RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g02 1/8 pp. 14-17
  • Chii Chatiri Kuita Kuzvokudya Zvedu?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chii Chatiri Kuita Kuzvokudya Zvedu?
  • Mukai!—2002
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Makemikari uye Mishonga Inouraya Utachiona
  • Zvokudya Zvinoomeswa Nemagetsi
  • Zvokudya Zvinochinjwa Kuti Zvive Nezvimwe Zviratidzo
  • Kuita Zvisarudzo Zvakanaka Zvomunhu Pachake
  • Nzira Yokuita Nayo Kuti Zvokudya Zvisakuvadza
    Mukai!—2002
  • Zvinhu 7 Zvinobatsira Pakuchengetedza Zvekudya Uye Kudya Zvine Utano
    Dzimwe Nyaya
  • Zvokudya Zvako Hazvikuvadzi Here?
    Mukai!—2002
  • Zano 1 Ngwarira Zvaunodya
    Mukai!—2011
Ona Zvimwe
Mukai!—2002
g02 1/8 pp. 14-17

Chii Chatiri Kuita Kuzvokudya Zvedu?

KUCHINJA zvokudya zvedu haisi pfungwa itsva. Chaizvoizvo, kwezvizvarwa vanhu vave vane unyanzvi hwokuchinja zvokudya. Unyanzvi hwokuuchika hwakaita kuti pagume pava nemhando dzakasiyana-siyana dzezvirimwa, mombe, uye hwai. Zvechokwadi, mumiririri weU.S. Food and Drug Administration akati “zvinenge zvokudya zvose zvaunotenga zvakachinjwa nedzimwe nzira dzagara dzichizivikanwa.”

Kuuchika haisiriyo yoga nzira yokuchinja nayo zvokudya. Bhizimisi rezvokudya rakatanga nzira dzakawanda dzokugadzira nadzo zvokudya, zvimwe nechinangwa chokuwedzera kunaka kwazvo kana kuti ruvara kana kuti kuzvichengetedza. Vanhu vajaira kudya zvokudya zvakachinjwa neimwe nzira.

Asi vanhu vakawanda vari kushamisika nezvave kuitwa kuzvokudya zvedu zvino. Nei? Vamwe vanotya kuti nzira dzemazuva ano dzokugadzira zvinhu dziri kusvibisa zvokudya. Kutya uku kwakarurama here? Ngationgororei nharaunda nhatu dzinonetsa vanhu.a

Makemikari uye Mishonga Inouraya Utachiona

Mune dzimwe nzvimbo, kubvira muma1950, mishonga inouraya utachiona yave ichiwedzerwa muzvokudya zvehuku, zvenguruve, uye zvemombe. Chinangwa chacho ndechokuderedza mukana wokubatwa nehosha, zvikurukuru uko mhuka dzinochengetwa munzvimbo dziri pedyo nepedyo. Mune dzimwe nyika makemikari anowedzerwawo muzvokudya zvemhuka kuti mhuka dzacho dzikure nokukurumidza. Zvose izvi zvinonzi zvinodzivirira mhuka kuti dzisatapukirwa uye zvinoita kuti mabasa okurima nokupfuya awanise mari, zvichibatsira mutengi pakuti mitengo inobva yaderera.

Hapana chakaipa pane zvatataura kusvika pari zvino. Asi nyama yemhuka dzinopiwa zvinhu zvinowedzeredzwa izvi ine ngozi ipi neipi kuvanhu here? Mushumo weEconomic and Social Committee yeEuropean Communities wakagumisa kuti pane mukana wokuti utachiona hunogona kutadza kuurayiwa nemishonga uye hwopfuudzirwa kuvanhu. “Humwe hwoutachiona uhwu, hwakadai seSalmonella uye Campylobacter hunogona kuita kuti vanhu varware kana vadya zvokudya zvine utachiona uhu,” wakadaro mushumo wacho. Uyezve, zvakadini kana zvokudya zvacho zvichinge zviine kwete chete utachiona asiwo zvisaririra zvemishonga? Pane kutyira kuti somugumisiro, mamwe majemusi ajaira mishonga anokonzera hosha muvanhu acharamba kufa.

Zvakadini nenyama yemhuka dzaipiwa makemikari? Mumwe purofesa muMunich, kuGermany, Dr. Heinrich Karg, anoti: “Vanamazvikokota vose vanobvumirana kuti nyama yemhuka dzinodya zvokudya zvine makemikari haina ngozi kuutano, chero bedzi zvinhu zvacho zvikaitwa maererano nemirayiridzo.” Zvisinei, pepanhau rinonzi Die Woche rinoshuma kuti panhau yokusakuvadza kwenyama yemhuka dzinodya makemikari, “kwemakore 15 adarika, vatsvakurudzi havana chavakanyatsobvumirana pachiri.” Uye muFrance mubvunzo wenyama ine makemikari wakapindurwa nokudanidzira kuti ‘Aiwa! Makemikari haafaniri kushandiswa!’ Zvakajeka kuti gakava racho richiri kure nokugadziriswa.

Zvokudya Zvinoomeswa Nemagetsi

Kubvira pakatanga nhau dzokungoedza zvinhu muSweden muna 1916, dzinenge nyika 39 dzakabvuma muitiro wokuisa zvokudya zvakadai sembatatisi, zviyo, michero, uye nyama pamagetsi ane simba shoma. Nei? Kuomesa zvokudya zvacho nemagetsi kunonzi kunouraya utachiona hwakawanda, uye tumbuyu, nokudaro zvichideredza mukana wokuti mutengi abatwe nehosha inowanikwa mune zvokudya. Zvinoitawo kuti chinhu chacho chigarewo kwenguva refu.

Zvechokwadi, vanamazvikokota vanoti nepazvinobvira napo, zvokudya zvatinodya zvinofanira kunge zvakachena uye zviri zvinyoro. Asi ndivanaani vanotora nguva vachigadzira zvokudya zvinyoro nguva dzose? “Maminitsi gumi okudya kwemangwanani uye maminitsi gumi nemashanu nokuda kwezvokudya zvemasikati nezvemanheru,” ndiyo nguva inopedzwa nevanhu vakawanda vachidya, maererano nemagazini inonzi Test. Saka, hazvishamisi kuti vanhu vakawanda vanoda zvokudya zvakatogadzirwa kare uye zvinogara kwenguva refu. Asi zvokudya zvinoomeswa nemagetsi hazvikuvadzi here?

Muna 1999 World Health Organization yakabudisa ongororo yakaitwa navanamazvikokota vanobva munyika dzakawanda. Vakagumisa kuti zvokudya zvakadai “hazvina ngozi uye zvinopa utano kana zvikadyiwa.” Vaya vanotsigira muitiro uyu vanoenzanisa kuomeswa kwezvokudya nemagetsi nezvinoitwa mabhandeji anoshandiswa pakurapa—anopfuudzwawo nepamagetsi—kana kuti zvinoitwa mabhegi panhandare yendege. Zvisinei, vatsoropodzi vanoramba vachiti izvozvo zvinoderedza kunaka kwezvokudya kwazvagara zvichiita uye zvingava nengozi dzisati dzazivikanwa.

Zvokudya Zvinochinjwa Kuti Zvive Nezvimwe Zviratidzo

Kwenguva yakati nyanzvi dzezvinhu zvipenyu dzave dzichikwanisa kuchinja chimwe chiratidzo kubva kuDNA yechipuka chimwe kuenda kuDNA yechimwe chorudzi rwakafanana. Zvisinei, mazuva ano nyanzvi dzezvinhu zvipenyu dzinogona kutopfuura ipapa. Somuenzaniso, kune mastrawberry uye madomasi akachinjwa nechiratidzo chakatorwa pahove, zvichiita kuti asarohwa nechando.

Zvakawanda zvave zvichitaurwa kutsigira kana kuti kupikisa zvokudya zvinochinjwa zviratidzo (GM).b Vanotsigira vanoti unyanzvi uhu hwokuchinja zvinhu zvipenyu hunogona kunyatsozivikanwa zvahuchaita uye hunodzoreka pane nzira dzagara dziripo dzokuuchika zvirimwa, zvokuti huchawedzera goho uye kuderedza kuziya nenzara kwevanhu. Asi kudya zvokudya Zvakachinjwa Zviratidzo hakuna ngozi here?

Mushumo panhau iyi wakagadzirwa neboka remasayendisiti aimiririra zvikoro zvepamusoro muEngland, muUnited States uyewo muBrazil, China, India, Mexico, uye dzimwe nyika dzichiri kubudirira. Mushumo wacho wakabudiswa muna July 2000, wakati: “Kusvikira panguva ino, zvirimwa Zvakaiswa Zvimwe Zviratidzo zvinokwana mahekita mamiriyoni 30 [maeka mamiriyoni 70] uye hapana zvinetso zvati zvaonekwa zvine chokuita nezvirimwa izvi.” Mune dzimwe nharaunda zvokudya Zvakachinjwa Zviratidzo zvinonzi zvakanaka kungofanana nezvimwe zvokudya zvagara zvichizivikanwa.

Zvisinei, kune dzimwe nzvimbo kusava nechokwadi kwakapararira. MuAustria, Britain, uye France vamwe havavimbi nezvokudya Zvakachinjwa Zviratidzo. Mumwe wezvematongerwe enyika wokuNetherlands achitaura nezvezvokudya Zvakachinjwa Zviratidzo zvakadai akati: “Kune mamwe marudzi ezvokudya atisingangodi.” Vatsoropodzi vezvokudya zvakadaro vanotaurawo nezvemibvunzo ine chokuita netsika uye ngozi dzingangovapo kuzvakasikwa.

Mamwe masayendisiti anofunga kuti zvokudya Zvakachinjwa Zviratidzo zvakurumidzirwa uye kuti ongororo dzakati wandei dzinofanira kuitwa pachitariswa ngozi dzingangovapo kuvatengi. Somuenzaniso, British Medical Association inofunga kuti kuchinja zvokudya zvichiiswa zvimwe zviratidzo kune zvakawanda zvakunogona kubatsira vanhu. Asi inotaurawo zvimwe zvinonetsa—zvakadai sokuva neropa risingapindirani nezvokudya Zvakachinjwa Zviratidzo—zvinoreva kuti “kumwe kutsvakurudza kunofanira kuitwa.”

Kuita Zvisarudzo Zvakanaka Zvomunhu Pachake

Mune dzimwe nyika inenge 80 muzana yezvokudya zvinoitwa zvokugadzirwa mumaindasitiri. Kazhinji tumwe twokuwedzera tunoshandiswa kuwedzera kunaka uye ruvara, uyewo kuwedzera nguva yazvinogara. Chokwadi, rimwe bhuku rinoti “zvinhu zvakawanda zvemazuva ano, zvakadai sezvisingapi simba rakawanda, zvokudyira-dyira, uye zvinenge zvatogadzirirwa kudyiwa, hazvingaiti kuzvigadzira pasina kuwedzera tumwe tunhu.” Zvokudya zvakadaro zvine mikana yakawanda yokuva nezvimwe zvakachinjwa zvimwe zviratidzo.

Kwemakore, zvokurima pasi pose zvakatsamira pazvinhu zvinoonekwa nevanhu vakawanda sezvinokuvadza. Kushandiswa kwemishonga ine chepfu yokuuraya tumbuyu unongova muenzaniso mumwe chete. Uyezve, vanogadzira zvokudya vave vachiwedzera zvimwe zvinhu zvisingapindirani neropa revamwe vatengi. Unyanzvi hutsva hwokugadzira zvokudya hune ngozi kudarika izvozvo here? Kunyange vanamazvikokota havabvumirani. Mishumo yesayenzi inotsigira mativi ose okukakavadzana kwacho uye zvinoratidzika kuti inokonzera kusanzwisisana.

Vanhu vakawanda nhasi vanosarudza kurega kuzvinetsa pamusoro penyaya yacho nokuti vanoona zvokudya zvinogadzirwa nounyanzvi hwepamusoro-soro zvakaoma kurega kana kuti vanoonawo zvimwe zvokufunga nezvazvo. Zvisinei, vamwe vanonetseka chaizvo. Ungaitei kana iwe nemhuri yako musina chokwadi pamusoro pokudya zvokudya zvakagadzirwa nounyanzvi hwemazuva ano hwokugadzira zvinhu? Pane matanho anoshanda aungasarudza kutora, mamwe acho anokurukurwa munyaya inotevera. Zvisinei, kutanga, kungava kuchenjera kuva nechokwadi chokuti tive nemaonero ari pakati nepakati panhau yacho.

Nyaya yokuti zvokudya hazvikuvadzi here yakafanana nenyaya youtano. Hapana nzira yemazuva ano yokuti vanhu vaite zvakanakisisa. Maererano nemagazini yokuGermany inonzi natur & kosmos, kunyange vanhu vaya vanonzi vanongwaririra chaizvo pakusarudza uye kubika zvokudya, zvokudya izvozvo pane pazvinoperevedza. Zvinobatsira vamwe zvinogona kukuvadza vamwe. Saka, hakusi kuchenjera here kuva nemafungiro ari pakati nepakati ndokusanyanyisa?

Zvechokwadi, Bhaibheri haritiudzi chisarudzo chokuita panhau yezvokudya zvemazuva ano zvinogadzirwa nounyanzvi. Asi rinotidzidzisa nezvechimwe chinhu chatinofanira kukudziridza chichatibatsira panhau iyi. VaFiripi 4:5 inoti: “Kunzwisisa kwenyu ngakuzivikanwe nevanhu vose.” Kunzwisisa kunogona kutibatsira kuita zvisarudzo zviri pakati nepakati uye kurega kunyanya kuomesa musoro. Kungatibatsira kurega kutonga vamwe pamusoro pezvavanofanira kana kuti zvavasingafaniri kuita panhau yacho. Uye zvingaita kuti tirege kukakavadzana kusina nebasa rose nevaya vanofunga zvakasiyana nezvatinofunga panhau yacho.

Zvisinei, zvinofanira kubvumwa kuti ngozi dzakawanda dzine chokuita nezvokudya hadzinyanyi kuitiranwa nharo. Ndedzipi dzimwe ngozi dzacho, uye kungwaririrai kwaungaita?

[Mashoko Omuzasi]

a Munhu ndiye anosarudza zvaanodya. Mukai! haina zvainorumbidza pakudya kana kuti kurega kudya zvokudya zvakasiyana-siyana zvakakurukurwa muno, pasinei nounyanzvi hunoshandiswa pazvinogadzirwa. Nyaya dzino dzine chinangwa chokuzivisa vaverengi zvinhu maererano nokuzivikanwa kwazvinoitwa pari zvino.

b Tapota ona Mukai! yechiRungu yaApril 22, 2000.

[Mufananidzo uri papeji 14]

Mutengi anokanganiswa nemakemikari uye mishonga inopiwa mombe here?

[Mufananidzo uri papeji 16]

Kuchenjera kunyatsoverenga mashoko ari pamagaba kana mapakiti ezvokudya

[Mufananidzo uri papeji 17]

Pane zvakawanda zvinobatsira pakugara uchitenga zvokudya zvinyoro

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe