RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g12 July pp. 18-19
  • Munhu Wose Achawana Kudya Kune Utano!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Munhu Wose Achawana Kudya Kune Utano!
  • Mukai!—2012
  • Mashoko Akafanana
  • Zvokudya Zvako Hazvirwarisi Here?
    Mukai!—2012
  • Nzira Yokuita Nayo Kuti Zvokudya Zvisakuvadza
    Mukai!—2002
  • Bhaibheri Rinoti Chii Nezvekushomeka Kwezvekudya?
    Dzimwe Nyaya
  • Kuchava Nezvokudya Zvisingakuvadzi Zvomunhu Wose
    Mukai!—2002
Ona Zvimwe
Mukai!—2012
g12 July pp. 18-19

Munhu Wose Achawana Kudya Kune Utano!

KUTI usarwariswe nezvokudya pane zvimwe zvaunogona kuita. Asi, panewo zvakawanda zvausingagoni kuita. Somuenzaniso, haugoni kuongorora zvokudya zvose usati wazvitenga kana kuti wazvibika. Dzimwe nguva ungatoda kutenga zvokudya zvakatogadzirwa nechekare uye zvabva mitunhu iri kure. Uye zvimwe zvokudya zvaunotenga zvinenge zvakaendwa nemichetura inobva mumhepo, mumvura, kana kuti muvhu.

Munyaya inotaura nezvematambudziko anosanganikwa nawo pakuedza kuderedza zvirwere zvinokonzerwa nezvokudya yaiva nemusoro unoti “Foodborne Disease Control: A Transnational Challenge,” vakuru vakuru veWorld Health Organization vakati nyaya yekuita kuti zvokudya zvisarwarisa vanhu “haigoni kugadziriswa nehurumende imwe yakazvimirira yoga; zvinotoda kuti nyika dzose dziise misoro pamwe.” Zvirwere zvinowanikwa muzvokudya idambudziko riri munyika dzose!

Zvinonzwisisika kana vanhu vakabvunza kuti sei tiine chivimbo chokuti munguva pfupi iri kuuya munhu wose achawana zvokudya zvine utano. “Jehovha, Ishe wenyika yose,” anotivimbisa kuti achagadzirisa matambudziko ose panyaya yezvokudya. (Joshua 3:13) Vamwe vanotaura kuti zvokudya zvinorwarisa vanhu zviriko zvinoratidza kuti Mwari haasi wokuvimba naye. Asi chimbofunga izvi: Tingashora here munhu abika pamusana pokuti hweta ndiye atadza kubata zvakanaka zvokudya? Hatingadaro.

Izvi zviri kureva kuti vanhu ndivo vari kukanganisa voga zvokudya zvakanaka zvatinowana panyika, kwete Musiki. Kupararira kwezvirwere zvinokonzerwa nezvokudya zvisina kunaka idambudziko riri kukonzerwa nevanhu. Mwari akavimbisa kuti achaparadza “vaya vanoparadza nyika.”—Zvakazarurwa 11:18.

Chinoratidza kuti ichi ichokwadi ndechokuti Mwari akatoratidza kare kuti ane hanya nezvokudya zvedu. Ndiye akagadzira nyika, uye haana kuita kuti pangova nemiti “inoyevedza” chete, asi akaitawo kuti pave neiya “yakanakira kudya.” (Genesisi 2:9) Kunyange vanhu pavakazotanga kurwara, Jehovha Mwari akapa vanhu vake mitemo yaibatsira yaizodzivirira zvokudya zvavo uye miviri yavo.—Ona bhokisi rakanzi ‘Mitemo Panyaya Yeutano.’

Mwari anoda kuti tinakirwe nezvokudya zvakaita sei? Bhaibheri rinotiudza kuti: “Anomeresera mhuka uswa hwakasvibirira, nezvinomera kuti zvishandiswe nevanhu, kuti abudise zvokudya panyika, newaini inoita kuti mwoyo womunhuwo zvake ufare, kuti apenyese chiso nemafuta, nechingwa chinotsigira mwoyo womunhuwo zvake.” (Pisarema 104:14, 15) Bhaibheri rinotaurawo kuti “mhuka dzose mhenyu dzinofamba dzingava zvokudya zvenyu.”—Genesisi 9:3.

Shoko raMwari rinotaura nezveramangwana redu richiti: “Iye achapa mvura yokumeresa mbeu yako yawakadyara muvhu, uye zvokudya sezvibereko zvevhu, izvo zvichava zvakakora uye zvizere nemafuta. Pazuva iroro zvipfuwo zvako zvichafura mumafuro makuru.” (Isaya 30:23) Misoro yenhau inotyisa yatiri kunzwa mazuva ano ichange isisipo, kwava kungotaurwa kuti: “Munhu wose achawana kudya kune utano!”

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 19]

Musiki wedu anotivimbisa ramangwana rakajeka rinenge riine zvokudya zvakawanda

[Bhokisi riri papeji 18]

‘MITEMO PANYAYA YEUTANO’

Anenge makore 2 500 akapfuura, vaIsraeri vakapiwa Mutemo pachishandiswa Mosesi. Mutemo uyu waidzivirira vaIsraeri pazvirwere zvakawanda zvinokonzerwa nezvokudya. Ona zvinotevera:

● Musashandisa midziyo isina kuchena kana iya inenge yambogunzva mhuka dzakafa: “Mudziyo wose unoshandiswa uchaiswa mumvura, uye ngauve usina kuchena kusvikira manheru, wozova wakachena.”—Revhitiko 11:32-34.

● Musadya nyama yemhuka yakafa yoga: “Hamufaniri kudya chero chinhu chipi zvacho chakafa choga.”—Dheuteronomio 14:21.

● Zvokudya zvinenge zvasara hazvifaniri kugarisa: “Zvinosara zvacho zvingadyiwawo pazuva rinotevera racho. Asi nyama yechibayiro inosara inofanira kupiswa nomoto pazuva rechitatu.”—Revhitiko 7:16-18.

A. Rendle Short, M.D., akataura kuti Mutemo waMosesi “une uchenjeri uye une musoro panyaya dzoutano” kana tichiuenzanisa nemitemo yemamwe marudzi akanga akavapoteredza.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe