Nokukurumidza Hakusati Kuchizovazve Nechirwere Kana Kuti Rufu!
HAPANA munhu anofarikanya kurwara, uyewo vanhu havadi kufa. Mumwe purofesa wezvokurapwa kwavanhu munzanga anoti: “Kutsvaka upenyu hurefu zvikuru kunoratidzika kuva kunodokuva kwapose pose munhau yose uye munzanga zhinjisa. Kune chokuita nesundo huru yokuzvichengeta . . . Ponce de Leon ndiye bedzi akakurumbira zvikurusa womutsara murefu wavanhu vakapedza upenyu hwavo vachitsvaka upenyu hurefu zvikuru. Zhinjisa yesayenzi yezvokurapa yakatsaurirwa kukuchengeta upenyu hurefu zvikuru kupfurikidza nokurwisa hosha norufu.”
Rufu runokuvadza kwazvo muitirwo wedu womukati zvokuti apo runokurira shamwari nemitezo yemhuri, tinoedza nenzira inodokuva yomuzvarirwo kupfavisa simba rarwo. Bhuku rinonzi Funeral Customs the World Over rinoti: “Hakuna boka, pasinei zvapo nokuti nderechinyakare zvakadini kune rumwe rutivi kana kuti rakapepuka kune rumwe rwacho, iro kana rikasiiwa nenzira yakasununguka kwariri rimene uye mukati memitoo yaro risati richiviga mitumbi yemitezo yaro nechinoitika. . . . Icho chinogutsa sundo huru dzapose pose. Kuchiita kunoratidzika kuva ‘kwakarurama,’ uye kusachiita, zvikurukuru nokuda kwaavo vakasanobatanidzwa nemhuri, murangariro, kugara pamwe chete, chinoitika chavose kana kuti zvimwe zvisungo, kunoratidzika kuva ‘kusina kururama,’ kusiiwa kusati kuri kwomuzvarirwo, nhau inofanira kukumbirirwa ruregerero kana kuti yokunyadziswa nayo. . . . [Munhu] ndimunhu anoviga nyakufa wake nechinoitika.”
Mavambo Echirwere Norufu
Pfungwa yokuti chirwere norufu rimwe zuva zvichabviswa nokudaro ine kufadza kune simba, asi kune hwaro hwechitendero chakadaro here? Zvamazvirokwazvo huriko, uye huri zvose zviri zviviri hune mufungo, hunovimbika, uye husingakundikani. Ihwo iShoko rakafuridzirwa roMusiki wedu—Bhaibheri Dzvene.
Bhuku iroro rinotsanangura zvakajeka mavambo okusuruvara kwavanhu. Iro rinotiudza kuti munhu wokutanga, Adhama, akasikwa naMwari ndokuiswa mumusha webindu reparadhiso wakaiswa pane imwe nzvimbo muMiddle East. Adhama akasikwa akakwana; chirwere norufu zvakanga zvisingazivikanwi naye. Akakurumidza kukumbanirwa nomudzimai akakwana zvakaenzana, uye vari pamwe chete vakafarikanya kariro youpenyu husingagumi pasi pano.—Genesi 2:15-17, 21-24.
Mugariro iwoyu une runyararo hauna kugara kwenguva refu. Neiko? Nemhaka yokuti Adhama akasarudza nenzira youdyire nzira youpenyu yakazvimirira pana Mwari. Basa rakaoma, marwadzo, chirwere, uye pakupedzisira rufu zvakava muuyo. (Genesi 3:17-19) Vana vake vakagara nhaka rudzi rusingafadzi rwoupenyu urwo Adhama akanga asarudza. VaRoma 5:12 inotsanangura, kuti: “Saka, zvivi sezvazvakapinda munyika nomunhu mumwe, norufu rukapinda nezvivi; saizvozvo rufu rwakasvika kuvanhu vose, nokuti vose vakatadza.” VaRoma 8:22 inowedzera, kuti: “Tinoziva kuti zvisikwa zvose zvinogomera nokurwadziwa pamwe chete kusvikira zvino.”
Pasi Pano Here Kana Kuti Mudenga?
Kunyanguvezvo, Bhaibheri rinotivimbisa kuti Mwari achakurumidza kudzorera rudzi rwomunhu runoteerera kumugariro unofadza uyo Adhama naEvha vakarasikirwa nawo. Zvakazarurwa 21:3, 4, inoti: “Mwari amene achava navo, . . . . Uchapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokutanga zvapfuura.” Muporofita wakare nenzira yakafanana akadeya kuona nguva apo kusina “ugeremo, uchati: ‘Ndinorwara.’”—Isaya 33:24.
Unogona kufungidzira here nyika isina zvipatara, mochari, uye makuva? Unogona kufungidzira here kuramba uchirarama, wakasununguka kunyange patyisidziro yokutambura norufu? Hungu, chipikirwa chaMwari chinotapura zvikuru mirangariro iri mukati medu tose zvedu. Bva, tinogona sei kuva nechokwadi chokuti iyi kariro inoshamisa ndeyePasi redu—kwete yokudenga? Cherechedza mashoko akapoteredza endima dzoRugwaro rwadudzwa kare. Ndima dzokutanga dzaZvakazarurwa ganhuro 21 dzinotaura nezve“denga idzva nenyika itsva.” Kutaura kwakajeka kunoitwa kwokuti Mwari achava norudzi rwomunhu uye kuti vachava vanhu vake. Chipikirwa chiri mubhuku raIsaya chokuti hakuna munhu acharwara chinoteverwa nenongedzero ku“vanhu vakagara munyika,” vaka“kanganwirwa zvakaipa zvavo.”—NW.
Naizvozvo zvipikirwa izvozvi zvinokurudzira zvinonongedzera kuupenyu pasi pano! Uye zvinotsinhirana nomunyengetero waJesu kuna Baba vake, wokuti: “Kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvakunoitwa kudenga.”—Mateo 6:10.
Neiko Nokukurumidza?
Zvapupu zvaJehovha zvakabetsera mamirioni kusvika pakuziva kuti zvipikirwa izvozvi zvichazadzikwa munguva yemberi iri pedyo. Pahwaroi, kunyanguvezvo, pazvinonzwa zvine chokwadi chaikoku? Pahwaro hwoufakazi hukuru hwokuti tiri kurarama mu“mazuva okupedzisira” etsika iripo, kana kuti gadziriro, yezvinhu pasi pano. (2 Timotio 3:1-5) Vadzidzi vaJesu vakakumbira chiratidzo pamusoro paapo mhedziso yetsika yezvinhu yaizovapo. Mumhinduro Jesu akadeya kutaura muudzame zvinoitika zvenyika zvinowedzera izvo zvakaitika chifo chokutanga kweHondo yeNyika I muna 1914.a Ipapo iye akawedzera, kuti: “Kana moona izvozvo zvose, zivai kuti wava pedyo pamukova. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Rudzi urwu harungatongopfuuri kusvikira izvozvi zvose zvaitika.” Naizvozvo vamwe vechizvarwa chairarama muna 1914 vachararama kuti vaone mugumo wetsika yenyika yazvino.—Mateo 24:33, 34.
Panguva iyeyo Jehovha Mwari achatuma Mwanakomana wake, Kristu Jesu, kuti abude ndokuparadza zvisakiso zvose zvokutambura nokusuruvara pamusoro paPasi rino rakaisvonaka. Bhaibheri rinotaura nezvokubviswa kwouipi so“kurwa pazuva iro guru raMwari wamasimba ose” paArmagedhoni.—Zvakazarurwa 16:14, 16.
Chiverengero chikuru chavanhu vanotya Mwari chichapukunyuka ichi chinoitika chinotyisa ndokurarama kuti vaone kutonga kune rugare kwaKristu Jesu kuchivamba. (Zvakazarurwa 7:9, 14; 20:4) Kunyange zvazvo kutonga kwake kuchava kuri kudenga, miuyo yakwo inobetsera ichafarikanywa naavo vose vanorarama pasi pano—vose vari vaviri vapukunyuki vehondo yeArmagedhoni namamirioni pamusoro pamamirioni achamutswa pashure pacho muvakafa. Ipapo chipikirwa chichava chechokwadi, chokuti: “Unofanira [Kristu] kubata ushe, kusvikira aisa vavengi vake vose pasi petsoka dzake. Muvengi wokupedzisira, uchaparadzwa, ndirwo rufu.”—1 VaKorinte 15:25, 26.
Nokudaro tinogona kutaura nechivimbo, kuti: “Nokukurumidza hakusati kuchizovazve nechirwere kana kuti rufu!” Iyi haisati iri tariro isingashandi, uyewo hakusati kuri kufunga kwokushuva. Chipikirwa chechokwadi chaJehovha Mwari, “usingatongorevi nhema.” Uchaisa chivimbo chako muiyi tariro here? Inogona kukubetsera nokusingaperi!—Tito 1:2.
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwohumwe ufakazi hwokuti rudzi rwomunhu rwuri kurarama mumazuva okupedzisira, ona ganhuro 18 yebhuku rinonzi Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
[Mufananidzo uri papeji 7]
Chirwere norufu zvichakurumidza kutsiviwa nougwinyi hunofadza noupenyu husingagumi