RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 11/01 p. 8
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Mashoko Akafanana
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
km 11/01 p. 8

Zvokutaura Maererano Nemagazini

Nharireyomurindi Nov. 15

“Takanzwa mashoko okuti ‘Jesu akatifira.’ [Taura mashoko ari pana Johani 3:16.] Makambozvifunga here kuti rufu rwomunhu mumwe rungatiponesa tose sei? [Rega apindure.] Bhaibheri rinopa mhinduro iri nyore. Nyaya ino inoti, ‘Jesu Anoponesa—Sei?,’ inoutsanangura zvakajeka.”

Mukai! Dec. 8

“Vanhu vari kuita zvose zvavanokwanisa kuchengetedza zvakasikwa here? [Rega apindure.] Vakawanda havana chokwadi kana zvinhu zvipenyu zvichizoramba zvichitsigirana kuti upenyu pasi pano hurambe huripo nokusingaperi. Zvinofadza kuti Mwari anonyatsofarira. [Verenga Nehemia 9:6.] Mukai! ino inotaura zviri munguva yemberi nokuda kwoupenyu pasi pano.”

Nharireyomurindi Dec. 1

“Nguva ino yegore, vanhu vakawanda vakabatikana kupanana zvipo nokuitirana mamwe mabasa omutsa. Izvozvo zvinoita kuti tifunge nezvokuitira vamwe zvaunoda kuti vakuitire. [Verenga Mateu 7:12.] Munofunga kuti zvinobvira here kurarama tichitevera izvozvo gore rose? [Rega apindure.] Magazini ino inoita kuti tifunge zvakawanda nezvokuti ‘Kuitira Vamwe Zvaunoda Kuti Vakuitire—Kuchiri Kushanda Here?’”

Mukai! Dec. 8

“Bhaibheri rinopikira kuti rimwe zuva hapana munhu achazoti, ‘Ndinorwara.’ [Verenga Isaya 33:24.] Maererano nechipikirwa ichocho, magazini ino yeMukai! inotaura nezvechirwere chinotambudza mamiriyoni evanhu, vaduku nevakuru. Ine musoro unoti ‘Tariro Kune Vaya Vane Hosha yeArthritis.’ Ndine chokwadi chokuti muchaona nyaya idzi kuti dzinodzidzisa.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe