RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g01 8/8 pp. 16-19
  • Vazvipiri Vari Pabasa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vazvipiri Vari Pabasa
  • Mukai!—2001
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kubva Pakunyara Kusvika Pakurarama Nechiremera
  • Purogiramu Yakahwina Mubayiro
  • Ruyamuro “Chairwo Kwete Rwokungotaura”
  • Rubatsiro Runowanikwa Kwose Kwose
    Mukai!—2001
  • Kunzwa Uchida Kubatsira Kunounza Zvikomborero
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Kuratidzwa Kworudo—Basa Rokuyamura Rinotora Nguva Refu
    Mukai!—2002
  • “Ngatiitirei Vose Zvakanaka”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
Ona Zvimwe
Mukai!—2001
g01 8/8 pp. 16-19

Vazvipiri Vari Pabasa

MASIKATI eChishanu oga oga Sirley, mudzidzisi wezera repakati, anoshandisa imba yake yokutandarira kuva imba yokudzidzira. Kunenge kuma2 masikati, Amélia, mumwe wevadzidzi vake anosvika. Haana chidzidzo chaanombopotsa uye ava kuverenga zviri nani kudarika vechiduku vakawanda vari muchikoro chesekondari. Amélia ane makore 82.

Amélia ari kutevedzera muenzaniso wevamwe vakwegura vanodarika 60 vakapedza kudzidza mumakirasi ari kudzidziswa pachena naSirley mudhorobha rokumusha kwake. Munguva ichangopfuura, basa rokuzvipira raSirley rakabudiswa mupepanhau rokuBrazil rinonzi Jornal do Sudoeste. Yataura kuti akanga “abatsira zvikuru vanhu vomunzanga iyoyo,” nyaya yomupepanhau racho yakati nzira yaSirley yokudzidzisa nayo vakwegura iri kubatsira chaizvo zvokuti “pashure pemaawa 120 okudzidza, vava kunyora tsamba, kuverenga mapepanhau, uye vava kukwanisa masvomhu uye mamwe mabasa ezuva nezuva.” Nyaya yacho yakawedzera kuti kabhuku kanoshandiswa naSirley, kanonzi Dzidzai Kurava Nokunyora, kakagadzirwa neZvapupu zvaJehovha.a

Kubva Pakunyara Kusvika Pakurarama Nechiremera

Mumwe wevadzidzi vaSirley, Dona Luzia ane makore 68, anorondedzera kuti asati adzidza kuverenga nokunyora, ainyara kutaura nevamwe. Kunyange kutenga kwaimbomuomera. “Zvino ndinonyorera hama dzangu dziri mune mamwe madhorobha tsamba, uye ndinotarisira mari yangu pachangu. Zvekare, hapachina munhu anondipa chenji isina kukwana,” anodaro achinyemwerera. Maria, anewo makore 68, anoyeuka kunyara kwaaita kusaina cheki yake yomudyandigere nechigunwe chikuru. “Ndainzwa sokuti handina zvandinogona kuita,” anodaro. Asi nemhaka yemakirasi okudzidza kuverenga nokunyora, iye zvino Maria anonyora siginicha yake nomufaro.

Kurumbidza kunobva kuvadzidzi nevakapedza kudzidza kwakaita kuti purogiramu yepachena yaSirley ive yakakurumbira zvikuru zvokuti imba yake yokutandarira yava kuzarisa. Munguva pfupi iri kutevera kirasi yacho ichatamisirwa kunzvimbo yakati kurei.

Purogiramu Yakahwina Mubayiro

Sirley mumwe weZvapupu zvaJehovha. Pasina mubvunzo unoziva basa redzidzo yeBhaibheri rinoitwa neZvapupu zvaJehovha sebasa rokuzvipira. Zvisinei, kubudirira kwaSirley hakusi kwoga. Makirasi okudzidza kuverenga nokunyora anoitiswa mumazana eHoro dzoUmambo muBrazil yose akatobatsira vanhu vanodarika 22 000 kudzidza kuverenga nokunyora munyika iyoyo.

Mapurogiramu akafanana eZvapupu zvaJehovha akabudirirawo mudzimwe nzvimbo dzepasi. Somuenzaniso, munyika yeBurundi muAfrica, National Office for Adult Literacy (dhipatimendi reBazi Redzidzo) yakafadzwa zvikuru nemigumisiro yepurogiramu yokudzidza kuverenga nokunyora yeZvapupu zvokuti yakapa mubayiro kuvadzidzisi vana vomupurogiramu yacho nokuda kwe“basa rakaoma rokudzidzisa vamwe kuverenga.” Vakuru vakuru vehurumende vanonyanya kuororwa nokuti 75 muzana yevakadzidza kuverenga nokunyora vaiva vakadzi vakura—boka rinowanzonyara kupinda mumapurogiramu akadaro.

MuMozambique, vadzidzi 4 000 vari mumakirasi okudzidza kuverenga nokunyora anoitiswa neZvapupu, uye vadzidzi vanodarika 5 000 vakadzidza kuverenga nokunyora mumakore mana apfuura. Mumwe aimbova mudzidzi akanyora kuti: “Ndinoda kukuongai nomwoyo wose. Nemhaka yechikoro chacho, ndinogona kuverenga nokunyora.”

Ruyamuro “Chairwo Kwete Rwokungotaura”

Kupa ruyamuro rimwe basa rokuzvipira rinoitwa neZvapupu zvaJehovha. Isiri nguva refu yapfuura mune imwe imba yokuchengetera zvinhu iri pedyo neParis muFrance chakanga chiri chipatapata. Vazvipiri vanenge 400 vakapedza mazuva maviri okupera kwevhiki vachirongedza zvokudya, zvokupfeka, uye mishonga mumabhokisi. Pakupera kwevhiki yacho, mabhokisi makuru mapfumbamwe akazara nezvinhu zvokuyamura zvinosvika miriyoni imwe yemadhora okuUnited States (Z$56 000 000) akanga agadzirira kuenda. Nguva pfupi pashure pacho, zvinhu zvacho zvakasvika munyika dzomuCentral Africa dzasakadzwa nehondo, uko vazvipiri vomunharaunda yacho vari Zvapupu vakakurumidza kugovera zvinhu zvacho. Zvekare, zvinhu zvakawanda zvacho zvakapiwa neZvapupu.

Rimwe pepanhau muCongo (Kinshasa) rakarumbidza basa rokuyamura reZvapupu zvaJehovha se“chairo pane kungotaurawo.” Vakuru vakuru veUnited Nations High Commissioner for Refugees (UNHCR) [Sangano reUN Rinoona Nezvevapoteri] vakataurawo kutsigira kwavo. Mumwe mukuru mukuru weUNHCR muDemocratic Republic of Congo akafadzwa zvikuru nokurongeka kwemabasa okuyamura anoitwa neZvapupu zvokuti akapa motokari yake kuti ishandiswe nevazvipiri vacho. Vanhu vomunharaunda vanoororwawo. Vacherechedzi pavaiona kuti zvokuyamura zvaikurumidza sei kusvika kune vaizvida, vamwe vaibvunza vachishamisika kuti: “Munozvironga sei kuti mukwanise kusvika kumunhu wose?”

Mabasa okuyamura anoitwa neZvapupu zvaJehovha uye mapurogiramu avo okudzidzisa kuverenga nokunyora inongova mienzaniso miviri yemabasa ayo Zvapupu zvave zvichiita munyika yose kwemakumi emakore. Zvisinei, Zvapupu zvinoitawo rimwe basa rokuzvipira—basa rine migumisiro inobatsira zvechigarire. Nyaya inotevera ichakurukura izvi.

[Mashoko Omuzasi]

a Kabhuku kanonzi Dzidzai Kurava Nokunyora (kanowanikwa mumitauro 6) uye kanonzi Apply Yourself to Reading and Writing kakabudiswa munguva ichangopfuura (kanowanikwa mumitaura 29), twose twunobudiswa neZvapupu zvaJehovha. Kuti uwane kopi yepachena, enda paHoro yoUmambo yomunharaunda yako kana kunyorera vabudisi vemagazini ino.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 16, 17]

Kuchinja Mumabasa Evazvipiri

Kunyange zvazvo Julie achifamba munyika yose panzendo dzebhizimisi, anokwanisa kuwana nguva yokuita basa rokuzvipira—kwemaawa mashoma pano neapo. Munguva ichangopfuura iyi paaiva muSouth America, akapedza mamwe masikati achibatsira pamusha unochengeterwa nherera pedyo neSantiago, kuChile. Anoti kufamba kunopa “mikana mikuru” yokuzvipira.

Kufanana naJulie, nhamba iri kuwedzera yevazvipiri iri kupa nguva—asi nguva yacho iri kuva shoma zvikuru. “Chinhu chitsva,” anodaro Sara Meléndez, purezidhendi weboka revaongorori rinounganidza nhamba dzine chokuita nebasa rokuzvipira. “Vanhu vari kuzvipira, asi pavanodaro, vanozvipira pazvirongwa zvenguva pfupi.” Somugumisiro, varongi vari kunetseka no“kushomeka kwevazvipiri” uku, uye vari kuedza nepavanogona napo kuwana vanhu vanoshanda pazvirongwa zvavo.

“Kuzvipira Pavanenge Vakasununguka”

Vamwe varongi vanofunga kuti chinhu chitsva ichi—kuzvipira kwenguva shoma-shoma—chinokonzerwa nokuchinja mumafungiro evazvipiri. “Hakuchisina kuzvipira kwokuti ‘ndiri pano chero bedzi muchindida,’” anodaro Susan Ellis, anopa mazano kumapoka evazvipiri. “Vanhu havaiti zvibvumirano zvokuzvipira kwenguva refu.” Munyori wenhau Eileen Daspin anobvumirana nazvo. Abvunzurudza vatungamiriri vemapoka evazvipiri vanoverengeka nezvokushomeka kwevazvipiri, akagumisa kuti “mabasa okuzvipira ari kukanganiswa nevanhu vanotya kuzvipira kwenguva refu.”

Zvisinei, mutungamiriri weNew York Cares, Kathleen Behrens, ambotaurwa munyaya yatangira ino, anofunga kuti avo vari kuzvipira kwenguva pfupi vanodaro, kwete nokuti havadi kuzvipira kwenguva refu, asi nokuti havana nguva. Vanhu vanoshanda maawa 50 kana kupfuura pavhiki vaine vana vokutarisira kana kuti vabereki vakwegura havangagoni kuzvipira nguva dzose. “Asi, chokwadi chokuti vanhu vakabatikana ivavo vachiri kungoita basa rinoitirwa nzanga rutivi rwoupenyu hwavo,” anodaro, “chinoratidza kuti kuzvipira kwavo kwakasimba zvikuru zvechokwadi.”

Nokuda kwevazvipiri vasina nguva vakadaro, anodaro Behrens, “kuzvipira pavanenge vakasununguka” ndiko kuzvipedza. Masangano akawanda evazvipiri ava kupa kunyange zvirongwa zvezuva rimwe chete bedzi. “Izvi zvinobvumira vanhu kuzvipira muzvinhu zvinokosha asi vachiwana nguva yakasununguka yokukwanisa kuzviita zvisiri zvenguva dzose.”

Uyewo, vanhu vakawanda vari kuzvipira vachishandisa kombiyuta yavo vari pamba, vachipinza mashoko pakombiyuta uye kutsvakurudza. “Kuzvipira pakombiyuta,” inodaro The Wall Street Journal, “zvimwe ndiyo nzira yokuzvipira nayo isina kujairika, uye vamwe vanoti ndiyo nzira ingangobudirira ‘yokuzvipira panguva yakasununguka.’”

[Bhokisi/Mifananidzo riri papeji 18]

Kupa Ruyamuro muKobe!

Pakaitika kudengenyeka kwepasi muguta rakabudirira rinonzi Kobe riri mumhenderekedzo yegungwa, muJapan, muna January 1995, kuparadza kwacho kwaiva kukuru. Nevanhu 5 000 vakafa, ndiko kwaiva kudengenyeka kwepasi kwakaipisisa kwati kwaitika muJapan kubvira muna 1923. Zvapupu zvaJehovha muJapan uye munyika yose zvakatanga kupa ruyamuro kune vakanga vawirwa nokudengenyeka kwacho. Pakatangwa homwe yoruyamuro, mari inodarika miriyoni yemadhora okuUnited States [Z$56 000 000] yakapiwa mumazuva matatu. Zvinhu zvokuyamura nazvo zvakasiyana-siyana zvakatanga kuunzwa kuKobe.

Mumwe mukuru wechiKristu aiitawo basa rokuyamura akawana kuti Horo yoUmambo yake yakanga yazara nezvinhu zvakawanda kudarika zvaidiwa. Vaizoitei nazvo zvose? Akafunga zvokupa zvimwe zvacho kuchipatara chaiva pedyo. Zvapupu zvacho zvakazadza motokari nezvinhu ndokutyaira nomuungwanda-ngwanda. Rwendo rwacho rwakatora maawa panzvimbo pemaminitsi mashomanana. Pachipatara pacho, vakapa chiremba mukuru zvinhu zvavaiva nazvo—kusanganisira magumbeze, matiresi, micheka, michero minyoro, uye mishonga inogona kungotengwa pasina kunyorerwa nachiremba. Afadzwa, chiremba wacho akati chipatara chacho chaizobvuma chinhu chipi nechipi chaigona kupiwa neZvapupu. Michero minyoro yaitonyanya kudiwa, sokuti pakanga pasina zvokudya zvakanaka nokuda kwevarwere vose.

Zvapupu pazvaiburutsa zvinhu zvacho mumotokari, chiremba wacho akamira akati zi-i achingotarisa—pasinei nokukurumidzira kwebasa rake. Zvadaro akapfugama nokuzvirereka ndokuvaonga. Sezvavakanga vava kuenda, akaramba akamira ipapo kuratidza kuti aionga zvikuru. Mukuru aibatsira pakupa ruyamuro akacherechedza kuti chipatara ichi chakatanga kushandira pamwe nevarwere vari Zvapupu zvaJehovha.

[Bhokisi/Mifananidzo riri papeji 19]

Basa Rokuzvipira—Rinoguma Nezvakanaka

Apo rimwe boka revazvipiri muKabezi, nharaunda duku iri muBurundi, raida kuvaka Horo yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha, mukuru mukuru womunharaunda yacho akaita chikumbiro chisingawanzotarisirwi. Akakumbira kuti Zvapupu zvigadzirise mugwagwa unopfuura nepanzvimbo yaida kuvakwa yacho. Zvapupu zvacho zvakabvuma kugadzirisa mugwagwa wacho nomufaro, zvichiita basa racho rose nemaoko. Vazvipiri vacho vakaita basa racho zvakanaka kwazvo zvokuti vakuru vakuru vomunharaunda yacho vakataura kuonga kwavo nokuda kwokushanda zvakaoma kwavakaita uye pfungwa inoda yavakaratidza. Pashure, vazvipiri vacho vakavaka Horo yoUmambo yavo, ine mufananidzo uri pamusoro apa. Zvino vane chivako chakaisvonaka chichabatsira kusimudzira dzidzo yeBhaibheri kwemakore achauya. Zvechokwadi, basa rokuzvipira munzira dzaro dzakasiyana-siyana rinogona kuva nemigumisiro inobatsira zvikuru.

[Mifananidzo iri papeji 16, 17]

Sirley anogutsikana nokudzidzisa vamwe kuverenga

[Kwazvakatorwa]

Nelson P. Duarte-Jornal do Sudoeste

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe