Zvokudya Zvako Hazvikuvadzi Here?
UNODYA katatu pazuva here? Kana zvakadaro, panguva yaunenge wava nemakore 70, unenge wadya kanopfuura ka75 000. Kumunhu wokuEurope, izvozvo zvichareva kuti anenge adya—tisingatauri zvimwe zvinhu—mazai 10 000, marofu 5 000 echingwa, masaga 100 embatatisi, mombe nhatu, uye hwai mbiri. Kudya kwakadaro ibasa rinorema here? Kana! Tinoda chaizvo kunzwa mashoko akadai sookuti “zvibayei moga”! Mumwe mukuru wedhipatimendi pachikoro chezvokubika akatosvika pakutaura kuti: “Zvokudya ndizvo zvinhu zvinokosha chaizvo muupenyu.”
Kakawanda, tingangofunga kuti zvokudya zvedu zvakanaka uye zvine utano. Asi kudai kudya kumwe pa75 000 ikoko kwaizova nechinhu chinokuvadza, taizorwara zvakakomba. Tinogona kuva nechokwadi chokuti zvatinodya hazvikuvadzi here? Mazuva ano, vanhu vakawanda vanoratidzika sevasina chokwadi panhau yacho. Mune dzimwe nyika nhau yokuti zvokudya hazvirwarisi here yava nhau huru inonetsa vanhu. Nei?
Zvinoita Kuti Vanhu Vanetseke
Gore rimwe nerimwe, zvirwere zvinowanikwa mune zvokudya zvinobata zvikamu 15 kubva muzana zvevanhu vose vanogara muEurope. Somuenzaniso, mukutanga kwema1980, mafuta okubikisa aiva nomuchetura muSpain akauraya vanhu vanenge 1 000 uye akaita kuti vamwe 20 000 varware zvakakomba. Muna 1999 vanhu vomuBelgium vakanyangadzwa zvikuru pazvakashumwa kuti zvinhu zvakadai semazai, nyama yehuku, chizi, uye majarini zvingangova zvakanga zvakanganiswa nomuchetura unonzi dioxin. Munguva ichangopfuura chaiyo, vanhu vomuBritain vakanyangadzwa—uye bhizimisi rayo rokutengesa nyama yemombe rakakanganiswa chaizvo—apo mombe dzakabatwa nechirwere chinonzi mad cow. Zvadaro kwakava nehosha yemahwanda, yakaita kuti mombe, hwai, nguruve uye mbudzi dzinosvika mamiriyoni dziurayiwe dzichiraswa.
Kunyange zvazvo izvi zvakakomba, kunewo zvimwe zvinonetsa vanhu panhau yezvokudya. Vanhu vari kunetseka nenzira itsva dzokugadzira zvinhu dzava kushandiswa iye zvino pakurima uye pakugadzira zvokudya. Muna 1998 European Commission yakanyora kuti: “Unyanzvi hutsva hwokugadzira zvinhu hwakadai sokuomesa nemagetsi uye genetic engineering pamabasa okurima zvakonzera makakatanwa akawanda kwazvo.” Nzira dzesayenzi dzemazuva ano dzakadaro dzinovandudza zvokudya zvedu here kana kuti dzinozvishatisa? Uye tingaitei kuti tiwedzere kuita kuti zvokudya zvedu pachedu zvisava nengozi?