Unofanira Kuva Neinishuwarenzi Here?
MUDZIMWE nyika mamwe marudzi einishuwarenzi anomanikidzirwa. Mune dzimwe, marudzi akawanda anenge asingatombozivikanwi. Uyezve, mutengo weinishuwarenzi uye rudzi rwokurasikirwa kunogona kubhadharwa zvinosiyana zvikuru munyika nenyika. Asi nheyo inokosha yeinishuwarenzi—kubatsirana pakurasikirwa—inoramba yakadaro.
Sezvingatarisirwa, panowedzera zvinhu zvine munhu, anorasikirwawo nezvakawanda. Saizvozvowo, kuwedzera kwomutoro womunhu wemhuri, ndiko kuwedzerawo kunoita zvinogona kuitika kana akafa kana kuremara. Kuva neinishuwarenzi kunogona kurerutsa kunetseka kwomunhu pamusoro pomukana wokurasikirwa nezvinhu kana kuwirwa netsaona inoremadza.
Asi, kuchenjera here kuisa mari kuinishuwarenzi kunyange zvazvo chikumbiro chokubhadharwa chingasafa chamboitwa? Chaizvoizvo, kuchengeta vhiri resipeya mumotokari chinhu chisina basa here, kunyange kana vhiri racho risingazombofi rakada kushandiswa? Kuziva kwomutyairi wemotokari kukosha kwokudzivirira njodzi kungaita kuti vhiri resipeya ridhurire zviripo. Nepo mari isingagoni kutsiva kumwe kurasikirwa, ingatsiva kumwe.
Kurasikirwa kupi kunobhadharwa nezvibvumirano zveinishuwarenzi?
Mhando dzeInishuwarenzi
Inishuwarenzi yakawanda inotengwa nevanhu inopinda muzvikwata zvinoti yezvinhu, yetsaona yaunogona kukonzera, youtano, yokuremara, uye inishuwarenzi youpenyu.
Inishuwarenzi yezvinhu: Inishuwarenzi yokurasikirwa nezvinhu—musha, bhizimisi, motokari, kana zvimwe zvinhu—iri pakati pemarudzi akajairika okuziva nokudzivirira njodzi. Iyi ndiyo inishuwarenzi iyo John, ataurwa munyaya yatangira ino, akasarudza kusatenga nokuda kweimba yokuvezera nezvishandiso zvake.
Zvimwe zvibvumirano zveinishuwarenzi yomusha zvinosanganisira kudzivirirwa kwezvimwe zvinhu zviri mumba. Kana ukatenga iyi, kuchenjera kunyora zvinhu zvako zvomumba zvine inishuwarenzi, kana zvichiita kusanganisira kuzvitora mapikicha kana tepi yevhidhiyo. Zvinhu zvakanyorwa izvi pamwe chete nemapepa api neapi anoratidza ukoshi hwazvo kana kuti marisiti ekwawakatenga zvinhu zvacho, zvinofanira kuchengetwa panzvimbo yakachengeteka iri kunze kwomusha. Kuva nezvinyorwa izvi kunogona kuita kuti chikumbiro chokubhadharwa chive nyore kugadzirisa.
Inishuwarenzi yetsaona dzaunogona kukonzera: Munhu upi noupi anotyaira motokari, ane musha kana zvimwe zvivako nenzvimbo, ane bhizimisi, kana anoshandirwa nevamwe vanhu anozviisa pangozi yokukonzera tsaona. Uye tsaona iyoyo ingaguma nokukuvadzwa kwezvinhu kana kukuvara kana kufa kwomumwe munhu. Mutyairi wemotokari kana muridzi wezvinhu kana webhizimisi angava nomutoro wokubhadhara kugadziriswa kwezvinhu kana kurapwa, kunyange nokuda kwokurwadziwa nokutambura kwomumwe. Munyika dzakawanda vashandirwi nevatyairi vanosungirwa nomutemo kuva neinishuwarenzi yetsaona yaanogona kukonzera kuti abatsire kubhadhara zvinodiwa izvi. Kunyange uko inishuwarenzi isiri chinhu chinodiwa nomutemo, mutyairi, muridzi wezvinhu, kana mushandirwi angasungwa nomutemo kana tsika kuti abatsire vanenge vapinda mutsaona kana mhuri dzavo.
Inishuwarenzi youtano: Nyika dzakawanda dzine inishuwarenzi inopiwa mari nehurumende inopa zvinhu zvakadai somudyandigere nokuda kwevakwegura uye zvokurapa. Zvisinei, kunyange kwazvakadaro, inishuwarenzi yakadai ingabhadhara chikamu chemari yokurapwa chete kana kuti ingabhadhara zvimwe zvakati kuti chete. Naizvozvo, vamwe vanhu vanowana imwe inishuwarenzi yomunhu oga kuvabatsira kubhadhara inenge yasara. Munzvimbo dzakawanda inishuwarenzi youtano chingava chimwe chezvinofanira kuwanikwa nevashandi pamabasa pavo.
Inishuwarenzi yokuremara uye inishuwarenzi youpenyu: Inishuwarenzi yokuremara inopa mari kana munhu akuvara asisakwanisi kushanda. Inishuwarenzi youpenyu inopa rubatsiro rwemari kuvanhu vanotarisirwa nomunhu kana iye afa. Inishuwarenzi yakadaro yakaita kuti mhuri dzakawanda dzikwanise kubhadhara zvikwereti zvadzo ndokupfuurira nemararamiro adzo enguva dzose pashure pokukuvara kana kufa kwomuriritiri.
Kuwana Vanopa Inishuwarenzi Vakavimbika
Inishuwarenzi yakavakirwa papfungwa yokubhadhara mari zvino kuti udzivirirwe mune zvemari mune remangwana, saka hazvishamisi kuti mabasa ezvemainishuwarenzi anokwezva vanokorovhera vakawandisa. Izvi ndezvechokwadi munyika dzakabudirira uye dzichiri kubudirira. Naizvozvo, munhu anofanira kuchenjerera inowanzonzi inishuwarenzi isingadhuri uye kungwaririra chirongwa chipi kana chipi cheinishuwarenzi chisinganyatsonzwisisiki. Vatengi vakawanda kwazvo vaiva netariro vakasiyiwa vasina chinhu apo makambani akadaro akakundikana kubhadhara zvibvumirano zvavo—kana kungonyangarika kamwe kamwe!
Saka, sezvazviri nokutenga chimwe chinhu chinokosha chipi nechipi, kuchenjera kuenzanisa mitengo, uye zvinowanzochengetedza mari. Somuenzaniso, mamwe makambani anopa vasingasvuti mitengo yakaderera painishuwarenzi youtano uye painishuwarenzi yemotokari kuvaya vakapasa kosi dzokutyaira kwokuzvidzivirira. Asi munhu angada kutenga anogona sei kuwana inishuwarenzi yakakodzera?
Danho rokutanga ringava rokubvunza zvakawanikwa nevamwe nemakambani einishuwarenzi nevamiririri vakasiyana-siyana. Shamwari nevavakidzani vangaziva mukurumbira wekambani maererano nemashandiro ayo kana mukurumbira wokutendeseka nokuva nehanya kwomumiririri. Zvakanakawo kugara wakasvinurira mishumo yenhau inoratidza kuti ikambani yeinishuwarenzi ipi ingava iine zvinetso.
Uyezve, chinyorwa chekambani uye mamiriro ayo ezvemari zvingawanwa nokutsvaka mabhuku anoongorora zveinishuwarenzi muraibhurari kana muchitoro chemabhuku kana paInternet. Izvi zvinogona kupa mhinduro yemibvunzo yakadai seyokuti: Kambani yacho ine mari yakakwana here? Yave ichiita bhizimisi zvinobudirira kwemakore akawanda here? Inozivikanwa nokutarisira zvikumbiro nokukurumidza uye zvine ushamwari here?
Zvisinei, hatifaniri kufunga kuti mabhuku anoongorora inishuwarenzi haakanganisi. Imwe kambani yakavambwa kare kare, ine zvinhu zvinosvika mabhiriyoni akawanda emadhora yaifanira kutorwa nehurumende vhiki imwe chete yataurwa kuva yepamusoro-soro mubhuku rinozivikanwa zvikuru!
Basa Revatengesi Veinishuwarenzi
Kazhinji kazhinji mutengesi weinishuwarenzi anongotengesa zvibvumirano zvekambani imwe chete yeinishuwarenzi. Mumiririri, kana kuti mutengesi akazvimirira, angabvunza makambani akasiyana-siyana kuti awane inishuwarenzi yakanakisisa inowanikwa pamutengo wakati. Vose vanofanira kuchengetedza ukama hwakanaka nevatengi kuitira kuti vachengetedze bhizimisi ravo. Kana mutengesi weinishuwarenzi akatendeseka uye ane hanya, anogona kubatsira vatengi vake zvikuru.
Kutanga, mumiririri akanaka kana kuti mutengesi anogona kubatsira mutengi kusarudza inishuwarenzi yakakodzera pane dzakawanda kwazvo dzakarongwa dzaanogona kusarudza. Achatsanangurirawo mutengi wake zvakawanda nezvechibvumirano chacho. Sezvinonyatsozivikanwa nevakawanda, zvibvumirano zveinishuwarenzi zvakaoma kunzwisisa. Purezidhendi weimwe kambani yeinishuwarenzi akabvuma kuti akanga asinganzwisisi zvikamu zveinishuwarenzi yomusha wake!
Kutsanangura kwomutengesi kunogona kubatsira mutengi kudzivisa kuzoshamisika kusingafadzi. Somuenzaniso, zvibvumirano zvakawanda zveinishuwarenzi yezvinhu uye youtano zvine chimwe chitsama chazvinoti hachibhadharwi nekambani. Iyi imari yakatarwa iyo munhu anofanira kubhadhara—somuenzaniso, nokuda kwokugadzirisa motokari kana mari dzokurapwa—kambani yeinishuwarenzi isati yabhadhara chikamu chayo. Mutengesi wacho anogonawo kuva murevereri womutengi wake kukambani yeinishuwarenzi kana mutengi wacho akava nechinetso chokubhadharwa.
Inishuwarenzi nevaKristu
MuKristu anovimba nokubatsira kwaMwari uye anotarisira kuguma kwegadziriro yezvinhu anoda inishuwarenzi here? Kare mugore ra1910, vamwe vakabvunza mubvunzo uyu kuna Charles Taze Russell, aiva mupepeti wemagazini inozivikanwa zvino seNharireyomurindi, magazini inofambidzana neMukai! Russell akabvuma kuti Bhaibheri rinofanotaura kuguma kwegadziriro yezvemari iripo zvino, achiwedzera kuti iye pachake akanga asina inishuwarenzi youpenyu.
“Kunyange zvakadaro tose hatina mamiriro ezvinhu akafanana,” akadaro Russell. “Baba vane mudzimai nevana vokutarisira—kana vana vacho vachiri vaduku uye vasingakwanisi kuzviriritira—vane mutoro wokuvatarisira.” (1 Timoti 5:8) Baba vangaisa mari parutivi nokuda kwemhuri yavo, akadaro Russell. “Asi kana vasingakwanisi kuita izvi, vangakwanisa kuvatarisira vachishandisa inishuwarenzi youpenyu.”
Munhu anotarisira mhuri angapawo inishuwarenzi youtano, yokuremara, uye mamwe marudzi einishuwarenzi kumhuri yake. Vanhu vasina kuroora vakawanda vane inishuwarenzi kuitira kuti zvivaitire nyore kuwana zvimwe zvinhu zvavanoda uye kuzvidzivirira pakupinda muchikwereti kana pakaitika tsaona kana urwere.
Kutendeseka kunokosha maererano neinishuwarenzi. MuKristu wechokwadi haazombofi akarasisa kambani yeinishuwarenzi, chero paanenge achizadzisa fomu reinishuwarenzi kana paanenge achikumbira kubhadharwa. (VaHebheru 13:18) Acharamba achiyeuka kuti chinangwa cheinishuwarenzi ndechokubhadhara kurasikirwa. Haisi tikiti rokubhejera—mukana wokurarama upenyu hwomutambarakede.—1 VaKorinde 6:10.
VaKristu vanoteerera mitemo yose ine chokuita nezvinodiwa zvakadai sokuwana inishuwarenzi. Uko mutemo unoti vanofanira kuva neinishuwarenzi yakakodzera kuti vave nebhizimisi kana kutyaira motokari, vanoteerera. (VaRoma 13:5-7) Kutendeseka uye kushandisa uchenjeri zvinodawo kuti mari inodiwa ibhadharwe panguva. Kana mari ikarega kubhadharwa, kambani yacho inogona kudzima chibvumirano chacho yorega kubhadhara mari dzingadiwa. Kuchenjera kuongorora mari yakabhadharwa nguva nenguva nokubvunza kambani yacho zvakananga uye kuchengeta zvinyorwa zvinoratidza kuti wakabhadhara, zvakadai secheki dzine zvidhindo.
Kwaunogara kungava kuchiwanika inishuwarenzi kana kuti kwete, pane zvinhu zvinokosha zvinogona kukubatsira kudzivisa kurasikirwa nokudaro zvichikudzivirira nevadiwa vako pakurwadziwa kusingagoni kudzimwa neinishuwarenzi. Tichatevera kukurukura nezvezvimwe zvezvinhu izvi.
[Mufananidzo uri papeji 25]
Mutengesi akatendeseka anogona kukubatsira kuita zvisarudzo pamusoro peinishuwarenzi
[Mufananidzo uri papeji 25]
Vakawanda vane inishuwarenzi, pasinei nokuti inodiwa nomutemo here kana kuti kwete