RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w10 6/1 pp. 11-14
  • Unganzi Hauna Kutendeseka Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unganzi Hauna Kutendeseka Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ndiani Anofanira Kubhadhara Kana Paitika Tsaona?
  • “Zvinhu zvaKesari Kuna Kesari”
  • Kubiridzira Pabvunzo
  • Uchaitei?
  • “Kana Mune Mungava Wemitero, Terai Mitero”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Mitero—Mubayiro “Wenzanga Yakabudirira” Here?
    Mukai!—2003
  • Unofanira Kubhadhara Mitero Yako Here?
    Mukai!—2003
  • Mitero Unofanira Kuibhadhara Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
w10 6/1 pp. 11-14

Unganzi Hauna Kutendeseka Here?

“Usataura zvose zvanyatsoitika patsaona yacho, ndiko kuti zvikufambire zvakanaka.”

“Vemitero havasi vokuudza zvose zvose.”

“Chero usingabatwi chete.”

“Unoda kubhadhara iwe uchigona kuchiwana mahara!”

UNOGONA kunzwa mashoko akadai paunenge uchitsvaka mazano panyaya dzemari. Vamwe vanoita sokuti havapererwi nemazano. Asi mubvunzo ndewekuti, Zvechokwadi mazano iwayo akanaka here?

Mazuva ano vanhu vakawanda havana kutendeseka zvokuti vava kuona sokuti hapana chakaipa nokureva nhema, kubiridzira, kana kuba kuti usarangwa, uwane mari, kana kuti ubudirire. Kazhinji vanhu vakakurumbira havana kutendeseka. Mune imwe nyika iri kuEurope, nyaya dzokubiridzira uye dzokuba mari yebasa dzakawedzera nekanodarika 85 muzana kubva muna 2005 kusvika muna 2006. Uye izvi hazvisanganisiri nyaya duku dzokusatendeseka, idzo vanhu vava kuti “twunyayawo zvatwo kana kuti tuzvivi tuduku.” Kunyange vanamuzvinabhizimisi vakakurumbira kana kuti vezvematongerwo enyika vemunyika iyoyo vakabatwawo munyaya dzokubiridzira idzi pavakawanikwa vachishandisa zvitupa zvokunyepera vachiitira kuti vakwidziridzwe pamabasa.

Pasinei hapo nokuti munyika mazara vanhu vasina kutendeseka, vakawanda vanoda kuita zvakanaka. Iwe unogona kunge uri mumwe wacho. Zvimwe imhaka yokuti unoda Mwari, saka unoda kuita zvinomufadza. (1 Johani 5:3) Mafungiro ako anogona kunge akafanana neomuapostora Pauro paakanyora kuti: “Tinovimba kuti tine hana yakatendeseka, zvatinoda kuva vakatendeseka muzvinhu zvose.” (VaHebheru 13:18) Pamusana pechikonzero ichocho, tinokukumbira kuti umboona zvimwe zvinhu zvingaita kuti munhu ave pamuedzo ‘wokusatendeseka muzvinhu zvose.’ Tichakurukurawo zvinotaurwa neBhaibheri zvingatibatsira mumamiriro ezvinhu akadaro.

Ndiani Anofanira Kubhadhara Kana Paitika Tsaona?

Mumwe musikana anonzi Lisaa paanenge achityaira motokari ane chaanovhiringa obva aroverana neimwe. Hapana hapo anokuvara asi motokari dzavo ndidzo dzinokuvara. Munyika yaanogara, vatyairi vechiduku vanobhadhara mari yakawanda yeinishuwarenzi yemotokari, uye inishuwarenzi yacho inokwira pose panongoitika tsaona. Sezvo Lisa anga achityaira aine hama yake inonzi Gregor, imwe shamwari yavo inovaudza kuti pavanenge vachitaura maitikiro etsaona vataure kuti Gregor ndiye anga achityaira. Izvi zvichaita kuti Lisa asabhadhare mazizakwatira emari. Iri rinoita sezano remandorokwati. Lisa anofanira kuitei?

Kuti makambani emainishuwarenzi abhadhare vanenge vaita tsaona, anokwidza mari yevaya vanenge vane inishuwarenzi. Saka kana Lisa akateerera zvataurwa neshamwari yake, zvichaita kuti vamwe vane inishuwarenzi vabhadhare tsaona yaakonzera uye vakwidzirwe mari. Hazvingogumiri pakuti ari kureva nhema chete asi kuti anenge achitobira vamwe. Izvi zvakafananawo nomunhu anotaura nepasipo kuti abhadharwe mari yakawanda paanenge aita tsaona.

Kutya kurangwa ndiko kunoita kuti vamwe vasiyane netsika yokusatendeseka. Asi chikonzero chinokosha chinoita kuti titendeseke chiri muShoko raMwari. Mumwe weMirayiro Gumi unoti: “Usaba.” (Eksodho 20:15) Muapostora Pauro akadzokorora murayiro iwoyo kuvaKristu achiti: “Anoba ngaachirega kubazve.” (VaEfeso 4:28) Kuteerera zvinotaurwa neShoko raMwari panyaya dzeinishuwarenzi kunoita kuti usaita zvinhu zvinovengwa naMwari. Unenge uchiratidzawo kuda uye kuremekedza mitemo yaMwari nevavakidzani vako.—Pisarema 119:97.

“Zvinhu zvaKesari Kuna Kesari”

Peter ndimuzvinabhizimisi. Mushandi wake anoita zveakaunzi anomupa zano rokuti ataure kuti ari kuda kutenga zvinhu zvekombiyuta zvinodhura chaizvo kuitira kuti aderedzerwe mutero. Vakawanda vane mabhizimisi akaita seraPeter vanotengawo makombiyuta akadaro. Kunyange hazvo Peter asina kumbotenga zvinhu zvacho, kashoma kuti hurumende iongorore kuti zvinhu zvacho zvakatengwa here. Kana Peter akadzikisirwa mutero iwoyo anosara nemari yakawanda chaizvo yaaifanira kubhadhara. Anofanira kuitei? Chii chingamubatsira kuona kuti odini?

Muapostora Pauro akaudza vaKristu vairarama munguva yake kuti: “Mweya yose ngaizviise pasi pevanhu vane masimba makuru . . . Ipai vose zvakavakodzera, kune anorayira mutero, mutero; kune anorayira muripo, muripo.” (VaRoma 13:1, 7) Vaya vanoda kugamuchirwa naMwari vanofanira kubhadhara mitero yose yavanonzi vabhadhare nevane masimba. Asi kana mutemo wehurumende uchideredzera mitero kune vamwe vanhu kana kuti vanoita zvemabhizimisi, hapana chakaipa kana ukakumbira kuti uitirwewo izvozvo chero bedzi une kodzero yokuzviwana.

Pane zvekare imwe nyaya ine chokuita nokubhadhara mitero. David ane shopu. Asi shamwari dzake dzinomukurudzira kuti ave nemabhuku maviri emarisiti aanonyora zvinhu zvaanenge atengesa. Mune rimwe anonyora mari chaidzo asi mune rimwe anonyora mari shoma. Anozviitira kuti asabhadhariswa mutero wakakura. Achashandisa rine mari shoma pakubhadhara mari yemutero. Vanhu vakawanda vanofunga kuti hapana chakaipa nokuita izvi. Sezvo David achida kufadza Mwari, anofanira kuona sei nyaya iyi?

Kunyange hazvo munhu anenge achiita izvi angasabatwa, haasi kubhadhara mitero yakakodzera kuwanikwa nehurumende. Jesu akarayira kuti: “Naizvozvo, dzorerai zvinhu zvaKesari kuna Kesari, asi zvinhu zvaMwari kuna Mwari.” (Mateu 22:17-21) Jesu akataura izvi kuitira kuti agadzirise mafungiro aiva nevateereri vake nezvenyaya yokubhadhara mitero. Vakuru vehurumende, vakanzi naJesu Kesari, vanoti ikodzero yavo kuti vanhu vabhadhare mitero. Saka vateveri vaKristu vanoona kubhadhara mitero yose sechinhu chavanotofanira kuita chinotsigirwa neMagwaro.

Kubiridzira Pabvunzo

Mudzidzi wepane imwe sekondari anonzi Marta ari kugadzirira kunyora bvunzo yokupedzisira. Zvaachabura pabvunzo iyi ndizvo zvichaita kuti azowana basa rakanaka, saka anopedza maawa nemaawa achiverenga. Vamwe vaanodzidza navo vagadzirirawo, asi kwete sezvaanga achiita. Vanenge vachishandisa zvipepa zvakanyorwa mhinduro, makarukureta anotova nemhinduro kana kuti nhare dzeserura kuti vabiridzire vagowana mamakisi akawanda. Marta anofanira kungoita gundamusaira here kuitira kuti agopasa?

Vakawanda vanofunga kuti hapana chakaipa nokubiridzira nokuti munhu wose ndizvo zvaari kuita. Vanoti, “Chero usingabatwi chete.” Asi vaKristu vechokwadi havachinji mafungiro avo panyaya iyi. Kunyange mudzidzisi angasaona hake vaya vari kubiridzira, pane anenge achizviona. Jehovha Mwari anoona zvatinoita uye tichazvidavirira kwaari. Pauro akanyora kuti: “Hapana chisikwa chaasingaoni, asi zvinhu zvose zvakafukurwa uye zviri pachena mumaziso aiye watinozvidavirira kwaari.” (VaHebheru 4:13) Kuziva kuti Mwari ari kutiona nokuti anofarira kuona tichiita zvakanaka kuchaita kuti tide kuva vakatendeseka patinenge tichinyora bvunzo, handizvo here?

Uchaitei?

Lisa, Gregor, Peter, David, naMarta vakaona kuti zvavakanga vatarisana nazvo yakanga isiri nyaya yokutamba nayo. Vakasarudza kuva vakatendeseka uye zvakaita kuti varambe vane hana yakachena uye vane tsika dzakanaka. Iwe uchaitei kana ukatarisana nezvimwe zvinhu zvakada kudai?

Zvinogona kuitika kuti vaunoshanda navo, vaunodzidza navo uye vavakidzani vako havaoni chakaipa nokureva nhema, kubiridzira, kunyange kuba. Vangatosvika pakukuseka vachikumanikidza kuti uite zvavanoitawo. Chii chingakubatsira kuti uite chisarudzo chakanaka pasinei nokufurirwa kuti uve asina kutendeseka?

Yeuka kuti kuita zvinoenderana nezvinodiwa naMwari kuchaita kuti tive nehana yakachena uye tichagamuchirwa nokufarirwa naMwari. Mambo Dhavhidhi akanyora kuti: “Haiwa Jehovha, ndiani angava mueni mutende renyu? Ndiani angagara mugomo renyu dzvene? Ndiye anofamba asina mhosva uye anoita zvakarurama uye anotaura chokwadi mumwoyo make. . . . Munhu anoita zvinhu izvi haazombozununguswi.” (Pisarema 15:1-5) Kuva nehana yakachena uye kuva noushamwari naMwari wokudenga kunokosha kupfuura zvose zvatingawana patinenge taita zvokubiridzira.

[Mashoko Omuzasi]

a Mamwe mazita akachinjwa.

[Mashoko okukwezva ari papeji 12]

“Anoba ngaachirega kubazve.”

Kuremekedza mitemo yaMwari uye kuda vavakidzani vedu kunoita kuti tide kuva vakatendeseka panyaya dzeinishuwarenzi

[Mashoko okukwezva ari papeji 12]

“Ipai vose zvakavakodzera, kune anorayira mutero, mutero.”

Kuti tidiwe naMwari tinofanira kubhadhara mitero yose inonzi nehurumende ibhadharwe

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 13]

“Zvinhu zvose . . . zviri pachena mumaziso aiye watinozvidavirira kwaari.”

Kunyange hazvo vadzidzisi vangasatibata tichibiridzira, tinofanira kuva vakatendeseka kuna Mwari

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 14]

Kuba “Zvisiri Pachena”

Shamwari yako yatenga purogiramu yekombiyuta ichangoburwa, uye iwe unoidawo. Anokuudza kuti anogona kukuitira imwe kopi kuti usashandisa mari yako. Kunganzi kusatendeseka here?

Vanoshandisa kombiyuta pavanotenga purogiramu yekombiyuta, vanobvuma kuti vachaita zvinotaurwa nevaridzi vepurogiramu yacho. Varidzi vepurogiramu yacho vangati anenge atenga aishandise pakombiyuta imwe chete bedzi. Saka kukopa kuti upe mumwe munhu purogiramu yacho kutyora chibvumirano uye zvinenge zvisiri pamutemo. (VaRoma 13:4) Kuita izvozvo kungatonziwo kuba nokuti zvinotadzisa muridzi kuwana mari yaanga achifanira kuwana.—VaEfeso 4:28.

Vamwe vangati, ‘Hapana anombofa akazviziva.’ Zvingadaro hazvo, asi tinofanira kuyeuka mashoko aJesu anoti: “Naizvozvo, zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo saizvozvo.” (Mateu 7:12) Tose zvedu tinoda kubhadharwa zvinoenderana nekushanda kwataita uye tinoda kuti vamwe varemekedze zvinhu zvedu. Saka zvatinoda kuti vamwe vatiitire ndizvo zvatinofanira kuvaitirawo. Tinodzivisa kuba “zvisiri pachena,” zvakadai sokutora zvinhu zvevaridzib tichizviita zvedu.—Eksodho 22:7-9.

[Mashoko Omuzasi]

b Zvinhu zvevaridzi zvinosanganisira zvinhu zvakanyorwa zvakadai senziyo, mabhuku, purogiramu yekombiyuta, zvingave zvakadhindwa papepa kana kuchengetwa mukombiyuta. Zviratidzo zvinoratidza muridzi, mvumo yokutengesa, zvibvumirano zvokutengeserana zvepachivande, uye mvumo yokubudisa zvichangoburwa zvinobatanidzwawo pane izvi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe