RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g02 1/8 pp. 18-21
  • Nzira Yokuita Nayo Kuti Zvokudya Zvisakuvadza

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nzira Yokuita Nayo Kuti Zvokudya Zvisakuvadza
  • Mukai!—2002
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chinoita Kuti Zvokudya Zvirwarise
  • Kuita Zvisarudzo Zviri Pakati Nepakati
  • 3. Bika Uye Chengeta Zvokudya Nenzira Yakanaka
    Mukai!—2012
  • Zvokudya Zvako Hazvirwarisi Here?
    Mukai!—2012
  • Munhu Wose Achawana Kudya Kune Utano!
    Mukai!—2012
  • Zvinhu 7 Zvinobatsira Pakuchengetedza Zvekudya Uye Kudya Zvine Utano
    Dzimwe Nyaya
Ona Zvimwe
Mukai!—2002
g02 1/8 pp. 18-21

Nzira Yokuita Nayo Kuti Zvokudya Zvisakuvadza

KUDYA kune ngozi here? Mashoko edzimwe ongororo angaita kuti uti kune ngozi. Maererano neWorld Health Organization (WHO), vanhu vanenge mamiriyoni 130 muNharaunda yokuEurope yeWHO vanobatwa nehosha dzinowanikwa mune zvokudya gore roga roga. MuUnited Kingdom chete, zviitiko zvinopfuura 100 000 zvokurwariswa nezvokudya—zvichikonzera dzinenge nzufu 200—zvakashumwa muna 1998. Zvinofungidzirwa kuti muUnited States, gore negore kurwara kunenge mamiriyoni 76 kunokonzerwa nehosha dzinowanikwa mune zvokudya uye kuti pazviitiko izvozvo, 325 000 zvinosanganisira kutoiswa muchipatara uye 5 000 zvinoguma norufu.

Pasi pose, fungidziro dziri nani dzakaoma kuwana. Zvisinei, WHO inoshuma kuti muna 1998, vanhu vanenge mamiriyoni 2,2 vakafa nehosha dzemanyoka—mamiriyoni 1,8 vari vana. Mushumo wacho unoti: “Chikamu chikuru chezviitiko izvi chinogona kunzi chakakonzerwa nezvokudya zvisina kuchena uye mvura yokunwa yakasviba.”

Nhamba idzi dzinganzwika sedzakakura kwazvo. Asi nhamba dzinofanira kuita kuti utye pamusoro pokuti zvokudya zvako hazvikuvadzi here? Zvimwe kwete. Ona mumwe muenzaniso. MuAustralia, kune zviitiko zvinenge mamiriyoni 4,2 zvokurwara kunokonzerwa nezvokudya gore negore—kana kuti zvinenge 11 500 pazuva! Izvozvo zvinganzwika sezvakawanda kwazvo. Asi zvitarire nerimwe divi. Vanhu vokuAustralia vanodya kanokwana mabhiriyoni 20 gore roga roga; pazvokudya izvozvo, zviri pasi pemamiriyoni mana ndozvinoita kuti vanhu varware. Nemamwe mashoko, ngozi inobatanidzwa mukudya kumwe nokumwe iduku kwazvo.

Kunyange zvakadaro, ichokwadi kuti pane ngozi dziripo. Chii chinoita kuti zvokudya zvirwarise, uye chii chingaitwa kuderedza ngozi dzacho?

Chinoita Kuti Zvokudya Zvirwarise

Hosha dzakawanda kwazvo dzinogona kupfuudzwa nezvokudya—dzinodarika 200, inodaro magazini inonzi Emerging Infectious Diseases. Asi zvinokonzera hosha dzose idzi hazvina kumbowanda kudaro. Maererano naDr. Iain Swadling, mukuru mukuru anopa mashoko ezvokudya weInternational Food Information Service, inenge 90 muzana yezviitiko zvose zvehosha dzinokonzerwa nezvokudya dzinokonzerwa nemarudzi “outachiona asingambosviki 24.” Zvinhu zvinokonzera hosha—mavhairasi, majemusi, chepfu, nezvimwewo—zvinombopinda sei muzvokudya?

Dr. Swadling vanoronga nzira shanu dzakajairika dzinosvibisa zvokudya: “Kushandisa zvokudya zvisati zvabikwa zvakasvibiswa; vanhu vanogadzira zvokudya ivo vaine utachiona kana kuti vachirwara; kutadza kunyatsochengetedza pamwe nokugadzira zvokudya pachine maawa akawanda zvisati zvadyiwa; kusvibiswa kwazvo panguva yazvinenge zvichigadzirwa; kutadza kunyatsobika kana kuti kudziyisa zvokudya zvacho.” Kunyange zvazvo zvinhu izvozvo zvingaita sezvinotyisa, zvine mashoko anofadza anokosha azvinoratidza. Zviitiko zvakawanda zvezvirwere zvinokonzerwa nezvokudya zvinogona kudziviswa nyore. Kuti uone zvaunokwanisa kuita kuti uve nechokwadi chokuti zvokudya zvaunodya hazvikuvadzi, ona bhokisi riri papeji 8 ne9.

Kuita Zvisarudzo Zviri Pakati Nepakati

Vachifunga nezvengozi uye kunetseka kwakasiyana-siyana pamusoro pezvokudya, vamwe vanhu vanosarudza kutora nguva vachitenga, kugadzira uye kudya zvokudya zvinyoro zvakawanda. Kana izvozvo zvichikufadza, tsvaka zvitoro kana kuti misika iri munharaunda yako panotengeswa zvinhu zvinyoro, zvisina kuiswa mishonga. Rimwe bhuku rinopa vatengi mazano rinotsanangura kuti: “Vatengi vakawanda vanotsvaka kuzivana nevagadziri vezvinhu zvacho—zvimwe pamisika inotengesa zvinhu kamwe pavhiki [kunotengeswa zvokudya zvinyoro] kana kuti kunogadzirwa zvokudya—kuti vatenge zvinhu zvichiri zvinyoro uye kuti vaone magadzirirwo anoitwa zvokudya zvacho uye kwazvinobva.” Muitiro uyu ungabatsira zvikuru pakutenga nyama.

Saizvozvowo, zvingava zvakanakisisa kutenga zvokudya panguva yazvinenge zvichikohwewa, sezvo zvichinge zviri zvinyoro chaizvo. Zvisinei, ziva kuti kana ukaomerera kune izvozvo, hauzokwanisi kuwana michero uye miriwo zvakasiyana-siyana zvinobva pasi pose zvinowanika gore rose.

Unofanira kudya zvokudya zvinorimwa pachingoshandiswa mupfudze chete here? Ichocho chisarudzo chako woga. Zvokudya zvakadaro zvinofarirwa nevakawanda, uye hapana mubvunzo kuti vamwe vanokurudzirwa nokusavimba kwavanoita unyanzvi hwokugadzira zvinhu hunoshandiswa munogadzirwa zvokudya. Asi haasi munhu wose anobvuma kuti zvokudya zvakadai hazvikuvadzi.

Pasinei nezvokudya zvaunosarudza, nyatsoongorora zvaunotenga. “Kana toreva nezvezvokudya,” anochema-chema achidaro mumwe mazvikokota akatorwa mashoko ake mupepanhau rinobuda vhiki nevhiki rinonzi Die Zeit, “mutengi anongotarisa mutengo chete.” Zvakanaka kuda kuziva mutengo, asi ongorora zvakanyorwa kunzi ndizvo zvakashandiswa pakugadzira. Zvinofungidzirwa kuti inenge hafu yevanhu vanotenga zvokudya munyika dzokuMadokero havambotori nguva vachiverenga mashoko akanyorwa anoratidza kuti zvokudya zvacho zvakagadzirwa nei. Ichokwadi kuti mune dzimwe nyika zvinyorwa zvacho hazvina mashoko akawanda. Asi kana uchida zvokudya zvisingakuvadzi, edza zvose zvaunokwanisa kuongorora zvakashandiswa pakugadzira.

Dzimwe nguva unofanira kuda kuchinja-chinja, uchiita maererano nezvinoitwa munyika maunogara kana wava kuita zvisarudzo zvipi nezvipi maererano nezvokudya zvaunodya. Kuvanhu vakawanda mazuva ano, zvakaoma—zvinodhura, zvinodya nguva, zvinopa zvinetso—kuva nechokwadi chokuti vanodya chete zvokudya zvakaonekwa kuti zvakanaka mune zvose.

Izvozvo zvinonzwika sefungidzirowo hadzo dzemazuva ano here? Ndizvo zvazviri. Zvisinei, mashoko anofadza ndeokuti zvinhu zvava kuzobva zvochinja kuva nani.

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 18, 19]

Matanho Aunogona Kutora

◼ Geza. Iva nechokwadi chokuti unogeza maoko ako mumvura inopisa ine sipo usati wagadzira zvokudya. Nguva dzose geza maoko wapedza kushandisa chimbudzi, wabva kuchenesa mwana (zvakadai sokubvisa munapukeni kana kuti kupukuta mhino), kana kuti wabva kubata mhuka ipi neipi, kusanganisira mhuka dzinochengetwa pamba dzakadai sekatsi. Geza midziyo ipi neipi, zvokuchekera, uye pamusoro pematafura nemasherefu nemvura inopisa ine sipo wapedza kugadzira zvokudya—zvikurukuru kana wanga uchigadzira nyama isina kubikwa, nyama yehuku, kana kuti hove. “Geza michero uye miriwo mumvura inodziya,” inodaro magazini inonzi Test, kuti ubvise tumbuyu uye zvisaririra zvemishonga inouraya tumbuyu. Kazhinji kacho, kubvisa makanda, uye kufashaidza ndidzo nzira dzakanakisisa dzokugeza zvokudya. Kana iri retisi kana kuti kabheji, bvisa uye rasa mashizha okunze.

◼ Nyatsobika. Kana kudya kukapisa kusvika patembiricha inodarika 70°C, kunyange kwenguva pfupi, anenge mavhairasi ose, majemusi, uye tumbuyu zvinofa. Nyama yehuku inofanira kutobikwa zvinopfuura izvozvo, kusvika ku80°C. Zvokudya zvinozodziyiswa zvinofanira kusvika ku75°C, kana kuti zvinofanira kunge zvichipisa kwazvo. Rega kudya nyama yehuku inenge isina kunyatsoibva mukati, mazai anenge asina kunyatsoibva, kana kuti hove inenge isati yanyatsoomarara uye yausingakwanisi kumwaura neforogo.

◼ Chengeta zvokudya zvakaparadzana. Nguva dzose chengeta zvinhu zvakadai senyama isina kubikwa, nyama yehuku, kana kuti hove zvisina kusanganiswa nezvimwe zvokudya—paunozvitenga, pakuzvichengeta uye pakuzvigadzira. Usarega mvura dzacho dzichisangana kana kuti kuenda pane zvimwe zvokudya. Uyewo, usambofa wakaisa zvokudya zvakabikwa mumudziyo wanga uine nyama isina kubikwa, hove, kana kuti nyama yehuku, kunze kwokunge mudziyo wacho wanyatsogezwa nemvura inopisa ine sipo.

◼ Chengeta uye isa zvokudya mufiriji inoshanda zvakanaka. Firiji inogona kuita kuti utachiona hune ngozi hurege kuwedzera, asi tembiricha yacho inofanira kuva 4°C. Firiza yacho inofanira kuva -17°C. Rongedza zvokudya zvinokurumidza kushata mumaawa maviri. Kana uri kuisa zvokudya patafura musati madya, vhara zvokudya zvose kuti zvirege kumharwa nenhunzi.

◼ Chenjerera pakudya mumaresitorendi. Maererano nokumwe kufungidzira, 60 kusvikira ku80 muzana yehosha dzinokonzerwa nezvokudya mune dzimwe nyika dzakasimukira dzinokonzerwa nezvokudya zvinobikwa uye zvinotengwa kunze kwomusha. Iva nechokwadi chokuti resitorendi ipi neipi yaunoshanyira ine zvose zvinodiwa nomutemo maererano noutano. Tenga nyama yakanyatsobikwa. Kana chiri chokudya chaunotenga kuti uzodyira mberi, iva nechokwadi chokuti unochidya mumaawa maviri kubva paunochitenga. Kana ukadarikidza nguva iyoyo, dziyisa chokudya chacho patembiricha ye74°C.

◼ Rasa zvokudya zvausina chokwadi nazvo. Kana usina chokwadi nokuti zvokudya zvakanaka here kana kuti zvakashata, zviri nani kuzvirasa. Ichokwadi kuti kusachenjera kurasa-rasa zvokudya zvakanaka. Asi, kurwara nemhaka yezvokudya zvakashata kungava kunotonyanya kudhura.

[Kwazvakatorwa]

—Zvakawanda zvacho zvakatorwa muFood Safety Tips, yakapiwa neFood Safety Technology Council muUnited States.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe