Zvakaita Hondo Yemazuva Ano
MUSASA wacho wevapoteri wakanga wavakwa zvechimbichimbi kuitira kutarisira vapoteri 1 584 vakangoerekana vasvika vachibva munyika yakavakidzana yomuAfrica. Matende ebhuruu neekaki akadzikwa panzvimbo ine madhaka pakati pesango remiti yemichindwe. Pakanga pasina magetsi kana zvokufuka, uye pakanga pasina pombi dzemvura kana zvimbuzi. Kwainaya. Vapoteri vacho vaishandisa zvimiti kuchera migero miduku kuti mvura isazara mumatende. Masangano maviri anopa ruyamuro akaita chipatapata kuti avandudze magariro evanhu.
Pakuvamba, vapoteri vacho vakanga vawana mukana wokukwira chikepe chinotakura zvinhu kuti vatize hondo yezvizvarwa zvemunyika imwe chete yakanga yasakadza nyika yavo kwemakore. Hondo yacho haina kutangwa nemidungwe yemotokari dzine zvombo zvikuru kana nendege dzinodonhedza mabhomba. Yakatanga apo masoja anenge 150 akanga akatakura pfuti dzokurwisa akapinda munyika yacho. Mumakore akazotevera, masoja acho akatora musha pashure pomusha, achiita kuti vanhuwo zvavo vabvise mutero, achipinza basa mamwe masoja, uye achiuraya munhu upi noupi aipikisa. Pakupedzisira, akakunda nyika yacho yose.
Mumwe wevapoteri vaiva mumusasa wacho mukadzi muduku ainzi Esther. “Chinhu chakaipisisa chakaitika muupenyu hwangu kwaiva kurasikirwa nomurume wangu muhondo iyi,” akadaro. “Vakamupfura. Pane kutya kukuru. Ukangonzwa mumwe munhu achizhambatata unobva wafunga kuti pane ari kuuya kuzokuuraya. Chero papi paunoona munhu ane pfuti, unofunga kuti achakuuraya. Handina kuzombogadzikana. Kuno chete ndiko kwandava kurara manheru. Kumusha, ndaisakwanisa kurara. Kuno ndinorara sekacheche.”
“Kunyange mumatende akanyorova aya here?” akabvunza kudaro munyori weMukai!
Esther akaseka. “Kunyange kana ndichifanira kurara mumadhaka aya, ndinorara zviri nani pane zvandaiita kwandakabva.”
Ambrose, ane makore gumi, akanga apedza hwakawanda hwoupenyu hwake achitiza munzvimbo dzine hondo nevemhuri yake. “Ndinoda kuona runyararo uye kudzokera kuchikoro,” akadaro. “Pamusoro paizvozvo, ndiri kukura.”
Kpana, ane makore mapfumbamwe, ane maziso matema akaisvonaka. Paakabvunzwa kuti chinhu chipi chepakuvamba chaaiyeuka, akapindura pasina kutya kuti: “Hondo! Kurwa!”
Rudzi rwehondo yakatizwa nevanhu ava yakajairika mumakore achangopfuura. Maererano nemamwe mashoko, pahondo huru 49 dzakarwiwa kubvira muna 1990, 46 dzacho dzave dzichirwiwa nepfuti chete. Kusiyana nomunondo kana pfumo, zvinoda unyanzvi nesimba kuti uzvishandise zvinobudirira pakurwa, pfuti dzaita kuti kurwa muhondo kubvire kunyanzvi nevasiri nyanzvi. Kazhinji kacho vayaruki nevana vanopinzwa muhondo uye vanomanikidzwa kutora zvinhu nechisimba, kuremadza, uye kuuraya.
Dzakawanda dzehondo idzi dzinorwiwa, kwete pakati penyika nenyika, asi mukati madzo. Dzinorwiwa, kwete nemasoja akarovedzwa achirwira panhandare yehondo asi kakawanda kacho, nevanhuwo zvavo vari mumaguta, madhorobha, nomumisha. Hapana anombodemba kana mitemo yehondo inozivikanwa yaputswa nokuti kurwa kwacho kunenge kuchiitwa nevasina kudzidzira zvehondo. Nokudaro, kurwiswa kunotyisa kwevarume, vakadzi, uye vana vasina zvombo hakuzivani. Kunofungidzirwa kuti muhondo dzemazuva ano vanopfuura 90 muzana vevanourayiwa vanhuwo zvavo. Muhondo dzakadaro pfuti nezvigwagwagwa ndizvo zvinonyanya kushandiswa.
Chokwadi, pfuti hadzikonzeri hondo zvakananga—vanhu vairwa kare kare unga husati hwagadzirwa. Zvisinei, mirwi yepfuti yakachengetwa ingakurudzira kurwa pane kutaurirana. Zvombo zvingarebesa nguva yokuti hondo dzipere uye kuwedzera kuuraya kwakanyanyisa.
Nepo zvombo zvinoshandiswa muhondo dzemazuva ano zviri zviduku, zvaunza migumisiro inosiririsa kwazvo. Muma1990 zvombo zvakadaro zvakauraya vanhu vanodarika mamiriyoni mana. Vamwe vanodarika mamiriyoni 40 vakava vapoteri kana kuti vanhu vasina pokugara. Pfuti dzasakadza nzanga dzine hondo mune zvematongerwe enyika, magariro evanhu, zvoupfumi, uye zvakapoteredza. Zvinotorera nzanga yomunyika yose makumi emabhiriyoni emadhora anoshandiswa pakupa ruyamuro kwechimbichimbi, kutarisirwa kwevapoteri, kuchengetedza runyararo, uye kupindira kwemauto.
Nei pfuti dzasvika pakuita basa guru rakadai muhondo dzemazuva ano? Dzinobva kupi? Chii chingaitwa kuderedza kana kubvisa migumisiro yadzo ine ngozi? Tichakurukura mibvunzo iyi munyaya dzinotevera.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 11]
UN PHOTO 186797/J. Isaac