Zvinotaura Bhaibheri
Kuchema Kwakaipa Here?
“ZVAKARE, HAMA, HATIDI KUTI MUSAZIVE PAMUSORO PEVARI KURARA MURUFU; KUTI MUREGE KUSURUVARA SEZVINOITAWO VAMWE VOSE VASINA TARIRO.”—1 VATESARONIKA 4:13.
BHAIBHERI rinopa tariro nokuda kwevaya vakafa. Kumutsa vanhu kwakaitwa naJesu, pamwe chete nezvaakadzidzisa, zvairatidza imwe nguva ichadzorerwa vakafa kuupenyu. (Mateu 22:23-33; Mako 5:35, 36, 41, 42; Ruka 7:12-16) Tariro iyi inofanira kuitei patiri? Mashoko omuapostora Pauro ataurwa pamusoro apa anoratidza kuti tariro iyi inogona kunyaradza panofa mudiwa.
Kana wakafirwa nomudiwa, hapana mubvunzo kuti wakanzwa kurwadziwa mupfungwa kunowanzovapo panoitika dambudziko rakadaro. Theresa, akafirwa nomurume wake aiva nemakore 42 nguva pfupi abva kuvhiyiwa mwoyo, anoti: “Zvaivhundutsa kwazvo! Zvokuti pakutanga ndaitya zvikuru. Zvadaro ndakatanga kunzwa kurwadziwa kukuru kwakaramba kuchiwedzera nokufamba kwenguva. Ndaichema zvikuru.” Kuita kwakadaro kunoratidza kushaya kutenda chipikirwa chaJehovha chokumutsa vakafa here? Mashoko aPauro anoreva kuti kuchema kwakaipa here?
Mienzaniso Yokuchema iri muBhaibheri
Tinowana mhinduro yemibvunzo iyoyo nokuongorora mienzaniso yokuchema iri muBhaibheri. Munhoroondo dzakawanda kufa kwenhengo yemhuri yepedyo kwaiteverwa nenguva yokuchema. (Genesi 27:41; 50:7-10; Pisarema 35:14) Kakawanda kacho kurwadziwa kwaiitika pakuchema uku kwakanga kwakanyanya zvikuru.
Funga nzira iyo vamwe varume vokutenda vakachema nayo rufu rwomudiwa. Somuenzaniso, Abrahamu aiva nokutenda kwakasimba kuti Jehovha aikwanisa kumutsa vakafa. (VaHebheru 11:19) Kunyange aiva nokutendiswa uku, pakafa mudzimai wake Sara, “akauya kuzochema Sara nokumuririra.” (Genesi 23:1, 2) Vanakomana vaJakobho pavakanyepa ndokumuudza kuti mwanakomana wake anodiwa Josefa akanga afa, Jakobho “akabvarura nguo dzake . . . akamuungudzira.” (Genesi 37:34, 35) Makore akawanda gare gare kufunga nezvorufu rwomwanakomana wake anodiwa kwakanga kuchiri kuremera Jakobho! (Genesi 42:36-38) Mambo Dhavhidhi akachemawo zvinooneka uye zvakasimba pakafa vanakomana vake vaviri Amnoni naAbhisaromi. Kunyange zvazvo vose vakanga vatambudza Dhavhidhi nemhuri yake, vakanga vachiri vanakomana vake, uye kufa kwavo kwakamusuruvarisa zvikuru.—2 Samueri 13:28-39; 18:33.
Dzimwe nguva, rudzi rwaIsraeri rwose rwaichema, sezvavakaita pakafa Mosesi. Dheuteronomio 34:8 inotiudza kuti vaIsraeri vakamuchema kwemazuva 30.
Pakupedzisira, pane muenzaniso waJesu Kristu. Razaro shamwari yake yepedyo akafa. Uye Jesu paakaona kuchema kwaiita hanzvadzi dzaRazaro Marita naMariya neshamwari dzavo, “akagomera mumudzimu akanetseka.” Kunyange zvazvo aiziva kuti munguva shomanana aizodzorera shamwari yake kuupenyu, aka“svimha misodzi.” Jesu aida shamwari dzake dzinodiwa Marita naMariya. Saka akarwadziwa zvikuru paakaona kutambura kwavo nezvorufu rwehanzvadzi yavo.—Johani 11:33-36.
Abrahamu, Jakobho, Dhavhidhi, uye Jesu vose vaitenda muna Jehovha nezvipikirwa zvake, asi vakachema. Kuchema kwavo kwaiva chiratidzo chokuneta mumudzimu here? Kuchema kwavo chaiva chiratidzo chokushaya kutenda murumuko here? Aiwa! Zviri muropa kuchema panofa mudiwa.
Chikonzero Chinoita Kuti Ticheme
Chaisambova chinangwa chaMwari kuti vanhu vafe. Sokutaurwa kwazvakaitwa kuna Adhamu naEvha, chinangwa chepakutanga chaJehovha, chaiva chokushandura pasi kuti rive paradhiso yakaisvonaka yakazara nemhuri ine rudo inofara. Rufu rwaizouya chete kana vaviri vokutanga ivavo vasarudza kusateerera Jehovha. (Genesi 1:28; 2:17) Zvinosuruvarisa kuti Adhamu naEvha havana kuteerera, uye nemhaka yokusateerera, “rufu rwakapararira kuvanhu vose.” (VaRoma 5:12; 6:23) Saka rufu muvengi ane utsinye aisambodiwa kuti avepo.—1 VaKorinde 15:26.
Saka, zvine musoro kuti chiitiko chisina kujairika chokufa kwomunhu watinoda chiite kuti vanenge vafirwa vashungurudzike kwazvo. Chinosiya nzvimbo huru isina chinhu muupenyu. Theresa, chirikadzi yambotaurwa pamusoro apa, ichitaura nezvomurume wayo yakati: “Ndine chokwadi chokuti ndichamuonazve pakumuka, asi ndinomusuwa kwazvo. Izvozvo ndizvo zvinonyanya kurwadza.” Kufa kwomubereki kungatiyeuchidza nezvokufa kwedu pachedu. Rufu rwomunhu muduku runonyanya kutirwadza nokuti kuguma kunorwadza kwoupenyu husina kuraramwa zvakazara.—Isaya 38:10.
Hungu, rufu haruna kujairika. Kurwadziwa kwarunounza kunofanira kutarisirwa, uye Jehovha haaoni kuchema sokushayikwa kwokutenda mukumuka. Sezvataona mumienzaniso yaAbrahamu, Jakobho, Dhavhidhi, rudzi rwevaIsraeri, uye Jesu, kuratidza zvinooneka kurwadziwa kwomwoyo wedu hachisi chiratidzo chokuti takaneta mumudzimu.a
Kunyange zvakadaro, nepo isu vaKristu tichichema nemhaka yorufu, hatisuruvari “sezvinoitawo vamwe vose vasina tariro.” (1 VaTesaronika 4:13) Hatichemi zvisina musoro nokuti hatina kuvhiringidzika pamusoro pevakafa. Tinoziva kuti havasi kurwadziwa kana kuti kutambura asi vakaita sevari muhope huru dzine runyararo. (Muparidzi 9:5; Mako 5:39; Johani 11:11-14) Tinewo chivimbo chakazara chokuti Jesu, “kumuka noupenyu,” achaita chipikirwa chake chokudzorera “vose vari mumakuva ekurangaridza.”—Johani 5:28, 29; 11:24, 25.
Saka, kana uri kuchema panguva ino, nyaradzwa nokuziva kuti Jehovha anonzwisisa kurwadziwa kwako. Zivo iyi netariro yako mukumuka ngazvideredze kutambura kwako uye zvikubatsire kurarama nokurasikirwa kwako.
[Mashoko Omuzasi]
a Kuti ubatsirwe kubata nokurwadziwa, ona mapeji 14-19 ebhurocha rinonzi Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.