RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g01 12/8 pp. 20-25
  • Zvinhu Zvipenyu Zvakaoma Kunzwisisa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvinhu Zvipenyu Zvakaoma Kunzwisisa
  • Mukai!—2001
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kusiyana-siyana Kwezvinhu Kuri Kupera
  • Kutsakatika Kwezvinhu Zvipenyu Kwakapararira
  • Tinozvida Zvose Here?
  • Marudzi Ari Mungozi Yokutsakatika—Ukuru Hwechinetso Chacho
    Mukai!—1996
  • Munhu Ari Kuparadza Zvakasikwa
    Mukai!—2001
  • Mhuka Dzomusango Dzapasi Dziri Kutsakatika
    Mukai!—1997
  • Chikonzero Nei Marudzi Ari Mungozi
    Mukai!—1996
Ona Zvimwe
Mukai!—2001
g01 12/8 pp. 20-25

Zvinhu Zvipenyu Zvakaoma Kunzwisisa

“Kusiyana-siyana kwezvinhu zvipenyu mumarudzi azvo ivimbiso yokuchengeteka. Upenyu hwedu nemararamiro edu zvinotsamira pazviri.”—UNITED NATIONS ENVIRONMENT PROGRAMME.

PASI pano pakazara zvinhu zvipenyu uye zvakasiyana-siyana kwazvo. Mashoko okuti “kusiyana-siyana kwezvinhu zvipenyu mumarudzi azvo,” anoreva zvinhu zvipenyu zvose zviri pasi pano, kubvira pautachiona huduku kwazvo kusvikira kumiti mikuru inonzi sequoia; kubvira panyongorosi kusvikira kumakondo.

Zvinhu zvipenyu zvose izvi chikamu chikuru chezvinhu zvakasikwa zvinosanganisirawo zvisina upenyu. Upenyu hunotsamira pazvinhu zvisina upenyu zvakadai sepasi, nyanza, mvura inonwika, matombo, uye ivhu. Zvose izvi pachirungu zvinonzi biosphere, uye vanhu chikamu chayo chakakura.

Kusiyana-siyana kwezvinhu zvipenyu mumarudzi azvo kunosanganisira utachiona notumwe tuzvipukanana tusingaoneki nemaziso. Zvose izvi zvinozivikanwa nokuita basa rinokosha rinoita kuti zvinhu zvipenyu zvirambe zvichirarama. Izvi zvinosanganisirawo zvinomera zvinoita kuti pave nemhepo yatinofema zvichishandisa simba rinobva kuzuva, zvinotora simba rinobva kuzuva, rinoita kuti zvinhu zvakawanda zvirarame.

Kusiyana-siyana Kwezvinhu Kuri Kupera

Zvinosuruvarisa kuti pasinei nokunaka kwezvinhu zvipenyu uye kusiyana-siyana kwazvo, vaongorori vanoverengeka vanoti munhu ari kuita kuti zvitsakatike pamwero unotyisa kwazvo. Munzirai?

◼ Kuparadza nzvimbo dzazvinogara. Ndiko kuri pamusoro pakukonzera kutsakatika kwezvinhu zvipenyu. Zvinosanganisira kutema miti, migodhi, kutema miti kuti mombe dziwane mafuro, kuvaka madhamu nemigwagwa mikuru munzvimbo dzaimbova nemasango makuru. Nzvimbo dzazvinogara padzinova duku, zvinobva zvashayiwa zvinhu zvazvinoda kuti zvirarame. Zvakasikwa zviri kuparadzwa, kutemwa-temwa, uye zviri kupera. Nzira dzinoshandiswa pakutama-tama dziri kuvhiringidzwa. Mhando dzezvinhu zvipenyu dziri kuperawo. Zvimwe zvinogara mune dzimwe nharaunda zvinofa nezvirwere nezvimwewo zvinonetsa. Nokudaro, zvinoparara chimwe pashure pechimwe.

Kutsakatika kwezvimwe kunogona kutowedzera zvinokonzera kutsakatika, nokutika kana chikamu chimwe chete chezvinhu zvipenyu zvakaoma kunzwisisa chikabviswa, zvimwe zvinogona kukanganiswa. Kutsakatika kwezvinhu zvinokosha—zvakadai senyuchi dzinotakura mukume—kunogona kukanganisa zvimwe zvakawanda kwazvo.

◼ Zvinotamiswa. Vanhu pavanounza chinhu chipenyu chinobva kune imwe nzvimbo, chinogona kukanganisa zvagara zvirimo. Chinogona kuchinja mararamiro azvo nenzira isina kunanga, kana kuti chingauya nezvirwere zvinouraya zvinorarama munzvimbo iyoyo. Kunyanya muzvitsuwa, umo zvinorarama munzvimbo iyoyo zvakangojaira kugara zvoga pasina zvitsva zvinouya, zvingatadza kujairana nezvimwe zvobva zvafa.

Muenzaniso wakanaka ndewesora rinomera mumvura (rinonzi alga), riri kuparadza zvimwe zvinomera mumvura muMediterranean Sea. Rakangotanga kumera netsaona mumhenderekedzo yeMonaco, uye rava kupararira negungwa racho rose. Rine chepfu, uye hapana chinogona kuriparadza chati chazivikanwa. “Tingadaro tiri kutoona kutanga kwedambudziko,” anodaro Alexandre Meinesz, purofesa anodzidza nezvezvinhu zvipenyu zvomumvura paYunivhesiti yeNice, kuFrance.

◼ Kuvhima. Kwakakonzera kuparara kwezvipenyu zvakawanda. Muenzaniso wakanaka ndeweimwe shiri yokuAmerica inonzi passenger pigeon. Mukutanga kwezana remakore rechi19, ndidzo dzaiva shiri dzakawanda kudarika dzimwe dzose muNorth America. Padzaitama—dziri mabhiriyoni—denga raisviba kuti ndoo kwemazuva anoverengeka. Zvisinei, pakupera kwezana remakore rechi19, dzakanga dzavhimwa kusvika pakuda kutsakatika, uye muna September 1914, passenger pigeon yokupedzisira yakanga yasara yakafa pane imwe nzvimbo inochengeterwa mhuka muCincinnati. Saizvozvowo, nyati dzokuAmerica, muGreat Plains dzakavhimwa kusvikira dzava kuda kutsakatika.

◼ Kuwedzera kwevanhu. Pakati pezana remakore rechi19 nhamba yose yevanhu pasi pose yaiva bhiriyoni imwe chete. Makore zana nemakumi mashanu gare gare, nhamba yose yevanhu yava mabhiriyoni matanhatu, vanhu vava kutanga kushamisika kana vava pedyo nokupererwa nezvinhu zvavainazvo. Gore negore, nhamba yevanhu pairi kuramba ichiwedzera, zvinhu zvipenyu zviri kutsakatika pamwero unotyisa.

◼ Kuwedzera kwetembiricha. Maererano neIntergovernmental Panel on Climate Change (IPCC), zvinogona kuitika kuti tembiricha dzikwire ne3,5°C muzana rino remakore. Kuwedzera kwetembiricha uku kungava kwakanyanya zvokuti kungaita kuti zvimwe zvinhu zvipenyu zvitadze kurarama. Maererano nevaongorori, zvinoita sokuti kudziya kwemvura ndicho chimwe chinhu chinokonzera kuparara kwemacoral reef (nepo anogara zvinhu zvipenyu zvakawanda kwazvo).

Masayendisiti anoti kana mvura yegungwa ikakwirira nemita imwe chete, nzvimbo dzakazara mvura dziri mumhenderekedzo dzemakungwa dzingaparara, nepo dzinogarwa nezvinhu zvipenyu zvakawanda kwazvo. Vamwe vanodavira kuti kuwedzera kwetembiricha pasi pose kungadaro kuri kukanganisa makomo echando eGreenland neAntarctic. Dai makomo echando aya aizonyunguduka, pangava nedambudziko rakakura kwazvo.

Kutsakatika Kwezvinhu Zvipenyu Kwakapararira

Zvinhu zvipenyu zviri kutsakatika pamwero wakakura zvakadini? Mhinduro dzomubvunzo iwoyo hadzina kunyatsojeka. Masayendisiti haasati ava kuziva zvakawanda zvezviri kutsakatika. Anofanira kutanga aziva kuti zvinhu zvipenyu zvingani zviripo. Maererano naJohn Harte, musayendisiti anodzidza nezvezvinhu zvipenyu paYunivhesiti yeCalifornia, Berkeley, anoti “kune zvinhu zvipenyu zvinozivikanwa zvinenge miriyoni nehafu pasi pano, asi tinoziva kuti kune zvakawanda zviripo zvisingazivikanwi, uye nhamba yacho yose iri pakati pemamiriyoni 5 ne15.” Vamwe vanofungidzira kuti kune mamiriyoni 50 kana kupfuura. Kuziva nhamba chaiyo hakubviri nokuti maererano nomusayendisiti anonzi Anthony C. Janetos “zvimwe zvinotsakatika zvisati zvazivikanwa uye zvisati zvambotaurwa nezvazvo.”

Sayenzi yemazuva ano haisati yambotanga kunyatsonzwisisa zvinhu zvinoita kuti zvinhu zvipenyu zvirarame zvakanyatsonaka. Kana vanhu vasingazivi kuti zvinhu zvipenyu zvingani zviripo, vanganzwisisa sei kukanganiswa kungaitwa kusiyana-siyana kwazvo mumarudzi azvo nokutsakatika kwazvinoita? Vangaziva sei zvingaguma zvaitika kwazviri nemhaka yokutsakatika kwazviri kuita?

Masayendisiti paanoedza kunzwisisa mwero wokutsakatika kwezvinhu, kunyange zvazvo zvaanofungidzira zvakasiyana-siyana, kakawanda kacho zvinoodza mwoyo. Mumwe munyori akati: “Inenge 50 muzana yemiti nemaruva zviri pasi pano zvingangotsakatika mumakore zana ari kutevera.” Zvakataurwa naHarte zvinotonyanya kutyisa, akati: “Vanamazvikokota vanodzidza nezvezvinhu zvipenyu vanofungidzira kuti mumakore 75 anotevera kuparadzwa kwemasango kuchaguma nokurasikirwa nehafu yezvinhu zvipenyu zvose zviripo pasi pano kana kuti kupfuura.”

Ichivakira pane zvakataurwa nomusayendisiti anonzi Stuart Pimm wepaYunivhesiti yeTennessee, National Geographic inoti “11 muzana yeshiri, kana kuti marudzi 1 100 kubva mumarudzi 10 000 aripo pasi pano, dzava pedyo nokutsakatika; hazvina chokwadi kuti pamarudzi 1 100 aya dzakawanda dzichange dzichiripo panopera [zana remakore rechi21].” Magazini yacho yakati: “Munguva ichangopfuura, rimwe boka renyanzvi dzinoremekedzwa dzinodzidza nezvezvinomera rakati chinomera chimwe chete pazvisere zvoga zvoga chiri pedyo nokutsakatika. ‘Zvinhu zvipenyu zvomuzvitsuwa kana kuti zvomumasango anogara achinaya mvura kana shiri kana kuti mhuka hombe dzinokwezva hadzisi idzo dzoga dziri pedyo nokutsakatika,’ anodaro Pimm. ‘Zvose zvose zviri pangozi uye zviri kwose kwose. . . . Kutsakatika kwezvinhu zvipenyu kwakapararira munyika yose.’”

Tinozvida Zvose Here?

Pane chikonzero chokunetseka nokutsakatika kwezvinhu zvipenyu zvakasiyana-siyana mumarudzi azvo here? Tinozvida zvose nokusiyana-siyana kwazvakaita here? Vanamazvikokota vakawanda vanoremekedzwa vanoramba vachipindura kuti tinozvida. Zvinhu zvipenyu zviri pasi pano zvinopa vanhu zvokudya, makemikari anokosha, nezvimwe zvinhu zvakawanda. Fungawo nezvokubatsirwa kungaitwa vanhu nezvimwe zvisati zvazivikanwa. Somuenzaniso, zvinofungidzirwa kuti mishonga inoitwa zvokunyorerwa varwere navanachiremba inokwana 120 kusvika ku150 inoshandiswa muUnited States, inogadzirwa nokusanganisa miti yakasiyana-siyana. Saka, pakurasikirwa nemiti, vanhu vanorasikirwawo nomukana wokuwana mishonga mitsva nemakemikari. “Nguva yose yatinorasikirwa nomuti, tinorasikirwa nechimwe chinhu chokushandisa munguva yemberi,” anodaro Sir Ghillean Prance, mukuru mukuru weKew Gardens iri muLondon. “Tinorasikirwa nemishonga inogona kurapa AIDS. Saka tinofanira kumisa kurasikirwa uku, kwete nokungoti pasi redu ringasara risina asi kuitirawo . . . zvatinoda uye kuti tizvishandise.”

Tinozvidawo nokuti zvinopa zvinhu zvinokosha zvinoita kuti zvinhu zvipenyu zvirarame. Kugadzirwa kwemhepo yatinofema, kucheneswa kwemvura, kubviswa kwezvinosvibisa, uye kudzivirirwa kwegukuravhu zvose zvinokosha kana zvinhu zvipenyu zvichizorarama zvakanaka.

Tumwe tunhu tupenyu tunoita basa rokutakura mukume. Matatya, hove uye shiri zvinoita kuti zvipembenene zvisawandisa; hozhwe uye zvimwe zvinogara mumvura zvinochenesa mvura yedu; zvinomera notumwe tupukanana tuduku zvinonakisa ivhu redu. Mabasa azvinoita anobatsira kwazvo. Kubatsira kwazvinoita munyika yose kunofungidzirwa kusvika madhora mabhiriyoni 3 000 (madhora omuZimbabwe ane mabhiriyoni 165 000), pamitengo ya1995.

Zvisinei, pasinei nokutsamira kwatinoita pazviri, nyika inoratidzika kunge yanyura mudambudziko rokutsakatika kwezvinhu zvipenyu zvakaoma kunzwisisa. Zvino panguva yatava kutanga kunzwisisa basa razvo rinokosha, vanhu vari kukonzera kutsakatika kwazvo kupfuura zvavaimboita kare! Zvisinei, munhu angakwanisa kugadzirisa chinetso chacho here? Chii chichaitika mune remangwana kuzvinhu zvipenyu zvakasiyana-siyana zviri pasi pano?

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 22]

Upenyu Hwakakosha Zvakadini?

Kukurukura kwose nezvokukosha kwakaita kusiyana-siyana kwezvinhu zvipenyu mumarudzi azvo kungaita sokunoratidza kuti tinofanira kuva nehanya nezvimwe zvinhu zvipenyu chero bedzi zvichitipa zvatinoda. Vamwe vanofunga kuti mafungiro akadaro haana kukwana. Mazvikokota wenhoroondo yezvinhu zvipenyu anonzi Niles Eldredge anotaura nezvokukosha kwakaita upenyu achiti: “Isuwo vanhu tinokoshesa zvipenyu zvakatikomberedza—zvakaisvonaka, zvinoyevedza, nzvimbo dzomumasango dzakaisvonaka dzisina kumbokanganiswa—nemhaka yokukosha kwazvo. Chimwe chinhu chiri mukati medu chinoita kuti tinzwe kuti tine chokuita nezvinhu zvakasikwa uye kuti tinowana rugare nomufaro nokuva mazviri chero papi patinogona kudaro.”

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 23]

Zvinhu Zviri Pangozi

“Red List” (Zvinhu Zviri Pangozi) mushumo unobudiswa neInternational Union for Conservation of Nature and Natural Resources, sangano rinoongorora zvine chokuita nezvinhu zvipenyu zvava pedyo nokutsakatika. Zvishomanana zvezvimwe zvakabatanidzwa mugore ra2000 zvava pedyo nokutsakatika zviri mu“Red List” zviri papeji ino:

Shiri yomugungwa inonzi wandering albatross

Iyi imwe yemarudzi 16 eshiri anonzi ava pangozi pasi pose. Zvinonzi dzakawanda dzinofa nokunyura padzinopaikira pazviredzo zvezvikepe zvokuredzesa.

[Kwazvakatorwa]

Mufananidzo naTony Palliser

Tsoko inonzi red-shanked douc langur

Tsoko iyi yokuAsia yakaisvonaka inowanikwa kumaodzanyemba kwakadziva nechepakati peVietnam uye muzvikamu zveLaos. Yava kuda kutsakatika nokuti nzvimbo dzainogara dziri kuparadzwa uye inovhimwa. Inovhimwa nevanoda nyama uye nhengo dzomuviri wayo, dzinoshandiswa pakugadzira mishonga yechivanhu.

[Kwazvakatorwa]

Mufananidzo naBill Konstant

Hozhwa inonzi Corsican snail

Hozhwa iyi iri pangozi inowanikwa munzvimbo inokwana mahekita manomwe chete mumisha inogara vanhu yeAjaccio, pamhenderekedzo iri kumaodzanyemba kwakadziva kumadokero kweCorsica. Kurarama kwayo kuri pangozi nemhaka yokuvakwa kwenhandare yendege uye migwagwa inoenda kumhenderekedzo yegungwa.

[Kwazvakatorwa]

Mufananidzo naG. Falkner

Ruva rinonzi golden pagoda

Ruva iri rakaisvonaka rakaonekwa muna 1987 muWestern Cape, kuSouth Africa. Moto inopisa masango nguva nenguva uye zvimwe zvinomera zvisina kujairika munzvimbo dzinomera golden pagoda zvinoramba zvichiita kuti ruva iri rive pangozi.

[Kwazvakatorwa]

Mufananidzo naCraig Hilton-Taylor

Hove inonzi sawfish

Hove iyi iri pedyo nokutsakatika inowanikwa munyanza dzinoti yeIndian nokuMadokero kwePacific, pamwe chete nomunzizi dzinodira munyanza dzacho. Iri nyore kubatwa nevanoredza uye iri kupera zvakaipisisa. Iri kuiswawo pangozi nokuparadzwa kwenzvimbo dzainogara.

[Kwazvakatorwa]

Mufananidzo wakabva kuSun International Resorts, Inc.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 24]

Kuparadza Zvinhu Zvipenyu Zvomugungwa Zvakawanda

Zvinhu zvakawanda zviri munyanza zvaimbonzi hazvifi zvakapera, zvaratidza kuti zvinopera. Mazvikokota wenhoroondo yezvinhu zvipenyu anonzi Niles Eldredge, achinyora mumagazini inonzi Natural History, akarondedzera kuparadzwa kuri kuitwa nyanza achiti: “Unyanzvi hwokugadzira zvinhu hwemazuva ano hwaita kuti basa rokuredza ribudirire zvikuru zvokuti nyanza dziri kuparadzwa kungofanana nokuparadzwa kuri kuitwa masango. Zvisinei, unyanzvi uhwu hunoparadza zvisingaoneki; kamba dzakawanda nedzimwe hove dzisingakwanisi kutengeswa dzinofa nokuzvuviwa nemambure uye zvikepe zvokuredzesa.”

National Geographic yakatsanangura kuti “paMhenderekedzo yeGulf [pedyo neTexas, U.S.A.] zvinhu zvipenyu zvakawanda zvinogara mugungwa—kunyanya hove duku—zvinourayiwa vanhu vachingoda kubata mashrimp mashomanana.” Hove dzisingadiwi idzi dzinonzi dzinongobatanidzirwawo. Mumwe mazvikokota anodzidza nezvezvinhu zvipenyu akachema-chema achiti: “Hove ina dzisingadiwi dzinobatwa panobatwa shrimp imwe chete.” Hazvishamisi kuti nyanza dzedu dzazova nzvimbo dzine zvinhu zvipenyu zvakawanda zvava pedyo nokutsakatika!

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 25]

Zvinhu Zvipenyu Zviri Mumasango Zvisati Zvazivikanwa

Masango epasi pano ane gumi nefararira rezvinhu zvipenyu, kusanganisira zvichigere kuzivikanwa nevanhu. Musayendisiti anodzidza nezvezvinhu zvipenyu John Harte akati: “Masango anogara achinaya mvura anofukidza zvikamu zviviri kubva muzana zvepasi, asi ane inenge 50 muzana yezvinhu zvipenyu zvose uye zvichida zvakatowanda kusvika ku90 muzana. Nhamba iyi inofungidzirwa nevamwe zvichibva papfungwa yokuti zvinhu zvipenyu zvisati zvazivikanwa zviri mumasango anogara achinaya mvura, nokuti kutsvakurudza nezvezvinhu zvipenyu kunoitwa mumasango aya hakuna kuti tsvikiti. Dzimwe nzvimbo hadzina kunyatsotsvakurudzwa, uye hapana mubvunzo kuti kune zvinhu zvipenyu zvakati wandei zvisingazivikanwi nemasayendisiti mazuva ano. Dzimwe nzvimbo idzi dzinosanganisira masango anopisa, akadai seari muPacific kuChamhembe kwakadziva kumadokero kweUnited States.”

Ndiani angaziva zvishamiso zvakamirira vanhu kana vakakwanisa kuwana mukana wokuongorora zvinhu zvipenyu zviri mumasango zvisati zvazivikanwa?

[Mufananidzo uri papeji 21]

Shiri iyi yokuAmerica inonzi “passenger pigeon” yakatotsakatika

[Kwazvakatorwa]

U.S. Fish & Wildlife Service, Washington, D.C./Luther C. Goldman

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe