Basa Rokuzvipira Rinobatsira Zvechigarire
JESU KRISTU aiwanzoita mabasa omutsa kune vaya vanoshayiwa. Somuenzaniso, akadyisa vaiva nenzara uye akaporesa vairwara. (Mateu 14:14-21) Zvisinei, ibasa ripi raaiisa pokutanga? Chimwe chiitiko chakaitika pakutanga kwoushumiri hwaJesu chinopa mhinduro. Chakanyorwa muchitsauko chokutanga cheEvhangeri yaMako.
Jesu paaiva muKapenaume, pedyo neGungwa reGarireya, akaendeswa kumba kwaSimoni, kana kuti Petro. Ikoko “ambuya vaSimoni vakanga varere vachirwara nefivha,” uye Jesu akavaporesa. (Mako 1:29-31) Gare gare boka raisanganisira vanhu vakawanda “vakanga vachirwara nezvirwere zvakasiyana-siyana” rakatanga kuungana pamusuo weimba yaPetro, uye Jesu akavaporesawo. (Mako 1:32-34) Zvadaro manheru akasvika, uye vanhu vose vakaenda kunorara.
Mangwanani akatevera acho “kuchine rima,” Jesu akamuka chinyararire ndokubuda mumba achienda “kunzvimbo isina vanhu,” kwa“akatanga kunyengetera.” Pasina nguva refu, vadzidzi vakamukawo, vakatarisa kunze kwemba, uye vakaona boka guru revanhu vakanga vakamirira pamusuo. Asi vaifanira kuitei? Jesu akanga asipo! Nokukurumidza Petro nevaiva naye vakatsvaka Jesu kusvikira vamuwana uye vakati kwaari: “Vose vari kukutsvakai.” (Mako 1:35-37; Ruka 4:42) Zvechokwadi, zvinoratidzika sokuti vakanga vachiudza Jesu kuti: ‘Muri kuitei kuno? Kuporesa kwamakaita vanorwara usiku hwapfuura kwakabudirira zvikuru. Nhasi mumwe mukana mukuru wakakumirirai!’
Asi inzwa mhinduro yaJesu yokuti: “Ngatiendei kune imwe nzvimbo, mumataundi omumusha ari pedyo, kuti ndiparidze ikokowo.” Mhinduro iyi inokosha. Jesu haana kudzokera kumba kwaPetro kunoporesa vamwe. Akaratidza chikonzero chacho paakati: “Nokuti ndakabudira izvozvo [ndiko kuti, kuparidza].” (Mako 1:38, 39; Ruka 4:43) Jesu akanga achiudzei vadzidzi vake? Kuita mabasa omutsa kwaikosha kwaari, asi kuparidza nokudzidzisa shoko raMwari ndiro raiva basa guru raJesu.—Mako 1:14.
Sezvo Bhaibheri richikurudzira vaKristu ku“nyatsotevera tsoka dza[Jesu],” vaKristu vechokwadi vane nhungamiro yakajeka pakusarudza zvinofanira kutanga kuitwa munyaya iyi yemabasa okuzvipira. (1 Petro 2:21) Kufanana naJesu, vanobatsira vanhu vanoshayiwa—sezvinoratidzwa nenyaya yatangira ino. Uyewo kufanana naJesu, vanoisa basa rokudzidzisa shoko reBhaibheri nezvemashoko akanaka oUmambo hwaMwari pokutangisisa.a (Mateu 5:14-16; 24:14; 28:19, 20) Zvisinei, nei kuzvipira kudzidzisa vanhu nezveshoko reBhaibheri kuchiva pokutanga pane mamwe mabasa okuzvipira anokosha?
Zvikonzero Nenzira Dzokubatsira Kwedzidzo yeBhaibheri
Chimwe chirevo chokuAsia chinoratidza mhinduro yacho. Chinoti: “Kana waronga zvegore, dyara mbeu. Kana waronga zvemakore gumi, dyara miti. Kana waronga zvemakore zana, dzidzisa vanhu.” Zvechokwadi, pakunouya pakupa zvinobatsira zvechigarire, dzidzo inotodiwa nokuti inokudziridza mano omunhu okuita zvisarudzo zvichavandudza upenyu hwake. Ndicho chikonzero nei nhasi vazvipiri venguva isina kuzara kana yakazara vanopfuura mamiriyoni matanhatu vari kushandisa nguva yavo, simba, nezvinhu kupa dzidzo yeBhaibheri yepachena kuvoruzhinji. Iyi purogiramu yokuzvipira yagara kwenguva refu inoitwa neZvapupu zvaJehovha iri kubatsira vanhu vakawanda munyika yose. Sei?
Sezvo vanhu vari kubatsirwa kunzwisisa uye kutevera zano rinoshanda reBhaibheri, vanoshongedzerwa zviri nani kuti vararame nezvinetso zvoupenyu. Vanowana simba retsika rinodiwa kukunda miitiro inokuvadza. Nelson, pwere iri muBrazil, anosimbisa kumwe kubatsira kunoita dzidzo yeBhaibheri, anoti: “Kubvira pandakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, ndave ndichifara nokuti iye zvino ndine chinangwa muupenyu.” (Muparidzi 12:13) Mamwe mazana ezviuru—evaduku nevakuru—akatanga kudzidza Shoko raMwari munguva ichangopfuura anonzwawo saNelson. Kuwedzera pakubatsira vadzidzi kuwana chinangwa chinogutsa muupenyu, shoko roUmambo hwaMwari rinopa tariro inokurudzira nokuda kwenguva yemberi—tariro inoita kuti upenyu hufadze, kunyange mumamiriro ezvinhu anoedza zvikuru. (1 Timoti 4:8)—ona bhokisi rakanzi “Zvakanaka Zvichaitwa noUmambo hwaMwari.”
Nokupa dzidzo yeBhaibheri, Zvapupu zvaJehovha zvinoita basa rokuzvipira rinobatsira zvechigarire. Rinogara kwenguva yakareba sei? Shoko raMwari rinoti: “Izvi zvinoreva upenyu husingaperi, kupinza kwavo zivo pamusoro penyu, Mwari wechokwadi bedzi, neyowamakatuma, Jesu Kristu.” (Johani 17:3) Fungidzira uchibatsirawo mupurogiramu inobatsira nokusingaperi—iroro ndiro basa rokuzvipira rinobatsira vamwe zvechokwadi! Haisi purogiramu yawaizoda kudzidza zvakawanda nezvayo here? Kana zvakadaro, onana neZvapupu zvaJehovha zvomunharaunda yako. Kubvuma kukoka uku richava danho rausingazodembi.
[Mashoko Omuzasi]
a Zvapupu zvaJehovha zvinoona basa razvo rokuparidza sezvaiita muapostora Pauro—somusengwa wevaKristu vechokwadi. Pauro akati: “Zvino, kana ndiri kuparidza mashoko akanaka, hachisi chikonzero chokuti ndizvirumbidze, nokuti ndine musengwa.” (1 VaKorinde 9:16) Kunyange zvakadaro, basa razvo rokuparidza nderokuzvipira nokuti vakazvisarudzira kuva vadzidzi vaKristu, vachinyatsoziva mitoro inouya neropafadzo iyoyo.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 21]
“Kana waronga zvegore, dyara mbeu. Kana waronga zvemakore gumi, dyara miti. Kana waronga zvemakore zana, dzidzisa vanhu.”
[Bhokisi/Mifananidzo riri papeji 20]
Anopa Ruyamuro Netariro
Nadine, mukoti wokuFrance ane makore 43 anonyanya kurapa hosha dzomunzvimbo dzenyika dzinopisa, mumwe wevazvipiri vaishanda muCentral Africa. “Vanhu vanondibvunza kuti nei ndichiita izvi,” akadaro paakabvunzurudzwa munguva ichangopfuura. “Ndinodavira muna Mwari, ndinoda vanhu, uye ndinoda kuzvipira kubatsira vamwe. Uye zvandiri mumwe weZvapupu zvaJehovha zvinondikurudzira kupa ruyamuro netariro kune vaya vanotambura.” Paanenge achizvipira muAfrica, Nadine anoshandisa imwe nguva yake kuita basa rokuyamura uye imwe kuita basa rokudzidzisa Bhaibheri rinoitwa neZvapupu zvomunharaunda iyoyo.
[Mifananidzo]
Nadine muAfrica
[Bhokisi riri papeji 22]
Zvakanaka Zvichaitwa noUmambo hwaMwari
Tapota verenga magwaro aya muBhaibheri rako pachako, uye ona kuti Mwari anopikira kuzadzika sei zvinodiwa nevanhu muzvinhu zvinotevera:
Utano “Achapukuta misodzi yose pamaziso avo, uye rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipo. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:4; Isaya 33:24; 35:5, 6.
Dzidzo “Hazvingakuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene, nokuti nyika yose ichazara nokuziva Jehovha, sezvinofukidza mvura pasi pegungwa.”—Isaya 11:9; Habhakuki 2:14.
Basa “Vachavaka dzimba nokugaramo; vachasima minda yemizambiringa, nokudya michero yayo. Havangavaki dzimba, mumwe achizogaramo; havangasimi, mumwe achizodya. . . . Havangabatiri zvisina maturo.”—Isaya 65:21-23.
Zvokudya “Pasi pakabereka zvibereko zvapo; Mwari, iye Mwari wedu uchatiropafadza.”—Pisarema 67:6; 72:16; Isaya 25:6.
Magariro “Jehovha wavhuna mudonzvo wowakaipa . . . Nyika yose yazorora, yanyarara.”—Isaya 14:5, 7.
Ruramisiro “Tarirai, mambo uchabata ushe nokururama, machinda achabata achiruramisira.”—Isaya 11:3-5; 32:1, 2.