Bhizimisi Ragara Kwenguva Refu
Imba yokuvezera yaJohn yakanga iriyo yakavakwa zvakanakisisa uye ndiyo yakanga yakashongedzwa zvakanaka kwazvo munharaunda yake. Aidada nayo uye yaimufadza. Asi humwe usiku moto wakaerekana watanga. Mumaawa mashomanana, shopu yake yakaisvonaka yakanga yava madota.
JOHN akanga ambofunga nezvokutenga inishuwarenzi yemoto neimwe yemari yaakashandisa pakuvaka imba yake yokuvezera. Zvisinei, akafunga kuti: ‘Ndinonyatsongwarira. Uye kana pakasambova nemoto, kuva neinishuwarenzi kuchava kutambisa mari.’ Asi moto wakavapo. Kudai imba yaJohn yokuvezera yakanga ine inishuwarenzi, zvimwe angadai akaivakazve. Pasina inishuwarenzi, akanga asingakwanisi.
Chii Chinonzi Inishuwarenzi?
Inishuwarenzi hakusi kungochengetesa mari zvokuti munhu anotarisira kudzorerwa. Hakusiwo kubhejera. Munhu anobhejera anozviisa pangozi yokurasikirwa, nepo inishuwarenzi inodzivirira pangozi yokurasikirwa inotovapo. Inishuwarenzi inzira yokubatsirana nayo nevamwe pakurasikirwa.
Kubvira munguva dzekare, mapoka evanhu aiunganidza zvimwe zvezvinhu zvavo kuti abatsire vanhu vanenge varasikirwa. Anenge makore 3 500 apfuura, Mosesi akarayiridza rudzi rwaIsraeri kupa chikamu chezvibereko zvavo ku“mweni, nenherera, nechirikadzi.”—Dheuteronomio 14:28, 29.
Kwakabva Inishuwarenzi
Inishuwarenzi yave iripo kwezviuru zvemakore. Rudzi rweinishuwarenzi yechikwereti rwaivawo muBumbiro roMutemo raHammurabi, muunganidzwa wemitemo yechiBhabhironi unofungidzirwa kuti wakatangira Mutemo waMosesi. Kuti vawane mari yenzendo dzavo dzokutenga nokutengesa munguva dzekare, varidzi vezvikepe vaiwana zvikwereti kuvanhu vane makambani. Kudai ngarava yaizoparara, wakanga usiri mutoro womuridzi wacho kudzorera chikwereti chacho. Sezvo ngarava dzakawanda dzaidzoka dzisina kuparara, mari yaibhadharwa nevaridzi vengarava vakawanda yaizotsiva kurasikirwa kwevaikweretesa vacho.
Makanga muriwo mubhizimisi rezvikepe umo gare gare rimwe boka rakakurumbira raipa inishuwarenzi, rinonzi Lloyd’s of London, rakatangwa. Pakasvika 1688, Edward Lloyd akanga achitarisira imba inotengeserwa kofi umo vatengesi nevemabhengi vokuLondon vaiungana zvisina kurongwa kuti vaite zvebhizimisi. Imomo, vanopa mari avo vaipa zvibvumirano zveinishuwarenzi kuvafambisi vengarava, vainyora mazita avo pasi petsanangudzo yorudzi rwokurasikirwa kwavaizobvuma kubhadhara kana vafanopiwa mari yakati, kana kuti inobhadharwa zvishoma nezvishoma. Pakupedzisira, muna 1769, Lloyd’s rakava boka revanopa inishuwarenzi zvokuti nokufamba kwenguva rakakura kuva inishuwarenzi huru yokurasikirwa kwaiitika mugungwa.
Inishuwarenzi Mazuva Ano
Vanhu pavanotenga inishuwarenzi mazuva ano, vachiri kubatsirana pakurasikirwa kwavo. Makambani einishuwarenzi emazuva ano anoongorora nhamba dzinoratidza mwero wokurasikirwa kwomunguva yakapfuura—somuenzaniso, kurasikirwa nemhaka yemoto unoitika muimba yokuvezera—kuedza kufungidzira kuti kurasikirwa kwakadini uko vatengi vavo vachava nakwo munguva yemberi. Kambani yeinishuwarenzi inoshandisa mari inobhadharwa nevatengi vakawanda kubhadhara vatengi vanenge varasikirwa.
Unofanira kuva neinishuwarenzi here? Kana uchiida, iinishuwarenzi ipi inokodzerana newe? Uye ungave uine inishuwarenzi kana kuti kwete, zvinhu zvipi zvinogona kukubatsira kukunda kurasikirwa muupenyu?
[Mufananidzo uri papeji 21]
Rimwe remapoka akakurumbira anopa inishuwarenzi rakatangira muimba inotengeserwa kofi
[Kwazvakatorwa]
Courtesy of Lloyd’s of London