Kunzwa Uchida Kubatsira Kunounza Zvikomborero
1. Dhavhidhi naNehemiya vakaratidza sei chido chokubatsira?
1 Goriyati paakashora mauto akarongwa evaIsraeri, chero mumwe wemasoja acho angadai akarwa naye. Asi aiva mukomana mufudziwo zvake, akanga asina kumbodzidziswa zvehondo akazvipira. (1 Sam. 17:32) VaJudha vakanga vari nhapwa pavakadzokera kuJerusarema asi vakatadza kuvakazve masvingo, akanga ari mudiri wamambo wePezhiya akazvipira kusiya nzvimbo yake yaikudzwa mumuzinda wamambo ndokuenda kuJerusarema kuti anoronga basa racho. (Neh. 2:5) Jehovha akakomborera varume ava, Dhavhidhi naNehemiya, nechido chavakaratidza.—1 Sam. 17:45, 50; Neh. 6:15, 16.
2. Nei vaKristu vachifanira kuratidza kuti vanoda kubatsira vamwe?
2 Nhasi, vanhu munyika havanzwi vachida kubatsira. ‘Mumazuva ano okupedzisira,’ vanhu vane zvakawanda zvokuita, uye vazhinji “vanozvida.” (2 Tim. 3:1, 2) Zviri nyore kuti munhu anyure muzvinhu zvaanofarira zvokuti haana hanya nokubatsira vamwe pavanenge vachida kubatsirwa. Zvisinei, sevaKristu tinoda kutevedzera Jesu, anova ndiye aitotanga kuda kubatsira vamwe. (Joh. 5:5-9; 13:12-15; 1 Pet. 2:21) Tingaratidza sei kuti tinonzwa tichida kubatsira vamwe uye zvikomborero zvipi zvatichawana?
3. Kuda kubatsira kungaita sei kuti misangano yeungano ibudirire?
3 Kubatsira Hama Dzedu: Tinogona kupa “chipo chomudzimu” nokunzwa tichida kupindura pazvinenge zvichidiwa kuti vateereri vapindure. (VaR. 1:11) Kupindura kunorumbidza Jehovha, kunoita kuti chokwadi chidzike zvikuru mupfungwa uye mumwoyo medu, uye kunoita kuti tiwedzere kunakidzwa nemisangano. (Pis. 26:12) Tinganzwawo tichida kubatsira nokupa hurukuro paChikoro chaMwari Choushumiri muzvipiri paanenge achidiwa. Izvi zvichabatsira kuti mano edu okudzidzisa awedzere.
4. Ndedzipi dzimwe nzira dzatingaratidza nadzo kuti tinoda kubatsira?
4 Hama dzingaratidza kuti dzinoda kubatsira vamwe nokutsvaka mikana yokuita mamwe mabasa muungano. (Isa. 32:2; 1 Tim. 3:1) Vanhu vose vangabatsira kuita kuti magungano edunhu neeruwa arambe achifamba zvakanaka nokuzvipira kushanda mumadhipatimendi akasiyana-siyana. Patinonzwa tichida kushanda nomutariri wedunhu muushumiri kana kuti kumupa zvokudya, izvi zvinoita kuti “tikurudzirane.” (VaR. 1:12) Patinobatsira nherera, chirikadzi, vanorwara nendonda, vanaamai vane vana vaduku, uye vamwe vari muungano, tinofara uye Jehovha anotifarirawo.—Zvir. 19:17; Mab. 20:35.
5. Zvinhu zvipi zvine chokuita nokuvaka Dzimba dzoUmambo zvingada kuti vanhu vabatsire?
5 Imwe nzira yatingapa nayo nguva nesimba redu kubatsira, kuchenesa uye kugadziridza Imba yoUmambo. Uyezve, nokuti vanhu vakawanda vari kuuya kuchokwadi, Dzimba dzoUmambo itsva dziri kuramba dzichidiwa uye vanhu vanozvipira vanodiwa kuti vadzivake. Imwe mhuri yakazvipira kubatsira pakuvaka Dzimba dzoUmambo kunyange zvazvo yakanga isina unyanzvi mune zvokuvaka. Nokufamba kwenguva, mhuri iyi yakadzidziswa basa racho uye iye zvino yava kubatsira kuvaka nezvidhina. Mudzimai wacho akati: “Kushanda nevamwe kwakaita kuti tive neshamwari dzepedyo pedyo. Pakupera kwezuva, muviri unenge waneta asi tinenge tasimbiswa mune zvokunamata.”
6. Nei ushumiri huri basa rokuzvipira rinonyanya kukosha ratingaita?
6 Nokuparidza: Basa rinonyanya kukosha ratingazvipira kuita nhasi nderokuparidza Umambo. Vanhu pavanobatsirwa kunzwisisa uye kushandisa zano reBhaibheri, vanova nechinangwa muupenyu uye vanowana simba rokukurira unhu hwakaipa. Vanodzidza nezvetariro inofadza yomunguva yemberi iri muBhaibheri. Nokudzidzisa vanhu Bhaibheri, tinenge tichiita basa rokuzvipira rinofadza rinovabatsira nokusingaperi. (Joh. 17:3; 1 Tim. 4:16) Zvichida mamiriro edu ezvinhu angaita kuti tive nenguva yakawanda yokuita basa iri nokuva piyona webetsero kana kuti wenguva dzose, nokuenda kunodiwa vamwe vaparidzi, kana kuti nokudzidza mumwe mutauro.
7. Nei kuzvipira kuchinyanya kukosha nhasi?
7 Mambo Dhavhidhi akaprofita kuti Mesiya paaizotanga kutonga, vanhu vaMwari ‘vaizozvipa nomwoyo unoda.’ (Pis. 110:3) Sezvo Jehovha ari kukurumidzisa basa rokupedzisira rokukohwa, kune basa rakawanda zvikuru rokuti tizvipire kuita. (Isa. 60:22) Wakati here: “Ndiri pano! Nditumei.” (Isa. 6:8) Zvechokwadi, nokuratidza kunzwa tichida kubatsira, tinofadza Jehovha uye tinowana mibayiro mikuru.