana. Tinokoka shamwari dzavo, tovapa zvokudyira-dyira, uye tovarega vachitamba mitambo. Nenzira iyi havambofungi kuti vanofanira kubva pamba kuti vanakidzwe.”
Chokwadi, kunyange muboka unofanira kuchenjerera kusanyanya kuratidza kufarira munhu mumwe chete. Dzimwe pwere dzinofunga kuti chero bedzi dziine vamwe vanhu, hadzisi kufambidzana chaizvoizvo. Usazvinyengedza uchidaro. (Pisarema 36:2) Kana uchinyanya kungova nomunhu mumwe chete iyeye nguva yose yaunova pamwe chete neshamwari dzako, zvinoreva kuti muri kufambidzana.b Edza kusarudza zvakanaka pakushamwaridzana kwako nevakomana kana kuti vasikana.—1 Timoti 5:2.
Kukosha Kwokumirira
Hazvisi nyore kuudzwa kuti uchiri muduku zvikuru kuti utange kufambidzana nomumwe munhu. Asi vabereki vako havasi kuedza kukurwadzisa. Kusiyana neizvi, vari kuita zvose zvavanogona kukubatsira uye kukudzivirira. Saka pane kuvimba nomwoyo wako uye kuramba mazano avo, wadii kushandisa ruzivo rwavo? Somuenzaniso, wadii kutsvaka mazano avo nguva inotevera paunova nechinetso pakubata nevakomana kana kuti vasikana? Zvirevo 28:26 inotiyeuchidza kuti: “Unotenda mwoyo wake, ibenzi.” Wechiduku anonzi Connie anoti: “Apo mukomana anondifarira, chinondibatsira kudzivisa kumanikidzirwa kufambidzana naye kutaura pamusoro pazvo naamai vangu. Vanotaura zvakaitika kushamwari dzavo nemhuri munguva yakapfuura. Zvinondibatsira chaizvo.”
Kumbomira zvishoma usati wafambidzana nomumwe munhu hakukanganisi kukura kwepfungwa dzako kana kuti kudzvinyirira rusununguko rwako. Nokuti hausati wava nemitoro yevakuru yokupfimba kana kuti kuroora, une rusununguko rwo‘kufara paujaya hwako.’ (Muparidzi 11:9) Kumirira kuchakubvumirawo nguva yokukudziridza unhu hwako, kukura mupfungwa uye, chinokosha kupfuura zvose, kukura mumudzimu. (Mariro aJeremia 3:26, 27) Sokutaura kwakaita imwe pwere yechiKristu, “unofanira kuzvipira kuna Jehovha usati wazvipira kune munhu upi noupi.”
Sezvaunokura uye kufambira mberi kwako kuchiva pachena kumunhu wose, vabereki vako vanotanga kuchinja maonero avanokuita. (1 Timoti 4:15) Uye apo unenge wagadzirira zvechokwadi kufambidzana nomumwe munhu, pasina mubvunzo uchakwanisa kudaro vasingakurambidzi.
[Mashoko Omuzasi]
a Mazita akachinjwa.
b Kuti uwane mamwe mashoko, ona mapeji 232-3 ebhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
[Mifananidzo iri papeji 29]
Kunyanya kufarira mumwe mukomana kana kuti musikana. . .
. . . kunowanzomutsa kunzwa kwokudanana
[Mufananidzo uri papeji 30]
Pane kunyanya kufarira munhu mumwe chete, wedzera shamwari dzako