RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g02 1/8 pp. 30-32
  • Kudanana Muchiri Vaduku—Zvakaipirei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudanana Muchiri Vaduku—Zvakaipirei?
  • Mukai!—2002
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kudanana Nomumwe Munhu Chii?
  • Kudanana—Ngozi Dzacho
  • Nguva Yokudanana Nomumwe Munhu
  • Ndagadzirira Kuronga Misi Yokuvhakacha Here?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Ndagadzirira Kufambidzana Nomumwe Munhu Here?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Ndirini Pandinofanira Kutanga Kudanana Nomumwe Munhu?
    Mukai!—2007
  • Zvakadini Kana Vabereki Vachiti Ndichiri Muduku Pane Zvokupfimbana?
    Mukai!—2001
Ona Zvimwe
Mukai!—2002
g02 1/8 pp. 30-32

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Kudanana Muchiri Vaduku—Zvakaipirei?

“Munguva ichangopfuura, vamwe vakomana kuchikoro vave vachindipfimba kana kuti vave vachida kuti ndive musikana wavo.”—Becky, ane makore 11.a

“Vana vakawanda pachikoro pedu vane vavanodanana navo. Hazvitomboshamisi kuona vakomana nevasikana vachitsvodana vari mukoridho.”—Liana, mudzidzi ari mufomu 3.

PWERE dzakawanda dzinotanga kudanana nomumwe munhu dzichiri nomukaka pamhuno. Mapepanhau, maredhiyo, materevhizheni zvinokurudzira muitiro uyu sechinhu chakajairika—sokunge kuti kuzvivaraidza kusingakuvadzi. Oneyda ane makore gumi nemaviri anoti: “Anenge munhu wose kuchikoro ane mukomana kana kuti musikana.” Mumwe mudzimai wechiduku anonzi Jenifer anoti: “Ndinoyeuka vamwe vana vaiva mugiredhi yechitatu vakanga vachitodanana nomumwe munhu.” Anowedzera achiti: “Ndakatanga kunzwa ndichida kuita zvevakomana pandaiva nemakore 11.”

Saka, zvinonzwisisika kuti kana usina munhu wauri kudanana naye, unganzwa sokuti uri kusaririra. Zvechokwadi, ungatozvidzwa uye ungatosekwa nokuda kwokuti hauna wauri kudanana naye. Achinzwa kuti akanga achiri muduku zvikuru kuti aite zvevakomana, Jenifer akaramba vakomana vaimupfimba. Vakomana vacho vakaitei? Jenifer anoyeuka kuti: “Vaindinyomba uye vaitoseka.” Hapana munhu anoda kusekwa. Asi unofanira kudanana nomumwe munhu nemhaka yokungoti vamwe vari kuzviita here? Asi kudanana nomumwe munhu chii? Uye kunoita chinangwa chei?

Kudanana Nomumwe Munhu Chii?

‘Hatisi kudanana. Tinongova shamwari neshamwari,’ vechiduku vakawanda vanotaura izvi, kunyange kana vari kupedza nguva yakawanda nomukomana kana kuti musikana. Asi pasinei nemadaniro aunozviita—kudanana, kuva pamwe chete, kana kuti kuonana—apo mukomana nomusikana vanotanga kupedza nguva yakawanda pamwe chete vari voga, kakawanda kacho zvinopfuura kungova shamwari zvinobatanidzwa. Uye kufambidzana nomumwe munhu hakurevi kuti unofanira kungova nomunhu wacho. Kukurukura paIndaneti, parunhare, netsamba, kana kuti neTsamba dzinotumirwa nekombiyuta zvose zvinogona kuva dzimwe nzira dzokufambidzana nomumwe munhu.

Mubvunzo ndewokuti, Zvine ngozi zvakadini kuti mukomana nomusikana vapedze nguva yakawanda vangori voga?

Kudanana—Ngozi Dzacho

Pana Zvirevo 30:19, Bhaibheri rinotaura nezvo“kufamba kwomurume nomusikana.” Mashoko aya anoratidza kuti kudanana kwevarume nevakadzi kune nzira yakafanana yakunotevera. Kana vose vari vanhu vakura uye vachiomerera patsika dzinopiwa naMwari, kudanana kunogona kutungamirira kurudo uye, pakupedzisira, kumuchato unokudzwa. Pamusoro pazvo, Mwari akasika murume nomukadzi kuti vakwezvane. Asi zvakadini kana usati wakura zvakakwana kuti uroore kana kuroorwa? Nokudanana nomumwe munhu uchiri muduku, uri kuzvipinza muna taisireva.

Nei? Nokuti kana ukapedza nguva yakawanda uine mukomana kana kuti musikana, zvingori muropa kuti unonzwa uchida kurara naye. Usati wamboziva zviri kuitika, unenge wava kuda kuona munhu iyeye zvekare. Pamunenge musiri pamwe chete, unenge uchingomufunga. Zvisinei, kakawanda kacho ndiwe chete unenge uchinzwa nenzira iyoyo—uye ungava nomwoyo wakaputsika. Uye kunyange mose muchidanana, kuvhiringidzika uye mwoyo wakaputsika zvinogona kuitika kana mumwe wenyu asati akura zvakakwana mupfungwa nomumuviri zvokuroora kana kuroorwa. Chaizvoizvo, kudanana kwakadaro kunotungamirira kuchii? Chirevo cheBhaibheri chinoti: “Ko munhu ungaisa moto muchipfuva chake, nguo dzake dzikasatsva here?”—Zvirevo 6:27.

Funga nezvepwere inonzi Nina. Anoti: “Ndakaonana nomumwe mukomana paIndaneti. Taikurukura kwemaawa zuva nezuva. Ndakatanga kumuda zvikuru, uye ndiye aiva upenyu hwangu. Hatina kuita nguva refu tichidanana. Patakarambana, ndakaora mwoyo kwazvo. Zvadaro, akandifonera ndokundiudza kuti akanga ava kuzviuraya nokuda kwokurambana kwacho. Izvozvo zvakaita kuti kuora mwoyo kwangu kutowedzera.” Achifunga pamusoro pezvakaitika, Nina anoti: “Zvakanga zvisina kukodzera! Takarambana makore maviri adarika, asi nanhasi ndichakaora mwoyo.” Nina akanga achiri muduku kwazvo kuti aite zvevakomana.

Zvinofadza kuti Bhaibheri parinotaura nezvo“kufamba kwomurume nomusikana,” izvozvo zvingareva kuita zvepabonde. Mazuva ano, kakawanda kacho kudanana kunotungamirira vanhu kuti vaite zvepabonde. Zvingatanga pasina vavariro dzakaipa, kungobatana maoko. Kumbundira uye kutsvoda padama kungatevera. Zvakasiyana apo zviito zvakadaro zvinoitwa nevanhu vati kurei vanenge vanyatsozvipira kune mumwe nomumwe. Asi kana vanhu vaviri vari vaduku zvikuru kuti varoorane, kuita kwakadaro kunongomutsa zvido zvokuda kurara pamwe chete. Zviito zvokuratidza “rudo” zvinogona kuwedzera kuva zvisina kukodzera kana kuti zvisina kuchena. Zvingatoita kuti munhu aite ufeve.b

Zvibereko zvoufeve zvinovava segavakava. Vamwe vanohuita vanobatwa nehosha dzinotapuriranwa pabonde. Vamwe vanorasikirwa nokuzviremekedza uye vanokuvadza hana dzavo. Tumwe tusikana tunoguma twava nepamuviri. Hazvishamisi kuti Bhaibheri rinopa murayiro uyu: “Tizai ufeve”! (1 VaKorinde 6:13, 18; 1 VaTesaronika 4:3) Kurega kudanana muchiri vaduku kuchakubatsira kuteerera murayiro uyu.

Nguva Yokudanana Nomumwe Munhu

Izvi hazvirevi kuti hauchakwanisi kufa wakadanana nomumwe munhu. Asi kana uchiri kuyaruka, zvimwe uchiri munguva inotaurwa neBhaibheri kuti ‘nguva yokuyaruka.’ (1 VaKorinde 7:36) Uchiri kungotanga kukura kuva murume kana kuti mukadzi wauchazopedzisira wava. Munguva iyi, unotanga kukura mumuviri, mupfungwa, uye muzvido zvokurara nomunhu. Manzwiro aunoita—kusanganisira zvido zvokurara nomumwe munhu—angava akasimba zvikuru. Zvisinei, zvido izvozvo zvingakonzerwawo nokuchinja kunoitika nokukurumidza. Nokuda kwechikonzero ichi, kudanana kwevachiri kuyaruka kunoratidzika sokunongoitika kwenguva pfupi. “Pandaidanana nevakomana,” anodaro mumwe musikana achiri kuyaruka, “taingoti dananei nhasi mangwana rambanei.”

Zvakajeka kuti hazvina musoro kudanana “muchiri kuyaruka.” Zvakanaka kumira kusvikira wava kuzviziva pachako, zvaunoda nezvausingadi, uye zvinangwa zvaunoda kuita. Uyewo, unofanira kunge wakura zvakakwana kuti uite mabasa omumba. Somuenzaniso, Jehovha anotarisira kuti murume agovere mhuri yake—mumuviri, zvinhu zvokurarama nazvo, uye mune zvokunamata. Kana uri mukomana achiri kuyaruka, wagadzirira kuwana basa uye kutarisira mudzimai uye zvimwe vana here? Unokwanisa kuvabatsira kuti varambe vakakura mumudzimu here? Uye zvakadini kana uri musikana wechiduku? Mudzimai anofanira kuda uye kuremekedza murume wake; anofanira kutsigira zvisarudzo zvaanoita. Wagadzirira kuita izvozvo kwenguva refu here? Uyewo, wagadzirira kutarisira imba zuva nezuva—kugadzira zvokudya uye kutarisira vana here?—VaEfeso 5:22-25, 28-31; 1 Timoti 5:8.

Kuenzanisira: Munyika dzokuMadokero vechiduku vanoda chaizvo kutyaira motokari yemhuri. Asi pwere inofanira kutanga yaita sei kuti ibvumirwe kutyaira? Munyika dzakawanda unofanira kurovedzwa, kunyora bvunzo uye kutyaira uina inisipekita usati wapiwa raisenzi. Nei? Nokuti kutyaira mutoro wakakura kwazvo. Upenyu hwako uye hwevamwe hunenge huri mumaoko ako paunenge uchityaira. Imba mutoro wakakurawo! Somunhu achiri kuyaruka, ungave usati wagadzirira kuti udaro. Muchiitiko chakadaro, kungava kuchenjera kana ukaramba muedzo wokuita zvevakomana nevasikana, sezvo kudanana nomumwe munhu riri danho rinotorwa kuti uwane wokuroorana naye. Zvichitaurwa nenzira iri nyore: Kana usati wagadzirira kuroora kana kuti kuroorwa, haufaniri kudanana nomumwe munhu.

Kuti uite chisarudzo chokuchenjera panhau iyi, unoda zvinonzi neBhaibheri “zivo nokuchenjera.” (Zvirevo 1:4) Saka, ingava pfungwa yakanaka kubatsirikana noruzivo uye unyanzvi hwomumwe munhu akura. Kazhinji vabereki vechiKristu ndivo vanokwanisa kukubatsira kuongorora kuti wagadzirira kuroora kana kuroorwa here. Uye ungadawo kuwana mazano kubva kunhengo dzakura dzeungano yechiKristu. Kana vabereki vako vasingadi kuti uite zvevakomana nevasikana, unoita zvakanaka kushandira pamwe navo. Chido chavo ndechokukubatsira ku“bvisa zvakaipa.”—Muparidzi 11:10.

Kana vachifunga kuti hausati wagadzirira kudanana nomumwe munhu, vangakurudzira kuti panguva ino, pane kungofarira munhu mumwe chete, wedzera shamwari dzako. Kushamwaridzana nevanhu vasina kuroora uye vakaroora, vakura uye vaduku, pamwe neavo vezera rako, kunogona kukubatsira kuvandudza unhu hwako uye kuona upenyu nokuroorana sezvazviri chaizvo.

Kumira kusvikira wagadzirira kudanana nomumwe munhu kuchava kwakaoma. Asi kumirira kune mubayiro. Nokushandisa ‘nguva yokuyaruka’ kukura kuva munhu akura mupfungwa, munhu anoziva zvaanoita, uchazvichengetedza pazvinetso zvakawanda. Uchazvipa nguva yokukura kuva munhu anokwanisa kubata nedzvinyiriro uye mitoro yemba. Uchazvipawo nguva yokuva munhu akakura mumudzimu. Kana ukadaro, paunenge wazogadzirira kuva nomukomana kana musikana, vamwe vangakuona somumwe munhu akakodzera wokudanana naye.

[Mashoko Omuzasi]

a Mamwe mazita akachinjwa.

b Shoko repakuvamba rechiGiriki rinoreva kuti ufeve ndipor·neiʹa. Rinotaura nezvokurara nomunhu kunosanganisira kushandiswa kwenhengo dzokubereka nadzo, kunoitwa nevanhu vasina kuroorana. Izvi zvinosanganisira kubata-bata nhengo dzokubereka nadzo uye kunanzvana nhengo dzokubereka nadzo.

[Mufananidzo uri papeji 31]

Zviito zvokuratidza rudo zvinowanzotungamirira kuzvinetso

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe